RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ijwbq nyaya 131
  • Bhaibheri Rinotii Nezvezvishongo Uye Kupoda poda?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Bhaibheri Rinotii Nezvezvishongo Uye Kupoda poda?
  • Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mhinduro yeBhaibheri
  • Kuzvishongedza hakuna kuipa
  • Nhema dzinotaurwa nevanhu pamusoro pezvishongo uye kupoda poda
  • Mibvunzo Inobva Kuvaravi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Rambai Makasimba Mukutenda!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Mupfekero Wako Norutsvindo—Mwari Ane Basa Nazvo Here?
    Mukai!—1998
Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
ijwbq nyaya 131
Mukadzi akapfeka necklace

Bhaibheri Rinotii Nezvezvishongo Uye Kupoda poda?

Mhinduro yeBhaibheri

Kunyange zvazvo Bhaibheri risinganyanyi kutaura nezvenyaya iyi, hapana parinorambidza kupoda poda, kupfeka zvishongo kana zvimwewo zvinoita kuti munhu aratidzike zvakanaka. Bhaibheri harinyanyi kutaura nezvekunaka kwakaita munhu nechekunze, asi rinokoshesa kuva ‘nechipfeko chisingaori chemweya wakanyarara uye munyoro.’​—1 Petro 3:3, 4.

Kuzvishongedza hakuna kuipa

  • Vakadzi vakatendeka vanotaurwa muBhaibheri vaizvishongedza. Ribheka akazoroorwa naIsaka mwana waAbrahamu, aipfeka rin’i yepamhino yegoridhe, zvishongo zvemumaoko zvegoridhe uye zvimwe zvishongo zvaidhura zvaakatumirwa nevaizova tezvara vake. (Genesisi 24:22, 30, 53) Saizvozvowo, Esteri akabvuma kuzorwa “mafuta okutsvindisa” paakanga achigadzirira kuzova Mambokadzi wePezhiya. (Esteri 2:7, 9, 12) Mafuta aakazorwa anogona kunge aisanganisira “zvinonhuwirira nezvimwe zvinoruramisa ganda.”​—Bhaibheri rine Apokirifa.

  • Bhaibheri rinopa mienzaniso inoratidza kuti zvishongo zvakanaka. Semuenzaniso munhu anopa zano rakanaka anonzi akaita ‘semhete yendarama kunzeve inomunzwa.’ (Zvirevo 25:12) Mwari pachake anofananidzawo mabatiro aiita rudzi rwaIsraeri nezvinoitwa nemurume anoshongedza mudzimai wake nemhete, zvishongo zvemumaoko uyewo zvemuhuro. Zvishongo izvi zvakaita kuti rudzi urwu rwuve ‘rwakanaka kwazvo.’​—Ezekieri 16:11-13.

Nhema dzinotaurwa nevanhu pamusoro pezvishongo uye kupoda poda

Zvavanofunga: Pana 1 Petro 3:3, Bhaibheri rinorambidza ‘kuruka bvudzi uye kupfeka zvishongo zvendarama.’

Chokwadi nezvenyaya iyi: Mashoko akapoteredza vhesi iyi anoratidza kuti Bhaibheri raitaura musiyano uri pakati pekuva nemwoyo wakanaka uye kupfeka zvishongo zvakanaka. (1 Petro 3:3-6) MuBhaibheri munewo mamwe mavhesi anotaura izvozvo.​—1 Samueri 16:7; Zvirevo 11:22; 31:30; 1 Timoti 2:9, 10.

Zvavanofunga: Zvakaitwa naMambokadzi akaipa Jezebheri ‘zvekupenda maziso ake nezvizoro zvitema’ zvinoratidza kuti kupoda poda hakuna kunaka.​—2 Madzimambo 9:30.

Chokwadi nezvenyaya iyi: Jezebheri aiita zveuroyi uye akanga ari muurayi. Akanzi aiva nemhosva nekuda kwemabasa ake, kwete kupoda poda kwaainge akaita.​—2 Madzimambo 9:7, 22, 36, 37.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe