Nany/stock.adobe.com
Bhaibheri Rinoti Chii Nezvekushomeka Kwezvekudya?
“Nzara hakusisina.” Iyi ndiyo shuviro ine vatungamiriri venyika pasi rese yekuti dambudziko guru riri kusangana nevanhu renzara ripere, vanhu vese vawane zvekudya zvakakwana.a Asi nzara ichazombopera pano panyika here? Bhaibheri rinoti kudii?
Bhaibheri rakagara rataura kuti kuchava nekushomeka kwezvekudya
Bhaibheri rakagara rataura kuti zvekudya zvaizova zvishoma panguva yatiri kurarama iyo inonzi neBhaibheri “mazuva ekupedzisira.” (2 Timoti 3:1) Haasi Mwari iye anokonzera kushomeka kwezvekudya, asi akagara atiudza nezvazvo. (Jakobho 1:13) Chimbofunga nezveuprofita uhwu huviri.
“Kuchava nenzara . . . munzvimbo dzakawanda.” (Mateu 24:7) Uprofita uhwu hweBhaibheri hwakagara hwataura kuti kwaizova nenzara munzvimbo dzakawanda. Munguva ichangobva kupfuura, vanhu vanoongorora kugadzirwa kwezvekudya vakatoti: “Nyika iri kudzokera kumashure panyaya yekushanda nesimba kuti ipedze nzara uye kuwana zvekudya zvine utano.”b Mamiriyoni evanhu munyika dzakawanda ari kutadza kuwana zvekudya zvakakwana. Zvinosuwisa kuti vakawanda vavo vari kufa nekuda kweizvi.
“Ndakabva ndaona bhiza dema, uye akanga akaritasva akanga aine chikero muruoko rwake.” (Zvakazarurwa 6:5) Muuprofita uhwu, bhiza dema nemutasvi waro zvinomiririra nzara mumazuva ekupedzisira.c Chikero chiri muruoko rwemutasvi ndechekuyera zvekudya. Mutasvi uyu webhiza paari kufamba nebhiza rake, inzwi rinonzwika richizivisa kuti mitengo yezvekudya yaizokwira uye kuti vanhu vanofanira kuchengetedza zvekudya zvavainazvo. (Zvakazarurwa 6:6) Izvi zvinonyatsoratidza nzara chaiyo iri pasi rese iye zvino, patinoona mabhiriyoni evanhu vasiri kukwanisa kuwana kana kuti kutenga zvekudya zvine utano.
Kupera kuchaita nzara
Vaongorori vanoti pasi rino rinokwanisa kuwanisa vanhu vese zvekudya zvakawanda zvinokwana munhu wese. Saka chii chiri kumboita kuti zvekudya zvishaike? Uye Bhaibheri rinoti Musiki wedu Jehovhad achaitei kuti apedze matambudziko aya?
Dambudziko: Hurumende hadzikwanisi kubvisa nzara uye kusaenzaniswa kweupfumi izvo zvinoita kuti vanhu vagare vaine nzara.
Chichapedza dambudziko iri: Hurumende dzevanhu dzichatsiviwa nehurumende yakanaka, Umambo hwaMwari. (Dhanieri 2:44; Mateu 6:10) Mazuva ano, vanhu vakawanda vanotambura kuti vawane zvekudya, asi pachauya Umambo hwaMwari zvinhu zvichachinja. Bhaibheri richitaura nezvaMambo weUmambo hwaMwari, Jesu Kristu, rinoti: “Achanunura murombo anochemera kubatsirwa, pamwe chete nemunhu akaderera uye munhu wese asina mubatsiri. . . . Panyika pachava nezvirimwa zvakawanda chaizvo; zvichafashukira pamusoro pemakomo.”—Pisarema 72:12, 16.
Dambudziko: Hondo dzinokonzera kuparadzwa kwezvinhu uye kusagadzikana kwezveupfumi, izvo zvinoita kuti zvekudya zvisawanika kana kuti zvive zvishoma.
Chichapedza dambudziko iri: “[Jehovha] ari kugumisa hondo munyika yese. Anotyora uta uye anotyora-tyora pfumo; anopisa ngoro dzehondo nemoto.” (Pisarema 46:9) Mwari achaparadza zvombo zvehondo uye vaya vanokonzera hondo. Saka izvi zvichaita kuti munhu wese akwanise kuwana zvekudya zviri nyore. Bhaibheri rinovimbisa kuti: “Vakarurama vachabudirira, uye rugare ruchawanda.”—Pisarema 72:7..
Dambudziko: Mamiriro ekunze akaipa uye njodzi dzinongoitika dzega zvinokanganisa zvirimwa uye zvinokonzera kufa kwezvipfuwo.
Chichapedza dambudziko iri: Mwari achaita kuti masimba epanyika asakuvadza zvirimwa, oita kuti zvikure zvakanaka. Bhaibheri rinoti: “[Jehovha] anodzikamisa dutu; masaisai egungwa anobva anyarara. . . . Anochinja gwenga kuti rive madziva emvura ane tsanga zhinji, nenyika yakaoma kuti ive zvitubu zvemvura. Anoita kuti vane nzara vagare ikoko . . . Vanodyara minda nekusima mizambiringa inobereka zvakawanda.”—Pisarema 107:29, 35-37.
Dambudziko: Vanhu vane makaro neuori vanogadzira chikafu chinokuvadza kana kuti vanotadzisa chikafu chacho kusvika kune vanenge vachichida.
Chichapedza dambudziko iri: Umambo hwaMwari huchabvisa vanhu vese vasina kuvimbika uye vane uori. (Pisarema 37:10, 11; Isaya 61:8) Bhaibheri rinotsanangura Jehovha Mwari richiti “anoita kuti vaya vanobiridzirwa vatongwe zvakarurama, anopa vane nzara zvekudya.”—Pisarema 146:7.
Dambudziko: 33% yezvekudya zvinowanika pasi rese inoshandiswa zvisiri izvo kana kuti kuraswa.
Chichapedza dambudziko iri: Kana Umambo hwaMwari hwava kutonga, vaya vanenge vachitungamirira vachatungamirira zvakanaka. Jesu paaiva panyika, haana kupambadza zvekudya. Semuenzaniso, akaita chishamiso chekuwanisa vanhu vanopfuura 5 000 zvekudya. Vanhu pavakapedza kudya akaudza vadzidzi vake kuti: “Unganidzai zvasara, kuti parege kuva nezvinopambadzwa.”—Johani 6:5-13.
Sezvo Umambo hwaMwari huchabvisa zvese zvinokonzera nzara, zvinoreva kuti vanhu vese vachawana zvekudya zvakanaka zvine utano. (Isaya 25:6) Kuti uzive kuti Umambo hwaMwari huchazviita riini ona nyaya yakanzi “Umambo hwaMwari Huchatonga Riini Panyika”
a 2030 Agenda for Sustainable Development, yakaitwa nenyika dzese dziri muUnited Nations muna 2015.
b Mashoko akabva kuFood and Agriculture Organization of the United Nations, International Fund for Agricultural Development, United Nations Children’s Fund, United Nations World Food Programme, uye World Health Organization.
c Kuti uzive zvakawanda nezvevarume 4 vakatasva mabhiza vanotaurwa mubhuku raZvakazarurwa, ona nyaya yakanzi “Ndivanaani Vakatasva Mabhiza 4?”
d Jehovha ndiro zita raMwari. (Pisarema 83:18) Ona nyaya inoti “Jehovha Ndiani?”