PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | REVHITIKO 4-5
Ipa Jehovha Zvakanakisisa Zvauinazvo
MuIsraeri, urombo hwaisatadzisa munhu kuti ave neushamwari hwakanaka naJehovha. Kunyange muIsraeri akanga ari murombo wekupedzisira aigona kupa chibayiro chaigamuchirwa naJehovha, chero bedzi chibayiro chacho chaiva chakanakisisa zvichienderana nemawaniro ake. Aigona kupa furawa, asi Jehovha aitarisira kuti inge iri furawa “yakatsetseka,” seiya yaishandiswa pakubikira muenzi anokosha. (Ge 18:6) Mazuva ano, Jehovha anogamuchira “chibayiro chekurumbidza” chatinopa nemwoyo wese kunyange tichitadza kuita zvakawanda nekuda kwemamiriro edu ezvinhu.—VaH 13:15.
Izvi zvinokukurudzira sei kana usisakwanisi kuita zvawaimboita kare zvichida nemhaka yekuti wava kurwara kana kuti wakwegura?