RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ijwbq nyaya 67
  • Halloween Yakatanga Sei?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Halloween Yakatanga Sei?
  • Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mhinduro yeBhaibheri
  • Nhoroondo yeHalloween uye zvinoitwa pakuipemberera
  • Zvine basa here kuti mhemberero yeHalloween yakatangira kuchihedheni?
  • Chokwadi Nezvemhemberero Dzakakurumbira
    Mukai!—2001
  • Mhemberero Dzakakurumbira—Kunakidzwa Kusingakuvadzi Here?
    Mukai!—2001
  • Kuva Nechimiro Chakasimba Muchikoro Kunotuswa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
  • Mharidzo Dzokuenzanisira
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2013
Ona Zvimwe
Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
ijwbq nyaya 67
Vana vatatu vakapfeka hembe dzeHalloween vakamira pamba pakaiswa zvinhu zvekupemberera Halloween.

Halloween Yakatanga Sei?

Mhinduro yeBhaibheri

Bhaibheri haritauri nezvemhemberero yeHalloween inoitwa musi wa31 October gore rega rega. Asi matangiro akaita mutambo weHalloween uye zvinoitwa painenge ichipembererwa zvinopesana nezvinodzidziswa neBhaibheri.

Zviri munyaya ino

  • Nhoroondo yeHalloween uye zvinoitwa pakuipemberera

  • Zvine basa here kuti mhemberero yeHalloween yakatangira kuchihedheni?

  • Nei ichinzi Halloween?

Nhoroondo yeHalloween uye zvinoitwa pakuipemberera

  • Samhain: Halloween yakabva “pamutambo uyu wechihedheni waipembererwa nevanhu vechiCeltic makore anopfuura 2 000 adarika,” rinodaro bhuku rinonzi The World Book Encyclopedia. “Vanhu vacho vaifunga kuti vanhu vakafa vaigona kufamba pakati pevanhu vapenyu panguva yaiitwa mutambo uyu. Vaitiwo vanhu vapenyu vaigona kushanyira vanhu vakafa.”—Ona musoro unoti “Nei Ichinzi Halloween?”

  • Hembe dzinopfekwa paHalloween, uye zvinhu zvinoitwa musi wacho: Sezvinotaurwa nerimwe bhuku, vanhu vechiCeltic vaiita mutambo uyu vakapfeka zvinhu zvinotyisa vachiitira kuti kana mweya inenge ichifamba-famba ikavaona “ifunge kuti ndeimwewo mweya” yobva yasiyana navo. Vamwe vaipa mweya yacho zvekudya zvinotapira kuti isagumbuke uye isakuvadze vanhu.a

    Bhaketi reorenji rakaita kunge nhanga rakaiswa patafura riine zvihwitsi.

    Pakati pa500 C.E. na1500 C.E , vafundisi vechechi yeRoma muEurope vakatanga kutevedzera zvaiitwa nezvitendero zvechihedheni uye vakaita kuti vanhu vechechi yavo vaende pamba nemba vakapfeka zvaipfekwa pamutambo uyu vachikumbira kupiwa zvipo zvidiki.

  • Zvipoko, zvidhoma, zvitokwani uye varoyi: Izvi zvagara zvichibatanidzwa nemweya yakaipa kana madhimoni. Richitaura nezvazvo “sezvinhu zvakaipa zvine simba rakakura,” bhuku rinonzi Halloween Trivia rinotaura kuti zvinhu izvi “zvakanyatsobatana nerufu, vanhu vakafa, kana kuti kutya kufa.”

  • Manhanga anoshandiswa paHalloween: Kare kare muBritain paiitwa mutambo uyu, vanhu “vaifamba pamba nemba vachiti kana vakapiwa zvekudya vaizonamatira munhu akafa” uye vaitakura “kenduru rinenge rakaiswa mukati meinenge mbatatisi yakabviswa zvemukati. Vaiti kenduru racho rinomiririra mweya wakavharirwa mupurigatori.” (Halloween—From Pagan Ritual to Party Night) Vamwe vanoongorora nhoroondo dzekare vanoti marambi iwayo aishandiswa kudzinga mweya yakaipa. Mumakore ekuma1800 muNorth America, manhanga ndiwo akazotanga kushandiswa nekuti ainge akawanda uye ari nyore kubvisa zvemukati uye kucheka-cheka.

Zvine basa here kuti mhemberero yeHalloween yakatangira kuchihedheni?

Hongu. Kunyange zvazvo vamwe vanhu vachiona sepasina chakaipa kupemberera Halloween, zvinoitwa pamutambo uyu zvinopesana nezvinodzidziswa neBhaibheri. Halloween inobva padzidziso dzenhema pamusoro pevakafa uye mweya isingaoneki kana kuti madhimoni.

Inzwa mavhesi anotevera anoratidza kuti Mwari anoona sei zvinotendwa nevanhu nezveHalloween:

  • “Ngapasava nomumwe pakati penyu . . . anotenda zvamasvikiro kana anobvunza vakafa.”—Dheuteronomi 18:10-12, Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi.

    Zvazvinoreva: Mwari haadi kuti tiedze kutaura nevakafa kana kutombonyepedzera kuita setiri kuedza kutaura nevanhu vakafa.

  • “Vakafa havana kana chavanoziva.”—Muparidzi 9:5.

    Zvazvinoreva: Vakafa havana kana chavanoziva, saka havakwanisi kutaura nevapenyu.

  • “[Musabatane] namadhimoni. <u202F>Hamunganwi mukombe waShe uye nomukombe wamadhimoniwo.”—1 VaKorinde 10:20, 21, Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi.

    Zvazvinoreva: Vaya vanoda kufarirwa naMwari havafaniri kutombobatana nemadhimoni.

  • “[Mirai] makasimba pakurwisana nemanomano aDhiyabhorosi; nekuti [tiri] kurwisana . . . nemasimba emweya yakaipa.”—VaEfeso 6:11, 12.

    Zvazvinoreva: VaKristu vanofanira kurwisa mweya yakaipa, kwete kuita sevari kupembera pamwe chete nayo.

a Ona bhuku rinonzi Halloween: An American Holiday, an American History, peji 4.

Nei ichinzi Halloween?

Zita rekuti Halloween rakabatana nemutambo wechihedheni unonzi Samhain waiitwa nevanhu vechiCeltic. World Book Encyclopedia rinoti: “Samhain . . . zvinoreva kuti kupera kwezhizha. Mutambo uyu ndiwo wairatidza kuti mwaka wechando wasvika uye waiitwa unenge musi wa1 November. Mumakore ekuma700 C.E. kusvika kuma800 C.E., chechi yevaKristu yakatanga kuita mhemberero yainzi, All Saints’ Day, pamusi iwoyo. Mhemberero yeAll Saints’ Day yainziwo All Hallows’. Hallow zvinoreva kuti musande, kana kuti munhu mutsvene. Manheru ezuva raitangira All Hallows’ aizivikanwa seAll Hallows’ Eve, kana kuti sekudimburirwa kwazvaiitwa kuti All Hallow e’en. Zita iri rakazodimburirwa ndokunzi Halloween.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe