NOVEMBER 24-30
ISAYA 1-2
Rwiyo 44 Nemunyengetero | Mashoko Ekusuma (1 min.)
1. “Vanhu Vakaremerwa Nekukanganisa” Vanova Netariro
(10 min.)
[Ratidzai VHIDHIYO inonzi Kusuma Bhuku raIsaya.]
Vanhu vaMwari vainge “vakaremerwa nekukanganisa” (Isa 1:4-6; ip-1 14 ¶8)
Jehovha aida kuvaregerera zvachose, kudai vaizopfidza (Isa 1:18; ip-1 28-29 ¶15-17)
ZVEKUFUNGA NEZVAZVO: Zvakataurwa naJehovha achiudza vaIsraeri zvinoita kuti tive nechokwadi chei paya patinenge tichinetseka kuti Jehovha achatiregerera here pazvivi zvakakura zvatakaita?
2. Kuchera Pfuma muShoko raMwari
(10 min.)
Isa 2:2—“Gomo reimba yaJehovha” rinomiririrei? (ip-1 39 ¶9)
Ndezvipi zvawakawana pakuverenga Bhaibheri kwevhiki rino?
3. Kuverenga Bhaibheri
(4 min.) Isa 2:1-11 (th chidzidzo 11)
4. Kutanga Kukurukura Nevanhu
(3 min.) PAIMBA NEIMBA. Shandisa imwe yenyaya dziri mumashoko ekuwedzera A ebhurocha raIva Nerudo Nevanhu. (lmd chidzidzo 3 pfungwa 3)
5. Kudzokera Kuvanhu Vakaratidza Kufarira
(4 min.) PAIMBA NEIMBA. Munhu wacho anokuudza kuti ane imwe nyaya yaari kuda kuti mutaure nezvayo yakasiyana neyawanga wauya wakagadzirira kuzokurukura naye. (lmd chidzidzo 7 pfungwa 4)
6. Hurukuro
(5 min.) ijwbq nyaya 96—Musoro: Chii Chinonzi Chivi? (th chidzidzo 20)
Rwiyo 38
7. Iva Shamwari yaJehovha—Jehovha Anoregerera
(15 min.) Kukurukura nevateereri.
Ratidzai VHIDHIYO yacho. Kana zvichiita, itai kuti vana vamakatosarudza vauye kuchikuva, movabvunza mibvunzo inoenderana nevhidhiyo yacho uye kuti vadzidzei.
8. Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano
(30 min.) lfb chidzidzo 38, mashoko ekusuma chikamu 7, uye chidzidzo 39