Bhokisi Remibvunzo
◼ Zvakakodzera here kuti ungano kana kuti vanhu vakazvimiririra vashandise zviratidzo zvemasangano epamutemo anoshandiswa neZvapupu zvaJehovha?
Chiratidzo izita kana kuti mucherechedzo webhizimisi wokuti zvive nyore kurisiyanisa nemamwe. Chiratidzo cheWatch Tower chinomirira Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania nemamwe masangano anoshandiswa nesangano. Sangano reChristian Congregation of Jehovah’s Witnesses riri kuUnited States of America rinoshandisa Bhaibheri rakavhurwa sechiratidzo patsamba dzaro. Mamwe masangano anoshandiswa neZvapupu zvaJehovha anewo zviratidzo zvakasiyana.
Ungano kana vanhu havafaniri kushandisa zviratidzo kana kuti mazita epamutemo esangano kana kuti zvakada kufanana, paDzimba dzoUmambo, pazvikwangwani, patsamba, pazvinhu zvavo kana zvimwewo. Kushandiswa uku kwezviratidzo zvesangano kungavhiringidza vakuru vakuru vehurumende, vaparidzi uye vamwe nezvekubatana kwakaita ungano nemasangano epamutemo anoshandiswa nesangano redu. Saizvozvowo tsamba dzinenge dzanyorwa dzingaonekwa sedzabva kumuzinda weZvapupu zvaJehovha kana kuhofisi yebazi.
Chiratidzo cheWatch Tower kana chimwe chakada kufanana nacho, hachifaniri kuzoshandiswa pachavakwa Dzimba dzoUmambo munguva yemberi kunyange Imba yoUmambo yacho iri yesangano reWatch Tower. Ungano dzagara dziine Dzimba dzoUmambo dzine chiratidzo hadzitarisirwi kubva dzachinja zvikwangwani zvadzo uye mavakirwo adzo, sezvo izvozvo zvingada kuchinja zvakawanda, nguva nemari yakawanda. Asi mungada kufunga nezvazvo kana pasina zvakawanda zviri kuchinja uye zvisingadi basa rakawanda. Izvi zvingazoitwa pachagadziridzwa chivako chacho kana kuti pachachinjwa chikwangwani chacho.