Dzidzisa Vana Vako Kurumbidza Jehovha
1. Vana vaduku vanogona kurumbidza Jehovha here?
1 Pisarema 148:12, 13 rinokurudzira vakomana nevasikana kuti va“rumbidze zita raJehovha.” Magwaro ane mienzaniso yakawanda yevana vaduku vakaita saizvozvo. Somuenzaniso, “Samueri akanga achishumira pamberi paJehovha,” ari mukomana muduku. (1 Sam. 2:18) Aiva “musikana muduku” akaudza mudzimai waNaamani kuti muprofita waJehovha aiva kuIsraeri aigona kurapa Naamani maperembudzi ake. (2 Madz. 5:1-3) Jesu paakapinda mutemberi ndokuita mabasa esimba, “vakomana” ndivo vakashevedzera vachiti: “Tapota, ponesai, Mwanakomana waDhavhidhi!” (Mat. 21:15) Vabereki vangadzidzisa sei vana vavo kuti varumbidze Jehovha?
2. Nei zvichikosha kuti vabereki vave muenzaniso wakanaka kuvana vavo?
2 Nomuenzaniso: Vanababa vechiIsraeri vakarayirwa kuti vatange kuda Jehovha voisa mitemo yake mumwoyo yavo pachavo vasati varoverera chokwadi mumwoyo yevana vavo. (Dheut. 6:5-9) Kana ukataura zvinokurudzira pamusoro pebasa rokuparidzira uye ukaribatanidza mupurogiramu yako yevhiki nevhiki, vana vako vachaonawo kuti ushumiri hunokosha uye hunogutsa.
3. Imwe hanzvadzi yakabatsirwa sei nomuenzaniso wevabereki vayo?
3 Imwe hanzvadzi inoyeuka zvinotevera ichifara: “Pandaikura mhuri yedu yaiita ushumiri pakupera kwevhiki imwe neimwe. Ndaizviona kuti vabereki vangu vainyatsofarira kuparidzira. Takakura tichiona ushumiri sechinhu chinofadza.” Hanzvadzi iyi yakava muparidzi asina kubhabhatidzwa iine makore manomwe uye yava mugore rayo rechi33 rebasa renguva yakazara.
4. Zvinorevei kurovedza vana zvinofambira mberi?
4 Nokurovedza Zvinofambira Mberi: Vana venyu ngavave nezvavanoita pamunenge muri muushumiri. Zvichida vanogona kugogodza pamusuo, kupa saimba turakiti, kana kuti kuverenga rugwaro. Izvi zvichawedzera kufara kwavanoita zvovabatsira kuva nechivimbo mumano avo okuparidza mashoko oUmambo. Pavanenge vachikura, kubuda kwavo muushumiri kunofanira kuramba kuchiwedzera. Naizvozvo vabatsirei kufambira mberi uye kufunga nezvezvinangwa zvine chokuita nokunamata.
5. Chii chinodiwa kuti mwana akodzere kuva muparidzi asina kubhabhatidzwa?
5 Taura nevakuru paunoona kuti vana vako vava kukodzera kuva vaparidzi vasina kubhabhatidzwa uye pavanotaura kuti ndizvo zvavanoda. Kuva muparidzi kuchavabatsira kuona kuti ivo pachavo ndivo vanofanira kunzwa vachida kurumbidza Jehovha. Yeuka kuti mwana wacho haatarisirwi kuziva zvakafanana nevakura vakabhabhatidzwa kuti agova akakodzera. Mwana wako anonzwisisa here dzidziso huru dzeBhaibheri? Anoteerera here mitemo yetsika yeBhaibheri? Anoda kuita ushumiri uye anoda kuzivikanwa somumwe weZvapupu zvaJehovha here? Kana zvakadaro, vakuru vachaona kana zvakakodzera kuti ave muparidzi asina kubhabhatidzwa.—Ona Takarongwa Kuti Tiite Zvinoda Jehovha, mapeji 79-82.
6. Nei zvichikosha kuti vabereki varovedze vana vavo?
6 Kudzidzisa vana kurumbidza Jehovha nomwoyo wose ibasa guru. Zvisinei, zvishoma zvingafadza vabereki kupfuura kuona vana vavo vachifambira mberi mune zvokunamata. Zvinotonyanya kukosha ndezvokuti, Jehovha anofara vana pavanotaura nezvemabasa ake anoshamisa.