NYAYA YEKUDZIDZA 39
RWIYO 54 “Iyi Ndiyo Nzira”
Usanonokera Kubatsira Vanhu Vanoda Kuziva Chokwadi
“Vese vaiva nechido chekuwana upenyu husingaperi vakava vatendi.”—MAB. 13:48.
ZVATICHADZIDZA
Tichadzidza kuti ndepapi patinofanira kuudza vanhu nezveurongwa hwatinoita hwekudzidza nevanhu Bhaibheri uye kuti ndepapi patinofanira kukoka vanhu kumisangano yedu.
1. Vanhu vanowanzoita sei pavanonzwa mashoko akanaka? (Mabasa 13:47, 48; 16:14, 15)
PANGUVA yakatanga chiKristu, vanhu vakawanda vaigamuchira chokwadi pavaingotanga kuchinzwa. (Verenga Mabasa 13:47, 48; 16:14, 15.) Mazuva ano kune vamwe vanhu vanofara pavanonzwa mashoko akanaka kekutanga. Uyewo kune vamwe vanogona kusafarira mashoko akanaka pakutanga, asi pava paya vozoagamuchira. Saka chii chatinofanira kuita patinoona vanhu vanoda kudzidza chokwadi nezvaMwari?
2. Basa redu rekuparidza rakafanana papi neremurimi?
2 Tinogona kufananidza basa redu rekuparidzira nezvinoitwa nemurimi. Kana murimi akaona zvirimwa zvinenge zvaibva mumunda make, anogona kubva atozvitemha. Asi anoramba achisakurira uye achidiridzira zviya zvisati zvaibva. Ndizvo zvatinoitawo patinoparidza mashoko akanaka. Kana tikaona munhu anofarira chokwadi, tinobva tamubatsira nekukurumidza kuti ave mudzidzi waKristu. Asiwo tinoramba tichiedza kubatsira vaya vachiri kuda kanguva kuti vaone kukosha kwemashoko akanaka. (Joh. 4:35, 36) Kana tikanzwisisa mamiriro ezvinhu evanhu, zvichatibatsira kuziva kuti tovabatsira sei. Munyaya ino, tichakurukura zvatingaita kuti tibatsire vanhu vanoda kuziva chokwadi patinongotanga kuvaona. Uyewo, tichakurukura zvatingaita kuti tivabatsire kuti varambe vachifambira mberi pakunamata.
KANA TIKAWANA VANHU VANODA KUZIVA CHOKWADI
3. Tinofanira kuita sei kana tikaona munhu anoda kuziva chokwadi? (1 VaKorinde 9:26)
3 Kana tikawana vanhu vanoda kuziva chokwadi, tinofanira kukurumidza kuvabatsira kuitira kuti vatange kufamba munzira inoenda kuupenyu. Tinofanira kubva tatovaudza nezveurongwa hwekudzidza Bhaibheri, tobva tavakoka kumisangano.—Verenga 1 VaKorinde 9:26.
4. Taura zvakaitika pakaparidzirwa mumwe munhu aitoda kuziva chokwadi.
4 Udza vanhu nezveurongwa hwekudzidza Bhaibheri. Vamwe vanhu vatinotaura navo vanogona kunge vachitoda kudzidza Bhaibheri. Izvi ndizvo zvakamboitika kuCanada. Rimwe zuva uri musi weChina, mumwe mukadzi akaenda pachingoro achibva atora bhurocha raRarama Nekusingaperi Uchifara! Hanzvadzi yaiva pachingoro yakamutsanangurira kuti yaigona kudzidza naye Bhaibheri ichishandisa bhurocha iroro. Mukadzi wacho akataura kuti aida kudzidza uye vakabva vapanana nhamba dzefoni. Pava paya musi iwoyo, mukadzi uya akatumira hanzvadzi yedu meseji achibvunza kuti vachatanga kudzidza riini? Hanzvadzi yedu yakataura kuti yaigona kuzouya kumba kwake pakupera kwevhiki. Asi mukadzi wacho akabva ati: “Ko mukauya mangwana? Ndiripo.” Saka vakatanga kudzidza Bhaibheri musi weChishanu. Mukadzi wacho akabva atotanga kupinda misangano kupera kwevhiki iroro chairo uye hazvina kumbomutorera nguva kuti ave neushamwari hwakasimba naJehovha.
