Zvinotaurwa neBhaibheri Zvinotibatsira
Ona kuti Bhaibheri rakabatsira sei mamiriyoni evanhu pazvinhu izvi 4.
1. Wanano
Vanhu vane maonero akasiyana-siyana panyaya yewanano uye panyaya yekuti zvii zvinodiwa kuti vanhu vafare muwanano.
BHAIBHERI RINOTI: “Kunyange zvakadaro, mumwe nemumwe wenyu anofanira kuda mudzimai wake sezvaanozviita; mudzimai anofanirawo kuremekedza murume wake zvikuru.”—VaEfeso 5:33.
ZVAZVINOREVA: Mwari ndiye akatanga urongwa hwewanano, saka anoziva zvinodiwa kuti murume nemudzimai vafare. (Mako 10:6-9) Murume nemudzimai vanofara kana mumwe nemumwe akaisa pfungwa pane zvaangaita kuti asimbise wanano yavo, kwete kungofunga zvaanoda iye. Murume anoda mudzimai wake anomuchengeta uye anomubata zvakanaka. Uye mudzimai anoremekedza murume wake anozviratidza nezvaanoita uye nematauriro aanoita.
MAZANO EBHAIBHERI ANOBATSIRA: Quang naThi, vekuVietnam vaiona sekuti havaizombofa vakafara muwanano yavo. Quang aisabata mudzimai wake zvakanaka. Anoti: “Ndaisava nebasa nekuti mudzimai wangu anonzwa sei uye ndaigara ndichimunyadzisa.” Thi akanga ava kuda kuti vadambure muchato. Akati: “Ndaiona sekuti ndainge ndisisakwanisi kuvimba nemurume wangu kana kumuremekedza.”
Quang naThi vakazodzidza Bhaibheri uye vakatanga kushandisa zvinotaurwa pana VaEfeso 5:33 muwanano yavo. Quang akati: “Vhesi iyi yakandibatsira kuona kuti ndinofanira kubata vamwe zvakanaka, kuita kuti Thi afare, anzwe kuti anodiwa, uye kumupa zvaanoda pakurarama. Pandinoita izvi, zvinoita kuti mudzimai wangu andide uye andiremekedze.” Thi akatiwo, “Pandinoremekedza murume wangu sezvinotaurwa pana VaEfeso 5:33, anowedzera kundida uye kuita kuti ndinzwe ndisina chekutya uye ndiine rugare.”
Kuti uwane mamwe mashoko panyaya yewanano, verenga Mukai! Nhamba 2 2018, ine musoro unoti “Zvinhu 12 Zviri Kubatsira Mhuri Kuti Dzifare” pajw.org.
2. Mabatiro Atinofanira Kuita Vamwe
Vanhu vanowanzobata vamwe zvakaipa nemhaka yekuti havasi verudzi rwavo, vanobva kune imwe nyika, vane chitendero chakasiyana nechavo, vanoratidzika sei, kana kuti vane mafungiro akasiyana neavo panyaya dzebonde.
BHAIBHERI RINOTI: “Kudzai vanhu vese.”—1 Petro 2:17.
ZVAZVINOREVA: Bhaibheri haritidzidzisi kuti tivenge vanhu vekune dzimwe nyika, vemamwe marudzi, kunyange ngochani. Asi rinotikurudzira kuti tiremekedze vanhu vese pasinei nekuti vakapfuma here kana kuti varombo, ndeverudzi rwupi kana kuti vanobva kunyika ipi. (Mabasa 10:34) Kunyange tisingabvumirani nezvinotendwa nevamwe kana kuti nezvavanoita, tinofanira kuramba tichivabata zvakanaka uye tichivaremekedza.—Mateu 7:12.
MAZANO EBHAIBHERI ANOBATSIRA: Daniel akakura achidzidziswa kuona vanhu vekuAsia sevanhu vanogona kuvhiringidza zvinhu munyika yake. Akatanga kuvenga vanhu vese vanobva kuAsia uye aiwanzovatuka pakazara vanhu. Daniel akati: “Ndaiona sekuti ndiri kungotsigirawo nyika yangu.” Akatiwo: “Handina kumbobvira ndaona sekuti zvandaiita kana kuti mafungiro angu zvakanga zvisina kunaka.”
Daniel akazodzidza Bhaibheri. Akati: “Ndaitofanira kunyatsochinja mafungiro angu.” Akaenderera mberi achiti: “Ndaitofanira kudzidza kuona vanhu semaonerwo avanoitwa naMwari. Mukuona kwaMwari vanhu vese vakafanana pasinei nekwavanobva.” Daniel akataura kuti iye zvino anonzwa sei paanoona vanhu vemamwe marudzi. Akati: “Iye zvino handisisina kana basa nekuti vanobva kupi. Ndinoda vanhu vese uye ndine shamwari dzinobva kunyika dzakasiyana-siyana.”
Kuti uwane mamwe mashoko, verenga Mukai! Nhamba 3 2020, ine musoro unoti “Rusarura Ruchapera Here?” pajw.org.
3. Mari
Vanhu vakawanda vanoraramira kutsvaga pfuma vachifunga kuti ndizvo zvichaita kuti vafare uye vave neramangwana rakanaka.
BHAIBHERI RINOTI: “Uchenjeri hunodzivirira sekudzivirira kunoita mari, asi ruzivo rwakanakira pakuti: Uchenjeri hunochengetedza upenyu hwemuridzi wahwo.”—Muparidzi 7:12.
ZVAZVINOREVA: Mari tinoida, asi handiyo inoita kuti tifare kana kuti tive neramangwana rakanaka. (Zvirevo 18:11; 23:4, 5) Mufaro wechokwadi uye ramangwana rakanaka zvinobva pakushandisa mazano euchenjeri anobva kuna Mwari atinowana muBhaibheri.—1 Timoti 6:17-19.
MAZANO EBHAIBHERI ANOBATSIRA: Mumwe murume wekuIndonesia anonzi Cardo airaramira kutsvaga pfuma. Akati: “Ndaiva nezvinhu zvese zvinoshuvirwa nevakawanda.” Akaenderera mberi achiti: “Ndaikwanisa kuenda chero kwandada, kutenga zvinhu zvinodhura, mota, nedzimba.” Asi pfuma iyoyo yakazoparara. Cardo akati: “Ndakazotsotswa uye mari yese yandakanga ndashandira kwemakore ese iwayo yakazongoerekana yapera. Ndakanga ndaita makore akawanda ndichiunganidza pfuma, asi ndakazosara ndaora mwoyo nekuti ndakanga ndisisina kana chinhu uye ndainzwa sendisingabatsiri.”
Cardo akatanga kushandisa mazano anotaurwa neBhaibheri panyaya dzemari. Haachararamiri kutsvaga pfuma asi ava kurarama upenyu husina twakawandawanda. Cardo akati: “Iye zvino ndava kunzwa sekuti ndava nepfuma chaiyo nekuti ndine ushamwari hwakanaka naMwari.” Akatiwo, “ndinonyatsorara hope uye ndine mufaro wechokwadi.”
Kuti uwane mamwe mashoko panyaya yezvinotaurwa neBhaibheri nezvemari, verenga nyaya yakanzi “Dzidzo Uye Mari Zvinoita Kuti Uve Neramangwana Rakanaka Here?” iri muNharireyomurindi Nhamba 3 2021, pajw.org.
4. Bonde
Vanhu vane maonero akasiyana-siyana panyaya yekuti ndezvipi zvinganzi zvakanaka kana kuti zvakaipa panyaya dzebonde.
BHAIBHERI RINOTI: “[Regai] upombwe. Mumwe nemumwe wenyu anofanira kudzidza kudzora muviri wake muutsvene nekukudzwa, asingaratidzi makaro nekusazvidzora pakuda zvebonde sezvinoitwa nemamwe marudzi asingazivi Mwari.”—1 VaTesaronika 4:3-5.
ZVAZVINOREVA: Bhaibheri rinotipa mitemo panyaya dzebonde. Shoko rakashandurwa kuti “upombwe” rinosanganisira kuita zvepabonde nemunhu wausina kuroorana naye iwe uri muwanano, kuita zvechipfambi, kuita zvepabonde kwevanhu vasiri muwanano, ungochani, uye kuita zvepabonde nemhuka. (1 VaKorinde 6:9, 10) Bonde chipo chakabva kuna Mwari chaakapa murume nemudzimai vari muwanano chete.—Zvirevo 5:18, 19.
MAZANO EBHAIBHERI ANOBATSIRA: Mumwe mukadzi wekuAustralia anonzi Kylie akati: “Ndisati ndaroorwa, ndaifunga kuti ndikarara nemumwe munhu zvaizoita kuti andide uye asandisiya. Asi handizvo zvakaitika. Ndakasara ndichinetseka uye ndainzwa sekuti hapana anondida.”
Kylie akazodzidza Bhaibheri uye akashandisa zvarinodzidzisa panyaya dzebonde. Akati: “Ndinonyatsoona kuti mitemo yaMwari iripo kuti itibatsire kuti tisazvirwadzisa.” Akatiwo, “Iye zvino handisisina kana chekutya uye ndava kunyatsonzwa kuti ndinodiwa nekuti ndiri kuita zvinodiwa naJehovha. Kushandisa zvinotaurwa neBhaibheri kwakandibatsira kuti ndisaita zvinhu zvinondiunzira marwadzo!”
Kuti uwane mamwe mashoko, verenga nyaya iri pajw.org yakanzi “Bhaibheri Rinotii Nezvekugara Pamwe Chete Musina Kuchata?”
Musiki wedu anotibatsira kuti tizive zvakanaka uye zvakaipa. Kunyange zvazvo kuteerera zvaanoti tiite kusiri nyore nguva dzese, kunotibatsira. Tinogona kuva nechokwadi chekuti kana tikateerera tichava nemufaro unogara nekusingaperi.