Rwanda
RWANDA imwe yenyika duku kupfuura dzimwe dzose muAfrica. Imwewo yedzakanaka kupfuura dzimwe dzose. Inozivikanwa seNyika Yechiuru Chemakomo nokuti ine makomo, masango, madziva, nemapopoma, pamwe nemhuka nemiti zvakasiyana-siyana. Makomo eVirunga ndiwo akanyanya kukura munharaunda yemakomo ari pakati peRwanda neDemocratic Republic of the Congoa iri kumavirira uye Uganda iri kumaodzanyemba. Gomo reKarisimbi, iro rakamboputika mabota anopisa, ndiro rakareba kupfuura makomo aya ose richisvika mamita 4 480 uye rinowanzogara rakachena chando nechepamusoro nemhaka yechimvuramabwe. Mujinga memakomo aya makaita kusosera nemishenjere nemimwewo miti uye mune tsoko, dzasara shomanana, dzinenge dzichisvetuka-svetuka mumapazi. Ndimo zvakare munowanikwa mhuka dzinokosheswa zvikuru muRwanda dzinonzi magorira.
Masango anoyevedza uye akasvibira akakura zvokusvika kumahombekombe eDziva reKivu uye kuSango reNyungwe. Musango iri mune zvimupanzi netsoko nemamwe marudzi emhuka anopfuura 70. Mune marudzi emiti anenge 270 uye marudzi eshiri anoda kusvika 300. Mashavishavi nemaruva akawanda zvinobva zvawedzera runako rwenzvimbo iyi inochengetedzwa.
Pakati peSango reNyungwe panotangira karukova kaduku kanoerera zvishoma nezvishoma kachienda kumabvazuva. Kanozonosangana netumwewo tuhova nenzizi zvozonodira muDziva reVictoria. Kubva imomo, mvura iya inoyerera nesimba yakananga kuchamhembe ichipfuura nomuEthiopia, muSudan, yozopedzisira yava muEgypt mainozonodira muGungwa reMediterranean. Ruchitanga rwuri rudukuduku mumakomo ane miti yakawanda epakati peAfrica, rwizi urwu rwaNile rwakareba makiromita 6 825, zvokuti rumwe rwenzizi dzakareba kupfuura dzimwe dzose pasi pano.
NGUVA DZAKAOMA
Zvisinei, chinosuwisa ndechokuti munyika iyi duku yeRwanda makaitika mhirizhonga inotyisa. Muchimwe chezviitiko zvakaipisisa zvokuedza kuparadza rudzi zvati zvamboitika mazuva ano, mazana ezviuru zvevarume, vakadzi, nevana akaurayiwa zvoutsinye. Nhepfenyuro dzepasi pose dzakabudisa zviitiko zvokurwisana kusina aidzora, zvikaita kuti vakawanda vatyiswe nokuona vanhu vachiitira vamwe vavo zvakaipa kudaro.—Mup. 8:9.
Zvinhu zvakafambira sei vashumiri vaJehovha vakatendeka munguva idzi dzakaipa uye mumakore akazotevera? Sezvinongoitawo karwizi kanoita sekenhandonhando kanobuda musango reNyungwe kachipfuura nomunzvimbo dzomuAfrica dzakaoma, dzinopisa, kozova rwizi rukuru, vanhu vaJehovha muRwanda vakaramba vachiita basa raMwari. Vakatsungirira vachitambudzwa zvikuru, mumamiriro ezvinhu akaoma uye hama dzavo nehanzvadzi pasi pose dziri kusimbaradzwa uye dziri kukurudzirwa nezvavakaita. Nyaya yeRwanda ichakubaya mwoyo pauchaverenga nhoroondo dzinoratidza rudo, kutenda, uye kuvimbika. Tinovimba kuti nyaya iyi ichakukurudzira kuwedzera kukoshesa kwaunoita ukama hwako naJehovha nehama dzedu dzechiKristu.
CHIEDZA CHINOTANGA KUPENYA
Mushumo wekutanga wekuparidzwa kwemashoko akanaka muRwanda waiva mu1971 Yearbook of Jehovah’s Witnesses. Mushumo wacho waiti: “Muna March gore rino [1970] mapiyona chaiwo maviri akakwanisa kupinda muRwanda akatanga basa rokuparidza muguta guru reKigali. Vakaona kuti vanhu vemo vane ushamwari uye vanoteerera shoko roUmambo, uye munhu mumwe chete anofarira ava kutobuda mubasa romumunda. Mapiyona acho akatotanga zvidzidzo gumi nevanhu vashomanana vanotaura chiSwahili. Vari kushanda zvakaoma kuti vaedze kudzidza chiKinyarwanda kuitira kuti vakwanise kuparidzira vanhu vakawanda.”
Mapiyona acho ndiOden Mwaisoba nomudzimai wake Enea, vaibva kuTanzania. Sezvo vakanga vasati vava kuziva chiKinyarwanda chinotaurwa imomo, vakatanga nokushanyira vanhu vanotaura chiSwahili, vakawanda vacho vakanga vabva kuCongo kana kuti kuTanzania. Pakazosvika February 1971, pakanga pava nevaparidzi vana vaishuma, asi pakanga pasina kana bhuku redu raive muchiKinyarwanda, saka izvi zvaiita kuti vanhu vasawedzera nokukurumidza.
Stanley Makumba, mutariri wedunhu aiva noushingi aishandira muKenya, akashanyira Rwanda kekutanga muna 1974. Anoti: “Kwakanga kusina mabhazi akawanda aibva kumuganhu weUganda neRwanda achienda kuRuhengeri, muRwanda. Ndakaenda ndakamira kumashure kwemotokari pasina kana pekupfakanyika napo. Mudzimai wangu akanga akagara kumberi nomutyairi. Patakasvika kwataienda, akaita kunge achatadza kundiziva neguruva rakanga razara kumeso kwangu nomumusoro. Ndakarwadziwa nomusana zvokuti vhiki rose ndakapa hurukuro ndakagara kunyange pagungano redunhu duku rakazoitwa pakupera kwevhiki racho. Pakushanyira hama ndakanga ndisingadziudzi kuti ndaisvika riini nokuti taisaziva kuti tichafamba nei!”
KUDZOKA KWECHIZVARWA CHOMURWANDA
Mumazuva iwayo Gaspard Rwakabubu, chizvarwa chomuRwanda, aishanda samakanika mumigodhi yemhangura kuCongo. Anoti: “Muna 1974, ndakapinda Chikoro Choushumiri hwoUmambo kuKolwezi. Mumwe wevarayiridzi, Michael Pottage, akati hofisi yebazi kuKinshasa yaitsvaka mukuru anobva kuRwanda aida hake kudzokerako kunobatsira mubasa rokuparidza. Akabvunza kana ndaida kuenda. Ndakati ndaizokurukura nyaya yacho nomudzimai wangu, Melanie.
“Panguva iyoyo ndakanga ndaudzwa nomukuru wepakambani yandaishandira kuti ndaizoenda kuGermany kunodzidzira basa. Ndaigona basa chaizvo, uye mari yandaitambira yaigara ichiwedzerwa. Asi hatina kumbotora mazuva tisati tasarudza zvokuita. Ndakaudza Hama Pottage kuti taida kudzokera kuRwanda. Mukuru wekubasa kwangu haana kundinzwisisa. ‘Ko kuno haugoni kuva mumwe weZvapupu zvaJehovha here?’ akabvunza. ‘Ko zvokudzokera kuRwanda ndizvo zvinei?’ Kunyange dzimwe hama dzaindinyengetedza kuti ndisaende dzichiti zvaizondiipira. Dzaiti: ‘Une vana vana. Verenga Ruka 14:28-30, ugare pasi unyatsofunga.’ Asi takatsika madziro.
“Mukuru wokubasa kwangu akandibhadharira mari yendege yokudzokera kuRwanda. Patakasvika kuKigali, muna May 1975, takarenda imba yezvidhinha zvisina kutsva ine huriri husina semende, yakanga yakasiyana nokure nemba yaiva nezvose yataigara pandaishandira kambani yemigodhi. Kunyange zvakadaro takanga tagara tangoti chauya chauya, saka taisazochinja zvatakanga tasarudza.”
Sezvo mapiyona chaiwo aibva kune dzimwe nyika aishandisa chiSwahili, vakawanda vaifunga kuti mapiyona aya aiuya kuzodzidzisa vanhu mutauro iwoyo. Izvozvo zvakazochinja pakasvika Gaspard nemhuri yake, nokuti vakakwanisa kudzidzisa vanhu chokwadi choUmambo vachishandisa Bhaibheri rechiKinyarwanda.
Hama Rwakabubu vakazoshandurawo kabhuku kaiva nemapeji 32 kainzi “This Good News of the Kingdom” muchiKinyarwanda. Kakabudiswa muna 1976 uye vakawanda vakakafarira. Vanhu vaikaverenga mumabhazi uye mumigwagwa. Kushandiswa kwezita raJehovha kwakaita kuti vakawanda vade kunzwa zvakawanda.
VANHU VEMURWANDA VANOGAMUCHIRA CHOKWADI
Panguva iyi muRwanda maingova nevaparidzi 11 chete, vazhinji vacho vasiri zvizvarwa zvemo. Mumwe wevanhu vomuRwanda vakatanga kudzidza chokwadi ndiJustin Rwagatore. Akatanga kudzidza nemapiyona chaiwo aibva kuTanzania mumutauro weSwahili, sezvo vakanga vasingagoni chiFrench kana kuti chiKinyarwanda. Aiva munhu ane ushamwari uye akabhabhatidzwa muna 1976 achigara muSave, umo maiva mokutanga kubvumirwa namambo weRwanda kuti mamishinari echechi yeRoma avhure chikoro muna 1900. Justin anoyeuka kuti vanhu vaida chaizvo kuziva kuti Bhaibheri rinombodzidzisei. Zvisinei, vafundisi vaivenga Zvapupu zvaJehovha zvikuru, saka vairambidza vanhu vavo kuvateerera kana kutambira mabhuku avo.
Ferdinand Mugarura, hama yaiva nokutenda kusingazununguki, mumwezve wevanhu vomuRwanda vakatanga kuwana chokwadi. Muna 1969, paaigara muCongo nechokumabvazuva, akawana bhuku raZvokwadi Inotungamirira Kuupenyu Husingagumi rechiSwahili. Paakazoziva kwaiva neZvapupu, iye neshamwari dzake mbiri vaibva pamba Chishanu choga choga, vofamba makiromita 80 kuti vanopinda misangano nekudzidza Bhaibheri, uye vaizodzoka kumba neMuvhuro. Ferdinand akabhabhatidzwa muna 1975, musi wakabhabhatidzwawo mumwe wevanhu vaakadzidzisa Bhaibheri. Akazogadzwa kuti ave piyona chaiye muRwanda muna 1977 uye anoyeuka kuti gore rakanga rapfuura racho gungano redunhu rakanga raitirwa mumba maHama Rwakabubu rikapindwa nevanhu 34. Pakabhabhatidzwa vanhu vatatu.
MAMISHINARI ANORAMBIDZWA KUPINDA
Sezvo Dare Rinodzora richigara rakangwarira kunenge kuchidiwa vaparidzi munyika yose, rakanga ratoronga mamishinari aizoenda kuRwanda. Muna 1969, mamishinari mana akanga apedza kudzidza mukirasi yechi47 yeGiriyedhi akakumbirwa kuti aende ikoko.
Nicholas Fone anoyeuka kuti: “January ava kunopera, Hama Knorr vakaudza mumwe nomumwe aiva mukirasi kwaaizoenda. Takavanzwa vachiudza Paul naMarilyn Evans kuti vaizoenda kuRwanda. Vakazoti kwandiri nomudzimai wangu: ‘Imimi muri kuendawo navo!’ Takazofara, uye musangano wapera takamhanyira kuraibhurari yepaGiriyedhi kunotsvaka Rwanda mubhuku remepu. Zvisinei takazogamuchira tsamba yaitiudza kuti hama dzakanga dzakundikana kupiwa mvumo yokuti tipinde muRwanda. Takaodzwa mwoyo, asi takazonzi tiende kuCongo pamwe naPaul naMarilyn.”
Muna 1976, mamwe mamishinari mana, varume nemadzimai avo, akatumirwa kuRwanda apedza kudzidza mukirasi yechi60 yeGiriyedhi. Akabvumirwa kupinda muRwanda, akatanga kugara muimba yokurenda, akaparidza noushingi, uye akatanga kudzidza chiKinyarwanda. Mavhiza avo paakaguma kushanda pashure pemwedzi mitatu, hurumende yakaramba kuvapa mamwe, saka vakatumirwazve kuBukavu, iri nechokumabvazuva muCongo.
“VAISHANDA NESIMBA”
Pakati pema1970, mapiyona chaiwo aibva kuTanzania neCongo akatanga kubva muRwanda nezvikonzero zvakasiyana-siyana. Ukuwo hama dzomuRwanda dzakatanga kupayona uye kuwedzera basa rokuparidza kuti risvike kunzvimbo dzose dzomuRwanda. Muna 1978 bhuku raZvokwadi nematurakiti maviri zvakazoshandurirwa muchiKinyarwanda. Pakazovawo neNharireyomurindi, yaibudiswa kamwe chete pamwedzi. Zvinyorwa izvi zvakabatsira kuti basa rokuparidza Umambo rifambire mberi. Mumwe mumishinari, Manfred Tonak, anotaura nezvemapiyona emuRwanda mazuva iwayo okutanga achiti: “Vaishanda nesimba, uye nguva yavo zhinji vaiva muushumiri. Vatsva vakavatevedzerawo.”
Gaspard Niyongira anorondedzera kupararira kwaiita mashoko akanaka mazuva iwayo. “Pandakazobhabhatidzwa muna 1978, vafundisi vakanga vava kutya pavaiona vakawanda vachiuya muchokwadi. Mazana evanhu aipinda magungano edu. Pataibuda kunoparidza, taiita kunge mhashu! Kazhinji, vaparidzi vaida kusvika 20 vaibva pakati peguta reKigali netsoka kusvika kuKanombe, mufambo unoda kusvika makiromita mapfumbamwe. Vaimbomira masikati kuti vadye vozosimudzira kwemamwe makiromita manomwe vachisvika kuMasaka vozodzokera kuKigali nebhazi manheru. Izvi ndizvo zvaiitwawo nevamwe vaparidzi mudzimwe nzvimbo dzeRwanda. Nemhaka yokuparidza nesimba uku, hazvishamisi kuti vanhu vaiona sokuti kune zviuru zveZvapupu zvaJehovha. Nemhaka yeizvi takapomerwa nhema, zvikaita kuti hurumende irambe kutinyoresa zviri pamutemo.”
Nokufarira kwadzaiita chokwadi, hama dzomuRwanda dzaidawo kumboona kuti zvinofadza sei kusangana nehama dzokune dzimwe nyika. Saka muna December 1978, hama 37 dzaibva kuRwanda, kusanganisira vana vaduku, dzakaita rwendo rwemakiromita 1 200 kuenda kuNairobi, Kenya, dzichipfuura nomuUganda kuti dzinopinda Gungano Remarudzi Akawanda raiti “Kutenda Kunokunda.” Rwendo rwacho rwakanga rwakaoma. Zvokufambisa zvacho zvakanga zvisiri zvokuvimba nazvo nokuti zvaifa kakawanda. Uyezve zvematongerwo enyika zvakanga zvisina kugadzikana muUganda. Pakazosvika vanhu vaienda kugungano kumuganhu weKenya neUganda, vakapomerwa nevashandi veUganda kuti vaiva vasori, vakavasunga, ndokuenda navo kumuzinda wemauto kuKampala, Uganda. Idi Amin, purezidhendi weUganda wepanguva iyoyo akavabvunzurudza. Paakagutsikana nemhinduro dzavo, akavati vasunungurwe. Kunyange zvazvo vakarasikirwa nepurogiramu yezuva rokutanga regungano muNairobi, hama idzodzo dzakafara kuona zviuru zvehama dzaibva kunyika dzakawanda dzakabatana murunyararo.
KUEDZA KUNYORESWA ZVIRI PAMUTEMO
Havasi vanhu vose vakafadzwa nechokwadi cheBhaibheri uye tsika dzakanaka dzaidzidziswa neZvapupu. Vafundisi ndivo vakanyanya kusvotwa nokuona kuti vanhu vakawanda zvikuru vaiteerera Zvapupu. Hama Rwakabubu vanoyeuka kuti: “Vakawanda vaimbopinda chechi yeRoma nedzimwewo chechi vakatumira tsamba dzokubuda muchechi dzavo. Imwe hama yakati basa rokuparidza raiita kunge ratungidza moto mumachechi akanga agara aripo. Pasina nguva, nhamba yevanhu vaipinda misangano muUngano yeKigali yakanga yava kupfuura 200. Pakutanga vafundisi havana kumbonyanya kuticherechedza nokuti taiva vashomanana. Asi pataiwedzera, vamwe vakatanga kutipomera kuti tinokanganisa nyika. Sezvineiwo panguva iyoyo bhishopi mukuru wechechi yeRoma muRwanda, Vincent Nsengiyumva, akabva aitwa nhengo yedare repamusoro rebato raitonga.
“Sezvo taiwedzera nokukurumidza, taifanira kuzivikanwa zviri pamutemo kuti tikwanise kupinza mamishinari, kuvaka Dzimba dzoUmambo, uye kuita magungano makuru. Bazi romuKenya rakaronga kuti Ernest Heuse, aibva kuBelgium, ataure nemakurukota ehurumende achikumbira kuti tipiwe mvumo zviri pamutemo, asi hapana chakafamba. Muna 1982 bazi romuKenya rakazotiudza kuti tinyorere Gurukota Rezvokutongwa Kwenyaya uye Gurukota Rezvinoitika Mukati Menyika, tichikumbira kubvumirwa zviri pamutemo. Ndakasaina tsamba yacho nemamwe mapiyona chaiwo maviri. Hatina kupindurwa.”
Panguva iyoyo kupikiswa kwaiwedzera. Antoine Rugwiza, hama yakanyarara, yakadzikama, anoyeuka kuti munhepfenyuro yeredhiyo purezidhendi akati aisazowirirana nevanopesana nokunamata kwevanhu veRwanda. Munhu wose akaziva kuti aireva Zvapupu zvaJehovha. Pasina nguva azvitaura, takabva tarambidzwa kuita misangano. Pakatanga kufamba karunyerekupe kokuti taizosungwa. Hama Rwakabubu vakadaidzwa kaviri nevakuru vedhipatimendi rokuchengetedzwa kwenyika vachinobvunzurudzwa.
Muna November 1982, Kiala Mwango nomudzimai wake Elaine, vakazotumwa kubva kuNairobi kunoronga magungano edunhu muButare, muGisenyi, nomuKigali. Hama Rwakabubu ndivo vaiva sachigaro pamagungano aya. Vakanga vachangopedza gungano remuKigali pavakadaidzwa kechitatu kuhofisi yapurezidhendi. Asi rwendo rwuno havana kuzodzoka! Mumazuva mana akazotevera, mamwe mapiyona chaiwo maviri akanga asaina chikumbiro chokubvumirwa zviri pamutemo akasungwawo. Vose vari vatatu vakaiswa mujeri pasina kutongwa kana kupiwa mukana wokuzvidzivirira. Vamwe vaparidzi vakatanga kusungwawo. Imba yoUmambo yakavharwa ikakiyiwa nehurumende. Gurukota Rezvemitemo rakanyorera vakuru vemumatunhu tsamba yaiti Zvapupu zvaJehovha zvakanga zvisisabvumirwi.
Hama nhatu dzakanga dzasaina gwaro rokukumbira kubvumirwa zviri pamutemo dzakazogadzwa dare muna October 1983. Dare rakavapa mhosva yokukorovhera uye kunyengera vanhu, izvo zvakanga zvisina kana uchapupu. Hapana kana munhu mumwe chete kana gwaro zvakashandiswa souchapupu mudare racho. Asi kunyange zvakadaro hama dzacho nhatu dzakatongerwa makore maviri. Hama idzi dzakatendeka dzakasiyiwa mujeri pakabudiswa dzimwe mhondi pachirongwa chokuregerera vasungwa. MuGisenyi, zvimwe Zvapupu zvishanu zvakagara mujeri kweanoda kusvika makore maviri zvisina kutongwa kana kupinzwa mudare.
UPENYU HWEMUJERI
Upenyu hwemujeri hwakanga hwakaoma. Maidyiwa kamwe chete pazuva, zvokudya zvacho zviri mufarinya nebhinzi. Nyama yaidyiwa kanenge kamwe chete pamwedzi. Mibhedha yacho yaiva netsikidzi, asi nemhaka yokuwandisa, vasungwa vakawanda vairara pasi. Mvura yokugeza yainetsa. Hama dzakanga dzakapfigirwa pamwe nematsotsi emakoko aida zvokurwa. Magadhijeri aiwanzova noutsinye, kunyange zvazvo mumwe wavo, Jean Fataki, aiva nemutsa neZvapupu. Akabvuma kudzidza Bhaibheri, akazova Chapupu chakabhabhatidzwa, uye nanhasi ndipiyona akatendeka.
Hama Rwakabubu vanoyeuka kuti: “Pataiva mujeri, bhishopu uya mukuru akaitisa Misa imomo. Akaudza vateereri vake kuti vangwarire Zvapupu zvaJehovha. Vamwe vechechi yeRoma vakazotibvunza kuti sei bhishopu mukuru akanga ataura izvi, sezvo ivo vakanga vasingaoni chakaipa paZvapupu zvaJehovha.”
Panguva iyoyo, Roger naNoella Poels vakasvika muKigali vachibva kuBelgium. Roger ainge auya kuzoshanda. Hama dziya nhatu dzakanga dzichiri mujeri, saka Roger akakumbira kutaura neGurukota Rezvemitemo kuti aritsanangurire zvatinotenda uye anyatsobvunza kuti hurumende yaipomerei Zvapupu zvaJehovha. Gurukota racho rakamudimburira panzira nokungoti: “VaPoels, zvamataura zvakwana! Muri kudzokera kuBrussels nendege ichatanga kusimuka. Madzingwa munyika muno!”
Sezvo hama dziya nhatu dzakaramba dzakasimba dzisingatyi, dzakapika makore ose maviri adzakatongerwa, kunyange zvazvo rechipiri racho vakazoripedza vachinjirwa kune rimwe jeri raiva nani. Vakabudiswa muna November 1984.
KUTAMBUDZWA KUNOWEDZERA
Takaramba tichipikiswa. Nhepfenyuro yeredhiyo yakazivisa kuti Zvapupu zvaJehovha vanhu vakaipa vanoita zvinhu vachipfuura mwero. Pakazosvika March 1986, vanhu vakanga vava kusungwa kwose kwose. Mumwe wevakasungwa ndiAugustin Murayi, uyo akanga adzingwa basa rokuva mukuru muBazi Redzidzo, nokuti akanga asingapindire mune zvematongerwo enyika. Akatsoropodzwa nemapepanhau uye kunyanya paredhiyo.
Dzimwe hama nehanzvadzi, kunyange hanzvadzi dzaiva nepamuviri, nevana vaduku, vakasungwa munyika yose. Gore ra1986 rava kupera vakaendeswa kujeri guru kuKigali vachimirira kutongwa. Vanhu vaifunga kuti Zvapupu zvaJehovha zvinopikisa hurumende uye zviri kuedza kuipidigura nokuti zvairamba kuimba nziyo dzokurumbidza nyika, kupfeka bheji rapurezidhendi, kana kutenga kadhi rebato rezvematongerwo enyika.
Phocas Hakizumwami, achinyemwerera nomufaro, anoyeuka kuti: “Hama dzokuungano yokuNyabisindu ndidzo dzimwe dzevakatanga kusungwa. Sezvo tose taitarisira kuzopedzisira tasungwa, taiziva kuti ndima yedu yokuparidza yaizochinja tava kungoparidza mujeri. Saka takafunga kutanga taparidza nesimba mundima yedu yekunze, tisati tasungwa. Takaenda kumisika tikapa vanhu magazini nemabhuku akawanda. Takanyengetera kuna Jehovha kuti atibatsire kushanda ndima yedu yese tisati tasungwa. Jehovha akatibatsira, nokuti takapedza ndima yedu musi waOctober 1, 1985. Takazosungwa vhiki rakatevera racho.”
Gore rakatevera, Palatin Nsanzurwimo nomudzimai wake Fatuma, vakasungwa nevasori vehurumende. Vakaendeswa kujeri pamwe nevana vavo vatatu pashure pokubvunzurudzwa kwemaawa masere uye kusecherwa imba yavo. Vari munzira kuenda kujeri, munun’una waPalatin, uyo aivatevera ari pedyo, akatora mwanakomana wavo aiva nemakore mashanu uye mwanasikana aiva nemakore mana. Palatin naFatuma vakaiswa mujeri nemucheche wavo aiva negore nemwedzi miviri. Fatuma akazochinjirwa kune rimwe jeri akazobudiswa apika mwedzi mipfumbamwe.
Panguva iyoyo, vana vaJean Tshiteya vana vakadzingwa chikoro. Izvi zvichangoitika, akazowana zvinhu zvakaita hubvururu mumba make uye mudzimai wake asungwa, vana vasiyiwa vari voga mumba. Hama Tshiteya pachavo vakazosungwawo vakaiswa mujeri kuButare, kwaiva nomudzimai wavo nedzimwe hama. Vasungwa vose vaiva muButare vakazoendeswa kujeri guru kuKigali. Hama Tshiteya pavaiva mujeri vana vavo vaichengetwa nehama muKigali.
Hama Tshiteya vanoyeuka kuti: “Hama nehanzvadzi dzaibviswa kudzimwe nzvimbo dzichiunzwa kujeri guru muKigali, dzaikwazisana dzichifara, dzichiti ‘Komera!’ izvo zvinoreva kuti ‘Shinga!’ Mumwe mugadhijeri paakanzwa vachikwazisana saizvozvo akavatuka achiti: ‘Munopenga chete vanhu imi! Vanhu vangashinge sei ivo vari mujeri?’”
Pasinei nokusungwa uku, vanhu vaiva nemwoyo yakanaka havana kuodzwa mwoyo, uye kazhinji kutambudzwa kwacho kwakatobatsira. Odette Mukandekezi, imwe hanzvadzi yaifara uye yakachangamuka, mumwe wevanhu vakawanda vakasungwa panguva iyoyo. Anoti: “Mazuva ataitambudzwa, hama dzaisungwa dzichirohwa. Mumwe musi takasangana nomumwe musikana anonzi Josephine achifudza mombe. Aiva neBhaibheri uye akanga averenga mariri kuti vaKristu vokutanga vaizvidzwa, vaitambudzwa, vaizvamburwa, uye vaiiswa mumajeri. Sezvo aiziva kuti Zvapupu zvaitambudzwa, akabva angoti ndivo vari kunamata zvechokwadi, saka akakumbira kudzidziswa Bhaibheri. Iye zvino ihanzvadzi yakabhabhatidzwa.”
Mazuva atairambidzwa, Gaspard Niyongira aiva mutyairi wemarori, uye aiwanzoenda nebasa kuNairobi, Kenya. Pakudzoka kuRwanda aiviga mabhuku mubhokisi raakanga akagadzira parori yake. Bhokisi racho raitakura makatoni matanhatu emabhuku. Ukuwo Henry Ssenyonga, aibva kuUganda nechokumavirira, aigara achiyambuka nemagazini nemudhudhudhu wake.
Vanhu vaitofanira kupinda misangano yeungano vari mapoka maduku. Pavaifungira kuti Zvapupu zvaJehovha zviri kuita misangano, vakuru vehurumende vaiuya kuzosecha. Hama Niyongira vanoyeuka kuti: “Ndakanga ndakavaka kamwe kamba kakabatana nemba yangu kataiitira misangano pachivande. Taiisa mabhuku mumapurasitiki toacherera pasi tozofutsira nemarasha.”
Vanhu vakawanda pavakatanga kusungwa, Jean-Marie Mutezintare, uyo akanga achangobhabhatidzwa, akakwanisa kupinda gungano remarudzi akawanda raiti “Vachengeti Veperero” muNairobi muna December 1985. Pakudzoka kuRwanda, iye naIsaie Sibomana, vaifamba vachipiwa magazini nehama dzaigara muUganda nechekumavirira. Pavakasvika pamuganhu, magazini aya akabatwa vakabva vasungwa ndokuendeswa kunobvunzurudzwa vachibva varara vakapfigirwa muchitokisi kuchitonhora. Pasina nguva hama idzi dzakabva dzaendeswa kujeri guru muKigali. Vakasvikowana muine hama nehanzvadzi dzingasvika 140, idzo dzakafara zvikuru kunzwa zvakanga zvaitika kugungano kuNairobi. Zvechokwadi zvavakataura zvakakurudzira hama uye zvakadzisimbisa!
Hama dzaiva mujeri dzaiita misangano uye dzaironga basa rokuparidza. Vaidzidzisawo vasungwa kuverenga nokunyora. Uyezve vaiitisa vanhu vanofarira zvidzidzo zveBhaibheri vachibatsira vaparidzi vatsva vakawanda kuti vazobhabhatidzwa. Vamwe vakanga vasungwa vachitodzidza, uye vamwe vakanga vadzidza chokwadi vari mujeri.
MUTARIRI WEDUNHU “ANOSHANYIRA” VASUNGWA
Imwe hama inorondedzera zvakaitika vari mujeri kuKigali muna 1986 ichiti: “Hama dzakawanda dzaiva mujeri iri. Takaita musangano kuti tione kuti tingabatsira sei hama dzaiva kunze. Takasarudza kuvanyorera tsamba yokuvakurudzira. Takavaudza kuti taizodzoka kumba kana tapedza kuparidza ndima yedu yemujeri. Takaparidza tichibva pane mumwe mubhedha tichienda pane mumwe uye takaitisa zvidzidzo zveBhaibheri. Patakazonzwa kuti mutariri wedunhu aishanyira ungano dzaiva kunze, taidawo kushanyirwa, saka takanyengeterera nyaya yacho kuna Jehovha. Izvi zvichangoitika, Hama Rwakabubu, avo vaiva mutariri wedunhu, vakasungwa kechipiri. Kwatiri isu kwaitova kutishanyira kwavakaita.”
Pataitambudzwa, hama imwe chete ndiyo yakabvuma kukundwa nemuedzo. Paakapfeka bheji rezvematongerwo enyika, vasungwa vakanga vasiri Zvapupu vakamurova, vakamukava, vachimutuka vachiti imbwende. Mudzimai wake uyo aidzidza Bhaibheri, akamubvunza kuti sei akanga asina kuramba akatendeka. Akazonyorera vatongi vematare tsamba, achivaudza kuti akanga akanganisa uye kuti akanga achiri mumwe weZvapupu zvaJehovha. Akatonyorera hofisi yebazi kuKenya achikumbira ruregerero. Iye zvino ava kushumirazve Jehovha akatendeka.
VASINA KUSUNGWA VANORAMBA VACHIPARIDZA
Vaya vakanga vasina kusungwa havana kumboderedza basa ravo rokuparidza, zvokuti vaiita avhareji yemaawa 20 pamwedzi. Alfred Semali, mumwe wevaya vakanga vasina kusungwa anoti: “Kunyange zvazvo ndisina kumbosungwa, ndaitarisira kuti ndingangosungwa uye ndakanga ndakazvigadzirira. Imba yoUmambo yakanga yavharwa, saka taiita misangano tiri tumapoka uye takaramba tichiparidza. Ndaiisa magazini angu muhamvuropu yekaki, ndopinda muguta sendiri kutsvaga basa, ndotsvaka mukana wokupa vanhu magazini iwayo nokutanga kukurukura navo Bhaibheri.
“Muna 1986 hama dzedu dzakawanda nevanhu vaifarira, kunyange vaya vakanga vachangotanga kudzidza vakaiswa mujeri. Hama, kunyange dziya dzakanga dzichangowana chokwadi dzakaramba dzakasimba zvinoshamisa. Ukuwo Zvapupu zvomunyika dzakawanda zvakanyorera purezidhendi weRwanda zvichinyunyuta nezvokubatwa kwaiitwa Zvapupu, uye nhau dzeparedhiyo dzakati aitambira mazana etsamba pazuva. Izvi zvakabatsira, zvokuti gore rakatevera purezidhendi akapa murayiro wokuti hama dzedu nehanzvadzi nevanhu vanofarira vabudiswe. Takafara zvekufara zviya.” Pavakangobudiswa vakuru vakaronga kuti vanhu vabhabhatidzwe muKigali, pakabhabhatidzwa vanhu 36, uye 34 vacho vakabva vatora upiyona hwebetsero!
Kutambudzwa pakwakanyanya kuwedzera muna 1986, paiva neavhareji yevaparidzi 435 vaishuma; uye vanenge 140 vacho vakanga vambosungwa. Zvapupu izvi ndizvo zvakava musimboti wesangano raJehovha muRwanda. Kutenda kwavo kwakanga kwasimba nokuti kwakanga ‘kwaedzwa.’—Jak. 1:3.
Makore okusagadzikana ekuma1980 akazopera, ungano dzokuRwanda dzikavawo nekarunyararo uye dzakatanga kuwanda. Asi zvaizofamba sei mune remangwana? Vakawanda vakagamuchira chokwadi. Vatsva ivavo vaizoratidza kuti vadzidzi vakavakwa nezvinhu zvisingatsvi here? (1 VaK. 3:10-15) Kutenda kwavo kwaizoramba kwakasimba mumiedzo yaive mberi here? Zvaizoonekwa nekufamba kwenguva.
HONDO UYE KUSAGADZIKANA KWEZVEMATONGERWO ENYIKA
Pakazosvika 1990, pakanga pava nevaparidzi vaishingaira vangasvika 1 000 muRwanda. Asi zvematongerwo enyika zvakanga zvava kuita manyama amire nerongo, zvokuti muna October, varwi veRwandan Patriotic Front (RPF) vakapinda nechisimba muRwanda nechokuchamhembe vachibva muUganda.
Ferdinand Mugarura, imwe hama yakanga yakashinga yaive yamboiswa mujeri kaviri nemhaka yokutenda kwayo, yaigara kuRuhengeri pakatanga kupinda varwi ava. Anoyeuka kuti: “Kuvengana kwevanhu vasiri verudzi rumwe kwaipararira. Asi Zvapupu zvaJehovha zvakaramba zvisingapindiri mumapoka ezvematongerwo enyika kana kuvenga mamwe marudzi. Dzimwe hama dzakatozotiza misha yadzo uye dzimwe dzakarasikirwa nemabasa nemhaka yokuti dzairamba kupindira mune zvematongerwo enyika.”
Imwe hanzvadzi yaiva mudzidzisi iri chirikadzi ine vana vatatu, yakaramba kubvisa mari yokutsigira mauto. Mukuru wechikoro akabva amumhan’arira kuvakuru vemauto, akaendeswa kujeri kechipiri, nokuti akanga ambopika muma1980. Pakasvika varwi vaya vakabva kuUganda muguta raakanga ari mujeri, jeri rakapazwa vasungwa vose vakatiza. Asi hanzvadzi iyi haina kutiza nevamwe vasungwa, yakaramba iri mujeri. Pakadzokera varwi vaya, akasungwazve ndokuendeswa kujeri guru kuKigali. Ava ikoko akanyengetera kuti azive musi waizoitwa Chirangaridzo, sezvo akanga asingadi kuchipotsa. Zvakamushamisa zvikuru kuti akazobudiswa musi weChirangaridzo chaiwo! Nemhaka yokusapindira kwake mune zvematongerwo enyika, akarasikirwa nemba yake uye basa, asi akava piyona anoshingaira.
Dzimwe nyika dzakapindira ndokubva varwi vaibva kuUganda vambomira kurwisa. Muna 1991, vamwe vakatora matanho okuti muRwanda mubvumirwe mapato ezvematongerwo enyika akawanda. Pakavambwa mapato akati wandei makuru nemaduku, ayo akaita kuti vanhu vatange kusarura vanhu vasiri vematunhu avo kana kuti rudzi rwavo. Mamwe mapato aiva nevavariro dzakati nakei, asi mamwe aida zvemhirizhonga uye aipfuura mwero. Kusapindira mune zvematongerwo enyika kweZvapupu zvaJehovha kwakatangawo kuonekwa kuti kwakanaka. Kusatsigira kwavo rimwe bato kana kuti rudzi kwakaita kuti hurumende nevamwewo vanhu vasavaona sevavengi.
Muna September 1991, hama dzakabva kunyika dzakasiyana-siyana dzakabatana nehama dzomuRwanda, Gaspard Rwakabubu naTharcisse Seminega, ndokushanyira makurukota ehurumende muKigali. Vakakurukura negurukota idzva rezvemitemo, rikavateerera richivanzwira tsitsi. Hama dzakamutenda zvikuru nematanho aakanga atotora ndokumukurudzira kuti achitorawo rimwe danho rokutipa rusununguko rwokunamata.
Muna January 1992, tisati tabvumirwa zviri pamutemo, hama dzakaita gungano reruwa muKigali. Godfrey naJennie Bint vanonyatsoriyeuka. “Taishumira tiri muUganda panguva iyoyo uye takashamiswa patakawana tsamba yaibva kubazi rokuKenya ichitikumbira kuenda kuRwanda kwamavhiki matatu kunobatsira kuronga gungano reruwa uye kurekodha mutambo. Hama dzakatigamuchira nomufaro mukuru, uye zuva rega rega taikokwa kuzodya nemhuri dzakasiyana-siyana. Gungano racho raizoitirwa munhandare yebhora yakanga yabhadharwa, uye patakasvika vanhu vaitogadzirira. Hama dzakanga dzatoronga kurekodha mutambo uye dzakabudirira pasinei nokuti paisava nezvokushandisa zvakakwana. Kunyange zvazvo hama dzakawanda dzekuchamhembe dzisina kukwanisa kuwana mapepa okufambisa uye miganhu yokupinda muBurundi uye muUganda yakanga yakavharwa, paiva nevanhu 2 079 musi weSvondo, uye 75 vakabhabhatidzwa.”
KUZOBVUMIRWA ZVIRI PAMUTEMO!
Pashure pemwedzi mishomanana, musi waApril 13, 1992, basa reZvapupu zvaJehovha rakazonyoreswa kokutanga zviri pamutemo muRwanda. Nguva refu yokuzivisa mashoko akanaka tichirambidzwa, tichitambudzwa uye tichikandwa mumajeri yakanga yapfuura. Hama dzakanga dzava kutarisira kukura kwesangano.
Dare Rinodzora harina kumbononoka kutumira mamishinari. Henk van Bussel akanga amboshumira muCentral African Republic nomuChad, naGodfrey naJennie Bint, vaimboshumira muZaire (yava kunzi Democratic Republic of the Congo) nomuUganda, ndiwo mamishinari akatanga kupiwa mavhiza okuva vagari vomuRwanda. Dare Rinotarisira Basa Munyika rakagadzwa kuti ritungamirire basa rokuparidza.