5. Kunzwisisa kuti vanhu vanosiyana kunotibatsira sei kuti tizive patinogona kutaura nezveurongwa hwekudzidza Bhaibheri? (Onawo mifananidzo.)
5 Asi haasi munhu wese anobva afarira kudzidza Bhaibheri ipapo ipapo sezvakaitwa nemukadzi uyu. Tinofanira kunzwisisa kuti vamwe vanhu vanoda kumbopiwa nguva. Tinogona kutanga nekutaura navo nyaya yavanofarira. Asi kana tikaramba tiine tariro yekuti vachazoda kudzidza uye toramba tichiratidza kuti tinovada, pasina nguva tinogona kutotanga kudzidza navo Bhaibheri. Saka tingavaudza sei nezveurongwa hwekudzidza Bhaibheri? Ngatimboonai zvakataurwa nedzimwe hama nehanzvadzi dzine unyanzvi pakutanga zvidzidzo zveBhaibheri.
Kana tikasangana nevanhu vakafanana nevari kuratidzwa pamifananidzo iyi, zvii zvatingaita kuti vade kudzidza Bhaibheri? (Ona ndima 5)a
6. Zvii zvatingataura kuitira kuti tizokwanisa kukurukurazve nemunhu anenge aratidza kufarira mashoko edu?
6 Mapiyona uye vaparidzi vakabvunzwa nezvekutanga zvidzidzo zveBhaibheri vakataura kuti mune dzimwe nyika kana uchida kutaura nezveurongwa hwekudzidza Bhaibheri zviri nani kuti usashandisa mashoko akadai sekuti “kudzidza,” “kosi yeBhaibheri,” kana kuti ekuti “kudzidzisa Bhaibheri.” Vakaona kuti vanowanzobudirira kana vakashandisa mashoko akadai sekuti “kukurukura nezveBhaibheri,” kana kuti “kutaura nezveBhaibheri.” Kuitira kuti munhu wacho ade kuzotaura newe zvakare, unogona kumuudza kuti, “Zviri sei ndikazodzoka zvakare tokurukura rimwe vhesi rinogona kutibatsira muupenyu?” Unogonawo kubva wati: “Hazvimbotori nguva asi mumaminitsi mashomanana tinenge tatodzidza chimwe chinhu chinotibatsira muupenyu.” Unogona kuita kuti munhu ade kuti udzoke zvakare usina kumboshandisa mashoko akadai sekuti “ndichapota ndichidzoka vhiki rega rega tichikurukura.” Nekuti kana ukashandisa mashoko iwayo munhu anogona kufunga kuti hauzombobvi pamba pake.
7. Vamwe vanhu vakatangira kunzwa chokwadi kupi? (1 VaKorinde 14:23-25)
7 Vakoke kumusangano. Zvinoita sekuti panguva yemuapostora Pauro vamwe vanhu pavakatanga kupinda misangano ndipo pavakatotanga kunzwa chokwadi. (Verenga 1 VaKorinde 14:23-25.) Izvi zvinowanzoitikawo mazuva ano. Vanhu vakawanda vanowanzokurumidza kufambira mberi pakunamata pavanotanga kupinda misangano yedu. Saka tinofanira kukoka munhu riini? Muchidzidzo 10 chebhuku raRarama Nekusingaperi Uchifara! ndimo munotaurwa nezvenyaya yekukoka munhu kumusangano. Asi haufaniri kumirira kuti utange wasvika pachidzidzo ichocho kuti uzokoka munhu kumusangano. Unogona kutomukoka pamunotanga kukurukura mese. Pamwe unogona kumuudza musoro wehurukuro yavose kana chimwe chinhu chichadzidzwa muChidzidzo cheNharireyomurindi chevhiki iroro.
8. Ndezvipi zvinhu zvaunogona kuudza munhu waunenge uchikoka kumisangano? (Isaya 54:13)
8 Paunenge uchikoka munhu kumisangano, mutsanangurire kuti misangano yedu yakasiyana sei nezvaanoziva zvinoitwa kune mamwe machechi. Mumwe mudzidzi weBhaibheri paakatanga kupinda chidzidzo cheNharireyomurindi akabvunza mudzidzisi wake kuti: “Munhu anga achiitisa uyu anotoziva vanhu vese nemazita avo here?” Hanzvadzi yedu yakamutsanangurira kuti tinoedza kuzivana nemunhu wese ari muungano nekuti tiri mhuri imwe chete. Mudzidzi iyeye akataura kuti kuchechi kwavo vanhu vakawanda havatombozivani. Tinogona kutsanangurirawo munhu wacho kuti misangano yedu ine pamwe payakasiyana nezvinoitwa nemamwe machechi. (Verenga Isaya 54:13.) Tinoungana kuti tinamate Jehovha, tidzidziswe naye uye kuti tikurudzirane. (VaH. 2:12; 10:24, 25) Ndosaka tichiita misangano yedu zvakarongeka, tichidzidza zvinoshanda muupenyu uye tisina tutsika twatinotevedzera. (1 VaK. 14:40) Uyewo patinonamatira hapashamisiri asi pakagadzirwa kuitira kuti munhu wese akwanise kunyatsodzidza zvakanaka. Patinoungana hatitomboparidze tichitaura zvematongerwo enyika nekuti hatina divi ratinotsigira. Uye hatiungane kuti tiitisane nharo pamusoro pemaonero edu kana kuti dzimwe nyaya dzinenge dzichinetsa munyika. Unogonawo kugara waratidza mudzidzi wacho vhidhiyo rinonzi Chii Chinoitwa paImba yoUmambo? Izvi zvichamubatsira kuti azive zvekutarisira paachazouya.
9-10. Paunenge uchikoka mumwe munhu kumisangano zvii zvaunogona kumuudza kuti asazeze kuuya? (Onawo mufananidzo.)
9 Vamwe vanhu vanozeza kuuya kumisangano nekuti vanenge vachitya kuti vanozonzi vave mumwe weZvapupu zvaJehovha. Udza munhu waunenge uchikoka kuti anogona kungouya ototeerera musangano wacho odzokera hake kumba. Vanhu vane mhuri vanogona kuuyawo kunyange vaine vana vadiki. Pamisangano yedu vana havadzidziswi vari kwavo vega. Asi vabereki vanogara pamwe chete nevana vavo vachidzidza pamwe chete. Izvi zvinoita kuti vabereki vacho vazive kuti vana vavo vanaani uye kuti vari kudzidziswei. (Dheut. 31:12) Hatifambisi ndiro yekukumbira mari. Asi tinotevedzera zvakataurwa naJesu kuti: “Makagamuchira pachena, ipai pachena.” (Mat. 10:8) Unogona kuudzawo munhu wacho kuti haafaniri hake kuuya akapfeka zvinhu zvinoshamisira. Mwari anokoshesa mwoyo wemunhu kwete zvaari nechekunze.—1 Sam. 16:7.
10 Kana munhu akauya kumusangano mugamuchire zvakanaka. Ita kuti azivane nevakuru uye vamwe vaparidzi. Kana akanzwa akasununguka izvi zvichaita kuti asazeze kuzodzoka zvakare. Kana asina Bhaibheri, shandisa rako kuti muone pamwe chete, uye mubatsire kuti afambirane nezvinenge zvichikurukurwa.
