RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • wp21 nha. 2 pp. 4-6
  • Nyika Ino Ichaguma Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nyika Ino Ichaguma Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2021
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Chii Chisiri Kuzoguma?
  • Chii Chichaguma?
  • ZVATINODA—Kubviswa Kweutongi Hwevanhu
  • Nyika Ichaparadzwa Here?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Mvura Inoparadza Nyika—Zvichaitika Zvakare Here?
    Dzidza Kumudzidzisi Mukuru
  • Kuguma Kwenyika Unokutya, Unokutarisira Kana Kuti Waneta Nokukumirira Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2021
wp21 nha. 2 pp. 4-6
Mhuri iri kudya pamwe chete ichifara. Baba vari kugocha zvekudya vachiisa patafura.

Nyika Ino Ichaguma Here?

Zvimwe unoziva kuti Bhaibheri rinotaura kuti nyika ichaguma. (1 Johani 2:17) Rinenge richireva kuparara kwevanhu vese here? Nyika nezvese zvinorarama pairi zvichaparadzwa here?

MHINDURO YEBHAIBHERI KUMIBVUNZO MIVIRI IYI NDEYEKUTI AIWA!

Chii Chisiri Kuzoguma?

VANHU

Zvinotaurwa neBhaibheri: Mwari ‘haana kungosikira nyika pasina, asi akaiumba kuti igarwe.’—ISAYA 45:18.

Dhamu rakakomberedzwa nemakomo nesango remiti.

NYIKA

Zvinotaurwa neBhaibheri: “Chimwe chizvarwa chinoenda, uye chimwe chizvarwa chinouya, asi nyika inoramba iripo nekusingaperi.”—MUPARIDZI 1:4.

ZVAZVINOREVA: Bhaibheri rinodzidzisa kuti nyika haifi yakaparadzwa uye vanhu vacharamba vachigara pairi. Saka rinenge richirevei parinoti nyika ichaguma?

FUNGA IZVI: Bhaibheri rinofananidza kuguma kuchaita nyika ino nezvakaitika mumazuva aNoa. Panguva iyoyo ‘nyika yakanga yazara nekurwisana.’ (Genesisi 6:13) Asi Noa aiva munhu akarurama. Saka Mwari akamuchengetedza nemhuri yake, asi akaparadza vanhu vakaipa achishandisa mafashamo. Bhaibheri richitaura zvakaitika rinoti: “Nyika yepanguva iyoyo yakaparadzwa payakafukidzwa nemvura.” (2 Petro 3:6) Uku ndiko kwaitova kuguma kwenyika panguva iyoyo. Asi chii chakaparadzwa? Haisi nyika chaiyo asi vanhu vakaipa vaiva panyika. Saka Bhaibheri parinotaura nezvekuguma kwenyika rinenge risingarevi kuparadzwa kwenyika chaiyo chaiyo. Asi rinenge richireva kuparadzwa kwevanhu vakaipa nemasangano avo.

Chii Chichaguma?

ZVINHU ZVESE ZVAKAIPA

Zvinotaurwa neBhaibheri: “Kwangosara nguva diki, uye vakaipa havazovipozve; uchatarisa pavaiva, asi vanenge vasisipo. Asi vanyoro vachagara nhaka yenyika, uye vachafara zvikuru vaine rugare rwakawanda.”—PISAREMA 37:10, 11.

Mapikicha: 1. Vanhu vakavhara zviso zvavo vari kubuda nezvinhu zvavaba muchitoro. 2. Mumwe murume ari kupihwa bhegi rakazara mari.

ZVAZVINOREVA: Mafashamo emunguva yaNoa haana kutsvaira zvachose zvinhu zvakaipa zvaiva panyika. Pakapera Mafashamo, vanhu vakaipa vakatangazve kuita zvinhu zvaiita kuti vamwe vanhu vatambure. Asi Mwari ava pedyo kubvisa zvinhu zvese zvakaipa. Ndizvo zvairehwa nemunyori wepisarema paakati: “Vakaipa havazovipozve.” Mwari achabvisa zvinhu zvese zvakaipa achishandisa Umambo hwake. Umambo hwaMwari ihurumende iri kudenga ichatonga vanhu vakarurama vanenge vari panyika.

FUNGA IZVI: Vatungamiriri venyika vachatsigira here Umambo hwaMwari? Bhaibheri rinoratidza kuti havasi kuzohutsigira. Vachatopikisa Umambo hwaMwari. (Pisarema 2:2) Zvichaguma nei? Umambo hwaMwari huchaparadza hurumende dzese dziri panyika, uye “ndihwo hwega hucharamba huripo nekusingaperi.” (Dhanieri 2:44) Asi nei hurumende idzi dzichifanira kuparadzwa?

ZVATINODA—Kubviswa Kweutongi Hwevanhu

Zvinotaurwa neBhaibheri: “Hazvisi kumunhu ari kufamba kuti aruramise nhanho dzake.”—JEREMIYA 10:23.

Vanhu vari kupfuura pakanamirwa mapepa evanhu vari kukwikwidza musarudzo.

ZVAZVINOREVA: Vanhu havana kusikirwa kuti vazvitonge. Havakwanisi kutonga vamwe vanhu kana kugadzirisa matambudziko avo.

FUNGA IZVI: Rimwe bhuku rinonzi Britannica Academic rinoti, zvinoita sekuti hurumende hadzisi kukwanisa “kupedza matambudziko akadai seurombo, nzara, zvirwere, njodzi dzinongoitika dzega, hondo, kurwisana nezvimwewo.” Rinoenderera mberi richiti: “Vamwe . . . vanofunga kuti kana hurumende dzese panyika dzikabatana, pova nehurumende imwe chete, hurumende iyoyo inogona kugadzirisa matambudziko aya.” Asi kunyange hurumende dzese dzikabatana, nyika inenge ichiri kungotongwa nevanhu vane chivi vasingakwanisi kugadzirisa matambudziko ataurwa. Umambo hwaMwari chete, ndiyo hurumende ichakwanisa kugadzirisa zvachose matambudziko ari kusangana nevanhu.

Taona zvinorehwa neBhaibheri parinotaura nezvekuguma kwenyika. Saka vanhu vakanaka havafaniri kutya. Vanotofanira kufara nekuti nyika ino yaora, ichatsiviwa nenyika itsva yakanaka yaMwari!

Zvinhu izvi zvichaitika riini? Nyaya inotevera icharatidza kuti Bhaibheri rinoti kudii.

    Mabhuku eChiShona (1973-2022)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2022 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe