Apo Madzinza Ose Anogara Pamwe Chete Murugare
MWARI “wakaita marudzi ose avanhu, achibva kuno mumwe chete, kuti agare pose panyika.” (Mabasa 17:26) Ikoko ndiko kutaura kwakapfava kweBhaibheri pamusoro pamavambo emhuri yohunhu.
Chakunoreva ndechokuti rudzi rwose rwavanhu, pasinei zvapo nokwavanogara kana kuti chiri mavara omuviri avanavo, vakabva kumanyuko mamwe avose. Kunorevawo kuti pasinei zvapo nemisiano inooneka, “marudzi ose avanhu” ane bviro imwe cheteyo kana toreva nezvemano noungwaru. Hungu, mukuona kwaMwari, vanhu vedzinza riri rose kana kuti rudzi vakaenzana.—Mabasa 10:34, 35.
Kana murangariro weBhaibheri wakarurama, kune tariro yokuti kufungira mano kwose kwakaipa nokusaruramisira kwakavakirwa pamisiano yedzinza kunogona kubviswa. Kupfuurirazve, kana Bhaibheri rakarurama pakureva nezvemavambo emhuri yohunhu, ipapo nenzira ine mufungo bhuku rimwe chetero rinogonawo kutigovera mashoko anozivisa kuti dzinza ravanhu rinogona sei kugara pamwe chete murugare.
Eya, maidi anoratidzei? Nhauro yeBhaibheri pamusoro pamavambo omunhu inotsigirwa nesayenzi here?
Ufakazi Hwesayenzi
Chinyorwa chinonzi The Races of Mankind, chakanyorwa navazivi vamarudzi avanhu R. Benedict naG. Weltfish, chinoti: “Nhau yeBhaibheri yaAdhama naEvha, baba naamai vedzinza rose rohunhu, yakataura mazana amakore akapfuura zvokwadi imwe cheteyo iyo sayenzi yaratidza nhasi: kuti vanhu vose vapasi imhuri imwe uye vane mavambo mamwe.” Ava vanyori vanoonesawo kuti “maumbirwe akaoma kunzwisisa omuviri womunhu . . . sezvingabvira aisagona ‘kungoerekana aitika’ kuva mamwe chetewo muvanhu vose kudai asina kuva namavambo mamwe chete.”
Kabhukwana kanonzi Race and Biology, kakanyorwa naL. C. Dunn, purofesa woupenyu hwemhuka paColumbia University, kakati: “Vanhu vose nenzira yakajeka ndeveboka rimwe, zvavari vakafanana mumavara ose makuru omumuviri. Mitezo yamapoka ose ingaroorana uye zvamazvirokwazvo inodaro.” Ipapo kanopfuurira kutsanangura, kuti: “Bva munhu ari wose akasiana uye anosiana munzira duku nomumwe munhu ari wose. Ikoku murutivi imhaka yemhoteredzo dzakasiana idzo vanhu vanogara madziri uye murutivi misiano mumavara okutodzana ayo vakagara nhaka.”
Ufakazi hwesayenzi hunogumisa. Kutaura mukuwirirana noruzivo rwezvinhu zvipenyu, hakuna chinhu chakadaro chakadai sedzinza rakakwirira kana kuti rakaderera, rakanaka kana kuti rakashatiswa. Mavara akadai soruvara rweganda romunhu, bvudzi, kana kuti maziso—zvinhu izvo vamwe vangarangarira kuva zvinokosha mudzinza—hazvisiri chiratidziro chouchenjeri hwomunhu kana kuti mano. Panzvimbo pakwo, izvo miuyo yamavara anogarwa nhaka.
Zvamazvirokwazvo, misiano yedzinza miduku, sokunyora kwakaita Hampton L. Carson mubhuku rinonzi Heredity and Human Life, kuti: “Pfungwa inopokanidza inonangana nesu ndeyokuti boka rimwe nerimwe ravanhu rinooneka rakasiana kunze bva pasi peiyi misiano pane fanano huru.”
