RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ijwbq nyaya 193
  • Bhaibheri Rinotii nezvaDhanieri?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Bhaibheri Rinotii nezvaDhanieri?
  • Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mhinduro yeBhaibheri
  • Dhanieri aiva ani?
  • Dhanieri—Bhuku Riri Kutongwa
    Fungisisa Uprofita hwaDhanieri!
  • Bhuku reBhaibheri Nhamba 27—Dhanieri
    “Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera”
  • Pfungwa Huru Dzatinowana muBhuku raDhanieri
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
  • Bhuku raDhanieri Newe
    Fungisisa Uprofita hwaDhanieri!
Ona Zvimwe
Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
ijwbq nyaya 193
Muprofita Dhanieri achinyengetera kuna Mwari ari mugomba reshumba.

Bhaibheri Rinotii nezvaDhanieri?

Mhinduro yeBhaibheri

Dhanieri aiva muprofita wechiJudha akararama makore ekuma600 kusvika 500 B.C.E. Mwari akamuita kuti akwanise kududzira hope, akaita kuti aone zvaizoitika mune ramangwana, uye akamufemera kuti anyore bhuku reBhaibheri rinonzi Dhanieri.—Dhanieri 1:17; 2:19.

Dhanieri aiva ani?

Dhanieri akakurira muumambo hweJudha, umo maiva neguta reJerusarema uye temberi yevaJudha. Muna 617 B.C.E., mambo weBhabhironi, Nebhukadhinezari, akatora Jerusarema uye akatapa “varume vaikudzwa vemunyika yacho” akaenda navo kuBhabhironi. (2 Madzimambo 24:15; Dhanieri 1:1) Dhanieri uyo anofanira kunge aiva mukomana wechidiki panguva yacho akatapwawo.

Dhanieri nevamwe vakomana vechidiki vachiendeswa kumuzinda weBhabhironi.

Dhanieri nevamwe vakomana vechidiki vanosanganisira Shadreki, Misheki naAbhedhinego vakaendeswa kumuzinda weBhabhironi kunodzidziswa basa remuhurumende. Kunyange zvazvo vakamanikidzwa kuti vaite zvinhu zvaisaenderana nezvavaitenda, Dhanieri neshamwari dzake nhatu vakaramba vakatendeka kuna Mwari wavo, Jehovha. (Dhanieri 1:3-8) Pavakapedza makore matatu ekudzidziswa, mambo Nebhukadhinezari akavarumbidza neuchenjeri uye unyanzvi hwavo achivati “vaipfuura vapristi vese vaiita zvemashiripiti nen’anga dzaiva muumambo hwake hwese zvakapetwa kagumi.” Akagadza Dhanieri neshamwari dzake kuti vashande mumuzinda wamambo.—Dhanieri 1:18-20.

Papera makumi emakore, Dhanieri paanogona kunge akanga ava nemakore ekuma90, akashevedzwa kumuzinda. Mambo anonzi Bheshazari uyo akanga ava kutonga muBhabhironi panguva yacho, akakumbira Dhanieri kuti adudzire zvakanga zvangoerekana zvanyorwa neruoko pamadziro. Achitungamirirwa naMwari, Dhanieri akataura kuti Bhabhironi raizokundwa neUmambo hweMedhiya nePezhiya. Bhabhironi rakakundwa usiku ihwohwo chaihwo.—Dhanieri 5:1, 13-31.

Dhanieri achidudzira zvakanyorwa pamadziro.

Pakanga pava kutonga Medhiya nePezhiya, Dhanieri akagadzwa kuti ave gurukota uye mambo Dhariyasi aida kutowedzera kumukwidziridza. (Dhanieri 6:1-3) Vamwe vakuru vehurumende vakaitira Dhanieri godo uye vakaronga kumuuraya nekuita kuti akandwe mugomba reshumba, asi Jehovha akamuponesa. (Dhanieri 6:4-23) Dhanieri paakanga ava pedyo nekufa, ngirozi yakazviratidza kwaari uye yakamusimbisa kaviri ichiti aiva “murume anokosha chaizvo.”—Dhanieri 10:11, 19.

Ona dhirama rine zvikamu zviviri rinoratidza upenyu hwaDhanieri rinonzi Dhanieri—Murume Aiva Nekutenda.

Nhoroondo dzakaitika kare dzinoratidzei nezvebhuku reBhaibheri raDhanieri?

Zvakataurwa naDhanieri: Nebhukadhinezari akagadzira chifananidzo chakakura akarayira vanhu vaaitonga kuti vachinamate, uye akakanda mumoto vaya vasina kumuteerera.—Dhanieri 3:1-6.

Zvinotaurwa nenhoroondo dzakaitika kare: Encyclopædia Britannica inoti Nebhukadhinezari ane zvivakwa zvakakura zvaakavaka “achiitira kuti arumbidzwe uye kuti akudzewo vanamwari. Aizviti ‘ndiye aiita kuti vanhu vanamate vanamwari.’”

Uyewo kuurayiwa kwevanhu vachiita zvekupiswa nemoto kunotaurwawo kakawanda muzvinyorwa zveBhabhironi zvekare, kusanganisira mutongi paairayira kuti vanhu vapiswe. Chimwe chinyorwa chakanyorwa paitonga Nebhukadhinezari chinotsanangura kurangwa kwakaitwa makurukota aipomerwa mhosva yekusaremekedza vanamwari veBhabhironi. Chinyorwa chacho chinoti: “Vaparadzei, vapisei, vagochei, . . . mumoto . . . itai kuti moto wacho unyatsopisa uye upwititike utsi kuti vafe.”a

Zvakanyorwa naDhanieri: Mambo Nebhukadhinezari aizvikudza nezvivakwa zvaakanga avaka.—Dhanieri 4:29, 30.

Chidhinha chakawanika muBhabhironi chiine zita raNebhukadhinezari

Zvinotaurwa nenhoroondo dzakaitika kare: “Zvinhu zvakanyorwa naNebhukadhinezari zvinoratidza kuti . . . aifunga kuti aiva mambo akanaka, aiva akarurama uye ane simba.”b Semuenzaniso, pane chivakwa chakanyorwa mashoko aNebhukadhinezari ekuzvikudza ekuti: “Ndakavaka masvingo akakura nebhitumeni nezvidhinha, akaita segomo, asingagoni kuputswa . . . Ndakasimbisa masvingo eEsagila neeBhabhironi kuti vanhu vasambokanganwe nezvekutonga kwangu.”c Zvidhinha zvakawanda zvakawanikwa muBhabhironi zvine zita raNebhukadhinezari.

Zvakanyorwa naDhanieri: Mambo Bheshazari aida kuti Dhanieri ‘atonge ari wechitatu muumambo’ hweBhabhironi.—Dhanieri 5:1, 13-16.

Mudziyo wevhu wemuna 550 B.C.E. wakanyorwa nezvaMambo Nabhonidhasi nemwanakomana wake, Bheshazari

Zvinotaurwa nenhoroondo dzakaitika kare: Murume anonzi Nabhonidhasi ndiye aiva mambo panguva yakaitika zvinhu zvinotaurwa muchitsauko 5 chaDhanieri. Asi Nabhonidhasi akapedza nguva yakawanda yaakatonga ari kuArabhiya kwete muBhabhironi. Ndiani aitonga muBhabhironi paainge asipo? Mubhuku rake rinonzi Nabonidus and Belshazzar, mumwe munyori wenhoroondo anonzi Raymond Philip Dougherty anoti, “Chimwe chinyorwa chekare chinoti Nabhonidhasi aisiyira umambo kumwanakomana wake mukuru ainzi Bheshazari. Bheshazari aiita mabasa aiitwa namambo achimiririra baba vake.” Bheshazari akaudza Dhanieri kuti aizomupa chinzvimbo chechitatu nekuti iye nababa vake ndivo vaiva nenzvimbo yekutanga neyechipiri muumambo hwacho.

a Journal of Biblical Literature, Volume 128, Number 2, mapeji 279, 284.

b Babylon—City of Wonders, rakanyorwa naIrving Finkel naMichael Seymour, peji 17.

c Archæology and the Bible, rakanyorwa naGeorge Barton, peji 479.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe