Sei Vanhu Vachiita Zvakaipa?
VAKAWANDA vanobvumirana kuti: Tose tinotadza zvozoita kuti tikanganise uye tiite zvimwe zvinhu zvatinozodemba pava paya. Asi ndizvo here zvinoita kuti zvakaipa zvikuru kana kuti zviduku zviitike, zvatinoona kana kuti zvatinonzwa zuva nezuva mumapepanhau, materevhizheni kana kuti maredhiyo?
Pasinei nokuti vanhu vanotadza, kazhinji vanobvuma kuti pane dzimwe tsika dzisingafaniri kuitwa uye kuti kana vanhu vachida vanogona kusiyana nemabasa akaipa. Vakawanda vanobvumawo kuti pane musiyano pakati pokungoerekana wataura mashoko asiri echokwadi nokuchera vamwe, pakukuvadza mumwe munhu netsaona nokunyatsoronga kuponda. Kunyange hazvo zvakadaro, vanhu vatisingambofungiri mumaraini kazhinji ndivo vanoita zvinhu zvinorovesa nehana. Sei vanhu vachiita zvakaipa?
Bhaibheri rinojekesa nyaya iyi. Rinonyatsoratidza zvikonzero zvinoita kuti vanhu vaite zvavanonyatsoziva kuti zvakashata. Chimboona zvarinotaura.
▪ “Kudzvinyirira kungaita kuti munhu akachenjera aite sebenzi.”—MUPARIDZI 7:7.
Bhaibheri rinobvuma kuti dzimwe nguva kana zvinhu zvikaoma vanhu vanogona kuita zvimwe zvinhu zvavanga vasingazoiti. Vamwe vangatopara mhosva vachifunga kuti ndiyo nzira yokupedza nayo matambudziko kana kuti kusabatwa zvakanaka. Bhuku rinonzi Urban Terrorism rinoti: “Kazhinji kurwadziwa kunoitwa vanhu nemamiriro ezvematongerwo enyika, magariro evanhu uye zvinhu zvine chokuita nemari ndiko kunoita kuti vazova magandanga.”
▪ “Kuda mari ndiwo mudzi wezvakaipa zvose.”—1 TIMOTI 6:10, BHAIBHERI MUNDIMI YEUNION SHONA.
Imwe tsumo inoti mari ine chitema, inoreva kuti kazhinji munhu anoedza kushandisa mhindu dzose dzaanoziva kuti awane upfumi, kusvikira azoita zvakaipa. Vamwe vanoita sevanhu vakanaka uye vane hanya kana zvinhu zvichifamba zvakanaka asi kana pakaita mukana wokuwana mari kana kuti kuiruza unhu hwavo hunochinja, kuva zvikara chaizvo. Chimbofunga nezvemhosva dzinokonzerwa nemakaro dzakadai sekutyisidzira, kubiridzira, chitsotsi, kuponda kunyange kupamba vanhu.
▪ “Mutongo zvausina kukurumidza kupiwa pabasa rakaipa, mwoyo yevanakomana vevanhu yakatsunga kwazvo mukati mavo kuti vaite zvakaipa.”—MUPARIDZI 8:11.
Rugwaro urwu runoratidza kuti kazhinji vanhu vanofunga kuti unogona kuita chinhu chakaipa usingabatwi kana ukasaonekwa nevane masimba. Izvi zvinowanzoitika kunyanya kune vaya vanodhiraivha dziri mhepo mumigwagwa, vanobiridzira mumazamishoni, vanoba mari dzebasa kana kuti zvimwewo. Kana mutemo usinganyanyotevedzerwi uye vanhu vasingatyi kubatwa, vaya vanowanzoteerera mutemo vanonzwa vasingatyi kuita zvakaipa. Magazini inonzi Arguments and Facts inoti: “Kusapiwa mitongo kunoitwa vanhu vanenge vapara mhosva ndiko kunobva kwaita kuti vamwe vanhu vose vapedzisire vaparawo mhosva dzinotyisa.”
▪ “Mumwe nomumwe anoedzwa nokutorwa mwoyo onyengerwa nokuchiva kwake. Ipapo kuchiva pakunenge kwakura, kunobereka chivi.”—JAKOBHO 1:14, 15.
Vanhu vose vanogona kuva nemafungiro akaipa. Zuva nezuva tinonzwa mazano uye tinosangana nemiedzo isingaperi yokuti tiite zvakaipa. Munguva dzinotaurwa muBhaibheri, vaKristu vakaudzwa kuti: “Hapana muedzo wakakubatai kunze kweinozivikanwa nevanhu.” (1 VaKorinde 10:13) Kunyange hazvo zvakadaro, munhu mumwe nomumwe ndiye anosarudza zvaanoda kuzoita, kungava kukurumidza kubvisa pfungwa yakaipa kana kuti kuramba achifunga nezvayo uye ichitokura. Rugwaro rwaJakobho rwakafuridzirwa rwuri pamusoro apa rwunonyevera kuti kana munhu akabvumira kuti pfungwa yakaipa ‘ikure,’ zvechokwadi achapedzisira aita zvakaipa.
▪ “Munhu anofamba nevanhu vakachenjera achava akachenjera, asi iye anofambidzana nemapenzi zvichamuipira.”—ZVIREVO 13:20.
Hapana mubvunzo kuti shamwari dzedu dzinogona kutibatsira kana kutipinza muna taisireva. Vanhu vanowanzoita zvinhu zvavanenge vasingadi, kuti vasava zambiringa munyemba, kana kuti vanoita zvinovapinza muna taisireva nokuti vanenge vatamba neshamwari dzakaipa. Bhaibheri parinoti “mapenzi” harirevi vanhu vakapusa, asi vaya vasingatevedzeri mazano ouchenjeri ari muShoko raMwari. Tingava tiri vaduku kana vakuru, kana tikasachenjera pakusarudza shamwari nevatinotamba navo, kureva kuti tikasashandisa mitemo iri muBhaibheri, tinogona kutarisira kuti zvinhu ‘zvichatiipira.’
Ndima idzi nedzimwe dzakawanda dziri muBhaibheri dzinotsanangura zvakajeka uye zviri nyore kuti nei vanhu, kunyange vaya vatisingambofungiri vachiita zvakaipa, zvimwe zvacho zvinotorovesa nehana. Kunyange hazvo kunzwisisa zvinoita kuti vanhu vaite zvakaipa kuchibatsira, pane tariro here yokuti zvinhu zvichanaka? Hongu, nokuti Bhaibheri haringogumiri pakutsanangura kuti nei vanhu vachita mabasa akaipa asiwo rinovimbisa kuti mabasa iwaya achapera. Rinovimbisa kuti kudini? Zvinhu zvose zvakaipa zviri munyika zvechokwadi zvichapera here? Nyaya inotevera ichapindura.