Hama Bint vanoyeuka zvakaitika pavakatanga kusvika naHenk van Bussel: “Pasina nguva takawana imba yakakodzera yemamishinari pedyo neImba yoUmambo. Takabva tangotanga kudzidza chiKinyarwanda, uye chakatiomera zvisingaiti, sokuomera kwachakange chaita mapiyona chaiwo okutanga muna 1970. Rimwe bhuku rataishandisa rakatipa zano rokuti ‘Mavara CW akabatana anodudzwa achinzi TCHKW!’ Tichiri kuyeukawo hanzvadzi yaitidzidzisa ichiti, ‘Hamumbofi makakwanisa kududza “shy” mushoko rokuti “isi nshya” [nyika itsva], kunze kwokunge manyemwerera!’”
Gore iroro rava kunopera takasvika vaparidzi 1 665 uye muna January 1993, rimwe gungano reruwa rakaitwa muKigali. Panguva ino paiva nevanhu 4 498 uye 182 vakabhabhatidzwa. Kiala Mwango ndiye akauya achimiririra bazi rokuKenya. Hapana aimbofunga kuti hofisi yebazi yaizovakwa muna 2006 panzvimbo iri pamhiri pemugwagwa kubva panhandare yatakaitira gungano racho.
Kunyange zvazvo varwi vakapinda zvakare vachibva kuchamhembe, basa rokuparidza harina kumboderera. Pakazosvika 1993 mauto aya akanga ava kutosvika pedyo neKigali. Miganhu yeUganda yakaramba yakavharwa uye, uri muguta guru, pfuti hombe dzainzwika seri kwemakomo. Vanhu vangasvika miriyoni vakanga vatiza vachibva nechokuchamhembe muRwanda. Pakati pavo paiva nehama nehanzvadzi 381, dzakachengetwa nehama dzaiva muKigali nomunzvimbo dzakapoteredza. Zvisinei, kuArusha kuTanzania, hurukuro dzakaitwa dzokuti kurwa kumire uye pakaiswa muganhu wokuti mauto airwisana asasangane, uye hurumende yakabvuma kutonga nemauto akanga apinda munyika nechisimba uye nemamwe mapato makuru nemaduku.
GUNGANO REZUVA RIMWE CHETE RISINGAKANGANWIKI!
Gore iroro pakarongwa gungano rezuva rimwe chete muKigali Regional Stadium. Asi vakuru venhandare vakanga vatambira mari yedu uye yevanhu vebhora raizotanga na3:00 masikati acho. Hama dzakapinda purogiramu yemangwanani asi vasati vatanga purogiramu yemasikati, vanhu vebhora vakatanga kusvika, mapurisa akatadza kuvamisa kuti vasapinda. Maneja wenhandare akati bhora raitozopera na6:00 dzemanheru. Saka hama dzakambobuda ndokuzodzoka na6:00 manheru kuzonzwa purogiramu yakanga yasara.
Izvi zvaityisa nokuti vanhu vaisabvumirwa kufamba kana kwasviba. Motokari dzakanga dzisingabvumirwi kufamba kana 6:00 dzemanheru dzakwana, uye vanhu vakanga vasingabvumirwi kana 9:00 dzemanheru dzasvika. Zvisinei, kuma7:00 dzemanheru, redhiyo yakazivisa kuti nguva dzairambidzwa vanhu kufamba dzakanga dzava 11:00 dzemanheru. Uyezve magetsi epanhandare yacho akanga asiri okuvimba nawo. Sezvo chibvumirano chokurenda nhandare chakanga chatyorwa, meya weguta reKigali akaronga kuti tiwaniswe magetsi. Akatotirongera mabhazi emahara pakapera purogiramu. Saka hama dzakakwanisa kupinda purogiramu yose yegungano. Fungidzira kuti vakashamiswa sei pavakabuda munhandare ndokuwana mabhazi akati ndandanda akavamirira!
Günter Reschke anoyeuka kuti akashanya kuRwanda kupera kwaSeptember 1993. Anoyeuka kuti: “Ndakatumwa nebazi rokuKenya kunoitisa Chikoro Choushumiri hwoUmambo kuKigali naHama Rwakabubu. MuRwanda maingova nevakuru 63 panguva iyoyo, kunyange zvazvo nhamba yevaparidzi yakanga yava 1 881. Munyika makanga matotanga kuita makakatanwa, uye tainzwa runyerekupe rwehondo kuchamhembe. Hapana aitarisira kuti zvaizoipa sezvazvakazoita, asi chikoro ichi chakatipa zvokudya panguva yazvaidiwa chaiyo. Chakasimbisa kutenda kwevakuru, chikaita kuti vave vafudzi vakasimba, izvo zvakazobatsira sezvo hondo yakanga yaswedera.”
URONGWA HWOKUVHURA HOFISI
Kupera kwaMarch 1994, Leonard Ellis nomudzimai wake Nancy, vakabva kuNairobi kuzopinda magungano ezuva rimwe chete uye kubatsira hofisi yeshanduro. Bazi rokuNairobi rakanga rakurudzira kuti musha wemamishinari nehofisi yeshanduro yomuRwanda zvibatanidzwe. Musi woMuvhuro April 4, Chidzidzo cheNharireyomurindi chakapindwa nevashanduri vakanga vawedzerwa, mamishinari, dare raitarisira basa munyika, uye Hama naHanzvadzi Ellis. Vanhu vakafara zvikuru sezvo aya aiva mavambo okukura kwesangano.
Pavakanga vapedza basa ravo, Hama naHanzvadzi Ellis vakazoenda nendege yakabva yava yokupedzisira kubuda muKigali kwemwedzi yakawanda yakazotevera. Mangwana acho masikati, Hama Rwakabubu vakafonera imba yemamishinari vachiti vekuhofisi yemumiririri weRussia muRwanda vakanga vati havachadi kutenga nzvimbo yataida kuvakira hofisi. Takanga tava kukwanisa kuitenga, saka taifanira kuita musangano nezvazvo mangwana acho mangwanani, musi weChina, April 7. Musangano iwoyo hauna kuzoitwa.
VATUTSI VANOTANGA KUURAYIWA!
Musi weChitatu manheru, April 6, pane ndege yakapfurwa ikadonha ikabva yabvira pedyo neKigali. Yaiva napurezidhendi weRwanda neweBurundi. Vanhu vose vaivamo vakafa. Vanhu vakawanda havana kumbonzwa nezvechiitiko ichi manheru iwayo nokuti redhiyo haina kumbopa chiziviso.
Mamishinari matatu, Hama nahanzvadzi Bint naHama Henk havakanganwi zvakazoitika mumazuva akatevera. Hama Bint vanotsanangura kuti: “Mangwanani-ngwanani emusi waApril 7, takamutswa nepfuti dzairira uye magirinedhi aiputika. Izvi hazvina kutishamisa nokuti mumwedzi yakanga yapfuura zvinhu zvakanga zvisina kugadzikana munyika. Asi patakanga tava kubika kudya kwemangwanani, takafonerwa. Emmanuel Ngirente, vaishanda kuhofisi yeshanduro, vakatiudza kuti redhiyo yakanga yazivisa nezvokufa kwemapurezidhendi maviri mundege yakanga yapfurwa. Bazi Rezvokudzivirirwa kwenyika rakayambira vanhu vose muKigali kuti vasabuda mudzimba.
“Kuma9:00 dzemangwanani, takanzwa nhubu dzichipwanya dzichipinda pamba pevavakidzani vedu. Vakaba motokari yemhuri yacho ndokuuraya amai vemba.
“Pasina nguva masoja nenhubu dziya vakauya pamba pedu, vakarovarova gedhi redu resimbi, ndokuridza bhero. Takaramba takati zii uye hatina kuenda kunovhura gedhi. Hameno chakangoita kuti varege kuedza kupaza gedhi, saka vakaenda paimba yaitevera. Takaramba tichingonzwa kurira kwepfuti kwose kwose; zvokuti kutiza kwakanga kusingaiti. Pfuti dzacho dzainyaudza dzichinzwikira pedyo, saka takaenda mupaseji yaiva nechepakati pemba kuti tisasvikwe nemabara. Takaona kuti zvinhu zvakanga zvisingazochinji nokukurumidza, saka takafunga kuchengetedza zvokudya nokubika kamwe chete pazuva todya pamwe chete. Mangwana acho tichangopedza kudya kwemasikati tichiteerera nhau dzepasi pose muredhiyo, Henk akadaidzira kuti, ‘Vari kusvetuka waya yedu vachipinda!’
“Pakanga pasina kana nguva yokufunga. Takapinda muchimbuzi ndokuzvikiyira. Takanyengetera pamwe chete, tichikumbira Jehovha kuti atibatsire kutsungirira chero zvaizoitika. Tisati tambopedza kunyengetera, takanzwa varwi vaya nenhubu vachipwanya mahwindo nemadhoo kuti vapinde. Mumaminitsi mashomanana vakanga vapinda, vachidaidzira, vachipidigura matafura nemacheya. Paiva nevarwi vaiva nezvombo pamwe nenhubu dzingasvika 40, dzaisanganisira varume, vakadzi nevana. Takanzwa kurira kwepfuti sezvo vairwira zvinhu zvavainge vawana.
“Maminitsi 40 avakatora vasati vauya kuzoedza kuvhura dhoo repachimbuzi, akaita segore chairo. Pavakaona rakakiyiwa vakatanga kuita rokupaza kuti vavhure. Takabva taona kuti zvaiva nani kuti tibude hedu. Varume vacho yaive mipengo, vakadhakwa nembanje. Vakatanga kutisikiza nemabhemba nemapanga. Jennie aichema kuna Jehovha zvinonzwika. Mumwe murume akasimudza bhemba rake ndokurova Henk nechepamutsipa neparutivi paro pasingacheke. Henk akadonhera mubhavha. Ndakakwanisa kuwana mari ndokubva ndavapa. Vakatanga kuirwira.
“Takangosanganidzana maziso nemumwe mukomana akanga aramba akangotitarisa. Kunyange zvazvo tisina kumuziva, iye akatiziva. Pamwe akambotiona pataiparidza. Akatibata, akatisairira achitidzosera muchimbuzi, ndokutiudza kuti tivhare dhoo. Akati aizotiponesa.
“Kugwenderedzwa kwezvinhu zvaibiwa kwakaenderera mberi kwemamwe maminitsi angasvika 30, ndokuzoti zii. Mukomana uya akazodzoka kuzotiudza kuti tichibuda. Akati tibve taenda nekukurumidza uye akatiperekedza. Hatina kana chatakatora. Takavhunduka tichiona zvitunha zvevavakidzani vedu vakanga vapondwa. Masoja maviri euto raichengetedza purezidhendi akatiperekedza kuimba yemumwe mukuru wemauto yaiva pedyo. Mukuru wacho akatiperekedza kuhotera inonzi Mille Collines, kwakanga kwatizira vanhu vakawanda. Musi waApril 11 takazoendeswa kuKenya, pashure perwendo rwaipoterera uye rwaitemesa musoro rwataiperekedzwa nemauto kuenda kunhandare yendege tichipinda necheseri kwayo. Takasvika panosvikira vaenzi paBheteri rekuNairobi vhudzi rakati nyangarara, hembe dzakangoti bvirinyinyi. Henk, uyo akanga aparadzaniswa nesu patakabudiswa, akazosvika pashure pemaawa akati kuti. Mhuri yeBheteri yakatiratidza rudo rukuru uye yakatitsigira zvikuru.”
VAKAPONESWA NEMUNYENGETERO WEKASIKANA
Ndege yakauraya mapurezidhendi yadonhedzwa, mangwana acho, mauto ehurumende matanhatu akaenda kumba kwaHama Rwakabubu. Maziso avo akanga akati piriviri, vachinhuwa doro, uye vachiratidza kuti vakadhakwa nembanje. Vakati vari kuda zvombo. Hama Rwakabubu vakavaudza kuti ivo nemhuri yavo Zvapupu zvaJehovha uye vakanga vasina zvombo.
Masoja aiziva kuti Zvapupu zvaJehovha zvakanga zvaramba kutsigira hurumende uye zvakanga zvisina kubvisa mari yokutsigira mauto. Izvi zvakavashatirisa. Gaspard naMelanie Rwakabubu havasi vaTutsi. Zvisinei, varwi vechiHutu veInterahamwe vaiurayawo kunyange vaHutu vakanga vasingavatsigiri, kunyanya vavaifungira kuti vanonzwira tsitsi vaTutsi kana kuti varwi vakanga vapinda nechisimba.
Masoja akarova Gaspard naMelanie neshamhu, vakapinda navo muimba yokurara pamwe nevana vavo vashanu. Vakabvisa mashiti pamubhedha vakatanga kuvafukidza nawo. Vamwe vakanga vakabata magirinedhi saka zvavaida kuita zvaiva pachena. Gaspard akakumbira kuti, “Munotibvumirawo kunyengetera here?”
Mumwe musoja akaramba chikumbiro chavo achifinyamisa kumeso. Pashure pokumboti taure taure vakazongovabvumirawo kunyengetera. Vakati: “Zvakanaka, munogona kungonyengetera kwemaminitsi maviri.”
Vakanyengetera nechomumwoyo, asi Deborah Rwakabubu, aiva nemakore matanhatu, akanyengetera zvinonzwika achiti: “Jehovha, vari kuda kutiuraya, asi tichadzokera sei kuvanhu vanofarira vandakaparidzira ndiina Baba, ndikavapa magazini mashanu? Vakatimirira, uye vanofanira kuziva chokwadi. Ndinokuvimbisai kuti kana tikasaurayiwa, ndichava muparidzi, ndobhabhatidzwa, ndozova piyona! Jehovha tiponesei!”
Masoja acho paakanzwa izvi akashamiswa. Mumwe wavo akazoti: “Pamusana pemunyengetero wekasikana aka, hatichakuurayai. Kana vamwe vedu vakauya pano, munovaudza kuti tatosvika pano kare.”b
ZVINHU ZVINOWEDZERA KUIPA
Hondo yakaramba ichikura zvishoma nezvishoma sezvo mauto akanga apinda nechisimba (Rwandan Patriotic Front) airamba achiswedera pedyo neguta guru reKigali. Izvi zvakaita kuti veInterahamwe vakanga vava kunetseka vatowedzera kuuraya vanhu.
Masoja aigaririra motokari mumigwagwa uye mumharadzano muguta rose neveInterahamwe nevamwewo vanhu. Vanhurume vose vakasimba vainzi vagaririre motokari mumigwagwa neveInterahamwe, siku nesikati. Chinangwa chaiva chokutsvaka vaTutsi nokuvauraya.
Sezvo vanhu vairamba vachiurayiwa munyika yose, mazana ezviuru evagari veRwanda akasiya misha. Vakawanda vavo, kusanganisira Zvapupu zvaJehovha, vakatizira kuCongo nokuTanzania.
KUTARISANA NEHONDO NERUFU
Nhoroondo dziri kutevera dzakapiwa nehama nehanzvadzi vachitaura zvakaitika kwavari pakatanga kuurayiwa vanhu. Yeuka kuti Zvapupu zvaJehovha muRwanda zvakanga zvamboedzwa zvakaoma muma1980, izvo zvakanga zvasimbisa kutenda kwavo noushingi. Kutenda kwavo kwakaita kuti varambe ‘vasiri venyika’ nokuramba kuvhota, kudzivirira nzvimbo dzavaigara, uye kupindira mune zvematongerwo enyika. (Joh. 15:19) Ushingi hwavo hwakavabatsira kutsungirira kutukwa, kukandwa mujeri, kutambudzwa uye rufu. Kutenda kwavo kwakanga kwaedzwa uye kuda kwavo Mwari nomuvakidzani, zvakaita kuti vasapindira mukuuraya rumwe rudzi uye vaise upenyu hwavo pangozi vachidzivirirana.
Pane zvakawanda zvakaitika zvisina kunyorwa mubhuku rino. Hama dzakawanda hadzidi zvadzo kuyeuchidzwa nyaya idzi dzinotyisa, sezvo dzisiri kutsvaka kutsiva. Tinovimba kuti nhoroondo yokutenda kwavo ichatikurudzira tose kuwedzera rudo rwedu, urwo runoita kuti tizivikanwe kuti tiri vadzidzi vaJesu Kristu vechokwadi.—Joh. 13:34, 35.
NYAYA YAJEAN NACHANTAL
Jean de Dieu (John) Mugabo, ihama inofara ine rudo, yakatanga kudzidza neZvapupu zvaJehovha muna 1982. Asati abhabhatidzwa muna 1984, akanga atomboiswa mujeri katatu nemhaka yokuva mumwe weZvapupu zvaJehovha. Mudzimai wake Chantal, akabhabhatidzwawo muna 1984, vakazoroorana muna 1987. Pakatanga kuurayiwa vaTutsi, vaiva nevana vatatu, vose vari vasikana. Vaviri vacho vakuru vaigara nevabereki vaChantal, ivo vachigara nemucheche aiva nemwedzi mitanhatu.
Musi wakatanga kuurayiwa vanhu, April 7, 1994, masoja neveInterahamwe vakatanga kurwisa misha yose yevaTutsi. John akasungwa akarohwa netsvimbo; asi akakwanisa kupukunyuka akamhanyira neimwe hama kuImba yoUmambo yaiva pedyo. Asingazivi zvakanga zvaitika kumurume wake, Chantal aimhanya-mhanya achiedzawo kubuda muguta nemwana mucheche achida kuenda kune vamwe vana vavo vaviri.
John anorondedzera zvakaitika kwaari: “Imba yoUmambo iyi yaimbova imba yokubikira chingwa saka yakanga iine zichimbini. Takavanda muImba yoUmambo pachayo kwevhiki, uye imwe hanzvadzi yechiHutu yaitiunzira zvokudya payaiona zvisingaibatise. Takazopedzisira tavanda musiringi tichiita kugochwa nezuva sezvo denga racho raive remarata. Tichiedza kutsvaka pokuvanda pari nani takakwanisa kubvisa zvimwe zvidhina pachimbini ndokupinda muchimbini, tikahwandamo takaita zvokuvhumbama kweunopfuura mwedzi.”
Nechepedyo paiva nerodhibhuroku uye veInterahamwe vaimbouya muImba yeUmambo kuzokurukura kana kuvanda kuchinaya. Taitovanzwa vachitaura. Hanzvadzi iya yakaramba ichitiunzira zvokudya pose payaikwanisa. Pamwe pacho ndaifunga kuti handichazvikwanisi, asi takaramba tichinyengetera kuti titsungirire. Musi waMay 16, hanzvadzi iya yakazouya kuzotiudza kuti Rwandan Patriotic Front yakanga yatora rutivi rweguta rwatakanga tiri saka taikwanisa kubuda.”
Ko pose apa Chantal mudzimai waJohn aive kupi? Iye anoti: “Ndakakwanisa kutiza nemwana wedu mucheche musi waApril 8. Ndakasangana nehanzvadzi mbiri, Immaculée, uyo aiva nechitupa chairatidza kuti muHutu, naSuzanne, muTutsi. Taida kusvika kuBugesera, guta raiva kure nemakiromita 50, kwaigara vamwe vana vangu vaviri nevabereki vangu. Asi takanzwa kuti migwagwa yose yaibuda muguta yaiva nemarodhibhuroku saka takafunga kuenda kumumwe musha waiva pedyo neKigali, kwaiva nehama yaImmaculée yainzi Gahizi, uyo aiva Chapupu chaJehovha. Gahizi, muHutu, akatitambira akaita zvose zvaaigona kuti atibatsire pasinei nokutyisidzirwa nevavakidzani vake. Masoja ehurumende neveInterahamwe pavakanzwa kuti Gahizi akanga adzivirira vaTutsi, vakamupfura.
“Vapedza kuuraya Gahizi, masoja aya akaenda nesu kurwizi kunotiuraya. Taitya zvokuti takanga tangomirira kufa. Masoja aya akangotanga kukakavadzana, mumwe wavo ndokuti: ‘Musauraye vakadzi. Zvinotipa munyama. Ino inguva yokuuraya varume chete.’ Imwe hama yaititevera, André Twahirwa, akanga achangobhabhatidzwa vhiki rakanga rapfuura, akakwanisa kuenda nesu kumba kwake pasinei nokuti aipopoterwa nevavakidzani vake. Mangwana acho akadzoka nesu kuKigali, kwaaitarisira kutiwanira nzvimbo yataisazourayiwa. Akapfuura nesu nemumarodhibhuroku anoverengeka aiva nengozi. Immaculée akanga akatakura mwana wangu kuitira kuti kana tikamiswa, mwana aisazourayiwa. Ini naSuzanne takanga tabvarura zvitupa zvedu kuti tisazivikanwe.
“Pane imwe rodhibhuroku, veInterahamwe vakarova Immaculée vakamuti, ‘Uri kufambirei nevaTutsi ava?’ Vakaramba kuti ini naSuzanne tipfuure. Saka Immaculée naAndré vakapfuurira kumba kwaHama Rwakabubu. André nedzimwe hama, Simon naMathias, vakaisa upenyu hwavo pangozi nokutibatsira kupfuura rodhibhuroku yokupedzisira vakandiendesa kwaHama Rwakabubu, Suzanne akaenda kuimwe hama yake.
“Asi iye zvino zvakanga zvisisaiti kuti ndirambe ndiri paHama Rwakabubu, saka hama dzakakwanisa kundiendesa kuImba yoUmambo kwainge kwakavanzwa zvimwe Zvapupu. Izvi zvakanga zvisiri nyore. Hama gumi nehanzvadzi dzechiTutsi nevamwewo vakanga vatiza vakanga vatovako. Immaculée akanga akavimbika zvokuti akaramba kundisiya. Akati, ‘Kana vakakuuraya ini ndikapona, ndichaponesa mwana wako.’”c
Panguva iyoyo, Hama Védaste Bimenyimana vaigara nechepedyo uye vaiva nomudzimai wechiTutsi, vakanga vachangobva kuendesa mhuri yavo kusina ngozi. Vakazodzoka kuzobatsira vakanga vasara paImba yoUmambo kuti vavatsvagire nzvimbo isina ngozi. Chinofadza ndechokuti vose vakapona.
Kuurayiwa kwevanhu kwapfuura, John naChantal vakazonzwa kuti vabereki vavo, vanasikana vavo vaviri vaiva nemakore maviri uye mashanu vaigara nevabereki vaChantal, nedzimwe hama dzavo 100 vakanga vapondwa. Vakanzwa sei nokurasikirwa kunorwadza zvakadaro? Chantal anoti, “Pakutanga zvakanga zvisingaiti. Taiita kunge tichafenda. Hapana aimbofunga kuti vanhu vangasvika pakuurayiwa zvakadaro. Taingokwanisa kuzvisiyira kuna Jehovha, netariro yokuzoona vana vedu zvakare vamutswa.”
MAZUVA 75 VAKAVANZWA!
Tharcisse Seminega akabhabhatidzwa kuCongo muna 1983. Pakaurayiwa vanhu iye aigara kuButare, Rwanda, makiromita 120 kubva kuKigali. Anoti: “Pakadonhedzwa ndege yapurezidhendi muKigali, takanzwa kuti pakanga padzikwa mutemo wokuti vaTutsi vose vaurayiwe. Dzimwe hama mbiri dzakaedza kuronga kuti titize nomuBurundi, asi migwagwa yose nenzira zvakanga zvakachengetedzwa neveInterahamwe.
“Takanga tava vasungwa mumba medu chaimo, uye taisaziva kwekuenda. Masoja mana aiva pedyo neimba yedu, uye mumwe wavo akanga akadzika pfuti yake huru anenge mamita 180 kubva pamba pedu. Ndakanyengetera nemwoyo wose zvinonzwika ndichiti kuna Jehovha: ‘Jehovha, hatigoni kuzviponesa. Imi chete ndimi munokwanisa!’ Zuva rava kunodeuka, imwe hama yakamhanyira kumba kwedu, ichifunga kuti tatofa. Masoja akamubvumira kupinda mumba uye kungogara kwemaminitsi. Akatura mafemo paakatiwana tiri vapenyu, uye akakwanisawo kuenda nevana vedu vaviri kumba kwake. Akazoudzawo dzimwe hama mbiri, Justin Rwagatore naJoseph Nduwayezu, kuti mhuri yangu yakanga yakavanda uye yaida kubatsirwa. Vakabva vangouya usiku ihwohwo vakatiendesa kumba kwaJustin, kunyange zvazvo zvakanga zvakaoma uye zviine ngozi.
“Hatina kumbonyanya kugara kumba kwaJustin nokuti kwakazosara kwoedza vanhu vava kutoziva kuti takanga takavanda ipapo. Musi iwoyo mumwe murume ainzi Vincent akauya kuzotinyevera kuti veInterahamwe vaigadzirira kuzotirwisa nokutiuraya. Murume uyu akanga ambodzidziswa Bhaibheri naJustin akasagamuchira chokwadi. Vincent akapa zano rokuti titange tambovanda mumakwenzi aiva pedyo nemba yaJustin. Kwasviba, akazoenda nesu kumba kwake. Akativanza muchirugu chembudzi. Chaive chakavakwa nedhaka, chiine uriri husina semende, chakapfirirwa neuswa uye chisina mahwindo.
“Takagara kwemazuva akawanda mukamba ikako kaiva pedyo nepamharadzano uye pedyo nomusika waiwanda vanhu kupfuura yose munzvimbo iyi. Taitonzwa vanhu vaipfuura vachitaura zvavo nyaya dzezvavainge vaita musi iwoyo, kusanganisira maurayiro anotyisa avainge vaita vanhu uye zvavaironga kuzoita. Izvi zvaiwedzera kutityisa saka tairamba tichinyengetera kuti tipone.
“Vincent akaita zvose zvaaigona kuti atipe zvose zvataida. Takagara pamba pake kwemwedzi uye May ava kunopera pakanga pasisaiti nemhaka yokusvika kweveInterahamwe vaitiza muKigali. Hama dzakasarudza kutitamisira kumba kweimwe hama yaiva nekamba kaiva pasi pemba yayo. Akange akatovanza hama nhatu imomo. Kuti tisvike kumba kwake takaita rwendo rwetsoka rwaiva nengozi rwakatora maawa mana nehafu. Kwakanaya zvisingaiti usiku ihwohwo izvo zvakatibatsira kuti tisaonekwe nemhondi idzi.
“Pokuvanda patsva apa, paingova gomba rakadzika mita nehafu, riine puranga raishandiswa sedhoo. Kuti tipinde mugomba macho taidzika nemanera tozovhumbama tokambaira nomumukoto kusvikira tasvika pakamba kakafara mamita maviri, kakapamhama mamita maviri. Mainhuwa chakuvhuvhu, uye paingopinda chiedza chishomanana nepamutswi waiva pamadziro. Ini nemudzimai wangu Chantal, nevana vedu vashanu taigara umu nevamwe vatatu. Tose tiri gumi takaita mavhiki matanhatu takatsvikinyidzana mumwena uyu. Zvaisaita kuti tibatidze kenduru nokuti taizozvibatisa. Zvisinei Jehovha akatitsigira munhamo yose iyi nematambudziko. Hama dzaiita kunge dzichazviurayisa dzichitiunzira zvokudya, mishonga, uye mashoko okutikurudzira. Dzimwe nguva taikwanisa kubatidza kenduru kana ari masikati kuti tiverenge Bhaibheri, Nharireyomurindi, kana kuti rugwaro rwezuva.
“Hapana chisingaperi,” anodaro Tharcisse. “Nhamo yedu yakazopera musi waJuly 5, 1994. Vincent akatiudza kuti Butare yakanga yatorwa neuto rakanga rapinda nechisimba. Patakabuda mukamba kedu, vamwe vanhu vakatadza kuziva kuti tiri vemuRwanda nokuti ganda redu rakanga rachena nokushaya chiedza chezuva. Takatombopedza mavhiki tisingakwanisi kutaura zvinonzwika, tichingoita kazevezeve.
“Zviitiko zvose izvi zvakabatsira mudzimai wangu chaizvo nokuti kwemakore gumi akanga apfuura, airamba kudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha. Asi iye zvino akatanga kudzidza Bhaibheri. Paakabvunzwa nevanhu kuti zvakanga zvaita sei, akati: ‘Rudo rwatakaratidzwa nehama nokuzvipira kwadzakaita kuti dzitiponese ndizvo zvaita kuti ndide kudzidza. Ndakaonawo simba raJehovha, uyo akatiponesa pamabhemba emhondi.’ Akazvitsaurira kuna Jehovha akabhabhatidzwa pagungano rakatanga kuitwa hondo yapera.
“Tinotenda zvikuru hama nehanzvadzi dzakatibatsira kuti tipone nezvavakaita uye neminyengetero yavo yemwoyo wose. Takazvionera rudo rwakadzama uye rwechokwadi runokurira kusiyana kwemadzinza.”
AKABATSIRA, AKAZOBATSIRWAWO
Justin Rwagatore, mumwe wehama dzakaponesa mhuri yaHama Seminega, akazodawo rubatsiro iye pachake. Akamboiswa mujeri muna 1986 nemhaka yokuramba kutsigira hurumende yaitonga. Makore akati wandei pashure pokunge abatsira mhuri yaHama Seminega, Justin nedzimwe hama vakasungirwazve kuramba kwavo kupindira zvematongerwo enyika. Hama Seminega mumwe wehama dzakaenda kuvakuru vehurumende kunotsanangura kuti Zvapupu zvaJehovha hazvipindiri mune zvematongerwo enyika. Vakatsanangurira vakuru ava kuti Justin akamira mira kuti mhuri yake ipone. Izvi zvakaita kuti hama dzose dzibudiswe mujeri.
Muenzaniso wehama dzedu paiurayiwa vanhu wakaita kuti vamwe vagamuchire chokwadi. Suzanne Lizinde, mukadzi aiva nemakore anenge 65 aipinda chechi yeRoma, akaona zvaiitwa nechechi yake pakutsigira kuurayiwa kwevanhu. Kuzvibata kweZvapupu zvaJehovha munharaunda yake paiurayiwa vanhu uye kudanana kwavaiita zvakaita kuti akurumidze kufambira mberi. Suzanne akabhabhatidzwa muna January 1998 uye haasati ambotadza kuuya kumusangano kunyange zvazvo achifamba makiromita mashanu achipfuura nemumakomo kuti aipinde. Akabatsirawo mhuri yake kudzidza chokwadi. Iye zvino mumwe mwana wake mukuru muungano, uye mumwe muzukuru wake mushumiri anoshumira.
MAZANA EZVIURU ANOTIZA
Henk van Bussel mumishinari akanga ambotumirwa kuRwanda muna 1992, akazobudiswa achiendeswa kuKenya muna April 1994. Ari ikoko aipota achienda kuGoma iri muCongo nechokumabvazuva kunobatsira papurogiramu yokuyamura vapoteri vaibva kuRwanda. Nechekurutivi rweCongo, hama dzaifamba famba munzvimbo dzaiyambuka nevanhu dzakabata mabhuku anotsanangura Bhaibheri dzichiimba kana kuridza muridzo wenziyo dzoUmambo kuti Zvapupu zvaiyambuka zvichibva kuRwanda zvivazive.
Vanhu vose vaitya. Hondo pakati pemauto ehurumende neRwandan Patriotic Front payairwiwa, mazana ezviuru zvevanhu akatizira kuCongo nokuTanzania. Hama dzose dzaitizira kuGoma dzaisangana paImba yoUmambo. Pakazovakwa musasa wevapoteri nechokunze kweguta wevanhu 2 000, uri weZvapupu zvaJehovha chete nevana vavo uye vanhu vanofarira. Hama dzakadzika mimwe misasa yakadaro mudzimwe nzvimbo muCongo nechokumabvazuva.
Vanhu vakatiza vaiwanzova vaHutu vaitya kutsiviwa, asi hama dzechiHutu nechiTutsi dzakatiza pamwe chete. Kuyambutsa vaTutsi vachipinda muGoma kwaiva nengozi, sezvo vakanga vachiri kuurayiwa. Pane imwe nguva paitoda US$100 kuti muyambutse hama yechiTutsi imwe chete zvisingaoneki.
Hama padzaingopinda muCongo, dzaida kugara pamwe chete. Vakange vasingadi kupindira pane zvaiitwa neveInterahamwe, avo vaiva mumisasa yakanga yamiswa neSangano Romubatanidzwa Wenyika Dzepasi Rose. Uyezve vapoteri vakawanda vasiri Zvapupu vainzwira tsitsi hurumende yakanga ichibviswa. Zvapupu zvaJehovha zvaivengwa nevanhu ava, zvikuru veInterahamwe, nokuti zvakanga zvaramba kubatana navo. Hama dzaida kuramba dzakaparadzana navo kuti dzidzivirire hama dzechiTutsi.
Sezvo vaya vakatiza kuRwanda vakasiya zvinhu zvavo, vaida rubatsiro. Rubatsiro irworwo rwakabva kuZvapupu zvaJehovha zvokuBelgium, Congo, France, Kenya, neSwitzerland rwuri rwemari, mishonga, zvokudya, uye zvipfeko, pamwe navanachiremba nevakoti. Imwe yendege dzakatanga kusvika norubatsiro yakauya netumatende twakawanda twakatumirwa nebazi rekuFrance. Bazi rokuBelgium rakazotumira matende akakura zvokuti rimwe chete raikwana mhuri yose. Mibhedha inopeteka nemibhedha inopomberwa mweya yakatumirwawo. Bazi rokuKenya rakatumira matani anopfuura maviri ehembe nemagumbeze anopfuura 2 000.
KORERA INOTANGA
Pashure pokutiza muRwanda, vanhu vanopfuura 1 000, Zvapupu kusanganisira vanofarira, vaigara paImba yoUmambo yokuGoma nemunzvimbo yakanga yakabatana nayo. Chinosuwisa zvikuru ndechokuti kuwandisa kwakaita vapoteri muGoma kwakaita kuti vanhu vabatwe nekorera. Bazi reCongo (Kinshasa) rakakurumidza kutumira mishonga yokurwisana nedenda iri, uye Hama Van Bussel vakabva nendege kuNairobi kuenda kuGoma nemabhokisi 60 emishonga. Imba yoUmambo yakamboshandiswa sechipatara, uye pakashandwa kuti varwere vaiswe pavo voga. Loic Domalain neimwe hama vaiva vanachiremba, pamwe naAimable Habimana, mukoti aibva kuRwanda, vakashanda nesimba ravo rose. Hama Hamel vaibva kuFrance vakabatsirawo chaizvo mumatambudziko ose aya pamwe nedzimwe hama nehanzvadzi dzaiva neruzivo rwokurapa dzakauya kuzozvipira kurapa varwere.
Pasinei nebasa guru rakaitwa kudzivirira chirwere ichi chinouraya, chakabata hama uye vanhu vanofarira vanopfuura 150, uye vangasvika 40 vakafa chisati chakwanisa kumiswa. Pakazotsvagwa nzvimbo yakakura yokurenda yaizoshandiswa somusasa wevapoteri weZvapupu zvaJehovha. Mazana etumatende akamiswa, uye tende hombe rakabva kuKenya raishandiswa sechipatara. Vashandi vezveutano vakabva kuAmerica vakashanya vakafadzwa chaizvo nokuchena uye kurongeka kwakanga kwakaita zvinhu mumusasa wacho.
Pakazosvika August 1994, dare rokuyamura romuGoma rakanga richitarisira vapoteri 2 274, Zvapupu, vana uye vanhu vanofarira. Kwaivawo neZvapupu zvakawanda zvaiva vapoteri kuBukavu, Uvira, kumabvazuva kweCongo, nokuBurundi. Vamwe 230 vaiva mumusasa wevapoteri kuTanzania.
Hama dzaiva kuhofisi yeshanduro kuKigali padzakatizira kuGoma, dzakasvikorenda imba kuti dzienderere mberi nokushandura. Izvi zvakakwanisika nokuti padzaitiza hondo, hama dzakakwanisa kubuda muKigali nekombiyuta nejenareta vakaenda nazvo kuGoma.
KuGoma tingangoti kwakanga kusina posvo nenhare. Asi nokubatsirwa nehama dzaishanda panhandare yendege, hama dzaitumira zvinhu zvinenge zvashandurwa nedzimwe tsamba nendege yaifamba kamwe pavhiki kubva kuGoma ichienda kuNairobi. Izvi ndizvo zvaiitwawo nebazi rokuKenya pakupindura tsamba dzekuGoma.
Emmanuel Ngirente nevamwe vashanduri vaviri vakaramba vachishandura nepavaigona napo, kunyange zvazvo zvinhu zvakanga zvakaoma. Nemhaka yehondo dzimwe nyaya dzeNharireyomurindi hadzina kushandurwa, asi dzakazoshandurwa pava paya dzikabatanidzwa kuita mabhurocha akazodzidzwa paChidzidzo Chebhuku Cheungano.
UPENYU HWEMUMUSASA WEVAPOTERI
Vanhu pavaitiza kuKigali, Francine, uyo akanga atizira kuGoma pakapondwa murume wake Ananie, akaendeswa kumumwe wemisasa yevapoteri yeZvapupu. Anorondedzera zvakanga zvakaita upenyu mumusasa achiti: “Pazuva, hama nehanzvadzi dzaipiwa basa rokubika. Taibika zvokudya zvemangwanani izvo zvaiva bota reupfu hwemhunga kana kuti hwechibage. Taizobikawo zvemasikati. Tapedza mabasa edu, taizoenda mubasa romumunda. Tainyanya kuparidzira vanhu vomumhuri vaive mumusasa wedu vakanga vasiri Zvapupu nevamwe vaive kunze kwomusasa. Zvisinei, veInterahamwe vaive mumisasa vakapedzisira vashatirwa nokuona Zvapupu zviri mumusasa wazvo zvoga, zvokuti takanga tava kutya.”
Pakazosvika November 1994, hama dzakaona kuti dzaigona kudzokera kuRwanda pasina chinodziwana. Kudzokera kwaitova kuchenjera nokutyisa kwaiita misasa isiri yeZvapupu muCongo. Asi kudzokera kwacho kwakanga kwakaoma. VeInterahamwe vaironga kuunganazve kuti varwise Rwanda, saka vaiona munhu wose aibva muCongo achidzokera kuRwanda somupanduki.
Hama dzakaudza hurumende yokuRwanda kuti Zvapupu zvaJehovha, izvo zvakanga zvisina kupindira muhondo uye kutsigira kuurayiwa kwevaTutsi, zvaida kudzoswa. Hurumende yakaudza hama kuti dzitaure neUNHCR, bazi rinoona nezvevapoteri reSangano Romubatanidzwa Wenyika Dzepasi Rose, iro raiva nemotokari dzaigona kushandiswa kuvadzorera kuRwanda. Asi hama dzakatoruka zano rokuzviita naro nokuti veIntarehamwe vaigona kuvarambidza.
Hama dzakazivisa kuti muGoma maizova negungano rezuva chairo, dzikagadzira zvikwangwani zvegungano. Vakazoudza hama dzose pachivande nezvokudzokera kuRwanda. Kuti vanhu vasanyumwa, hama dzakaudzwa kuti dzisiye zvinhu zvadzo zvose mumusasa dzongoenda nemaBhaibheri nemabhuku enziyo sokunge vaienda kugungano.
