RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 7/14 p. 2
  • Jehovha Anondiona Sei?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Jehovha Anondiona Sei?
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2014
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2014
km 7/14 p. 2

Jehovha Anondiona Sei?

1. Bhaibheri rakaita segirazi pakudini?

1 Unozvitarisa mugirazi kakawanda sei? Vakawanda vedu tinozvitarisa zuva rimwe nerimwe nekuti zvinotibatsira kuona patinofanira kugadzirisa. Bhaibheri rinofananidzwa negirazi. Kuverenga Shoko raMwari kunotibatsira kuona zvinoonekwa naJehovha, kureva zvatiri chaizvo nechomukati. (1 Sam. 16:7; Jak. 1:22-24) Shoko raMwari rinokwanisa “kunzwisisa kufunga nevavariro zvomwoyo.” (VaH. 4:12) Kuverenga Bhaibheri uye kufungisisa zuva nezuva kunotibatsira sei kuona zvatinofanira kugadzirisa kuti tive vaparidzi vanobudirira?—Pis. 1:1-3.

2. Bhaibheri ringatibatsira sei kuzviongorora?

2 Shandisa Bhaibheri Sezvaunoita Girazi: Nhoroondo dzemuBhaibheri dzevashumiri vakatendeka vaJehovha dzinotidzidzisa kuva neunhu hwaanoda. Somuenzaniso, Dhavhidhi akaratidza kushingairira zita raJehovha. (1 Sam. 17:45, 46) Isaya akazvipira noushingi kuparidza mundima yakanga yakaoma. (Isa. 6:8, 9) Jesu aida Baba vake vekudenga zvikuru zvokuti aisaona ushumiri semutoro asi hwaitomuzorodza uye hwaiita kuti afare. (Joh. 4:34) VaKristu vekutanga vaishingaira kuparidza, vaivimba naJehovha, uye vakanga vakatsunga kusarega. (Mab. 5:41, 42; 2 VaK. 4:1; 2 Tim. 4:17) Kufungisisa mienzaniso yakadaro kunotibatsira kuti tizviongorore tiine chinangwa chekunatsiridza basa redu dzvene.

3. Nei tisingafaniri kuverengera kugadzirisa zvisina kumira zvakanaka?

3 Gadzirisa Zvisina Kumira Zvakanaka: Ichokwadi kuti hazvibatsiri kuti titarise mugirazi tobva tarega kugadzirisa pasina kumira zvakanaka. Tinogona kukumbira Jehovha kuti atibatsire kuzviongorora tisingazvinyengeri, otibatsira kugadzirisa. (Pis. 139:23, 24; Ruka 11:13) Hatifaniri kuverengera kugadzirisa zvinhu nokuti nguva yasara ipfupi uye upenyu hwevanhu huri pangozi.—1 VaK. 7:29; 1 Tim. 4:16.

4. Zvii zvinoitika kumunhu anotarisa muShoko raMwari obva agadzirisa zvisina kumira zvakanaka?

4 Zvakaita munhu nechomukati zvinokosha zvikuru kupfuura zvaakaita kunze, uye ndizvo zvinotariswa naJehovha. (1 Pet. 3:3, 4) Zvii zvinoitika kumunhu anotarisa muShoko raMwari obva agadzirisa zvisina kumira zvakanaka? “Achafara . . . , nokuti haana kuva munzwi anokanganwa, asi muiti webasa.” (Jak. 1:25) Zvechokwadi tichava vashumiri vanofara uye vanobudirira nekuti “tinoratidzira semagirazi kubwinya kwaJehovha.”—2 VaK. 3:18.

    Mabhuku eChiShona (1973-2022)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2023 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe