RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • wp20 nha. 2 pp. 4-5
  • Nei Tichida Umambo hwaMwari?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nei Tichida Umambo hwaMwari?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2020
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • KUTANGA KWEUTONGI HWEVANHU
  • MWARI AVA PEDYO KUZOPINDIRA!
  • Umambo hwaMwari—Utongi Hutsva Hwepasi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
  • Nguva Yakabvumirwa naMwari Kutambura Yava Kupera
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2020
wp20 nha. 2 pp. 4-5
Adhamu naEvha vakatarisa mapopoma vari muEdheni.

Utongi hwaMwari hwaiita kuti zvisikwa zvake zvese zvigare zvakabatana uye zviri murunyararo

Nei Tichida Umambo hwaMwari?

Panguva yakasikwa vanhu, Musiki wedu anonzi Jehovha ndiye ega aiva Mutongi. Aitonga nerudo. Akasikira vanhu musha wakanaka, akautumidza kuti Edheni, uye akavapa zvekudya zvakawanda. Akavapawo basa raigutsa. (Genesisi 1:28, 29; 2:8, 15) Vanhu vangadai vaine rugare kudai vakabvuma utongi hwaMwari hune rudo.

Adhamu akabata muchero wavakarambidzwa waapiwa naEvha.

Vanhu vekutanga vakaramba kutongwa naMwari

Bhaibheri rinotaura kuti pane ngirozi yakapandukira Mwari, ichibva yazonzi Satani Dhiyabhorosi. Ngirozi iyi yakati vanhu vaizowedzera kufara kana vakararama vasingatongwi naMwari. Zvinosuwisa kuti vabereki vedu vekutanga, Adhamu naEvha, vakatevedzera Satani vachibva vapandukirawo Mwari.​—Genesisi 3:1-6; Zvakazarurwa 12:9.

Kupanduka kwakaita Adhamu naEvha, kwakaita kuti varasikirwe nemusha wavo wakanaka uye tariro yekurarama nekusingaperi vaine utano hwakanaka. (Genesisi 3:17-19) Zvavakaita zvakakonzera matambudziko kuvana vavo. Bhaibheri rinoti nekutadza kwakaita Adhamu ‘chivi chakapinda munyika uye rufu rwakapinda nechivi.’ (VaRoma 5:12) Chivi chakaita kuti pavewo nemamwe matambudziko akakura: ‘Munhu anotonga mumwe munhu achimubata zvakaipa.’ (Muparidzi 8:9) Izvi zviri kureva kuti kana vanhu vakatongana pachavo, zvinokonzera matambudziko.

KUTANGA KWEUTONGI HWEVANHU

Nimrodhi akamira achiratidza kuzvikudza. Nechekumashure kune vanhu vari kuvaka.

Nimrodhi akapandukira Jehovha

Nimrodhi ndiye munhu wekutanga anotaurwa muBhaibheri aiva mutongi. Akapandukira utongi hwaJehovha. Kubvira panguva iyoyo kusvikira iye zvino, kunewo vamwe vanhu vane simba vanodzvinyirira vamwe. Mambo ainzi Soromoni akararama makore 3 000 akapfuura akanyora kuti: “Ndakaona misodzi yevanhu vaidzvinyirirwa, uye pakanga pasina aivanyaradza. Uye vaya vaivadzvinyirira vaiva nesimba.”​—Muparidzi 4:1.

Nanhasi ndizvo zvichiri kungoitika. Muna 2009 rimwe bhuku rakabudiswa neSangano Remubatanidzwa Wenyika Dzepasi Rese rakati, utungamiriri hwakaipa ndihwo “hunonyanya kukonzera matambudziko evanhu.”

MWARI AVA PEDYO KUZOPINDIRA!

Vanhu vari kuda vatungamiriri vakanaka uye hurumende iri nani. Ndizvo zviri kuronga kuzoitwa neMusiki wedu!

Mapikicha: Matambudziko ari kukonzerwa nehurumende dzevanhu. 1. Mukadzi akagara mumugwagwa achinyararidza mwana wake. 2. Sekuru vari muchipatara. 3. Masoja ari muhondo. 4. Vanhu vakatsamwa vari kuratidzira. 5. Amai nemwanasikana wavo vakamira padhoo repamba pavo vakatarisa hwindo ravawana rapwanywa. 6. Guta rakazara nechiutsi netambo dzemagetsi.

Kunyange hurumende dzinonzi dziri nani, dzatadza kupedza matambudziko ese evanhu

Mwari akagadza Umambo, kana kuti hurumende, ichabvisa utongi hwese hwevanhu uye ‘icharamba iripo nekusingaperi.’ (Dhanieri 2:44) Uhwu ndihwo Umambo hunogara huchinyengetererwa nemamiriyoni evanhu. (Mateu 6:9, 10) Asi Mwari achange asiri iye Mambo wehurumende iyi. Akagadza mumwe munhu akamborarama pano panyika kuti azova Mambo. Ndiani iyeye?

    Mabhuku eChiShona (1973-2022)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2022 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe