“Chokwadi Ndiani Muranda Akatendeka, Akangwara?”
“Chokwadi ndiani muranda akatendeka, akangwara, akagadzwa natenzi wake paveimba yake?”—MAT. 24:45.
1, 2. Inzira ipi iri kushandiswa naJesu kutipa zvokudya mazuva ano, uye nei zvichikosha kuiziva?
“HAMA, handikwanisi kuverenga kuti inyaya ngani dzamakanyora dzaiva nezvinhu zvandaida panguva yandainyanya kuzvida.” Mashoko aya okuonga akataurwa neimwe hanzvadzi mutsamba yayakanyorera hama dzinoshanda kumuzinda wedu wenyika yose. Ndiwo manzwiro aunoitawo here? Vakawanda vedu tinodaro. Zvinofanira kutishamisa here? Kwete.
2 Zvokudya zvokunamata zvatinowana panguva zvinotiratidza kuti Jesu, Musoro weungano, ari kutipa zvokudya sezvaakavimbisa. Ndiani waari kushandisa? Paaitaura chiratidzo chokuvapo kwake, Jesu akataura kuti aizoshandisa “muranda akatendeka, akangwara,” kuti ape veimba yake ‘zvokudya panguva yakakodzera.’a (Verenga Mateu 24:45-47.) Muranda akatendeka iyeye ndiye ari kushandiswa naJesu kupa vateveri vake vechokwadi zvokudya munguva ino yomugumo. Zvinokosha kuti tizive muranda akatendeka iyeye. Hatikwanisi kusimba pakunamata uye kuva noukama naMwari kana pasina muranda iyeye.—Mat. 4:4; Joh. 17:3.
3. Mabhuku edu aiti chii nezvemufananidzo wemuranda akatendeka?
3 Saka tinofanira kunzwisisa sei mufananidzo waJesu wemuranda akatendeka? Kare, mabhuku edu aitaura zvinotevera: Jesu akagadza muranda akatendeka paveimba yake paPendekosti ya33 C.E. Muranda anomirira vaKristu vakazodzwa vose seboka vanenge vachirarama chero panguva ipi zvayo, kubva mugore iroro. Veimba vanomirira vakazodzwa ivavo semunhu mumwe nemumwe. Muna 1919, Jesu akagadza muranda akatendeka “pazvinhu zvake zvose,” kureva zvose zvine chokuita noUmambo zviri pasi pano. Zvisinei, kumwezve kunyatsoongorora uye kufungisisa kunoratidza kuti manzwisisiro ataiita mashoko aJesu nezvemuranda akatendeka, akangwara, anofanira kugadziriswa. (Zvir. 4:18) Ngatimboongororai mufananidzo wacho toona kuti unotibatanidzawo sei pasinei nokuti tine tariro yokudenga kana kuti yepanyika.
MUFANANIDZO WACHO UNOZADZISWA RINI?
4-6. Nei tingati mufananidzo waJesu wemuranda akatendeka wakatanga kuzadziswa 1914 apfuura?
4 Mamwe mashoko akataurwa naJesu asati ataura mufananidzo wemuranda akatendeka, akangwara, anoratidza kuti mufananidzo wacho hauna kutanga kuzadziswa paPendekosti ya33 C.E., asi munguva ino yomugumo. Ngationei kuti Magwaro anotibatsira sei kuti tipe mhedziso iyoyo.
5 Mufananidzo wemuranda akatendeka ndechimwe chikamu chouprofita hwaJesu ‘hwechiratidzo chokuvapo kwake nechokuguma kwemamiriro ezvinhu epanguva yacho.’ (Mat. 24:3) Chikamu chokutanga chouprofita uhwu icho chakanyorwa pana Mateu 24:4-22, chinozadziswa kaviri. Chakatanga kuzadziswa kubva muna 33 C.E. kusvika muna 70 C.E., uye chiri kuzadziswa zvakanyanya munguva ino. Saka zvinoreva here kuti mashoko aJesu emuranda akatendeka aizozadziswawo kaviri? Kwete.
6 Kutanga nemashoko ari pana Mateu 24:29, Jesu ainge ava kunyanya kutaura nezvezvinhu zvaizoitika munguva ino. (Verenga Mateu 24:30, 42, 44.) Achitaura zvichaitika pakutambudzika kukuru, akati vanhu vachaona “Mwanakomana womunhu achiuya ari pamakore okudenga.” Zvadaro, mumashoko ake kune vaya vaizorarama mumazuva okupedzisira, akati: “Hamuzivi kuti Ishe wenyu ari kuuya zuva ripi” uye “Mwanakomana womunhu ari kuuya paawa yamusingafungi kuti ndiyo.”b Saka Jesu paaitaura zvinhu izvi zvaizoitika mumazuva okupedzisira, ndipo paakataura mufananidzo wemuranda akatendeka. Saka tinogona kupa mhedziso yokuti mashoko ake nezvemuranda akatendeka iyeye akatanga kuzadziswa mazuva okupedzisira atanga, gore ra1914 rapfuura. Mhedziso iyoyo ine musoro. Nei tichidaro?
7. Mubvunzo upi unokosha wakavapo pakatanga mwaka wokukohwa, uye nei?
7 Chimbofunga nezvemubvunzo uyu: “Chokwadi ndiani muranda akatendeka, akangwara?” Munguva yevaapostora, pakanga pasina chikonzero chokuti pabvunzwe mubvunzo iwoyo. Sezvatakaona munyaya yapfuura, vaapostora vaiita zvishamiso uye vaipa vamwe zvipo zvinoshamisa zvomudzimu, zvichiratidza kuti vaitsigirwa naMwari. (Mab. 5:12) Saka paisava nechikonzero chokubvunza kuti ndiani chaizvo akagadzwa naKristu kuti atungamirire. Zvisinei, muna 1914 zvinhu zvakanga zvasiyana chaizvo. Mwaka wokukohwa wakatanga gore iroro. Nguva yokuparadzanisa masora negorosi yainge yazosvika. (Mat. 13:36-43) Mwaka wokukohwa zvawakatanga, pakava nomubvunzo unokosha wokuti: Sezvo paiva nevaKristu vakawanda vokunyepera vaizviti vateveri vechokwadi vaJesu, gorosi, kureva vaKristu vakazodzwa, raizozivikanwa sei? Mufananidzo wemuranda akatendeka ndiwo wakabatsira. Vateveri vaKristu vakazodzwa ndivo vaizenge vachinyatsowana zvokudya zvokunamata.
MURANDA AKATENDEKA, AKANGWARA NDIANI?
8. Nei zvakakodzera kuti muranda akatendeka aumbwe nevaKristu vakazodzwa?
8 Muranda akatendeka anofanira kunge achiumbwa nevaKristu vakazodzwa vari panyika. VaKristu ivavo vanonzi “upristi hwoumambo” uye vakapiwa basa ‘rokuzivisa kwose kwose kunaka kwouya akavadana kuti vabve murima vapinde muchiedza chake chinoshamisa.’ (1 Pet. 2:9) Saka zvakakodzera kuti vanhu vari mu“upristi hwoumambo” vave ndivo vanodzidzisa chokwadi vavanonamata navo.—Mar. 2:7; Zvak. 12:17.
9. VaKristu vose vakazodzwa vanoumba muranda akatendeka here? Tsanangura.
9 Vakazodzwa vose vari panyika vanoumba muranda akatendeka here? Kwete. Chokwadi ndechokuti havasi vakazodzwa vose vanoita basa rokupa zvokudya zvokunamata kune vavanonamata navo munyika yose. Muboka regorosi mune dzimwe hama dzakazodzwa dzingashanda sevashumiri vanoshumira kana kuti vakuru muungano dzekwavanogara. Vanodzidzisa paimba neimba uye muungano dzavo uye vanoteerera mirayiridzo inobva kumuzinda. Asi havaiti basa rokupa zvokudya zvokunamata kuhama dziri munyika yose. Pakati pevakazodzwa panewo hanzvadzi dzinozvininipisa dzisingamboedzi kuzviita vadzidzisi muungano.—1 VaK. 11:3; 14:34.
10. Muranda akatendeka, akangwara ndiani?
10 Saka muranda akatendeka, akangwara ndiani? Maererano nenzira yaishandiswa naJesu yokupa vakawanda zvokudya achishandisa vashoma, muranda iyeye anoumbwa neboka duku rehama dzakazodzwa dzinoshanda pakugadzira uye kupa zvokudya zvokunamata munguva yokuvapo kwaKristu. Kubva pakatanga mazuva okupedzisira, hama dzakazodzwa dzinoumba muranda akatendeka dzave dzichishanda pamwe chete kumuzinda. Mumakumi emakore achangopfuura, muranda iyeye ndiye anga ari Dare Rinodzora reZvapupu zvaJehovha. Zvisinei, ona kuti kunyange zvazvo muranda uyu achisanganisira vanhu vakawanda, anotaurwa semuranda mumwe chete mumufananidzo waJesu. Saka Dare Rinodzora rinoita zvisarudzo seboka.
VEIMBA NDIVANAANI?
11, 12. (a) Kugadzwa kupi kuviri kunoitwa muranda akatendeka, akangwara? (b) Jesu akagadza rini muranda akatendeka paveimba yake, uye ndivanaani vaakasarudza?
11 Zvinokosha kuziva kuti mumufananidzo waJesu, muranda akatendeka, akangwara anogadzwa kaviri. Anotanga agadzwa paveimba ozogadzwa pazvinhu zvose zvatenzi wake. Sezvo mufananidzo wacho uchizadziswa chete munguva ino yomugumo, kugadzwa kwacho kwose kwaizoitwa kuvapo kwaJesu musimba roumambo kwatanga muna 1914.
