RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • mwb25 November pp. 4-5
  • November 10-16

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • November 10-16
  • Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2025
Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2025
mwb25 November pp. 4-5

NOVEMBER 10-16

RWIYO RWASOROMONI 3-5

Rwiyo 31 Nemunyengetero | Mashoko Ekusuma (1 min.)

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI

1. Kuva Neunhu Hwakanaka Kunokosha

(10 min.)

Matauriro aiita musikana wekuShurami airatidza kuti aiva neunhu hwakanaka (Rwi 4:​3, 11; w15 1/15 30 ¶8)

Kuzvibata kwaiita musikana uyu kwaifananidzwa nemunda wakanaka chaizvo (Rwi 4:12; w00 11/1 11 ¶17)

Kuva neunhu hwakanaka kunokosha kupfuura runako rwekunze, uye tese tinogona kuva neunhu hwakanaka kana tikashanda nesimba (g04-E 12/22 9 ¶2-5)

Mapikicha: 1. Hanzvadzi iri kunyaradza imwe hanzvadzi yechidiki iri kunetseka. 2. Hama yechidiki iri kufara kubatsira imwe hama yechikuru vari vese muushumiri.

ZVIBVUNZE KUTI, ‘Unhu hupi hwechiKristu hwandinonyanya kuyemura pahama nehanzvadzi?’

2. Kuchera Pfuma muShoko raMwari

(10 min.)

  • Rwi 3:5—Nei “vanasikana veJerusarema” vainzi vapike “nemhara uye nenondo dzemusango”? (w06 11/15 18 ¶4)

  • Ndezvipi zvawakawana pakuverenga Bhaibheri kwevhiki rino?

3. Kuverenga Bhaibheri

(4 min.) Rwi 4:​1-16 (th chidzidzo 2)

SHANDA NESIMBA MUUSHUMIRI

4. Kutanga Kukurukura Nevanhu

(3 min.) PAIMBA NEIMBA. Udza munhu wacho nezvezvidzidzo zveBhaibheri zvatinoitisa. (lmd chidzidzo 6 pfungwa 4)

5. Kutanga Kukurukura Nevanhu

(4 min.) KUPARIDZA ZVISINA KURONGWA. Ratidza munhu wacho kuti angawana sei zvinhu zvinobudiswa mumutauro wake pawebsite yedu inonzi jw.org. (lmd chidzidzo 4 pfungwa 3)

6. Hurukuro

(5 min.) ijwbq nyaya 131—Musoro: Bhaibheri Rinotii Nezvezvishongo Uye Kupoda-poda? (th chidzidzo 1)

KURARAMA KWECHIKRISTU

Rwiyo 36

7. Roora Kana Kuti Roorwa munaShe Chete (Ge 28:2)

(8 min.)

Ratidzai VHIDHIYO yacho.

8. Uri Munhu Ane Unhu Hwakanaka Hunodiwa Muwanano Here?

(7 min.) Kukurukura nevateereri.

Uri kutsvaga munhu wekuroora kana kuroorwa naye here? Kana vaKristu vanoda kupinda muwanano vachikuona, vanoona uri munhu ane unhu hwakanaka hwechiKristu here? Munhu anogona kunyepedzera kuita sekunge ane unhu hwakanaka hwechiKristu, asi nekufamba kwenguva zvaari chaizvo zvinozobuda pachena.

Hanzvadzi iri kuita kuti mumwe mukadzi wechikuru agare payanga yakagara.
Hama iri kupa munhu wainoshanda naye turakiti pavari kubva pabasa rekuvaka ravari kuita.
Hama nehanzvadzi mbiri vari muushumiri. Imwe hama yacho iri kuudza hanzvadzi dzacho ndima yekunoparidza.

Nyora vhesi inoenderana neunhu huri kutaurwa pasi apa hunoratidzwa nemuKristu ane unhu hwakanaka.

  • Kuda Jehovha uye kutenda maari

  • Kukwanisa kuva musoro wemhuri akanaka kana kuzviisa pasi pemusoro wemhuri

  • Kusafunga zvakangokunakira uye kuzvipira kurasikirwa nechimwe chinhu uchiitira mumwe munhu

  • Kusamhanyirira kuita zvinhu uye kuva munhu anonzwisisa

  • Kushanda nesimba

9. Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano

(30 min.) lfb chidzidzo 34 ne35

Mashoko Ekugumisa (3 min.) | Rwiyo 44 Nemunyengetero

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe