RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • mwb19 August p. 5
  • Vechidiki—‘Shingairirai Mabasa Akanaka’

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Vechidiki—‘Shingairirai Mabasa Akanaka’
  • Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2019
  • Mashoko Akafanana
  • Zvikomborero Zvoushumiri Hwoupiyona
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
  • Rumbidza Jehovha Nekupayona
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2020
  • Kuchinjwa Kwemaawa Anodiwa Kumapiyona
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1999
  • Zvikomborero Zvoushumiri Hwoupiyona
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2003
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2019
mwb19 August p. 5

KURARAMA KWECHIKRISTU

Vechidiki​—‘Shingairirai Mabasa Akanaka’

Mutsamba yaakanyorera Tito, muapostora Pauro akati varume vechidiki, kusanganisira Tito, vanofanira kushanda nesimba pakuva ‘muenzaniso wemabasa akanaka pazvese zvavanoita.’ (Tit 2:6, 7) Chitsauko ichi chava kunopera, Pauro akaratidza kuti Jesu aizochenesa vanhu vaJehovha kuitira kuti ‘vashingairire mabasa akanaka.’ (Tit 2:14) Rimwe remabasa aya nderekuparidza nekudzidzisa nezveUmambo hwaMwari. Kana uri wechidiki, unokwanisa here kushandisa simba rako nekuva piyona webetsero kana kuti wenguva dzese?​—Zvi 20:29.

Kana uchida kupayona, ronga zvinhu zvako kuitira kuti ugokwanisa kuita basa iri. (Ru 14:28-30) Uchange uchiitei kuti uzokwanisa kuwana chekurarama nacho paunenge uchipayona? Zvii zvauchaita kuti usvitse maawa anodiwa? Nyengetera kuna Jehovha uchimukumbira kuti akubatsire. (Pis 37:5) Kurukura zvauri kuronga nevabereki vako uye nemamwe mapiyona ari kubudirira pabasa iri. Kana wadaro, chitora matanho achakubatsira kuzadzisa chinangwa chako. Jehovha achakomborera kushingairira kwaunoita basa rake!

ONA VHIDHIYO INONZI VECHIDIKI VANOKUDZA JEHOVHA, WOZOPINDURA MIBVUNZO IYI:

  • Zvii zvaiita kuti vamwe vatye kupayona, asi vakakunda sei matambudziko iwayo?

  • Vabereki vangabatsira sei vana vavo kuti vave mapiyona enguva dzese?

  • Nei zvichikosha kuti uve nepurogiramu yekuparidza?

  • Vamwe vemuungano vangakurudzira sei piyona uye vangamubatsira sei?

  • Makomborero api anowanikwa nemapiyona?

Hanzvadzi yechidiki iri kutaura nababa vayo nezvekupayona; hama yechidiki iri kunyora purogiramu yekuparidza; hanzvadzi yechidiki inopayona iri kuparidza neimwe hanzvadzi; hanzvadzi yechidiki iri kuitisa chidzidzo cheBhaibheri

Ndingaita sei kuti ndikwanise kuzopayona?

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe