RAMBAI MAKAMUKA!
Chii Chinoita Kuti Tive Netariro Mugore ra2023?—Bhaibheri Rinomboti Kudii?
Gore ra2023 zvaratanga, tese tine tariro yekuti zvinhu zvichatifambira zvakanaka. Nei tichigona kuva netariro?
Bhaibheri rinotipa tariro
Bhaibheri rine mashoko akanaka ekuti matambudziko atiri kusangana nawo ndeenguva pfupi uye ava pedyo kugadziriswa. Bhaibheri rakatonyorerwa “kuti tirayiridzwe, kuti tive netariro inobva. . . pakunyaradza kunobva muMagwaro.”—VaRoma 15:4.
Verenga nyaya yakanzi “Tariro Yechokwadi Yeramangwana Rakanaka,” kuti udzidze zvakawanda zvinovimbiswa neBhaibheri.
Tariro inopiwa neBhaibheri inogona kukubatsira iye zvino
Tariro yatinopiwa neBhaibheri inoita sechinhu “chinotsigisa” upenyu hwedu. (VaHebheru 6:19) Tariro iyoyo inoita kuti tigadzikane. Inotibatsira kuti titsungirire matambudziko atiri kusangana nawo, tisagara tichifunga zvinhu zvinoodza mwoyo, uye kuti tive nemufaro usingaperi. Semuenzaniso:
Ona kuti tariro iri muBhaibheri yakabatsira sei mumwe murume ainge apindwa muropa nedoro. Ona vhidhiyo inonzi Ndakatanga Kufinhwa Nemararamiro Andaiita.
Dzidza kuti tariro iri muBhaibheri ingatibatsira sei kana tafirwa. Ona vhidhiyo inonzi Kunyaradza Vakafirwa.
Simbisa tariro yako
Vanhu vakawanda vane tariro yekuti zvinhu zvichanaka, asi havana chokwadi kuti zvavanotarisira zvichaitika. Asi zvinovimbiswa neBhaibheri zvichatoitika. Nei tichidaro? Nekuti zvinhu zviri muBhaibheri zvakavimbiswa naJehovha Mwaria pachake, uye ‘haanyepi.’ (Tito 1:2) Jehovha chete ndiye ane simba rekuzadzisa zvese zvaanovimbisa; “anoita zvese zvaanenge achida kuita.”—Pisarema 135:5, 6.
Tinokukumbira kuti ubatsirwe netariro yechokwadi yatinodzidza nezvayo muBhaibheri. Unogona kusimbisa tariro yako kuburikidza ‘nekunyatsoongorora Magwaro.’ (Mabasa 17:11) Ita kosi yeBhaibheri yatinoitisa vanhu tisingabhadharisi kuti usimbise tariro yako. Tanga gore ra2023 uine tariro!
a Jehovha ndiro zita raMwari.—Pisarema 83:18.