Apo Kwakanga Kusina Utsotsi
UNOGONA kufungidzira nyika isina utsotsi here? Zvichida haugoni kana wakarava mishumo yenhau yakadai sewakabuda muSüddeutsche Zeitung reGermany rinobudiswa mazuva ose waiti: “Vanonzvera utsotsi vari kutaura nezvemativi matsva eutsotsi. Mutauro wavo wakazara nezvakaipa zviri kuuya mberi uye chiono chavanopa ndechiya chokuparadzwa.”
Maererano nokunzverwa kwezviuru zvevokuEurope kwa1995, anenge munhu wose anonetseka pamusoro pokuitwa nyajambwa weutsotsi. MuGermany, Netherlands, Poland, Russia, uye United Kingdom, utsotsi ndihwo huri pamusorosoro pendaza yezvinonyanyotyiwa nevanhu. Kutya utsotsi kwakaiswa pechipiri muDenmark, Finland, uye Switzerland uye pechitatu muFrance, Greece, uye Italy. Pamarudzi 12 akanzverwa, Spain yoga ndiyo isina kuronga utsotsi pakati pezvikonzero zvitatu zvepamusorosoro zvinoparira rutyo.
Mwero woutsotsi wakwira zvinoshamisa zvikuru muEastern Europe. Mudzinoverengeka dzenyika idzodzi, wedzero yava iri pakati pe50 ne100 muzana, nepo mune dzimwe nyika, inotova pakati pe193 kusvika ku401 muzana!
Asi, pane imwe nguva, kwaiva nenyika isina utsotsi. Ndirini iyeye, uye nyika iyoyo yakaparadzwa sei?
Utsotsi Hwakabva Kupi?
Utsotsi, hunorondedzerwa se“kuputswa kwakaipisisa kwomutemo,” hwakava namavambo ahwo munyika yemidzimu. Vanhu vokutanga, Adhama naEvha, havana kusikwa vane mirangariro youtsotsi, uyewo vaisava nemhaka chose chose yokupinza utsotsi munzanga yevanhu. Mwanakomana akakwana womudzimu waMwari akabvumira pfungwa dzisina kururama kudzika midzi mumwoyo make, idzo, apo dzakaramba dzichifungwa, dzakabereka utsotsi. Iyeye ndiye aiva nemhaka yokushatisa nyika isina utsotsi yapakuvamba. Kupfurikidza nokuputsa mutemo waMwari, akazviita tsotsi, uye anoziviswa muBhaibheri saSatani Dhiyabhorosi.—Jakobho 1:13-15; Zvakazarurwa 12:9.
Atanga kushora Mwari mumatenga asingaoneki, Satani akatsunga kuparadzira nzira dzake dzoutsotsi kuvanhu vari pasi pano. Nhoroondo yeBhaibheri yemaitire akaita Dhiyabhorosi izvi ipfupi uye yakapfava, asi ndeyechokwadi. (Genesi, maganhuro 2-4) Adhama naEvha, vatsauswa neiri tsotsi rakangwara, rine simba rinopfuura romunhu, vakaramba kuchengeta zvaidikanwa naMwari. Vakava matsotsi kupfurikidza nokusateerera Mwari. Gare gare, pasina mubvunzo vakazadzwa norutyo apo mwanakomana wavo wedangwe, Kaini, akasvika pakutorera munin’ina wake Abheri chipo chake chinokosha zvikurusa, upenyu pachahwo!
Nokudaro, pavanhu vana vakatanga kugara pasi pano, vatatu vakava matsotsi. Adhama, Evha, uye Kaini nokudaro vakarasikirwa nemukana wavo wokugara munyika isina utsotsi. Nei, pashure penguva yose iyi, tichigona kuva nechokwadi chokuti nyika yakadaro zvino yava pedyo?