Francine anoyeuka kuti vakafamba kwemaawa ndokuzowana marori akanga akavamirira kuti avaendese kumuganhu. Vachangoyambuka muganhu vakawana UNHCR yaronga zvokufambisa zvokuvasvitsa kuKigali nokumisha yavo. Saka hama dzakawanda nemhuri dzavo nevanofarira vakadzokera kuRwanda muna December 1994. Pepanhau rokuBelgium rinonzi Le Soir raDecember 3, 1994 rakati: “Vapoteri 1 500 vokuRwanda vakafunga kudzokera kumusha vachibva kuZaire [Congo] nokuti vaiona kuti vakanga vasina kunyatsodzivirirwa. Ivo Zvapupu zvaJehovha zvakanga zvamisa musasa wazvo zvoga pedyo nomusasa weKatale. Zvapupu zvaJehovha zvakanyanya kutambudzwa nehurumende yaivapo nokuti zvakaramba kubata zvombo uye kupinda misangano yezvematongerwo enyika.”
Paakadzokera kuRwanda, Francine akakwanisa kunopinda gungano reruwa kuNairobi. Anyaradzwa pakufirwa kwaakaitwa nomurume uye asimbiswa nokuwadzana nehama nehanzvadzi, Francine akadzokera kuhofisi yeshanduro yakanga yavhurwazve kuKigali. Akazoroorwa naEmmanuel Ngirente uye vachiri kushanda pahofisi yebazi.
Francine akatsungirira sei kurwadziwa kwaaiitwa munguva yehondo? Anoti: “Chataingofunga chete panguva iyoyo ndechokuti tinofanira kutsungirira kusvika kumugumo. Takasarudza kusaisa pfungwa dzedu pane zvakaipa zvaiitika. Ndinoyeuka ndichinyaradzwa naHabhakuki 3:17-19, iyo inotaura nezvokufara mumatambudziko. Hama nehanzvadzi dzakandikurudzira zvikuru. Vamwe vaindinyorera tsamba. Izvi zvakandibatsira kuti ndirambe ndakaisa pfungwa dzangu pana Mwari. Ndakayeuka kuti Satani ane mazano akawanda. Tikaramba takaisa pfungwa dzedu padambudziko rimwe chete, zvinogona kutitadzisa kukurira rimwewo dambudziko. Tikasagara takangwarira tinogona kupedzwa simba.”
KUDZOKA KURWANDA
Hama Van Bussel vakabatsira zvikuru hama dzakanga dzichidzoka. Vanotsanangura kuti: “Pakarongwa purogiramu yokutanga zvinhu patsva kuti hama dzibatsirwe kuwana chouviri pashure pehondo, kusanganisira vaya vakanga varamba vari muRwanda vakanga varasikirwa nezvinhu zvose. Hama dzakagadzwa dzakashanyira ungano dzose kuti dzinoona kuti vanhu vaida zvinhu zvipi. Vanhu vakapiwa mabhokisi aiva nezvinhu zvaienderana nezvavaishayiwa. Hama dzaiziva kuti pashure pemwedzi mitatu dzaizozvionera dzoga.”
Asi hama dzakabatsirwawo pane zvokunamata. Boka reshanduro rakabva radzoka paraimbova riri muKigali. Hama Van Bussel vanoyeuka kuti imba yacho yakanga yakaboorwa-boorwa nemabara, asi mabhuku akawanda akanga achirimo. Vakaita mwedzi yakati wandei vachiwana mabara mumabhokisi emabhuku. Mumwe mushanduri akatowana girinedhi mugadheni! Gore rakatevera racho, munenge muna October 1995, boka revashanduri rakatamira kuchivako chakati kurei uye chakati nakei kune imwe nzvimbo muguta. Chivako ichi chairendwa, chakashandiswa sehofisi uye dzimba dzokugara kusvikira pakazovakwa hofisi yebazi muna 2006.
“RWAINGE RUMUKO”
Pakazosvika December 1994 hama dzakawanda dzakanga dzatodzoka kubva kuCongo kuti dzinopinda gungano reruwa raiva nomusoro wakakodzera waiti, “Rutyo Rwoumwari.” Rakanga rakarongwa kuti rizoitirwe pane imwe Imba yoUmambo muKigali. Hama dzekuFrance, Kenya, neUganda dzakauya kugungano iri. Chishanu mangwanani, paImba yoUmambo pakanga pazara nehama. Imwe hanzvadzi inoyeuka kuti: “Zvaichemedza kuona hama nehanzvadzi dzichimbundirana misodzi ichingoerera. Ndiko kwaiva kutanga kuonana kubvira pakatanga hondo. Vaisangana neshamwari dzavaifunga kuti dzakatofa. Mumwe akataura kuti, “Rwainge rumuko!”
Mumwe wehama dzakashanya dzichibva kuKenya ndiGünter Reschke. Akati: “Zvaifadza kusanganazve nhamo dzapera uye kuona vakanga vapona! Zvisinei, paiva nedambudziko. Hurumende haina kunzwa zvakanaka payakaona vanhu vakawanda kudaro vakaungana. Zuva richangorova nhongonya, masoja aiva nepfuti akasvika akati sezvo aityira kuti zvinhu zvingangoipa, gungano rakanga rarambidzwa. Taifanira kutobvapo pakarepo. Takamboti mire mire tichikurudzira shamwari asi takazongodzokera kuNairobi, taodzwa mwoyo nokuti hama dzakanga dzisina kunzwa purogiramu yegungano. Asi kunyange zvazvo zvaiodza mwoyo, takaona kuti takanga taita zvose zvataigona kukurudzira hama dzedu kuti dzirambe dzakasimba mukutenda, uye takaenda tichinyatsoziva kuti ndizvo zvavaizoita.”
Iye zvino zvakwakanga kwamboti nyararei, vanhu vakawanda vaibva muRwanda vaigara kune dzimwe nyika vakafunga kudzoka. Vamwe vakadzoka ndevaya vakaberekerwa kune dzimwe nyika nevabereki vakanga vatiza kunetsana kwaiita madzinza uye vezvematongerwo enyika muma1950 ava kunopera nema1960. Pakati pemhomho iyoyo paiva nevakanga vadzidza chokwadi vari kune dzimwe nyika. Somuenzaniso, James Munyaburanga nemhuri yake vakagamuchira chokwadi kuCentral African Republic. Hama Munyaburanga vakawaniswa basa nehurumende nokuti yaiva nechido chokupa zvinzvimbo zvehurumende kuvanhu vakanga vambotiza muRwanda. Asi pavakadzoka kuRwanda, vaipikiswa uye vaitsvinyirwa nehama dzavo uye vavaishanda navo nokuti vairarama somuKristu. Vakazopedzisira vakumbira kuti vakurumidze kuenda pamudyandigere ndokuva piyona wenguva dzose. Iye zvino ndivo vanomiririra sangano panyaya dzemutemo.
Ngirabakunzi Mashariki akadzidza chokwadi ari kuCongo nechokumabvazuva. Anoti: “Ndakatsungirira kwemakore ndichisarurwa nemhaka yokuti ndiri muTutsi. Pandakazosangana neZvapupu zvaJehovha, ndakaita kunge ndakanga ndava kugara kune imwe nyika! Chainge chishamiso chaicho kuwadzana nevanhu vanorarama maererano nezvavanodzidzisa. Rudo irworwo rwakanyanya kuratidzwa panguva yaiurayiwa vaTutsi muna 1994. Hama dzakavanza mhuri yangu dzikatidzivirira. Ndakakokwa kuzoshanda kuBheteri muna 1998 uye ndiko kwandiri kushanda nomudzimai wangu Emerance. Ndiri kumirira nemwoyo wose nyika itsva, munenge musisina rusaruraganda, nyika yose yazara nevanhu vanodana zita raJehovha vachirarama vakabatana.”
BASA RINOTANGAZVE
Muna March 1994, hondo yava kuda kutanga, muRwanda maiva nevaparidzi 2 500. Pakazosvika May 1995, vaparidzi vakashuma vakasvika 2 807, pasinei nokuti vakawanda vakanga vaurayiwa. Vane mwoyo yakatendeseka vaidirana kusangano raJehovha. Somuenzaniso, imwe hanzvadzi piyona chaiye yaiitisa zvidzidzo zveBhaibheri zvinopfuura 22, ichitova nevamwe vayakanga isati yawanira nguva! Mumwe mutariri wedunhu akati, “Hondo yakabatsira vanhu kuona kuti kuunganidza pfuma hakubatsiri.”
Muna January 1996, hama dzakava negungano reruwa raiti, “Varumbidzi Vanofara.” Gungano iroro rakazonakidza! Sezvo regore rakanga rapfuura rakanga ramiswa, iri ndiro gungano rokutanga pashure pehondo. Mumwe aiona akati, “Vanhu vanga vachimbundirana, misodzi ichiyerera, uye zvainakidza kuona hama dzechiHutu nechiTutsi dzichimbundirana.” Vanhu vakapinda vakasvika 4 424, uye 285 vakabhabhatidzwa. Hama Reschke vanoyeuka kuti: “Zvainakidza kunzwa vaida kubhabhatidzwa vachipindura nezwi guru kuti ‘Yego!’ (hongu) kumibvunzo miviri yorubhabhatidzo. Vakaita mudungwe munhandare vachimirira kubhabhatidzwa, kwakatanga kunaya zvakasimba vakagochakwaidzwa. Havana kumboita basa nazvo. Ivo vaingoti, ‘Tagara tichangotota!’”
Henk van Bussel akazodzoka kuRwanda; uye Günter Reschke, akanga auya kuzobatsira kuti basa ritangezve, akabva anzi agaremo. Vangoti garei garei Godfrey naJennie Bint vakadzokawo kuRwanda.
MWANA WAVO AKARASIKA AKAZOWANIKWA!
Mumakore akazotevera hondo yapera, mhuri dzakanga dzaparadzana dzakazosanganazve. Somuenzaniso, muna 1994, hondo pakati pemauto maviri payakanyanya kupisa muKigali, vanhu vakatiza vakawanda, uye muchipatapata chaiitwa vanhu vachitiza, Oreste Murinda akarasana nomudzimai wake, iye ndokutizira kuGitarama nemwanakomana wavo aiva nemakore maviri nehafu. Oreste paakamboenda kunotsvaka zvokudya, kurwa kwakasara kuchitangazve, uye nebesanwa raiitwa, akarasana nemwanakomana wake.
Hondo yapera, Oreste nomudzimai wake vakazoonana, asi mwana akanga asati awanikwa. Vakazongofunga kuti akanga aurayiwa. Zvisinei papfuura makore maviri nehafu, mumwe murume aibva kumamisha asiri Chapupu akauya kuKigali kuzoshanda. Akasangana nedzimwe hama ndokubva angotaurawo nezvemhuri yekuGisenyi yaakanga akavakidzana nayo yakafirwa nevana muhondo asi yaichengeta imwe nherera. Mwana uyu aiyeuka zita rababa vake uye akati vabereki vake vaiva Zvapupu zvaJehovha. Hama dzakaziva zita racho, ndokuzivisa vabereki vacho avo vakabva varatidza murume uya mifananidzo yemwana wacho. Chokwadi aiva iye! Oreste akabva aenda kunomutora, uye vabereki vakasanganiswazve nemwana wavo pashure pemakore maviri nehafu! Mukomana wacho ava muparidzi akabhabhatidzwa.
Chinofadza ndechokuti hama dzakachengeta vana vose vakafirwa nevabereki vaiva Zvapupu. Hapana vakaiswa kumisha inochengetwa nherera. Dzimwe nguva hama dzaichengetawo nherera dzevavakidzani vavo kana kuti dzevanhu vomumhuri. Mumwe murume nomudzimai vaiva nevana gumi vakatora nherera gumi vakadzichengeta.
ZVINHU ZVINOTANGAZVE KUSAGADZIKANA KUCHAMHEMBE
Pakazopera 1996, hondo yemuCongo yakanga yava kuita kuti zvinhu zviwedzere kuoma mumisasa yevapoteri, umo maiva nevanhu vokuRwanda vaipfuura miriyoni imwe. Muna November, vaitofanira kudzokera kuRwanda kana kuti kutizira mumasango muCongo. Vakawanda vakadzokera, kusanganisira hama dzedu dzakanga dzisina kudzokera muna December 1994. Chiitiko ichocho hachikanganwiki. Gurusvusvu revanhu, vakuru nevaduku, vaifamba mumigwagwa yeKigali hembe dzakazara guruva, vakatakura mitundu pamisoro yavo. Vapoteri vose ava vaifanira kudzokera kwavaimbogara kuti vanonyoreswazve. Nzvimbo yacho yakambochengetedzwa zvakasimba kwemazuva.
Chinosuwisa ndechokuti vanhu vakaipa vakawanda vakadzoka pakadzoka vapoteri, kusanganisira vamwe veInterahamwe, avo vaiedza kuitazve mabasa avo nechokuchamhembe kwenyika. Masoja akabva atumirwa ikoko kunodzikamisa zvinhu. Hama dzedu dzakawanda dzaigara munzvimbo yacho, uye zvakanga zvakavaomera zvikuru kuti varambe vasina kwavanotsigira. Vaparidzi vanopfuura 100 vakafa pakati pa1997 na1998, kazhinji kacho vachiurayirwa kuti vaisapindira mune zvematongerwo enyika sezvo vari vaKristu. Dzimwe nguva zvakanga zviine ngozi kuti vatariri vematunhu vagare vachishanya.
MURUME NOMUDZIMAI VAKASHINGA
Théobald Munyampundu, nomudzimai wake, Berancille, mumwe wevatariri vedunhu vashoma vakakwanisa kushanyira ungano dzokunharaunda iyi yakanga isina kugadzikana. Kupinda mungozi kwakanga kusiri kutsva kwavari. Théobald akabhabhatidzwa muna 1984, uye papera makore maviri akaiswa mujeri nedzimwe hama nehanzvadzi dzakawanda, maakarohwa zvakaipa. Iye nomudzimai wake vakambozviisawo pangozi nokuvanza vamwe panguva yaiurayiwa vaTutsi. Pashure pokuponesa mumwe mukomana akanga aponderwa amai vake panguva yaiurayiwa vaTutsi, vakakwanisa kuyambukira kuTanzania. Ava ikoko Théobald akashanyira misasa yevapoteri miviri kuBenaco nokuKaragwe kuti anokurudzira hama, kunyange zvazvo zvaiva nengozi kubva mune mumwe musasa kuenda kune mumwe nemhaka yevapanduki.
Vadzoka kuRwanda, Théobald nomudzimai wake vakaisa upenyu hwavo pamutanhiko zvakare nokushanyira Zvapupu zvaiva kunharaunda yokuchamhembe yakanga isina kugadzikana. Théobald anoti: “Dzimwe nguva ungano dzataishanyira dzaive kure. Sezvo taityira upenyu hwedu, taisakwanisa kurara kwatainge tashanya. Ndinoyeuka kuti pamwe patakamboshanya, mazuva ose taifamba kwemaawa masere kuenda nekudzoka mumwaka wekunaya kuti tinoshanyira hama tichidzoka ava manheru kwataigara.”
Théobald anorondedzera imwe hama yaakaona paaishanyira rimwe boka riri roga munharaunda yacho achiti: “Jean-Pierre ibofu, asi ndakashamiswa kuona achisimuka kunoverenga Bhaibheri paChikoro chaMwari choUshumiri ndokudedemura nemusoro paiverengwa vhiki iroro, asingakanganisi, achitotevedzera nyora dzomutauro! Akanga akumbira imwe hama yaigona kuverenga zvakanaka kuti imuverengere iye achiisa mumusoro. Shungu dzake dzakandikurudzira zvikuru.”
Paanotarisa shure achiona upenyu hwake hwakabatikana uye dzimwe nguva hune ngozi, Théobald anoti: “Munguva dzose dzakaoma idzi, takavimba naJehovha uye taiwanzofunga nezvemashoko aVaHebheru 13:6 anoti: ‘Jehovha ndiye mubatsiri wangu; handingatyi. Munhu angandiitei?’” Pashure pokushanda semutariri wedunhu neweruwa, vose nomudzimai wake vachiri kushumira samapiyona chaiwo pasinei nokurwara.
KUVAKA IMBA YEMAGUNGANO
Sezvo nhamba yeZvapupu yaiwedzera, zvakanga zvava kuoma kuwana nzvimbo yakakodzera yokuitira magungano muKigali. Somuenzaniso, gungano reruwa raiti “Nhume Dzorugare rwaMwari” rakaitirwa munhandare muna December 1996 rakaondongwa nepombi inofambisa tsvina kubva mujeri yakaputika. Hama dzakachema chema nokunhuwa kwaivepo, uye vabereki vaityira utano hwevana vavo. Pavakaona izvi, vedare rinotarisira basa munyika vakabva vabvumirana kuti iri ndiro raiva gungano reruwa rokupedzisira kuitira munhandare iyi. Asi ndekupi kumwe kwaraizoitirwa?
Bazi rinoona nezvevhu rakanga ragovera imwe ungano yemuKigali nzvimbo yokuvakira Imba yoUmambo. Nzvimbo yacho yakanga yakakurisa zvokuti dai hama dzaizongoendesa purani yeImba yoUmambo chete, hurumende yaizodimbura nzvimbo yacho yoitengesera mumwe munhu. Saka vachivimba naJehovha, vakaendesa purani yeImba yoUmambo neyeImba Yemagungano isiri yemaoresa, uye imwe yokuzovaka Imba yoUmambo yechipiri pava paya. Purani dzedu dzakabvumirwa.
Hama dzakagadzira nzvimbo yacho ndokuikomberedza newaya. Mazana evanhu akazvipira kutema makwenzi ndokuchera zvimbuzi. Iye zvino vakanga vava nenzvimbo yaiyevedza yakati tenukei, yakakodzera kuitira magungano.
Mumwedzi yakatevera hama dzakaitirapo magungano edunhu maviri nemumwe musangano unokosha, asi mhepo ine simba uye mvura zvakaita kuti vanhu vapedzisire vavhumbama pasi petumatende nemaamburera. Chikumbiro chakabva chaitwa kuDare Rinodzora chokuti pavakwe Imba Yemagungano isina madziro.
Muna March 1998, Dare Rinodzora rakapa mvumo yokuvaka Imba Yemagungano. Vakatanga kugadzirira basa. Mhuri dzaishanda pamwe chete dzichichera makomba aizodzikwa mbiru kusvikira basa rose rapera. Vose vaishanda vakabatana. Musi waMarch 6, 1999, Jean-Jules Guilloud aibva kubazi rokuSwitzerland ndiye akapa hurukuro yokutsaurira imba iyi yakanaka.
Pakazosvika 1999 zvinhu zvakanga zvadzikama muRwanda. Muna February gore iroro, kwakatumirwa mamishinari maviri murume nomudzimai, Ralph naJennifer Jones, kuti vazoshanda muhofisi yaitarisira basa muRwanda, uye mhuri yeBheteri yakabva yava nevanhu 21.
Hama mbiri dzomuRwanda dzakanga dzapinda Chikoro Chokudzidzisa Vashumiri (chava kunzi Chikoro cheBhaibheri Chehama Dzisina Kuroora) kuKinshasa, Congo, iri kure nemakiromita anenge 1 600. Asi iye zvino kuCongo kwakanga kwava nehondo, saka zvairamba zvichiomera vanhu vokuRwanda kuti vaende kuKinshasa. Izvi zvakaita kuti Dare Rinodzora ripe mvumo yokuti Chikoro Chokudzidzisa Vashumiri chiitirwe muKigali. Kirasi yokutanga yaiva nevadzidzi 28 vaibva kuBurundi, Congo, neRwanda yakapedza kudzidza muna December 2000.