12 Jesu akagadza rini muranda akatendeka paveimba yake? Kuti tipindure mubvunzo iwoyo, tinofanira kufunga zvakaitika muna 1914, gore rakatanga mwaka wokukohwa. Sezvatadzidza, panguva iyoyo paiva nemapoka akawanda aizviti vaKristu. Jesu aizosarudza uye aizogadza muranda akatendeka kubva muboka ripi? Mubvunzo iwoyo wakapindurwa pashure pokunge Jesu auya naBaba vake kuzoongorora temberi, kureva urongwa hwokunamata, kubva muna 1914 kusvika nechokwokutanga kwa1919.c (Mar. 3:1) Vakafara nezvaiitwa neboka duku reVadzidzi veBhaibheri vakavimbika vairatidza kuti vaida Jehovha neShoko rake. Ichokwadi kuti Vadzidzi veBhaibheri ava vaifanira kucheneswa, asi vakateerera vachizvininipisa munguva pfupi yokuedzwa uye yokucheneswa. (Mar. 3:2-4) Vadzidzi veBhaibheri vakatendeka ivavo ndivo vaiva vaKristu vechokwadi vaifananidzwa negorosi. Muna 1919, panguva yavainge vava kushingairazve, Jesu akasarudza hama dzakazodzwa dzakakodzera kubva pakati pavo kuti dzive muranda akatendeka, akangwara uye akadzigadza paveimba yake.
13. Veimba vanosanganisira vanaani, uye nei?
13 Saka veimba ndivanaani? Ndevaya vanopiwa zvokudya. Mazuva okupedzisira achangotanga, veimba vainge vakazodzwa vose. Nokufamba kwenguva, veimba vakazosanganisira boka guru remamwe makwai. Iye zvino mamwe makwai ndiwo akanyanya kuwanda mu“boka rimwe chete” rinotungamirirwa naKristu. (Joh. 10:16) Mapoka acho ose anobatsirwa nezvokudya zvokunamata zvinouya panguva zvinobva kumuranda akatendeka. Asi zvakadini nehama dziri muDare Rinodzora dzinoumba muranda akatendeka, akangwara mazuva ano? Hama idzodzo dzinodawo zvokudya zvokunamata. Saka dzinobvuma dzichizvininipisa kuti semunhu mumwe nomumwe dzinonziwo veimba sezvakangoita vateveri vose vechokwadi vaJesu.
Tingava netariro yokudenga kana kuti yepanyika, tose tiri veimba uye tinoda zvokudya zvokunamata zvakafanana zvatinowana panguva
14. (a) Muranda akatendeka akapiwa basa rei, uye rinosanganisirei? (b) Jesu akapa nyevero ipi kumuranda akatendeka, akangwara? (Ona bhokisi rakanzi “Kana Muranda Akaipa Iyeye . . . ”)
14 Jesu akapa muranda akatendeka, akangwara basa rakakura. Panguva dzinotaurwa muBhaibheri, muranda aivimbwa naye, kana kuti mutariri, aitarisira imba yatenzi wake. (Ruka 12:42) Saka muranda akatendeka, akangwara akapiwa basa rokutarisira imba yokutenda. Basa iroro rinosanganisira kutarisira pfuma yesangano, basa rokuparidza, purogiramu dzemagungano, uye kugadzirwa kwemabhuku eBhaibheri okushandisa mubasa romumunda uye pakudzidza semunhu oga kana kuti seungano. Veimba vanobatsirwa nezvokudya zvose zvokunamata zvinobva kumuranda.
ANOGADZWA PAZVINHU ZVOSE ZVATENZI RINI?
15, 16. Jesu anogadza muranda akatendeka pazvinhu zvake zvose rini?
15 Jesu anogadza muranda kechipiri “pazvinhu zvake zvose” rini? Jesu akati: “Anofara muranda iyeye kana tenzi wake akamuwana achiita saizvozvo paanosvika [paanouya]! Chokwadi ndinoti kwamuri, Iye achamugadza pazvinhu zvake zvose.” (Mat. 24:46, 47) Ona kuti Jesu anogadza muranda kechipiri paanosvika owana muranda “achiita saizvozvo,” kureva kuti achipa zvokudya zvokunamata akatendeka. Saka paizova nenguva kubva pakugadzwa kwokutanga kusvika pane kwechipiri. Kuti tinzwisise kuti Jesu aizogadza sei uye rini muranda pazvinhu zvake zvose, tinofanira kuziva zvinhu zviviri: kuti anosvika rini uye kuti zvinhu zvake zvinosanganisirei.