Kana munhu akakurumidza kutanga kupinda misangano, anokurumidzawo kufambira mberi pakunamata (Ona ndima 9-10)
PAUNOTANGA CHIDZIDZO CHEBHAIBHERI
11. Ungaratidza sei kuti unonzwisisa kuti mudzidzi wako ane zvimwewo zvaanenge achida kuita muupenyu?
11 Ndezvipi zvatinofanira kuyeuka patinotanga chidzidzo cheBhaibheri? Unofanira kuratidza kuti unonzwisisa kuti mudzidzi wako ane zvimwewo zvinhu zvaanenge achida kuita muupenyu. Saka kana muine nguva dzamakawirirana, svika nenguva kunyange kana vanhu vemunharaunda menyu vasingawanzobate nguva. Uyewo pamunotanga kudzidza zviri nani kuti chidzidzo chenyu chekutanga chisarebesa. Vamwe vaparidzi vane unyanzvi vakaona kuti zviri nani kukurumidza kupedza kunyange kana munhu wacho achinakidzwa nekudzidza kwamuri kuita. Uyewo haufaniri kutaurisa. Asi ita kuti mudzidzi wako akwanise kunyatsotsanangura manzwiro aanenge achiita uye maonero ake.—Zvir. 10:19.
12. Ndechipi chinofanira kuva chinangwa chedu kubva patinotanga kudzidza nemunhu Bhaibheri?
12 Kubvira paunotanga kudzidza nemunhu Bhaibheri chinangwa chako chinofanira kunge chiri chekumubatsira kuti azive uye ade Jehovha naJesu. Saka nguva dzese unofanira kumuratidza zvinotaurwa neBhaibheri kwete kutaura mafungiro ako. (Mab. 10:25, 26) Izvi ndizvo zvaiitwa nemuapostora Pauro. Aiziva kuti Jesu akanga auya kuzobatsira vanhu kuziva Jehovha uye kuti vamude. (1 VaK. 2:1, 2) Saka paaidzidzisa aiita kuti vanhu vaise pfungwa pana Jesu Kristu. Pauro akaratidzawo kuti zvinokosha kuti tibatsire vadzidzi vatsva kuva neunhu hwakanaka hwaakafananidza negoridhe, sirivha uye matombo anokosha. (1 VaK. 3:11-15) Unhu ihwohwo hunosanganisira kuva nekutenda, uchenjeri, ungwaru uye kutya Jehovha. (Pis. 19:9, 10; Zvir. 3:13-15; 1 Pet. 1:7) Tevedzera madzidzisiro aiita Pauro kuburikidza nekubatsira vadzidzi vako kuti vave nekutenda kwakasimba uye vave neushamwari hwepedyo naBaba vavo vekudenga vane rudo.—2 VaK. 1:24.
13. Tingaratidza sei mwoyo murefu uye kunzwisisa patinenge tichibatsira vanhu vatinodzidza navo? (2 VaKorinde 10:4, 5) (Onawo mufananidzo.)
13 Jesu aidzidzisa nemwoyo murefu uye airatidza kuti ainzwisisa. Newewo ndizvo zvaunofanira kutevedzera. Usabvunza mudzidzi wako mibvunzo inoita kuti anyare. Kana ukaona kuti ane zvaari kunetseka nazvo kuti abate, munogona kumbozvisiya mozozvikurukura pave paye. Pane kuti umumanikidze kuti abvume imwe dzidziso, mupe nguva yekuti chokwadi chinyatsodzika midzi mumwoyo make. (Joh. 16:12; VaK. 2:6, 7) Bhaibheri rinofananidza dzidziso dzenhema nezvinhu zvakadzika midzi zvatinofanira kuparadza. (Verenga 2 VaKorinde 10:4, 5) Zvinogona kunge zvisiri nyore kuti mudzidzi asiyane nezvinhu zvaava nenguva achitenda. Saka tinofanira kutanga tabatsira mudzidzi wedu kuti ave neushamwari hwakasimba naJehovha. Kana akatanga kuvimba naJehovha zvichamuitira nyore kuti asiyane nedzidziso idzodzo dzakadzika midzi maari.—Pis. 91:9.
