Ramba Uine “Mwoyo Wakachena” Munguva Dzino Dzakaoma
“HAPANA angamboramba kuti nyaya younzenza yanetsa muchechi yedu mazuva ano.” Mashoko aya akataurwa nemutori wenhau wechechi yeRoma anonzi Vittorio Messori paaitaura nezvenyaya dzeunzenza hwakaitwa munguva pfupi yapfuura muchechi yavo kuItaly. “Uye nyaya yacho haigadzirisiki nokurambidza vanhu kupikira ufata, nokuti 80 muzana younzenza hwacho ungochani huri kuitwa nevapristi vachibata varume nevakomana chibharo.”—La Stampa.
Hapana mubvunzo kuti kuzara kwaita uipi chiratidzo ‘chemazuva okupedzisira’ emamiriro ezvinhu epanguva ino. (2 Tim. 3:1-5) Sezvinoratidzwa nenhau dzinobudiswa, kuora kwaita tsika hakusi kungokanganisa vanhuwo zvavo chete asiwo vaya vanozviti vanhu vaMwari. Mwoyo yavo isina kuchena inovaita kuti vaite zvinhu zvakaipa. (VaEf. 2:2) Regai Jesu akazonyevera kuti “mumwoyo munobuda kufunga kwakaipa, umhondi, upombwe, ufeve, umbavha, uchapupu hwenhema, kumhura.” (Mat. 15:19) Zvisinei, Jehovha Mwari anoda kuti vashumiri vake vade “mwoyo wakachena.” (Zvir. 22:11) Saka muKristu angava sei nemwoyo wakachena munguva dzino dzakaoma?
Kuva Ne“mwoyo Wakachena” Kunorevei?
MuBhaibheri, shoko rokuti “mwoyo” rinowanzoshandiswa mupfungwa yokufananidzira. Maererano nerimwe bhuku, Shoko rokuti mwoyo muBhaibheri rinoreva “manzwiro anoita munhu nechomukati, anova ndiwo anokosheswa naMwari, anoita kuti munhu ave nepfungwa yokunamata uye ave netsika dzokuzvibata.” Sezvinoratidzwa nebhuku rine mashoko ari pamusoro apa, mwoyo ndiwo unoongororwa naJehovha uye ndiwo waanokoshesa pavashumiri vake.—1 Pet. 3:4.
MuBhaibheri shoko rokuti “kuchena” rinogona kureva chinhu chinooneka nemaziso kuti hachina tsvina. Asi shoko racho rinogona kushandiswa pazvinhu zvisina kushatiswa kana kuti kukanganiswa, zvakadai setsika kana kuti manamatiro. MuMharidzo yepaGomo, Jesu akati: “Vanofara vakachena mumwoyo.” Akanga achitaura nezvevanhu vanofunga zvakanaka. (Mat. 5:8) Zvinhu zvavanoda, zvido zvavo uye zvinangwa zvavo zvakachena. Vanoda Jehovha nomwoyo wavo wose, vasinganyengeri, uye kuonga ndiko kunoita kuti vaite zvavanoita. (Ruka 10:27) Iwewo ungada kuva munhu akachena saizvozvo, handizvo here?
Kuoma Kwazvakaita Kuramba ‘Wakachena Mumwoyo’
Mushumiri waJehovha anofanira kuva munhu “ane maoko asina mhosva” uye anofanirawo kuva ‘nemwoyo wakachena.’ (Pis. 24:3, 4) Zvisinei, mazuva ano zvinhu zviri kuramba zvichiomera vashumiri vaMwari kuti varambe “vakachena mumwoyo.” Satani anoshandisa nyika yaanotonga pamwe nenyama yedu inotadza, kuedza kutiparadzanisa naJehovha. Kuti izvi zvisaitika, zvinokosha chaizvo kuti tide “mwoyo wakachena” toramba takaubatisisa. Izvi zvichatichengetedza uye zvichatibatsira kuramba tiri shamwari dzaMwari. Tingaita sei kuti tirambe tiine mwoyo wakachena?
Pana VaHebheru 3:12 tinonyeverwa kuti: “Hama, chenjerai, kuti muna ani naani wenyu murege kumuka mwoyo wakaipa usina kutenda nokubva pana Mwari mupenyu.” Hatigoni kuramba ‘takachena mumwoyo’ kana tikava nomwoyo “usina kutenda.” Satani Dhiyabhorosi akaparadzira pfungwa dzipi kuti aite kuti vanhu vasatenda muna Mwari? Pfungwa idzi dzinosanganisira dzidziso yokuti vanhu vakatanga vari mhuka, uye yokuti panyaya yetsika kana yokunamata hapana zvinonzi izvi ndizvo zvinofanira kutevedzerwa uye kusava nechokwadi kuti Magwaro Matsvene akafuridzirwa here. Hatifaniri kukanganiswa nemafungiro ane ngozi kudaro. (VaK. 2:8) Kuti izvi zvisaitika, tinofanira kuverenga Bhaibheri mazuva ose uye kufungisisa zvakadzama. Kuziva Shoko raMwari zvakarurama kuchatibatsira kuti tide Jehovha uye tikoshese zvaanotiitira. Kana tisingadi kuvhiringidzwa nemafungiro asina kunaka uye tichida kuti kutenda kwedu muna Jehovha kurambe kwakasimba kuitira kuti tirambe tiine mwoyo wakachena, tinotofanira kuva norudo rwakadaro uye kuonga.—1 Tim. 1:3-5.
Patinonzwa Tichida Kuita Zvinodiwa Nenyama Yedu
Rimwe dambudziko ratingatarisana naro pakuedza kuramba tiine “mwoyo wakachena” rinosanganisira zvinodiwa nenyama yedu uye kunyanya kuda pfuma. (1 Joh. 2:15, 16) Kuda mari kana kuti chido chokuunganidza pfuma kunogona kushatisa mwoyo yedu, zvoita kuti muKristu aite zvinhu zvinopesana nokuda kwaMwari. Vakawanda havana kuvimbika kumabasa, vanonyengera vamwe, kana kuti vanotobira vamwe mari nezvimwe zvinhu.—1 Tim. 6:9, 10.
Asiwo, tinoratidza kuti tinoda kuva no“mwoyo wakachena” patinotya kugumbura Jehovha, kuda kururamisira, uye kutsunga kuramba tiine hana yakachena. Rudo irworwo runoita kuti tirambe tichida “kuva vakatendeseka muzvinhu zvose.” (VaH. 13:18) Patinoita zvakarurama, takavimbika, zvinoguma nouchapupu hwakanaka. Emilio, chimwe Chapupu chokuItaly chinotyaira mabhazi, akawana chikwama chaiva nemari inokwana 470 euros ($680, U.S.). Zvakashamisa vaaishanda navo ndezvokuti akachipa mukuru wepabasa pavo, uyo akazochidzosera kumunhu akanga achirasa. Vamwe vaishanda naEmilio vakashamiswa chaizvo nezvaakaita zvokuti vakatangawo kufarira Bhaibheri uye vakatanga kudzidza. Vanhu vanomwe vanobva kumhuri mbiri vakaguma vagamuchira chokwadi. Kuva munhu akavimbika zvinobva pamwoyo wakachena zvechokwadi kungaita kuti vamwe varumbidze Mwari.—Tito 2:10.
Chimwezve chinhu chingasvibisa mwoyo womuKristu kuona nyaya dzepabonde zvisizvo. Vanhu vakawanda vanoona sokuti hapana chakaipa nokuti vanhu varare vose vasati varoorana, vaite gumbo mumba gumbo kunze, uye vaite ungochani, uye izvi zvingakanganisa mwoyo womuKristu. Munhu anoguma aita unzenza angararama achinyengera, achivanza chivi chake. Zvechokwadi izvi hazviratidzi “mwoyo wakachena.”
Gabriele akabhabhatidzwa paaiva nemakore 15, achibva angotanga kupayona. Zvisinei, pave paya akazotanga kushamwaridzana nevanhu vasina kunaka kumabhawa. (Pis. 26:4) Uku ndiko kwakava kutanga kwemararamiro ounzenza uye ounyengeri, uye akadzingwa muungano yechiKristu. Kurangwa naJehovha saizvozvo kwakaita kuti afungisise. Gabriele anoyeuka kuti: “Ndakatanga kuita zvinhu zvose zvandakanga ndisina kumbobvira ndakoshesa. Ndakatanga kuverenga Bhaibheri mazuva ose, ndichiedza kunzwisisa zvandakanga ndiri kuudzwa naJehovha, uye ndakanyatsodzidza ndichiongorora mabhuku esangano. Ndakaona kubatsira uye kugutsa kunoita kudzidza uri woga uye kuverenga Bhaibheri nokunyengetera nemwoyo wose.” Izvi zvakabatsira Gabriele kuti asiye mararamiro ounzenza uye atangezve kuva noukama naJehovha.
Iye zvino Gabriele avazve piyona, pamwe chete nomudzimai wake. Zvakaitika kwaari zvinoratidza kuti kudzidza Bhaibheri nemabhuku anobva ku“muranda akatendeka, akangwara” kunobatsira kuti munhu ave nomwoyo wakachena uye arambe unzenza.—Mat. 24:45; Pis. 143:10.
Kuva ‘Nomwoyo Wakachena’ Paunenge Uchiedzwa
Vamwe vashumiri vaMwari vakaremerwa nenhamo yemari, kurwara uye kushorwa. Dzimwe nguva, vakatoora mwoyo. Kunyange Mambo Dhavhidhi akawirwawo nedambudziko iroro: “Simba rangu rinopera mukati mangu; mwoyo wangu wakarukutika mukati mangu.” (Pis. 143:4) Chii chakamubatsira kukunda? Dhavhidhi akafungisisa nezvemabasa aMwari kuvashumiri vake uye kuti iye pachake akanga aponeswa sei. Akafungisisa nezvezvakanga zvaitwa naJehovha achiitira zita rake. Dhavhidhi akaramba achifunga nezvemabasa aMwari. (Pis. 143:5) Isuwo, tikafungisisa nezvoMusiki wedu uye nezvezvose zvaakaita uye zvaari kuramba achitiitira tichabatsirwa kunyange patinenge tichiedzwa.
Zvinorwadza kana takanganisirwa kana kuti tichifunga kuti takanganisirwa. Kuramba tichifunga nezvenyaya yacho kungaita kuti tigare takatsamwira hama dzedu. Tingapedzisira tisingachafariri vamwe, tava kungozviita vanazindoga. Zvisinei, izvozvo zvingaratidza here kuti tiri vanhu vanoda kuva ‘nomwoyo wakachena’? Zviri pachena kuti chinangwa chokuva nomwoyo wakadaro ndechokuti tikwanise kugarisana nehama dzedu dzechiKristu uye tikurukurirane kana takanganisirana.
Munyika iri kutoramba ichiwedzera kuipa uye yava netsika dzakaora, isu sevaKristu vechokwadi takasiyana nevamwe vose nokuti tinoda kuva ‘nomwoyo wakachena.’ Patinova norugare rwomumwoyo runobva pakuita zvinodiwa naMwari, upenyu hwedu hunotifambira zvakanaka. Uyezve, tinova noukama hwepedyo noMusiki wedu, Jehovha Mwari, uyo anoda vaya “vane mwoyo yakachena.” (Pis. 73:1) Kureva kuti tinogona kuva pakati pevanhu vachafara sezvakavimbiswa naJesu kuti, “vachaona Mwari,” paachaitira zvakanaka vaya vanoda “mwoyo wakachena.”—Mat. 5:8.