Muna May 2000, Rwanda yakava bazi uye izvi zvangoitika, hama dzakawana nzvimbo yakakodzera yokuvakira hofisi yebazi kuti itungamirire basa raiwedzera nokukurumidza. Muna April 2001, vakatenga nzvimbo yacho yakanga yakakura mahekita maviri. Hama dzakawanda dzomuKigali dzinoyeuka kuoma kwakanga kwakaita basa rokubvisa makwenzi panzvimbo iyoyo yakanga isingashandiswi kwemakore.
GOMO RINOPUTIKA MUCONGO KUMABVAZUVA
Musi waJanuary 17, 2002, gomo reNyiragongo, riri kure nemakiromita anenge 16 neGoma iri muCongo kumabvazuva, rakatanga kuputika, uye vanhu vakawanda vomunharaunda iyoyo vakatiza misha yavo. Vakawanda vevaparidzi 1 600 vaigara ikoko vakatiza nevana vavo uye vanhu vanofarira ndokuyambuka muganhu vachipinda muGisenyi, muRwanda, kwavakasvikoendeswa kuDzimba dzoUmambo dzaiva pedyo.
Mangwana acho hama dzepabazi rokuRwanda dzakazadza rori nezvinhu zvokushandisa kusanganisira zvokudya, magumbeze, nemishonga. Zvinhu zvacho zvakabva zvaendeswa kuDzimba dzoUmambo nhanhatu dziri munharaunda iri pedyo nomuganhu weCongo.
Ichityira kuti pane zvingangoitika, hurumende yeRwanda yakanga isingadi kuti vanhu vokuCongo vakawanda zvakadaro vagare muDzimba dzoUmambo saka yakaramba ichiti vaendeswe kumisasa yevapoteri. Hama dzomuDare Rebazi romuRwanda dzakasangana muGoma nenhengo mbiri dzeDare Rebazi reCongo nevakuru veungano dzomuGoma kuti vaone kuti vangaite sei. Hama dzokuCongo dzakaramba kuti hama dzavo dziendeswe kumisasa yevapoteri muRwanda. Dzakati: “Muna 1994 takachengeta hama dzinopfuura 2 000 dzokuRwanda nemhuri dzavo uye vanhu vanofarira, saka panzvimbo pokuti vaendeswe kumisasa, ngavadzoke kuGoma, tivachengete semachengetero atakaita hama dzedu dzokuRwanda.”
Zvakaitwa nehama dzokuCongo zvinoratidza rudo nokuti vakatora hama dzavo ndokuita kuti dzigare nezvimwe Zvapupu pane kuti dziende kunogara kumisasa yemasangano asiri eZvapupu. Saka hama nemhuri dzadzo dzakadzokera kuGoma, kwadzakanochengetwa. Pashure pacho zvimwe zvokushandisa, zvaisanganisira matende, zvakatumirwa kubva kuBelgium, France, neSwitzerland, kuti zvivabatsire panguva iyi. Hama dzakaramba dziri kuGoma kusvikira padzakazovakirwa dzimba.
ZVIITIKO ZVINOKOSHA MUBASA REZVAPUPU
Dhipatimendi rokuSouth Africa rinoona nezvekuvaka rakadhirowa mapurani, pakahayiwa kambani inoita zvokuvaka. Hama dzakazvipira kubva kune dzimwe nyika kuzobatsira, uye hama dzemo dzakazvipira kuita basa rokugadzira chivanze nemamwe mabasa okugadziridza. Pasinei nezvimwe zvakambononotsa, mhuri yeBheteri yakatamira mubazi idzva rakanaka muna March 2006. Gore iroro rava kunopera, Guy Pierce weDare Rinodzora nomudzimai wake vakauya kuzopinda purogiramu yokutsaurira musi waDecember 2, 2006. Kwaiva nehama nehanzvadzi dzingasvika 553 kusanganisira 112 dzakabva kunyika 15 dzakapinda.
Jim naRachel Holmes, vaibva kuCanada, vakashanda basa racho rokuvaka. Vaiziva mutauro wemasaini wekuAmerica saka vakakumbira kuti vaudzidzise vanhu vepaBheteri vaida zvavo pashure pechidzidzo cheNharireyomurindi neMuvhuro. Vatanhatu vakabvuma, uye vakakurumidza kuubata zvokuti pasina nguva pakatangwa boka remutauro wemasaini.
Muna June 2007, Kevin Rupp, akadzidza paChikoro Chokudzidzisa Vashumiri kuSwitzerland, akauya kuRwanda somumishinari kuzobatsira mundima yomutauro wemasaini. Munguva pfupi, muRwanda makasvika mamishinari, murume nomudzimai vaibva kuCanada vaiziva mutauro wemasaini. Muna July 2008, hama dzakavamba ungano yomutauro wemasaini, uye kwakazovawo nemamwe mapoka.
Hakusi kufara kwakaita hama pakaziviswa pagungano rerurwa ra2007 kuti Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro echiKristu echiGiriki muchiKinyarwanda yakanga yavapo! United Bible Societies yakanga yabudisa Bhaibheri rakazara muchiKinyarwanda muna 1956. Kunyange zvazvo vakaita shanduro iyi vakashanda nemwoyo wose kuti Bhaibheri riwanikwe mumutauro wemo, vachitoshandisa zita rokuti YEHOVA (Jehovha) kanomwe muMagwaro echiHebheru, Shanduro Yenyika Itsva iri nyore kuwanikwa nevanhu vose, zvikuru vaya vasina mari yakawanda. Shanduro iyi itsva yakarurama uye iri nyore kuverenga. Vashanduri vomuRwanda vakashanda nesimba vachibatsirana neDhipatimendi Rinobatsira Vashanduri riri kuNew York. Hakusi kufadza kwazvinoita kuona vana vakawanda muImba yoUmambo vakabata maBhaibheri avo eMagwaro echiGiriki vachisimudza maoko avo kuti vaverenge magwaro kana vakumbirwa pamisangano!
MATAMBUDZIKO MATSVA OKUSATSIGIRA ZVEMATONGERWO ENYIKA
Kunyange zvazvo vaine rusununguko rwokunamata kubvira pavakabvumirwa pamutemo muna 1992, hama dziri kusangana nematambudziko nemhaka yokusapindira kwavo mune zvematongerwo enyika. Mumakore 15 apfuura, mazana ehama akasungwa nokuti akaramba kuita basa rinotungamirirwa nemauto rokuchengetedza nzvimbo usiku. Zvisinei, dzimwe hama padzakataura nemakurukota ehurumende, vakabvumirwa kuti vaite rimwe basa risina chokuita nechiuto.
Mumakore achangopfuura, vadzidzisi 215 vakabudiswa basa nokuti vakaramba kupinda musangano waiitwa zvematongerwo enyika. Zvadaro, vana 118 vakadzingwa chikoro varamba kuimba rwiyo rwenyika. Vamiririri vebazi vakanotsanangurira vakuru vehurumende kusapindira kwedu zvematongerwo enyika, uye pashure pemwedzi yakawanda, vakawanda vevana vaya vakabvumidzwa kudzoka kuchikoro. Dzichitaura nezvenhoroondo yebasa romuRwanda, hama dzakati muna 1986, Zvapupu zvaJehovha zvakaiswa mujeri nemhaka yokusapindira mune zvematongerwo enyika; muna 1994 chikonzero ichocho ndicho chakaita kuti vasapindira pakuuraya vanhu.—Joh. 17:16.
Zvapupu zvaJehovha zvinoteerera mitemo yehurumende uye hazvipindiri mune zvematongerwo enyika pasinei nokuti ihurumende ipi iri kutonga. Somuenzaniso, muna 1986, François-Xavier Hakizimana akapika kwemwedzi 18 nokuramba kwake kupindira mune zvematongerwo enyika. Pakachinja hurumende pashure pokuurayiwa kwevanhu, akaiswazve mujeri muna 1997 na1998 nechikonzero chimwe chetecho. Mienzaniso yakadaro inoratidza kuti kusatsigira kweZvapupu zvaJehovha hakungoitwi kana paine imwe hurumende kwozochinja kana yabva. Kusapindira zvematongerwo enyika kwevaKristu kunobva muMagwaro zvechokwadi.
Pasinei nematambudziko aya ari kuramba aripo, hama dziri kupinda misangano yevhiki nevhiki nemagungano eruwa dzakasununguka uye dzinobvumidzwa kuparidza nokuita misangano mumajeri akawanda, umo mune vasungwa vakawanda vakagamuchira chokwadi. Uyezve mugore rebasa ra2009, pane nyaya nhanhatu dzakatongwa nematare vanhu vaJehovha vomuRwanda vachikunda.
RAMANGWANA RAKAJEKA
Hatingamboti tapedza kutaura nezveRwanda tisina kumbotaura nezvokubudirira kunoshamisa kwekuvakwa kweDzimba dzoUmambo. Kubvira pakatangwa urongwa hutsva hwokuvaka Dzimba dzoUmambo munyika dzisina mari yakawanda muna 1999, hama dzakazvipira dzakavaka Dzimba dzoUmambo 290 dzisingashamisiri asi dzichiyevedza.
Hama dzinowanzopedza kuvaka imba imwe chete mumwedzi mitatu dzichitsigirwa nehama dzinoshanda nechido dzomuungano yacho. Vanhu vanowanzoda kuziva zvakawanda pavanoona Dzimba dzoUmambo dzichingonyuka munyika yose, saka zvinobva zvapa vanhu vaJehovha mukana wokupupura. Kuwedzera paImba Yemagungano muKigali, hama dzakavaka dzimwe gumi dzakati dukupei uye dzisina madziro, izvo zviri kuita kuti vaparidzi vakwanise kupinda magungano vasingafambi zvakanyanyanyisa munzvimbo dzine makomo. Uyezve hama dzakavaka Dzimba dzoUmambo ina dzine mavharanda akakura anopindirwa magungano.
Mumwedzi yokutanga yegore roga roga, ungano dzose dzinoshingaira kushanda mundima isingawanzoshandwa. Vaparidzi vanowanzofamba zvinhambwe zvakakura vachishandisa mari yavo kuti vashande ndima iyi. Kunzvimbo dziri kure zvakanyanya kunoendeswa mapiyona chaiwo kuti angonoshanda kwemwedzi mitatu. Izvi zvinozoita kuti mapoka matsva anenge aumbwa azoguma ava ungano. Somuenzaniso, pamushandirapamwe wakatangwa muna January kusvika muna March 2010, pakatangwa mazana ezvidzidzo zveBhaibheri uye mapoka mapfumbamwe. Panguva imwe cheteyo, mapiyona chaiwo 30 akatanga mapoka 15.
CHIMWEZVE CHIITIKO CHINOKOSHA
Muna 2009 paGungano Reruwa raiti “Rambai Makarinda!,” hama dzemuRwanda dzakafara zvikuru padzakaziviswa nezvebhuku renziyo idzva dzichinzwa dzimwe dzacho muchiKinyarwanda. Bhuku iri rakabva rangoshandurirwa muchiKinyarwanda uye ungano dzakawanawo makopi adzo nenguva zvokuti vakabatana nehama pasi rose kutanga kuimba nziyo itsva idzi muna January 2010.
Sezvo Shanduro Yenyika Itsva yeMagwaro echiKristu echiGiriki yakanga yabudiswa muna 2007 muchiKinyarwanda, vanhu vose vaingoshaya kuti Bhaibheri rose raizoshandurirwa riini muchiKinyarwanda. Gungano reRuwa ra2010 parakanga raswedera, zvakaziviswa kuti Hama Guy Pierce, nhengo yeDare Rinodzora, vaizouya kugungano raizoitirwa muKigali muna August. Gungano racho raizoitirwa munhandare yebhora iri pamhiri pomugwagwa, pedyo nebazi. Munhu wose ainakidzwa, uye takafara zvikuru Hama Pierce pavakazivisa kubudiswa kweShanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene yakazara muchiKinyarwanda! Mumwe nomumwe wevanhu vose 7 149 vaivapo musi weChishanu mangwanani, akawana Bhaibheri rake. Musi weSvondo, dzimwe hama dzakabva kune mamwe matunhu muRwanda zvokuti pakava nevanhu 11 355. Pagungano iri masoja vaifora vari kunze kwenhandare vakati vaidawo maBhaibheri, vakapiwa 180. Meya wemuKigali, mukuru wemapurisa, uye vakuru vakuru veBazi rezveMitambo vakafarawo pavakapiwa avo.
Basa rekuparidza mashoko akanaka muRwanda rakatangwa muna 1970 nevaparidzi vatatu. Iye zvino mava nevaparidzi vangasvika 20 000. Vanoitisa zvidzidzo zveBhaibheri zvinenge 50 000 pamwedzi. Vanhu 87 010 vakapinda Chirangaridzo muna April 2011. Hama dzemuRwanda dzinozivikanwa nekushingaira uye dzava nemakore dzichidaro. Pavaparidzi vana vega vega, mumwe chete ari mubasa renguva yakazara uye vasiri mubasa renguva yakazara vanosvitsa maawa anenge 20 pamwedzi. Izvi zvinoratidza kuti hama dzedu dziri kushanda ‘naTenzi wokukohwa’ mundima iyi yakaorera, dzisingadzokeri shure. Sezvo Jehovha ari kuramba achikomborera basa iri, tinotarisira kuti pachaitawo vamwe vakawanda vachadirana kugomo raJehovha rekunamata kwechokwadi muRwanda, Nyika Yechiuru Chemakomo.—Mat. 9:38; Mika 4:1, 2.
[Mashoko Omuzasi]
a Vanhu vanowanzoiti Congo kana kuti Congo (Kinshasa) vachiisiyanisa neCongo (Brazzaville) yayakavakidzana nayo. Munyaya ino yose tichangoshandisa rokuti Congo.
b Deborah akazova muparidzi, akabhabhatidzwa ava nemakore 10, uye iye zvino anopayona pamwe naamai vake.
c Mwana iyeye ava hanzvadzi yakabhabhatidzwa.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 178]
Akaudza vateereri vake kuti vangwarire Zvapupu zvaJehovha
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 181]
Vaikwazisana vachifara vachiti, “Komera!” izvo zvinoreva kuti “Shinga!”
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 218]
“Jehovha, hatigoni kuzviponesa. Imi chete ndimi munokwanisa!”
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 166]
Zvakaita Rwanda
Nyika
Rwanda ine makiromita 177 kubva kuchamhembe kusvika kumaodzanyemba uye yakafara makiromita 233. Ine vagari vanopfuura mamiriyoni 11 zvokuti ndiyo nyika ine vanhu vakanyanya kuita chitsokotsoko muAfrica yose. Kigali ndiro guta guru.
Vanhu
Nyika iyi inogara vaHutu, vaTutsi, vaTwa, nevamwe vakabva kuAsia nokuEurope. Vanopfuura hafu yevanhu vacho vanopinda Chechi yeRoma uye chikamu chimwe muzvina chinopinda dzimwewo chechi dzakabuda muRoma dzinosanganisira vaAdventist vakawanda. Vamwe vaMuslim uye vamwewo vanoita zvechivanhu.
Mutauro
Mitauro inonyanya kushandiswa chiKinyarwanda, Chirungu nechiFrench. ChiSwahili chinoshandiswa pakutengeserana nedzimwe nyika dzakavakidzana neRwanda.
Chinovararamisa
Vanhu vakawanda vomuRwanda varimi. Sezvo nzvimbo zhinji dzisina ivhu rakaorera, vakawanda vanongokwanisa kurima zvokudya zvemhuri dzavo chete. Zvirimwa zveko masamba, pamwe nepyrethrum, iyo inoshandiswa kugadzirisa mushonga wokuuraya zvipembenene, uye kofi ndiyo inonyanya kutengeswa kune dzimwe nyika.
Zvokudya
Zvokudya zveko zvinowanzova mbatatisi, mabhanana nebhinzi.
Mamiriro okunze
Kunyange zvazvo Rwanda iri mudunhu rinowanzopisa, mamiriro ayo ekunze ari pakati nepakati. Tembiricha yemunzvimbo dzakakwirira inowanzova 21°C uye kunonaya zviri pakati nepakati.
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 185]
“Jehovha Angazotidzingirira!”
EMMANUEL NGIRENTE
AKABEREKWA MUNA 1955
AKABHABHATIDZWA MUNA 1982
NHOROONDO Nhengo yeDare reBazi remuRwanda arizve mutariri weDhipatimendi Reshanduro.
◼ MUNA 1989, ndaipayona muRwanda nechokumabvazuva. Pakazopera gore racho ndakanzi ndinoshanda pahofisi yeshanduro. Ndakatya zvikuru sezvo ndakanga ndisati ndamboita basa iri uye ndaifunga kuti handimbozvikwanisa. Zvisinei, ndakatanga nekushandura zvinyorwa zvitatu. Takawana imba yekurenda uye takawana maduramazwi. Pamwe pacho ndaitoshanda usiku hwose, ndichinwa kofi kuti ndirambe ndakamuka.
Uto raipinda nechisimba parakarwisa muna October 1990, vamwe vanhu vakafungira kuti Zvapupu zvaJehovha zvainge zvakabatana naro. Hurumende yakabva yatanga kuferefeta. Sezvo ndaishandira pamba, vakaona sokuti ndakanga ndisingashandi, saka vakada kuziva zvandaiita. Rimwe zuva vakauya kuzosecha ndisingafungiri. Ndakanga ndarara ndichitaipa, saka na5:00 mangwanani ndakaedza kurara. Ndakazongonzwa ndava kudaidzwa kuti ndinoshanda basa remunharaunda.
Ndiri ikoko, mapurisa akauya akabvundunyura zvinhu mumba mangu. Pandakazodzoka, vavakidzani vangu vakandiudza kuti mupurisa nemumwe mukuru wemunharaunda yedu, vakanga vaita awa vachiverenga mapepa andakanga ndashandura, ayo aitaura ataurazve nezvaJehovha. Vakazongopedzisira vati: “Ngatibudei mumba muno, Jehovha angazotidzingirira!”
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 194]
Vanhu Miriyoni Vakafa Mumazuva Zana
“Zvakaitika muRwanda muna 1994, chimwe chezviitiko zviri pachena zvikuru zvokuedza kuparadza rudzi zvati zvamboitika mazuva ano. Kubvira muna April 1994 kusvikira pakati paJuly 1994, nhengo dzehurumende yeRwanda, vakawanda vacho vaHutu, dzakauraya verudzi rwechiTutsi avo vakanga vari vashoma. Hurumende yechiHutu, ichityira kuti ingatorerwa simba nevanhu vaitsigira utongi hweruzhinji, yakaronga kuuraya vose vayaiona sevavengi, kureva vaHutu vaisaitsigira pamwe nevaTutsi. Kuurayiwa kwevanhu kwakazomira pakapinda mauto evapanduki mazhinji acho ari vaTutsi, akadzingira hurumende yacho yaiuraya vanhu kunze kwenyika. Mumazuva zana chete, vanhu miriyoni vakafa vachiita zvokupondwa uye muhondo, zvokuti kuurayiwa kwevanhu muRwanda kunodarika kumwe kuurayiwa kwevanhu kupi zvako kwakanyorwa munhoroondo yevanhu.”—Encyclopedia of Genocide and Crimes Against Humanity.
Zvapupu zvaJehovha zvinenge 400 zvakaurayiwawo, kusanganisira vaHutu vaichengeta hama dzavo nehanzvadzi dzechiTutsi. Hapana Chapupu chakaurayiwa nechimwe Chapupu.
