RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • mwb25 November pp. 2-3
  • November 3-9

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • November 3-9
  • Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2025
Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2025
mwb25 November pp. 2-3

NOVEMBER 3-9

RWIYO RWASOROMONI 1-2

Rwiyo 132 Nemunyengetero | Mashoko Ekusuma (1 min.)

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI

1. Nyaya Yerudo Rwechokwadi

(10 min.)

[Ratidzai VHIDHIYO inonzi Kusuma Rwiyo rwaSoromoni.]

Soromoni akarumbidza chaizvo musikana wekuShurami uye akati aizomupa zvinhu zvakawanda zvinokosha (Rwi 1:​9-11)

Musikana wekuShurami ainyatsoda mukomana wake uyo aiva mufudzi, uye izvi zvakaita kuti arambe akaperera kwaari (Rwi 2:​16, 17; w15 1/15 30 ¶9-10)

Musikana wekuShurami akamira akapeta maoko akafuratira Mambo Soromoni ari kumukoka kutende rake. Vashandi vatatu vaSoromoni vakamira pamberi petende, mumwe akabata jira, mumwe akabata mudziyo wekuisira mvura uye mumwe akabata chirongo.

ZANO: Paunenge uchiverenga Rwiyo rwaSoromoni muShanduro yeNyika Itsva, shandisa chikamu chakanzi “Zviri Mubhuku Racho” kuti uzive kuti mashoko acho akataurwa naani.

2. Kuchera Pfuma muShoko raMwari

(10 min.)

  • Rwi 2:7—VaKristu vasina kuroora kana kuroorwa vanodzidzei kumusikana wekuShurami? (w15 1/15 31 ¶11)

  • Ndezvipi zvawakawana pakuverenga Bhaibheri kwevhiki rino?

3. Kuverenga Bhaibheri

(4 min.) Rwi 2:​1-17 (th chidzidzo 12)

SHANDA NESIMBA MUUSHUMIRI

4. Kutanga Kukurukura Nevanhu

(3 min.) PAIMBA NEIMBA. Shandisa imwe yenyaya dziri mumashoko ekuwedzera A ebhurocha raIva Nerudo Nevanhu. (lmd chidzidzo 1 pfungwa 3)

5. Kudzokera Kuvanhu Vakaratidza Kufarira

(4 min.) PAIMBA NEIMBA. Shandisa imwe yenyaya dziri mumashoko ekuwedzera A ebhurocha raIva Nerudo Nevanhu. (lmd chidzidzo 9 pfungwa 3)

6. Kuita Kuti Vanhu Vave Vadzidzi

(5 min.) lff chidzidzo 18 sumo uye pfungwa 1-3 (th chidzidzo 8)

KURARAMA KWECHIKRISTU

Rwiyo 46

7. “Munhu Asinganyimi Achakomborerwa”

(15 min.) Kukurukura nevateereri kunoitiswa nemukuru.

Patinoshandisa nguva yedu nezvinhu zvedu kubatsira vamwe tinowana makomborero. Chokwadi ndechekuti munhu watinenge tabatsira anofara uye isu vacho tinofarawo. (Zvi 22:9) Tinofara nekuti tinoziva kuti tiri kutevedzera Jehovha uye kuti kupa kwatinenge taita kuchaita kuti Jehovha atifarire.—Zvi 19:17; Jak 1:17.

Kasikana kari kukanda mari mubhokisi remupiro.
Mumwe murume akabata tablet ari kuita kuti aendese mari yemupiro pamwedzi pamwedzi ichibva muakaundi yake.

Ratidzai VHIDHIYO inonzi Kupa Kunoita Kuti Tifare, mobvunza vateereri kuti:

  • Vanhu vari muvhidhiyo vanoti kudii nezvekufara kwavakaita pavakabatsirwa nehama nehanzvadzi dziri pasi rese?

  • Vanotiwo kudii nezvekufara kwavakaita pavakabatsira vamwe?

Dzidza Zvimwe Paindaneti

Ruoko ruri kukanda mari yezvipo mubhokisi remupiro.

Ungaita sei kuti upe mari yezvipo yekutsigira basa reZvapupu zvaJehovha? Enda paJW Library app papeji yekutanga nechekuzasi wobaya pakanzi “Donations.” Munyika dzakawanda uchaona panenge pakanzi FAQ. Ukapabaya uchaona PDF yakanzi Mari Yezvipo Inopiwa kuZvapupu zvaJehovha—Mibvunzo Inonyanya Kubvunzwa.

8. Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano

(30 min.) lfb chidzidzo 32 ne33

Mashoko Ekugumisa (3 min.) | Rwiyo 137 Nemunyengetero

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe