November 2-8
EKSODHO 39-40
Rwiyo 89 Nemunyengetero
Mashoko Ekusuma (1 min.)
PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI
“Mozisi Akanyatsoteerera Mirayiridzo”: (10 min.)
Eks 39:32—Mozisi akanyatsoteerera mirayiridzo yaakapiwa pakuvaka tebhenekeri (w11 9/15 27 ¶13)
Eks 39:43—Mozisi akaongorora tebhenekeri payakapera kuvakwa
Eks 40:1, 2, 16—Mozisi akamisa tebhenekeri sezvaakanga arayirwa naJehovha (w05 7/15 27 ¶3)
Kuchera Pfuma muShoko raMwari: (10 min.)
Eks 39:34—VaIsraeri vanogona kunge vakawana kupi matehwe ekushandisa pakugadzira tebhenekeri? (it-2-E 884 ¶3-4)
Eks 40:34—Gore parakafukidza tende rekusanganira, zvairatidzei? (w15 7/15 21 ¶1)
Ndezvipi zvawakawana pakuverenga Bhaibheri kwevhiki rino zvine chekuita naJehovha, ushumiri kana kuti zvimwewo?
Kuverenga Bhaibheri: (4 min. zvichidzika) Eks 39:1-21 (th chidzidzo 5)
SHANDA NESIMBA MUUSHUMIRI
Vhidhiyo Yepaunoona Munhu Kekutanga: (4 min.) Kukurukurirana. Ratidzai vateereri vhidhiyo yacho. Vhidhiyo painoita seyamira, ibvai maimisa uye bvunzai mibvunzo iripo mozoenderera mberi. Kurukurai kuti muparidzi angaramba sei asina divi raanotsigira kana saimba akatanga kutaura zvematongerwo enyika.
Paunoona Munhu Kekutanga: (3 min. zvichidzika) Tanga nemharidzo yekuenzanisira. Pindura saimba ari kubvunza maonero ako panyaya dzezvematongerwo enyika. (th chidzidzo 12)
Hurukuro: (5 min. zvichidzika) w16.04 29 ¶8-10—Musoro: Tingaratidza Sei Kuti Hatipindiri Mune Zvenyika Pane Zvatinotaura Kana Kuti Zvatinofunga? (th chidzidzo 14)
KURARAMA KWECHIKRISTU
Teerera Kuti Unzwisise (Mt 13:16): (15 min.) Ratidzai vateereri vhidhiyo yacho. Kana yapera bvunzai kuti: Nei tichifanira kuteerera tonzwisisa zvinenge zvichitaurwa? Rugwaro rwaMako 4:23, 24 runorevei? Muenzaniso upi ungatibatsira kunzwisisa zvinoreva rugwaro rwaVaHebheru 2:1? Tingaratidza sei kuti tinonzwisisa zvinenge zvichitaurwa?
Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano: (30 min. zvichidzika) jy chits. 139
Mashoko Ekugumisa (3 min. zvichidzika)
Rwiyo 139 Nemunyengetero