Ipa mudzidzi wako nguva yekuti chokwadi chinyatsodzika midzi maari (Ona ndima 13)
MUNHU PAANOTANGA KUUYA KUMISANGANO
14. Tinofanira kubata sei vaya vanotanga kuuya kumisangano yedu?
14 Pane zvinhu zvinoita kuti vanhu vasarurwe zvakadai setsika dzavo, kwavanobva kana kuti mari yavainayo. Asi Jehovha haadi kuti tisarure vanhu. (Jak. 2:1-4, 9) Saka tingaratidza sei kuti tinoda vaya vanouya kumisangano yedu?
15-16. Zvii zvatinogona kuita kuti vanhu vanenge vatanga kuuya pamisangano yedu vanzwe vakasununguka?
15 Vamwe vanhu vanogona kuuya kumisangano yedu nekuti vanenge vachida kuona kuti zvii zvinenge zvichiitwa imomo. Uyewo vamwe vanogona kuuya nekuti vanenge vakanzi nemumwe munhu anogara kune imwe nzvimbo vapindewo misangano yedu. Saka patinovaona tinofanira kuvagamuchira, asi hatifaniri kuzonyanyisa zvekuti vanobva vatanga kunyara. Munogona kugara mese pamisangano yacho. Munogona kuona mese Bhaibheri nemabhuku anenge achidzidzwa, kana kuti unogona kutomutsvagira zvake. Uye fungawo zvimwe zvaunogona kuita zvinobatsira kuti munhu wacho anzwe akasununguka. Mumwe murume paakatanga kuuya kuImba yeUmambo akaudza hama yakamutambira kuti ainyara nezvaakanga akapfeka. Hama yacho yakamuudza kuti asanetseka nekuti hembe handidzo dzinonyanya kukosha. Uyewo akamuudza kuti tinongovawo vanhu vakafanana nevamwe vese. Murume uyu akatozosvika pakubhabhatidzwa asi haana kumbobvira akanganwa zvaakaudzwa nehama iyoyo. Asiwo pane zvatinofanira kuzongwarira patinenge tichitaura nevanhu vanenge vauya kumisangano yedu. Tinofanira kuratidza kuti tinovafarira asi hatifaniri kuzobvunza zvinhu zvisinei nesu.—1 Pet. 4:15.
16 Pane zvimwewo zvatinofanira kuita zvinogona kubatsira kuti vanhu vanenge vauya kumisangano yedu vanzwe vakasununguka. Patinenge tichitaura navo, patinopa mhinduro uye patinopa hurukuro, tinofanira kuratidza kuti tinoremekedza vanhu vasiri Zvapupu uye zvinhu zvavanotenda. Hatifaniri kutaura mashoko anovagumbura kana anoita kuti vasade kuzodzoka zvakare. (Tito 2:8; 3:2) Saka izvi zvinoreva kuti hatizotauri mashoko ekushora zvavanotenda. (2 VaK. 6:3) Hama dzinopa hurukuro dzavose dzinofanira kunyatsongwarira panyaya iyi. Uyewo pavanenge vachipa hurukuro vanofanira kushandisa mashoko ari nyore kuti vanhu vasiri Zvapupu vaanzwisise.
17. Ndechipi chinangwa chedu patinoona vanhu vanoda kuziva chokwadi?
17 Nguva yekuita kuti vanhu vave vadzidzi iri kuramba ichipera uye tiri kuramba tichiona vanhu vanoda kuziva chokwadi. (Mab. 13:48) Patinoona vanhu ava, tinofanira kukurumidza kuvaudza nezvekudzidza Bhaibheri uye kuvakoka kumisangano yedu. Izvi zvichavabatsira kuti vatore matanho anoita kuti vafambe ‘mumugwagwa unoenda kuupenyu.’—Mat. 7:14.
RWIYO 64 Kuita Basa Rekukohwa Tichifara
a KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Hama mbiri dziri kuparidzira murume aimbova musoja. Murume wacho akazorora hake akagara panze; hanzvadzi mbiri dziri kuparidzira mudzimai ari kuratidza kuti ane zvakawanda zvekuita.