[Mufananidzo]
Vapoteri vachitiza muRwanda
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 197]
“Dzimba Dzaiurayirwa Vanhu”
“Vanhu vakanga varonga kuparadza rudzi rwevaTutsi vakavanyengera vakaita kuti makumi ezviuru apinde mumachechi achifunga kuti awana pekutizira; zvadaro vanhu vechiHutu vaiva nezvombo pamwe nemasoja vaitanga kuvauraya, vachikanda magirinedhi nokuridzira pfuti pakati pevanhu vacho vakanga vakaungana mumachechi nemuzvikoro, vachizopedzisa vainge vapukunyuka nemabhemba, majeko, nemapanga. Asi machechi haana kungoperera pakushandiswa pakuurayira vanhu chete. Sezvo vaiziva vanhu vomunharaunda dzavo, vafundisi, vadzidzisi vedzisvondo nevamwewo vaishanda mumachechi, mune dzimwe nzvimbo ndivo vaiita kuti vaTutsi vazivikanwe kuti vaurayiwe. Pamwe pacho vakatourayawo.”—Christianity and Genocide in Rwanda.
“Nyaya inonyanya kupomerwa Chechi yeRoma ndeyekusiya kutsigira kwayaiita vaTutsi vaitonga ndokutanga kutsigira vaHutu vaida kuchinja hurumende nechisimba, saka yakabatsira Habyarimana kuti atange hurumende yevaHutu vanova ndivo vazhinji munyika iyi. Pakuurayiwa chaiko kwevanhu, vamwe vanoti Chechi ndiyo yaiita kuti vanhu vavengane, ichipa vaizviita vacho pokugara, uye ichitadza kudzivirira vaya vaipotera muzvivako zvayo. Vamwewo vanoti, sezvo iriyo Chechi inotungamirira ruzhinji rwevanhu vemuRwanda panyaya dzekunamata, ine mhosva yekutadza kuita zvose zvayaigona kuti imise kuurayana uku.”—Encyclopedia of Genocide and Crimes Against Humanity.
[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 201-203]
“Tingauraya Seiko Munhu Ari Kurevererwa Nemunhu Wose?”
JEAN-MARIE MUTEZINTARE
AKABEREKWA MUNA 1959
AKABHABHATIDZWA MUNA 1985
NHOROONDO Anoita basa rokuvaka uye ihama yakatendeka inogara ichifara. Achangobhabhatidzwa akambosungwa kwemwedzi misere muna 1986. Akaroora Jeanne muna 1993, uye iye zvino ndisachigaro wedare rinoona nezveImba yeMagungano iri muKigali.
◼ MUSI waApril 7, ini nemudzimai wangu, nemwanasikana wedu Jemima akanga aine mwedzi, takamuka tavhundutswa nokurira kwepfuti. Pakutanga takafunga kuti raingova dambudziko rezvematongerwo enyika, asi nenguva isipi takazoziva kuti vanhu veInterahamwe vaiva nezvombo vakanga vatanga kuuraya vaTutsi vose. Saka sezvo isu tiri vaTutsi, hatina kumbobuda panze. Takanyengetera nemwoyo wose kuna Jehovha kuti atibatsire kuti tizive zvokuita. Panguva iyi, hama nhatu dzechiHutu dzakashinga, Athanase, Charles, naEmmanuel, dzakaisa upenyu hwadzo pamutanhiko kuti dzitiunzire zvokudya.
Takapedza unenge mwedzi tichihwanda mudzimba dzehama dzakasiyana-siyana. Nyaya yokuvhima vaTutsi payakanga yotsviriridza, vanhu vaya vaiva nezvombo vakauya kwatakanga takahwanda vaine mapanga, mapfumo, nemabhemba. Ndakavaona vachiuya, ndikamhanya zvokumhanya zviya kunohwanda mumakwenzi, asi vakandiwana. Ndakombwa nevarume vane zvombo, ndakavaudza ndichiteterera kuti ndiri mumwe weZvapupu zvaJehovha, asi ivo vakati, “Uri mupanduki!” Vakandikava ndikadonha ndokundirova nekumashure kwepfuti uye netsvimbo. Pari zvino vanhu vakanga vatoungana. Pakati pevanhu ava paiva nemumwe murume wandainge ndamboparidzira. Akadaidzira neushingi kuti, “Munzwireiwo tsitsi kani!” Imwe hama iya yechiHutu, Charles, yakabva yasvikawo. Pavakandiona ndiri pasi kudaro ndakazara ropa, mudzimai waCharles nevana vake vakatanga kuchema. Mhondi idzi dzanetsekawo nazvo, dzakandirega ndichienda dzichiti, “Tingauraya seiko munhu ari kurevererwa nemunhu wose?” Charles akabva adzokera neni kumba kwake kuti anondipepa kukuvara kwandakanga ndaita. Vanhu vaya vakatiyambira vachiti ndikangotiza vaizouraya Charles panzvimbo pangu.
Panguva yose iyi, ndakanga ndaparadzaniswa naJeanne nemwana wedu. Naiyewo akanga arohwa zvokufa, akatozopona nepaburi retsono. Vanhu vakazomuudza kuti ndakanga ndaurayiwa. Vakatomuudza kuti atsvake machira okuputira mutumbi wangu.
Takazosvimha misodzi patakasanganazve nomudzimai wangu kumba kwaAthanase. Kunyange zvakadaro, taingotarisira kufa mangwana acho. Rakava zuva raityisa nokuti takachinja tachinjazve pokuvanda. Ndinorangarira ndichiteterera kuna Jehovha kuti: “Nezuro makatibatsira. Tapota tibatsirei zvakare. Tinoda kurera mwana wedu uye kuramba tichikushumirai!” Zuva rodoka dzimwe hama nhatu dzechiHutu dzakazvipira kutitungamirira tiri vaTutsi vaida kusvika 30 tichipfuura nemumarodhibhuroku aityisa vakatiendesa kwakanga kusina ngozi. Muboka iroro, vatanhatu vakagamuchira chokwadi.
Takazonzwa kuti Charles nevamwe vake vakaramba vachibatsira vamwe asi vanhu veInterahamwe vakanga vashatiriswa pavakaziva kuti hama idzi dzakanga dzabatsira vaTutsi vakawanda kupukunyuka. Vakazobata Charles nemumwe muparidzi wechiHutu, ainzi Leonard. Mudzimai waCharles akavanzwa vachiti, “Munofanira kufa nekuti makabatsira vaTutsi kupukunyuka.” Vakabva vavaponda. Izvi zvinotiyeuchidza mashoko aJesu okuti: “Hapana ane rudo rukuru kune urwu, kuti mumwe munhu ape mweya wake nokuda kweshamwari dzake.”—Joh. 15:13.
Hondo isati yatanga, pataironga kuroorana naJeanne, takanga taronga kuti mumwe wedu aifanira kuzopayona. Zvisinei, pakazopera hondo hama dzepedyo dzakawanda dzakanga dzafa saka takanga tava nenherera nhanhatu dzataichengeta kunyange zvazvo taiva nevana vaviri vedu pachedu panguva iyoyo. Zvisinei, Jeanne akatanga kupayona hondo yapera uye ava nemakore 12 achipayona. Uyewo nherera dziya dzose dziri nhanhatu dzakabhabhatidzwa asi vabereki vavo vakanga vasiri Zvapupu. Vakomana vatatu vava vashumiri vanoshumira, uye mumwe musikana ava kushumira pamwe nemurume wake paBheteri. Vana vedu pachedu vava vana uye vakuru vacho, vasikana vaviri, vakabhabhatidzwa.
[Mufananidzo]
Hama naHanzvadzi Mutezintare nevana vavo vaviri nenherera shanu
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 204, 205]
“Chokwadi Chakaita Kuti Ticheme Netariro”
Valerie Musabyimana naAngeline Musabwe mukoma nomunun’una. Vaibva mumhuri yaipinda chechi yeRoma, uye baba vavo vaiva sachigaro wedare rechechi yacho munharaunda mavo. Valerie akanga adzidza kwemakore mana kuti azove munani. Asi akazosiya zvidzidzo zvacho muna 1974 aodzwa mwoyo neunhu hwomumwe mupristi. Akazodzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha, akabhabhatidzwa, uye akatanga kupayona muna 1979. Munun’una wake akadzidzawo Bhaibheri ndokubhabhatidzwa. Valerie naAngeline vari kushanda vose semapiyona chaiwo uye vabatsira vakawanda kudzidza chokwadi.
Vaviri ava vaigara muKigali panguva yaiurayiwa vanhu uye vakavanza vanhu vapfumbamwe mumba mavo, kusanganisira vakadzi vaviri vaiva nepamuviri, uye mumwe wacho akanga achangobva kuurayirwa murume. Mukadzi uyu akazosununguka. Sezvo zvaityisa kuti abude mumba panguva iyi, hanzvadzi idzi ndidzo dzakaita vananyamukuta. Vavakidzani vavo pavakanzwa nezvazvo, vakavaunzira mvura nezvokudya.
Boka reInterahamwe parakanzwa kuti Angeline naValerie vakanga vakavanza vaTutsi, vakauya ndokuti: “Tauya kuzouraya Zvapupu zvaJehovha zvechiTutsi.” Zvisinei, sezvo imba yakanga ichirenda hanzvadzi idzi yakanga iri yemumwe mukuru weuto, mhondi idzi dzakatya kupinda.d Munhu wose aiva mumba macho akapona.
Angeline naValerie vakazopedzisira vabva munzvimbo iyi vaona hondo yapisa, mabara achiita kunaya. Vakatizira kuGoma nezvimwe Zvapupu, uko kwavakagamuchirwa nehama dzekuCongo. Vakaenderera mberi nekuparidza uye vakaitisa zvidzidzo zveBhaibheri zvakawanda.
Chii chakavabatsira kukurira kusuruvara pashure pehondo? Valerie anotaura akasuruvara kuti: “Vanhu vakawanda vandakabatsira kuwana chokwadi vandaiona sevana vangu, vakadai saEugène Ntabana nemhuri yake, vakaurayiwa. Chokwadi chakaita kuti ticheme netariro. Tinoziva kuti Jehovha achatonga vanoita zvakaipa.”
[Mashoko Omuzasi]
d Hondo yapera, muridzi wemba iyi akatanga kudzidza Bhaibheri. Akazofa, asi mudzimai wake pamwe nevana vavo vaviri vakazova Zvapupu.
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 206, 207]
Vakanga Vakazvipira Kutifira
ALFRED SEMALI
AKABEREKWA MUNA 1964
AKABHABHATIDZWA MUNA 1981
NHOROONDO Aigara muguta reKigali nemudzimai wake Georgette. Alfred iye zvino inhengo yeDare Rokukurukura Nezvipatara muKigali uye murume anoda mudzimai wake nevana.
◼ PAKATANGA kuurayiwa kwevanhu, Athanase, imwe hama yechiHutu yaigara pedyo nesu yakatumira shoko rokutinyevera ichiti, “Vari kuuraya vaTutsi vose uye vachakuurayaiwo.” Akatiteterera kuti tiuye kumba kwake. Hondo isati yatanga, akanga agadzira kakamuri mugomba rakadzika mamita 3,5 raakachera. Akati tipinde imomo, saka ndini ndakatanga kudzika nemanera aakanga agadzira. Athanase akaronga kuti tidzikisirwe zvokudya nemamatiresi. Kunze, vanhu vakanga vachingourayiwa kwose kwose.
Kunyange zvazvo vavakidzani vaifungira kuti takanga takavanda pamba apa vachityisidzira Athanase vachiti vaizopisa imba yake, iye nemhuri yake vakaramba vakativanza. Zvechokwadi, vakanga vakazvipira kutifira.
Pashure pemazuva matatu, kurwa kuya kwakanga kwava kutyisa zvokuti mhuri yaAthanase yakapindawo matakanga tiri, tikapedzisira tava 16. Taiva murima rakati ndoo nokuti zvaisaita kuti tibatidze mwenje. Zuva nezuva, munhu mumwe nomumwe aidya chipunu chemupunga usina kubikwa, wakanyikwa mumvura ine shuga. Papera mazuva gumi, takanga tisisina chokubata. Pakazosvika zuva rechi13, nzara yakanga yotiruma zvino! Taizoita sei? Nechepamusoro pemanera, waigona kuona zvaiitika kunze, uye takacherechedza kuti mamiriro ezvinhu akanga achinja. Takanga tava kuona masoja akapfeka imwewo yunifomu. Sezvo mhuri yaAthanase yakanga yatichengetedza, ndakafungawo kuti yakanga yava nguva yokuti ndizvipirewo. Ndakasarudza kuenda nemwanakomana ari kuyaruka waAthanase kunotsvaka zvokudya kunze. Tose takatanga tanyengetera.
Papera maminitsi 30, takadzoka nemashoko okuti uto reRwandan Patriotic Front rakanga ratora nzvimbo iyi. Mamwe masoja akaenda nesu. Ndakavaratidza patakanga takahwanda. Havana kuzvitenda kusvikira pakatanga kubuda hama nehanzvadzi mugomba iri, mumwe pashure pomumwe. Georgette anoti haazombokanganwi zvakaitika achiti: “Takabuda tiine shena; tange tiri pasi kwemavhiki anoda kusvika matanhatu tisingakwanisi kugeza muviri uye mbatya dzedu.”
Masoja akashamisika kuti vanhu vanobva mumarudzi maviri akasiyana vaigarisana mugomba iri. Ndakatsanangura kuti: “Tiri Zvapupu zvaJehovha uye hatiiti zverusaruraganda.” Vakashamiswa vakati, “Ipai vanhu ava vari kubva mugomba zvokudya neshuga!” Vakatitora vakaenda nesu kuimba yakanga ichigara vanhu vanenge 100 vakanga vasina pokugara. Izvi zvaitika, imwe hanzvadzi yakakumbira nemwoyo wose kuti tose tiri 16 tizogara nemhuri yayo.
Tinotenda kuti takapona. Kunyange zvakadaro, hanzvadzi yangu nomunun’una wangu, avo vaiva Zvapupu zvaJehovha nevamwewo vavakidzani vedu, vakaurayiwa. Tinorwadziwa asi tinozivawo kuti ‘tose tinowirwa nenguva nezviitiko zvisingafanoonekwi.’ Georgette anotsanangura manzwiro edu achiti: “Takarasikirwa nehama nehanzvadzi dzedu, uye vamwe vaitoita zvokutiza nokuhwanda. Zvisinei, takasimbisa ukama hwedu naJehovha nekunyengetera, uye takaona kuti ruoko rwaJehovha rune simba. Akatinyaradza nokutibatsira panguva yataida kubatsirwa achishandisa sangano rake uye tinotenda izvi. Jehovha akatikomborera zvikuru.”—Mup. 9:11.
[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 208, 209]
Jehovha Akatibatsira Munguva Iyi Yaityisa
ALBERT BAHATI
AKABEREKWA MUNA 1958
AKABHABHATIDZWA MUNA 1980
NHOROONDO Mukuru akaroora, ane vana vatatu. Mudzimai wake nemwanasikana wake mukuru mapiyona enguva dzose. Mwanakomana wake mushumiri anoshumira. Albert ihama yechiHutu yakazvinyararira zvayo. Akatanga kupinda misangano muna 1977 muRwanda muchine vaparidzi 70 chete. Muna 1988 akaiswa mujeri, akarohwa. Paakaramba kupfeka bheji rebato rezvematongerwo enyika, muvakidzani wake aimbova musoja akabayirira pini yebheji racho munyama yake ndokumunyomba achiti: “Wazoripfeka manje bheji riya!”
◼ PAKAFA mapurezidhendi, dzimwe hama nehanzvadzi, voukama nevavakidzani vakatizira kumba kwangu. Zvisinei, chakandinetsa ndechokuti dzimwe hanzvadzi mbiri dzechiTutsi, Goretti naSuzanne dzakanga dzisipo. Ndakaenda kunovatsvaka kunyange zvazvo zvaigona kundiurayisa. Ndakaona Goretti nevana vake pakati pevanhu vaitiza, ndikabva ndaenda naye kumba kwangu, ndichiziva kuti kwavakanga vakananga kwainge kwakavharwa mugwagwa, zvokuti vaitozourayiwa chete.
Papera mazuva akati, Suzanne, nevamwe vanhu vashanu vakazouya kwataive. Iye zvino takanga tava kupfuura 20 mumba umu, tose tiri parumananzombe.
VeInterahamwe vakauya pamba pedu kanenge katatu. Mumwe musi vakaona mudzimai wangu Vestine nepahwindo vakadaidzira kuti abude. Vestine muTutsi. Ndakamira pakati pemhondi idzi nemudzimai wangu ndikavaudza kuti: “Kana muchida kumuuraya, tangai neni!” Mushure mokumbokurukura, vakazoudza mudzimai wangu kuti adzokere hake mumba. Mumwe wavo akati, “Handidi zvekuuraya mukadzi; ndinoda kuuraya murume.” Vakatanga kunetsana natsano vangu. Sezvavaivaendesa panze, ndakazvikanda pakati pavo natsano vangu ndichibva ndateterera ndichiti, “Musiyeyi kani vanhu vaMwari!”
Mumwe wavo akandichenamira achiti, “Handisevenzeri Mwari ini,” achindirova negokora. Zvisinei, akazochinja mwoyo, achibva ati: “Chienda! Mutore!” Ndiko kupona kwakaita tsano vangu.
Papera unenge mwedzi, hama mbiri dzakauya dzichitsvaga zvokudya. Sezvo ndaiva nebhinzi ndakavapa dzimwe, asi sezvandaivaperekedza kuti ndivaratidze nzira isina ngozi, ndakanzwa kurira kwepfuti ndichibva ndafenda. Ndakanga ndarohwa ziso netuzvimedu twesimbi twakanga twabva pakarira pfuti. Mumwe muvakidzani akandiendesa kuchipatara, asi ziso rangu rakanga rakuvara rakabva rafa. Zvakatoipisisa ndezvokuti ndakanga ndisingakwanisi kudzokera kumba. Ukuwo, sezvo kurwisana kwaiwedzera, zvakanga zvava nengozi kuti vanhu vaiva kumba kwangu varambe variko, saka vakatizira kudzimba dzehama, idzo dzakaisa upenyu hwadzo pamutanhiko kuti dzivadzivirire kutozosvika muna June 1994. Handina kukwanisa kuva nemudzimai wangu pamwe chete nemhuri kutozosvika muna October. Ndinotenda Jehovha chaizvo nekundibatsira pamwe nemhuri yangu panguva iyi yaityisa.
[Mufananidzo]
Albert Bahati nemhuri yake nevamwe vaakavanza
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 210-212]
“Iyi Ndiyo Nzira”
GASPARD NIYONGIRA
AKABEREKWA MUNA 1954
AKABHABHATIDZWA MUNA 1978
NHOROONDO Akatsigira chokwadi asingatyi uye achifara. Iye zvino Gaspard akaroora uye ane vanasikana vatatu, uye inhengo yeDare Rebazi reRwanda.
◼ PAKATANGA kurira pfuti mangwanani aApril 7, ndakaona kuti dzimba dzinenge 15 dzevaTutsi dzakanga dzichitsva kusanganisira mbiri dzehama dzedu. Yedu yaizopona here? Ndakanetseka chaizvo ndichifunga kuti chii chaizoitika kuvana vangu vaviri nemudzimai wangu, muTutsi.
Ndakapererwa. Yaingova nyonganyonga, vanhu vachitaura zvekunyepa nemakuhwa. Ndakafunga kuti zvaive nani kuti mudzimai wangu nevana vaende kumba kweimwe hama yaigara pedyo, ini ndozovatevera pave paya. Pazvakanga zvava kuita kuti ndiendeko, ndakasvikowana mudzimai wangu atizira kune chimwe chikoro chikuru. Masikati acho mumwe muvakidzani akauya kwandiri akati, “VaTutsi vose vatizira muchikoro ichi vachapondwa!” Ndakabva ndangomhanyira kuchikoro kwacho, ndikawana mudzimai wangu nevana ndokuunganidza vamwe vanenge 20 vaisanganisira hama nehanzvadzi ndikavaudza kuti vadzokere kudzimba dzavo. Tava kuenda, takaona varwi vachiendesa vanhu kunze kweguta kwavakanouraya vaTutsi vanopfuura 2 000.
Paiitika zvose izvi, mudzimai wemumwe muvakidzani wedu akanga asununguka mwana pachikoro chiya. Boka reInterahamwe parakakanda girinedhi muchikoro, murume wacho akatiza nekasvava kavo. Nokutya, mukadzi wacho akatiza nekwakewo. Kunyange zvazvo murume uyu aiva muTutsi, akakwanisa kupfuura nemaiva makavharwa migwagwa nemhaka yekasvava kaakanga akagumbatira, akabva amhanyira kumba kwedu. Akandikumbira kuti ndiedze kunotsvaka mukaka wemwana. Pandakazvishingisa kuti ndibude, ndakangoerekana ndasvika pamugwagwa wakanga wakavharwa neveInterahamwe. Vachindifungira kuva munhu aitsigira vaTutsi pakuti ndakanga ndichinotsvakira kamwana kemuTutsi mukaka, vakati, “Ngatimupondei!” Mumwe musoja akandirova nekumashure kwepfuti ndikabva ndafenda, ndichibuda ropa mumhuno nekumeso. Vachifunga kuti ndafa, vakandizvuzvurudzira kuseri kwemba yaiva pedyo.
Mumwe muvakidzani akandiziva akabva ati, “Wotobva pano, nekuti vanogona kudzoka vakakupedzisa.” Akandibatsira kudzokera kumba.
Kunyange zvazvo izvi zvakandirwadza zvikuru, zvakatozondibatsira. Mangwana acho vamwe varume vashanu vakauya kuti vandimanikidze kuti ndive mutyairi wemumwe mukuru-mukuru weuto nekuti vaiziva kuti ndinotyaira. Pavakaona maronda angu, havana kuzoramba vachinetsa kana kundimanikidza kuchengetedza nzvimbo neveInterahamwe.
Mazuva akatevera aityisa, tisingazivi kuti zvichaguma nei, uku tichifa nenzara. Panguva iyoyo mumwe mukadzi wechiTutsi akangoti bherengende mumba mangu nevana vake vaduku vaviri. Takamuvanza mukabati muimba yekubikira ndokuisa vana vake vaviri pamwe chete nevangu mune imwe imba. Patakaona kuti uto reRPF rakanga rapinda nechisimba riri kuramba richirwisa, uye patakanzwa karunyerekupe kokuti veInterahamwe vakanga vava kutevedza vachiuraya vaHutu vose vaiva nemadzimai echiTutsi, mhuri yedu yose yakagadzirira kutizazve. Asi uto reRPF rakanga ratotora nzvimbo yataigara, saka vaTutsi vakanga vasisiri pangozi. Asi ini ndakanga ndava pangozi.
Ndakazoenda neboka revavakidzani vedu pamugwagwa wakanga wava kuchengetedzwa nemasoja eRPF Pavakaona kuti ndiri muHutu, musoro wangu uine mabhandeji, vakafunga kuti ndaiva weInterahamwe. Vakadaidzira kwatiri tose kuti: “Pakati penyu apa pane mhondi nenhubu, asi ndipo pamuri kuti muri kuda kubatsirwa! Ndiani wenyu akavanza kana kudzivirira vaTutsi?” Ndakavaratidza mudzimai nevana vandakanga ndavanza. Vakabva vatora vana vakaenda navo parutivi ndokuvabvunza kuti, “Murume uyu ane musoro wakabhandejwa ndiani?” Vakapindura vachiti, “Haasi muInterahamwe uyu; mumwe weZvapupu zvaJehovha uye murume akazonaka.” Ndakanga ndaponesa mukadzi wechiTutsi nevana vake vaviri, uye iye zvino ndivo vakanga vava kundiponesa!
Vagutsikana nemhinduro idzodzo, vakaenda nesu kumusasa waiva makiromita 20 kubva muKigali, kwaiva nevanhu vanenge 16 000 vakanga vapukunyuka. Ikoko takasangana nehama nehanzvadzi dzinenge 60 dzaibva muungano 14 dzakasiyana-siyana. Takaronga kuita misangano, wokutanga ukapindwa nevanhu 96! Zvisinei, yaiva nguva yakaoma zvikuru sezvo tainzwa kuti dzimwe shamwari dzedu dzakanga dzaurayiwa uye dzimwe hanzvadzi dzakanga dzabatwa chibharo. Ndini ndoga ndaiva mukuru, uye hama nehanzvadzi dzakawanda dzaida kunyaradzwa nekubatsirwa neMagwaro. Ndakateerera pavaindiudza nyaya dzavo dzaisiririsa ndikavavimbisa kuti Jehovha aivada uye aiziva kurwadziwa kwavaiitwa.
Musi waJuly 10, pashure pevhiki dzaityisa zvikuru, takazokwanisa kudzokera kudzimba dzedu. Ndinoyeuka kuti panguva iyi yaityisa yatakange takatarisana nerufu, ndaiwanzofunga rwiyo rwunoti, “Iyi Ndiyo Nzira.” Mashoko erwiyo urwu akandisimbisa zvikuru okuti: “Ngatirege kumbotsauka zvedu, Fambiro mberi yobva m’nzira yaJa.”
[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 223, 224]
Mumwe Munhu Aindishevedza
HENK VAN BUSSEL
AKABEREKWA MUNA 1957
AKABHABHATIDZWA MUNA 1976
NHOROONDO Akamboshanda paBheteri kuNetherlands akazoenda kuGiriyedhi muna 1984. Akatumirwa kuCentral African Republic nekuChad uye muna September 1992 kuRwanda. Iye zvino ari kushanda pahofisi yebazi yemuRwanda nemudzimai wake Berthe.
◼ UNGANO yeKigali Sud ndiyo yandakatanga kupinda nayo muRwanda, uye yaiva nevana vakawanda. Hama nehanzvadzi dzacho dzaiva nerudo nemutsa. Muna 1992, munyika iyi makanga musina ungano dzakawanda uye maingova nevaparidzi vanoti pfuurei 1 500. Mapurisa akanga achiri kungotifungira, saka kakawanda aitimisa pataiparidza kuti aone zvitupa zvedu.
Pakatanga kuurayiwa vanhu, ndaitofanira kubuda munyika iyi. Asi izvi zvichangoitika, ndakakumbirwa kunobatsira vapoteri vaiva muCongo nechekumabvazuva. Ndakabva kuNairobi ndakananga kuGoma, guta riri pamuganhu weRwanda neCongo. Ndakanga ndisati ndambotsika nzvimbo iyi, asi ndaingoziva zita remukuru mumwe chete saka ndaishaya kuti ndaizomuwana sei. Zvisinei, pandakasvika ndakabvunza mutyairi wetekisi yakanditakura. Akazobvunza vamwe vatyairi zvokuti pasina kana maminitsi 30, ndakanga ndatosvika pamba pemukuru uya. Hama mbiri dzedare raitarisira basa muRwanda dzakakwanisa kuyambuka muganhu dzichipinda muGoma, uye ndakadzipa mari yandakanga ndapiwa nehofisi yebazi muKenya yokuyamura hama dzemuRwanda.
Pandakaenda kuGoma kechipiri ndichibva kuNairobi, ndinoyeuka ndichienda netsoka kumuganhu weRwanda. Kunyange zvazvo kwaisava kure, zvakanditorera nguva kuti ndizosvika sezvo ndaipesana negurusvusvu revapoteri vaibva kuRwanda.
Ndakazongonzwa mumwe munhu aindishevedza achiti: “Ndugu (hama) Henk! Ndugu Henk!” Pandakacheuka, ndakabva ndangosanganidzana maziso naAlphonsine. Akanga ari musikana ane makore 14 aibva muungano yandakambopinda nayo muKigali uye akanga arasana naamai vake. Takaramba tiri pamwe chete mugurusvusvu revanhu iri uye ndakamuendesa kuImba yoUmambo kwakanga kwakaungana dzimwe hama nehanzvadzi. Imwe mhuri yaibva kuCongo yakamuchengeta, uye akazochengetwawo neimwe hanzvadzi yaiva mupoteri yaimbova muungano imwe chete naye. Alphonsine akazoonana zvakare naamai vake muKigali.
[Mufananidzo]
Henk nemudzimai wake Berthe
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 235, 236]
Jehovha Akaita Zvinhu Zvikuru Zvinoshamisa!
GÜNTER RESCHKE AKABEREKWA MUNA 1937
AKABHABHATIDZWA MUNA 1953
NHOROONDO Akatanga kupayona muna 1958 akazopinda kirasi yechi43 yeGiriyedhi. Kubvira muna 1967 akamboshumira ari muGabon, Central African Republic, neKenya uye akaita basa rokufambira dzimwewo nyika dzinoverengeka. Iye zvino inhengo yeDare Rebazi muRwanda.
◼ NDAKATANGA kusvika muRwanda muna 1980. Ndakanga ndatumirwa kubva kuKenya ndiri mutariri weruwa. Panguva iyoyo, muRwanda maingova neungano nomwe nevaparidzi 127. Ndaivawo mumwe wevarayiridzi veChikoro Chebasa Roupiyona chakatanga kuitwa munyika iyi. Pamapiyona 22 akapinda chikoro ichi, vakawanda vavo vachingori mubasa renguva yakazara. Ndakadzokera kuKenya ndichingofunga nezvekushingaira kwaiita hama muushumiri uye kufarira kwadzaiita chokwadi.
Muna 1996 ndakanyorerwa tsamba nebazi reKenya ndichikumbirwa kuti nditamire kuRwanda. Ndakanga ndagara muKenya kwemakore 18 uye ndaida kuramba ndirimo. Patakasvika kuRwanda zvinhu zvakanga zvisati zvagadzikana. Taiwanzonzwa pfuti dzichirira usiku. Asi pasina nguva ndakatanga kunakidzwa nebasa rangu kunyanya pandaiona kukomborera kwaiita Jehovha basa muRwanda.
Taiitira magungano pasina zvivako. Asi hama dzaiwanzogara pasi kana pamatombo dzisingagunun’uni. Vanhu vaibhabhatidzirwa mumakomba ainge akaiswa matende mukati. Nokufamba kwenguva pakavakwa Dzimba Dzemagungano dzisina madziro neDzimba dzoUmambo shoma dzine mavharanda akakura anokwanisa kuitirwa magungano. Zvisinei magungano achiri kuitirwa pasina zvivako munzvimbo zhinji munyika iyi.
Hama dzaishingaira kuzivisa mashoko akanaka. Pakupera kwevhiki, ungano dzomuKigali dzaitanga misangano yadzo mangwanani-ngwanani. Pavaipedza, vaparidzi vaibva vaenda mubasa romumunda voshanda kusvikira kwasviba.
Ndaiwanzofarira kutaura nevechiduku muungano, avo vataitarisira kuti vazoita mamwe mabasa anokosha mune ramangwana. Zvaifadza kuona vakawanda vachitsigira chokwadi vasingatyi, vachiratidza kuti vane ukama naJehovha kunyange vachiri vaduku!
Somuenzaniso kumaodzanyemba, kamwe kakomana kaiva nemakore 11 kainzi Luc, kakakumbirwa kuimba rwiyo rwokurumbidza nyika mukirasi. Akakumbira neruremekedzo kuti aimbe rumwe rwiyo rwedu rweUmambo. Mudzidzisi akabvuma uye vose vaiva mukirasi vakamuomberera maoko paakapedza. Kuimba kwakaita mwana uyu nemusoro mashoko enziyo iyi kunoratidza kuti ainakidzwa nokurumbidza Musiki wake. Nyaya iyi nedzimwewo dzakaitika dzakandikurudzira. Ndakasanganawo neimwe hanzvadzi yakanga yambosungirwa kuparidza mashoko akanaka ikaiswa mujeri. Ari mujeri akabereka mwanakomana akamutumidza kuti “Shikama Hodari” (kureva kuti “ramba wakasimba” pachiSwahili). Shikama akaita zvinoenderana nezita rake. Munguva ichangobva kudarika akapinda Chikoro cheBhaibheri Chehama Dzisina Kuroora, zvakare mushumiri anoshumira uye ndipiyona chaiye.
Hama dzomuRwanda dzakaramba dzakatendeka uye dzichishingaira muushumiri kwemakore akawanda adzaisangana nematambudziko akadai sokurambidzwa munyika, hondo, uye kuurayiwa kwevaTutsi. Izvi zvinondikurudzira zvikuru uye chikomborero kushanda nadzo. Uyewo ndinonyatsonzwa kuti Jehovha ari kundikomborera, kundidzivirira nokunditsigira uye izvi zvinondiswededza pedyo naye. Chokwadi, Jehovha akaita zvinhu zvikuru zvinoshamisa!—Pis. 136:4.
[Chati/Mifananidzo iri papeji 254, 255]
MAKORE AZVAKAITIKA—Rwanda
1980
2000
1970
1970 Vaparidzi vokutanga vanoshuma.
1975 Mhuri yomuRwanda yokutanga inodzoka kubva kuCongo.
1976 Kabhuku kanonzi “This Good News of the Kingdom” kanobudiswa muchiKinyarwanda.
1978 Nharireyomurindi inobuda kamwe pamwedzi inodhindwa muchiKinyarwanda.
1980
1982 Kuparidza kunorambidzwa uye hama dzaitungamira dzinosungwa.
1986 Chikamu chimwe chete pazvitatu zvevaparidzi chinoiswa mujeri.
1990
1990 Hondo inotanga muRwanda nechokuchamhembe.
1992 Gungano reruwa rokutanga reZvapupu zvose zvomuRwanda rinoitwa.
Basa rinonyoreswa zviri pamutemo.
Mamishinari anosvika.
1994 Kuurayiwa kwevaTutsi.
1996 Mamishinari anodzoka.
Dhipatimendi Rebasa rinoumbwa.
1998 Nharireyomurindi yechiKinyarwanda inotanga kubudiswa panguva imwe chete neyeChirungu.
1999 Imba Yemagungano isina madziro yemuKigali inotsaurirwa.
2000
2000 Hofisi yeBazi inovhurwa.
Dhipatimendi Rokuvakwa kweDzimba dzoUmambo rinotanga kushanda.
2001 Nzvimbo yokuvakira bazi idzva inotengwa.
2006 Zvivako zvitsva zvebazi zvinotsaurirwa.
2007 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro echiKristu echiGiriki inobudiswa muchiKinyarwanda.
2010
2010 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene yakazara inobudiswa muchiKinyarwanda.
[Girafi/Mufananidzo uri papeji 234]
(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)
Vaparidzi Vose
Mapiyona Ose
20,000
15,000
10,000
5,000
1985 1990 1995 2000 2005 2010
[Mepu dziri papeji 167]
(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)
UGANDA
DEMOCRATIC REPUBLIC OF CONGO
Gomo reNyiragongo
Goma
BURUNDI
TANZANIA
RWANDA
KIGALI
MAKOMO EVIRUNGA
Gomo reKarisimbi
Ruhengeri (yava kunzi Musanze)
Gisenyi (yava kunzi Rubavu)
Dziva reKivu
Bukavu
Kanombe
Masaka
Gitarama (yava kunzi Muhanga)
Bugesera
Nyabisindu (yava kunzi Nyanza)
Save
Butare (yava kunzi Huye)
Equator
[Mifananidzo iri papeji 164, 165]
Kubata hove Mudziva reKivu
[Mufananidzo uri papeji 169]
Oden naEnea Mwaisoba
[Mufananidzo uri papeji 170]
Gaspard Rwakabubu nemwanasikana wake, Deborah nemudzimai wake, Melanie
[Mufananidzo uri papeji 171]
“This Good News of the Kingdom” muchiKinyarwanda
[Mufananidzo uri papeji 172]
Justin Rwagatore
[Mufananidzo uri papeji 172]
Ferdinand Mugarura
[Mufananidzo uri papeji 173]
Vanhu vatatu vakabhabhatidzwa muna 1976: Leopold Harerimana, Pierre Twagirayezu, naEmmanuel Bazatsinda
[Mufananidzo uri papeji 174]
Mabhuku echiKinyarwanda
[Mufananidzo uri papeji 179]
Phocas Hakizumwami
[Mufananidzo uri papeji 180]
Palatin Nsanzurwimo nomudzimai wake (kurudyi) nevana
[Mufananidzo uri papeji 181]
Odette Mukandekezi
[Mufananidzo uri papeji 182]
Henry Ssenyonga ari pamudhudhudhu wake
[Mufananidzo uri papeji 188]
Gwaro rokunyoreswa zviri pamutemo, April 13, 1992
[Mufananidzo uri papeji 190]
Hama dzichibvisa chikuva kuti bhora ritange
[Mufananidzo uri papeji 192]
Leonard naNancy Ellis (vari pakati) nemhuri yekwaRwakabubu neyekwaSombe
[Mufananidzo uri papeji 193]
Zvisaririra zvendege yakadonha ikatsva pedyo neKigali
[Mifananidzo iri papeji 199]
“Hatina kuratidzirana rudo sehama,” mashoko akanyorwa pachechi yeRoma iri muKibuye (yava kunzi Karongi)
[Mufananidzo uri papeji 214]
Kubva kuruboshwe kuenda kurudyi: (kumashure) André Twahirwa, Jean de Dieu, Immaculée, Chantal (ane mwana), Suzanne; (pamberi) vana vekwaMugabo: Jean-Luc naAgapé
[Mufananidzo uri papeji 216]
Védaste Bimenyimana achiitisa chidzidzo cheBhaibheri
[Mufananidzo uri papeji 217]
Tharcisse Seminega nemudzimai wake Chantal
[Mufananidzo uri papeji 218]
Tharcisse naJustin vakamira pedyo nechirugu chembudzi chakavanzwa Tharcisse nemhuri yake kwemwedzi
[Mifananidzo iri papeji 226]
Pamusoro: Musasa wevapoteri wehama dzemuRwanda; pazasi: musasa wevapoteri weZvapupu nevamwewo
Goma, Congo
Benaco, Tanzania
[Mifananidzo iri papeji 229]
Imba yeUmambo yakashandiswa sechipatara
[Mufananidzo uri papeji 238]
Oreste nemhuri yake muna 1996
[Mufananidzo uri papeji 240]
Théobald naBerancille Munyampundu
[Mifananidzo iri papeji 241]
Hama nehanzvadzi dzechiTutsi nedzechiHutu dzichigadzira nzvimbo yeImba yeMagungano itsva
[Mufananidzo uri papeji 242]
Imba Yemagungano isina madziro muKigali, muna 2006
[Mufananidzo uri papeji 243]
Chikoro Chokudzidzisa Vashumiri muKigali, muna 2008
[Mufananidzo uri papeji 246]
Vemutauro wemasaini vari pagungano rezuva chairo muGisenyi, muna 2011
[Mufananidzo uri papeji 248]
François Xavier Hakizimana
[Mifananidzo iri papeji 252, 253]
Hama nehanzvadzi dziri kushanda ‘naTenzi wokukohwa’ mundima iyi yakaorera, dzisingadzokeri shure