16 Jesu anosvika rini? Mamwe mashoko ainge ataurwa naJesu anotibatsira kuwana mhinduro. Yeuka kuti ndima dziri pashure pacho padzinotaura nezve“kuuya” kwaJesu, shoko racho rinoreva nguva yaachauya kuzotonga vanhu pakuguma kwenyika ino.d (Mat. 24:30, 42, 44) Saka ‘kusvika’ kana kuti “kuuya” kwaJesu kunotaurwa mumufananidzo wemuranda akatendeka kunoitika munguva yokutambudzika kukuru.
17. Zvinhu zvaJesu zvinosanganisirei?
17 ‘Zvinhu zvose zvaJesu’ zvinosanganisirei? Jesu paakati “zvose” akanga asiri kureva zvinhu zvake zviri panyika chete. Chokwadi ndechokuti Jesu ane simba rakakura kudenga. Akati, “Ndakapiwa simba rose kudenga nepanyika.” (Mat. 28:18; VaEf. 1:20-23) Zvinhu zvake zvava kusanganisira Umambo hwaMesiya, hwakava hwake kubva muna 1914 uye achange achitonga nevateveri vake vakazodzwa.—Zvak. 11:15.
18. Nei Jesu achafara kugadza muranda pazvinhu zvake zvose?
18 Kubva pane zvichangobva kutaurwa, tingati chii? Jesu paanouya kuzotonga vanhu munguva yokutambudzika kukuru, achawana muranda akatendeka achipa veimba yake zvokudya zvokunamata panguva yakakodzera, akavimbika. Jesu achabva afara kumugadza kechipiri, pazvinhu zvake zvose. Vaya vari muboka remuranda akatendeka vachagadzwa kechipiri pavachawana mubayiro wavo wokudenga, vachitonga pamwe naKristu.
19. Muranda akatendeka anowana mubayiro wakakura kudenga kupfuura vamwe vakazodzwa vose here? Tsanangura.
19 Muranda akatendeka anowana mubayiro wakakura kudenga kupfuura vamwe vakazodzwa vose here? Aiwa. Mubayiro unovimbiswa vanhu vashoma pane imwe nguva, unogona kuzowanikwawo nevamwe. Somuenzaniso, funga zvakataurwa naJesu kuvaapostora vake 11 vakatendeka usiku hwokupedzisira asati afa. (Verenga Ruka 22:28-30.) Jesu akavimbisa varume ivavo vashoma kuti vaizopiwa mubayiro wokutendeka kwavo. Vaizotonga pamwe chete naye muumambo hwake. Asi papera makore, akaratidza kuti vane 144 000 vose vachagara pazvigaro zvoumambo vachitonga pamwe chete naye. (Zvak. 1:1; 3:21) Saizvozvowo, sezviri pana Mateu 24:47, Jesu akavimbisa kuti boka duku revarume, kureva hama dzakazodzwa dziri muboka romuranda akatendeka, richagadzwa pazvinhu zvake zvose. Asi chokwadi ndechokuti vane 144 000 vose vachatonga pamwe naJesu kudenga.—Zvak. 20:4, 6.
Vane 144 000 vose vachatonga pamwe naJesu kudenga (Ona ndima 19)
20. Nei Jesu akagadza muranda akatendeka, uye watsidzei?
20 Achishandisa muranda akatendeka, akangwara, Jesu ari kuita sezvaaiita munguva yevaapostora, kupa vanhu vakawanda zvokudya achishandisa vashoma. Jesu akagadza muranda akatendeka iyeye kuti ave nechokwadi chokuti vateveri vake vechokwadi, vangava vakazodzwa kana kuti mamwe makwai, vaizoramba vachiwana zvokudya zvokunamata panguva yakakodzera mumazuva ose okupedzisira. Ngatitsidzei mumwoyo kuratidza kuonga kwedu nokuramba tichitsigira hama dzakazodzwa dziri muboka iroro romuranda akatendeka, akangwara.—VaH. 13:7, 17.
a Ndima 2: Pane imwe nguva yakanga yapfuura, Jesu akataura mufananidzo wakafanana neuyu paakataura nezve“muranda” se“mutariri” uye “veimba” se“boka revashandi vake.”—Ruka 12:42-44.
b Ndima 6: “Kuuya” kwaKristu (erʹkho·mai, muchiGiriki) kwakasiyana no“kuvapo” kwake (pa·rou·siʹa). Kuvapo kwake kusingaoneki kunotanga, asati auya kuzotonga vanhu.
c Ndima 12: Ona nyaya inoti “Tarirai! Ndinemi Mazuva Ose,” iri mumagazini ino, pamapeji 10-12, ndima 5-8.
d Ndima 16: Ona nyaya inoti “Tiudzei, Zvinhu Izvi Zvichaitika Rini?” iri mumagazini ino pamapeji 7-8, ndima 14-18.