RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • mwb19 October p. 7
  • Unokoshesa Shoko raMwari Zvakadii?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Unokoshesa Shoko raMwari Zvakadii?
  • Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2019
  • Mashoko Akafanana
  • Vakakoshesa Bhaibheri—(William Tyndale)
    Dzimwe Nyaya
  • William Tyndale—Murume Wenzwisiso
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
  • Mauyire Akaita Bhaibheri Kwatiri—Chikamu Chechipiri
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
  • Rubatsiro Ruripo
    Mukai!—2020
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2019
mwb19 October p. 7

KURARAMA KWECHIKRISTU

Unokoshesa Shoko raMwari Zvakadii?

Jehovha Mwari ndiye Munyori weBhaibheri, saka rine mashoko nepfungwa dzake. (2Pe 1:20, 21) Bhaibheri parinoramba richitaura nezvekurevererwa kweuchangamire hwaMwari achishandisa Umambo hwake, rinopa vanhu tariro yekuti pasina nguva zvinhu zvichanaka. Bhaibheri rinoratidzawo kunaka kwakaita Baba vedu vekudenga, Jehovha.​—Pis 86:15.

Mumwe nemumwe wedu ane zvikonzero zvinoita kuti akoshese Shoko raJehovha. Asi tinoratidza here kuti tinorikoshesa nekuriverenga zuva nezuva toshandisa zvarinotaura muupenyu hwedu? Dai zvatinoita zvikaratidza kuti tinobvumirana nemunyori wepisarema uyo akati: “Ndinoda chaizvo mutemo wenyu!”​—Pis 119:97.

ONA VHIDHIYO INONZI VAKAKOSHESA BHAIBHERI​—NZWISA (WILLIAM TYNDALE), WOZOPINDURA MIBVUNZO INOTEVERA:

  • William Tyndale; William Tyndale akamira pamuchina wekuprinda; chikamu chekutanga cheBhaibheri rakanyorwa naWilliam Tyndale

    Chii chakaita kuti William Tyndale ashandure zvikamu zveBhaibheri?

  • Nei zvaakaita kuti akwanise kushandura Bhaibheri zvichibaya mwoyo?

  • Bhaibheri rakashandurwa naTyndale rakapinda sei zvisiri pamutemo muEngland?

  • Mumwe nemumwe wedu angaratidza sei kuti anokoshesa Shoko raMwari?

ZVEKUFUNGA NEZVAZVO: Shoko raMwari rakafanana papi . . .

  • nerambi uye nechiedza? (Pis 119:105)

  • nemvura? (VaE 5:26)

  • nebakatwa? (VaE 6:17)

  • negirazi? (Jak 1:23-25)

VERENGA SHOKO RAMWARI ZUVA NEZUVA

Purogiramu Yekuverenga Bhaibheri

Wakamboedza here kushandisa Purogiramu Yekuverenga Bhaibheri iri pajw.org? Purogiramu yacho inokuendesa paBhaibheri riri pajw.org uye pandima yeBhaibheri yaunenge uchida kuverenga. Kana paine zvikamu zveBhaibheri zvakarekodhwa mumutauro wako, unogonawo kuzviwana pajw.org.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe