RAMBAI MAKAMUKA!
Mafashamo Ari Kuparadza—Bhaibheri Rinomboti Kudii?
Pasi rese vanhu vakawanda vari kuwirwa nemafashamo ari kuparadza. Inzwa zvinotevera:
“Mumazuva mashoma apfuura, muguta guru reChina makanaya mvura yakawanda zvisingaiti uye mvura yakawanda kudaro yakapedzisira kunaya makore 140 apfuura. Kubva musi weMugovera kusvika musi weChitatu kwakanaya mvura yaiti pfuurei mumabvi (744.8 millimeters).”—AP News, August 2, 2023.
“Dutu riine simba rinonzi Typhoon Khanun rakakonzera mvura yakawanda yaiva nemhepo kumaodzanyemba kweJapan musi weChina uye kwakafa vanhu vaviri. . . . Dutu iri riri kufungidzirwa kuti richakonzera mvura yakawanda inosvika mumabvi (600 millimeters) nechepakati peTaiwan.”—Deutsche Welle, August 3, 2023.
“Musi weMugovera neSvondo kuCanada kwakaita mafashamo munzvimbo inonzi Nova Scotia, uye kwakanga kusati kwambonaya mvura yakawanda kudai mumakore 50 akapfuura.”—BBC News, July 24, 2023.
Bhaibheri rinoti kudii nezvinhu zvakadai?
Chiratidzo ‘chemazuva ekupedzisira’
Bhaibheri rinoratidza kuti tiri kurarama munguva inonzi “mazuva ekupedzisira.” (2 Timoti 3:1) Jesu akagara ataura kuti munguva yatiri kurarama tichaona “zvinhu zvinotyisa,” kana kuti zviitiko zvinotyisa. (Ruka 21:11) Kuchinja kwemamiriro ekunze ndiko kuri kunyanya kukonzera kuti pave nezviitiko zvinotyisa uye zviri kuitika kakawanda.
Pane chinoita kuti tive netariro
Bhaibheri rakagara rataura kuti zvinhu zvakawanda zvinotyisa zviri kuitika mazuva ano zvinototipa tariro. Sei? Jesu akati: “Pamunoona zvinhu zvese izvi zvava kuitika, zivai kuti Umambo hwaMwari hwava pedyo.”—Ruka 21:31; Mateu 24:3.
Zvinhu izvi zviri kuitika mazuva ano zvinoratidza kuti Umambo hwaMwari hwava pedyo kusvika. Kana hwasvika huchaita kuti mamiriro ekunze asakonzera njodzi.—Jobho 36:27, 28; Pisarema 107:29.
Kana uchida kunzwa zvakawanda nezvekuti Umambo hwaMwari huchagadzirisa sei matambudziko ari kuitika panyika, verenga nyaya yakanzi “Ndiani Achachengetedza Nyika Kuti Isaparadzwa?”