Kana vanhu vose vachiumba zvomenemene mhuri imwe bedzi, neiko, ipapoka, zvinetso zvakakomba zvedzinza zviripo?
Chikonzero Nei Pane Chinetso
Chikonzero chikuru nei udzinza huripo mavambo akashata ayo vabereki vokutanga vohunhu vakapa vana vavo. Adhama naEvha noune vakapandukira Mwari uye nokudaro vakava vasina kukwana, vakaremara. Somuuyo, kusakwana kwaAdhama—iyi kombamiro yokuita chakaipa—kwakapfuudzirwa kuvazukuru vake. (VaRoma 5:12) Naizvozvo kubvira pakuzvarwa zvichienda mberi, vanhu vose vanokombamira kuudyire norudado, izvo zvakatungamirira kukakavadzano yedzinza nenyongano.
Pane chimwe chikonzero nei udzinza huripo. Apo Adhama naEvha vakabva kukudzora kwaMwari, vakava muubati ushe hwechisikwa chakaipa chomudzimu icho Bhaibheri rinoidza kuti Satani, kana kuti Dhiabhorosi. Mupesvedzero yaiyeyu, uyo ari “kutsausa pasi rose rinogarwa,” nhamburiko dzoune dzakaitwa kazhinji kazhinji dzokunyengera vanhu panhau yedzinza. (Zvakazarurwa 12:9, NW; 2 VaKorinte 4:4) Kukudziridza dzinza—pfungwa yokuti rudzi rwomumwe amene rwakakwirira—kwakakuchidzirwa kuva sundo inokurira, uye nokuziva kana kuti nokusaziva, mamirioni akapesvedzerwa zvakasimba, nemiuyo ine ngwavaira.
Kuti kujeke, vanhu vane udyire, vasina kukwana vari kudzorwa naSatani vakaparadzira dzidziso dzose dzenhema pamusoro pedzinza idzo dzave dzine mutoro nokuda kwezvinetso zvoudzinza.
Naizvozvo, kuti dzinza ravanhu ribatanidzwe, vose vanofanira kupwisa kuti zvirokwazvo tiri mhuri imwe chete yohunhu uye kuti Mwari akaita “marudzi ose avanhu, achibva kuno mumwe chete, kuti agare pose panyika.” (Mabasa 17:26) Kupfuurirazve, kuti madzinza ose agare pamwe chete murugare, pesvedzero yaSatani inofanira kubviswa munhau dzavanhu. Izvi zvinhu zvichazomboitika here? Pane hwaro hupi nohupi here hwokudavira kuti zvichaitika?
Kugumisa Kufungira Mano Akaipa Kwedzinza
Jesu Kristu akazivisa kuti kufungira mano akaipa kwedzinza kungabviswa sei apo akaraira vateveri vake “kudanana” sokuda kwaakanga avaita. (Johane 13:34, 35) Urwu rudo rwakanga rusati ruchifanira kuva rwemitezo yedzinza rakati kana kuti madzinza bedzi. Nyangwe! “Ivai norudo nokuda kwesonganirano yose yehama,” akakurudzira kudaro mumwe wavadzidzi vake.—1 Petro 2:17, NW.
Urwu rudo rwechiKristu runoratidzwa sei? Bhaibheri rinotsanangura apo rinokurudzira, kuti: “Pakukudzana tungamiriranai.” (VaRoma 12:10) Funga zvakunoreva apo ikoku kunoitwa! Mumwe nomumwe anobata vamwe, pasinei zvapo nedzinza kana kuti rudzi, noruremekedzo chairwo norukudzo, kwete kuvazvidza, asi chaizvoizvo ‘kuvarangarira savakuru.’ (VaFiripi 2:3) Apo mudzimu wakadaro worudo rwapachokwadi rwechiKristu unovapo, chinetso chokufungira mano akaipa kwedzinza chinopedzwa.
Chokwadi, nokuda kwaavo vakadzidziswa kufungira mano akaipa kwedzinza, kunoda nhamburiko isiri yenguva dzose kuzvibvisira vamene mifungo yakadaro inofuridzirwa naSatani. Asi kunogona kuitwa! Muzana rokutanga ramakore, vose avo vakaunzwa muungano yechiKristu vakasvika pakufarikanya humwe husingaenzaniswi. Muapostora Pauro akanyora nezvahwo, kuti: “Hakuchina muJudha kana muGiriki, hakuchina wakasungwa kana wakasununguka, hakuchina munhurume kana munhukadzi; nokuti imi mose muri vamwe muna Kristu Jesu.” (VaGaratia 3:28) Zvamazvirokwazvo, vateveri vechokwadi vaKristu vakasvika pakufarikanya uhama hwechokwadi.
Asi vamwe vangaramba, vachiti: ‘Ikoku hakusati kuchizotongoitika nhasi.’ Bva, kwakatoitika pakati peZvapupu zvaJehovha—sangano ravanhu vanopfuura mamirioni mana nehafu! Sezvinobvumwa, hazvisi Zvapupu zvose zvakava zvakasununguka nomutoo wakakwana pakufungira mano akaipa kwakadzidzwa mutsika ino isina umwari. Mumwe muAmerica wechitema nenzira ine mufungo akataura pamusoro peZvapupu biyake zvechichena, kuti: “Ndinoona pakati pavamwe vavo zvimiro zvezvisaririra zvoukuru hwedzinza, uye pane dzimwe nguva ndakaona kusasununguka kwakati kwavamwe vavo apo vanova nesonganirano yapedyo navanhu verimwe dzinza.”
Bva, uyu munhu akabvuma, kuti: “Zvapupu zvaJehovha, kumwero wakati usingaenzaniswi navamwe vanhu vapi navapi pasi pano, zvakabvisira zvimene kufungira mano akaipa kwedzinza. Zvinovavarira kudanana pasinei zvapo nedzinza . . . Pane imwe nhambo mwoyo wangu wakafadzwa kusvikira kupfundo rokusagona kudzora misodzi kuwana rudo rwechokwadi rweZvapupu zvechichena.”
Chinzwano chedzinza chinofarikanywa navashomanene—kunyange kana ivava vachisvika mumamirioni—zvomenemene chinoita musiano mukuru here apo mamirioni avamwe anopesvedzerwa nemifungo youSatani youkuru hwedzinza? Aiwa, tinobvuma kuti hakusati kuchipedza chinetso chedzinza. Hakusati kuchigoonekwa nenhamburiko dzavanhu. Musiki wedu bedzi, Jehovha Mwari, anogona kuita ikoko.
Nomufaro, nokukurumidza zvino, Jehovha, kupfurikidza noUmambo hwake hunodzorwa noMwanakomana wake, Jesu Kristu, achabvisa panyika kusaruramisira kwose naavo vose vanosimudzira nenzira youdyire kusarura noruvengo, udzinza kana kuti zvimwe. (Dhanieri 2:44; Mateo 6:9, 10) Ipapo, negadziriro yedzidzo yakakwana mukudzora kwaKristu, madzinza ose achabatanidzwa zvirokwazvo. Sezvo dzidzo iyoyo inofambira mberi, vachararama muchinzwano chakakwana pasina mavara api naapi okusarura kwedzinza. Chipikirwa chaMwari pakupedzisira chichazadzikwa, chinoti: “Zvinhu zvakare zvapfuura. . . . Tarirai! Ndiri kuita kuti zvinhu zvose zvive zvitsva.”—Zvakazarurwa 21:4, 5, NW.
Iwe uri munhu anoshuva nguva apo uhama hwechokwadi huchapararira, apo madzinza ose anorarama pamwe chete murugare here? Kana zvakadaro, tinokugamuchira kuuya kuHoro yoUmambo iri pedyo newe, uko Zvapupu zvaJehovha zvinosangana nguva dzose kuti zvifunde Bhaibheri. Zvionere umene kana zvisingaratidziri rudo rwechiKristu rwapachokwadi—kuvanhu vamadzinza ose.
[Mufananidzo uri papeji 10]
Nokukurumidza madzinza ose kunzvimbo iri yose achagara pamwe chete murugare