Pamba Pako Pane Chepfu Yakawanda Zvakadini?
KUNZVERWA kwemunguva pfupi yapfuura kwevanhu vanopfuura 3 000 muUnited States neCanada, maererano nemagazini yeScientific American, kwakaratidza kuti “vagari vemo vakawanda vacho vaiwana zvinhu zvinosvibisa zvingangova nechepfu . . . mukati menzvimbo dzavanowanzoona sedzisina kusvibiswa, dzakadai sepamba, mahofisi nemotokari.” Painyanyobva zvinosvibisa mhepo mudzimba hwaiva utsi hunobva muzvinhuwo hazvo zvakadai sesipo dzekusukisa, zvokudzinga nazvo mashavishavi, zvinhu zvokuvakisa, zvokuvesesa nazvo moto, zvokupfapfadzira zvinonhuwirira, uye zvokuurayisa utachiona, uyewo makemikoro anobva mumbatya dzisingawachwi nemvura nemachira matsva okugadzira makobvu.
“Dzihwa remuchadenga,” hosha yairwadza vaifamba muchadenga kutozosvikira chaikonzera chawanika, raisakiswa neutsi hwakadaro, kana kuti “kunhuwa.” Unonzwa kunhuwa kana wakagara mumotokari itsva kana kuti kufamba pedyo nesherefu ine zvinhu zvokusukisa musupamaketi, kunyange zviri mumidziyo yakavharwa. Naizvozvo imba painenge yakavharwa zvakasimba kuti musapinde, ngatitii, chando, kunhuwa kwemakemikoro akasiyana-siyana kunogona kukonzera kusvibiswa kwemhepo iri mumba uko kwakatonyanya kupfuura kusvibiswa kuri panze.
Vana, kunyanya ndumure, ndidzo dzisingatani kukuvadzwa nechepfu dzemumba, inodaro Medical Post yeCanada. Vari pedyo neuriri kupfuura vanhu vakuru; vanofema nokukurumidza kupfuura zvinoita vanhu vakuru; vanopedza 90 muzana yenguva yavo vari mumba; uye nemhaka yokuti mitezo yavo haisati yakura, miviri yavo haitani kukuvadzwa nechepfu. Vanopinza mumuviri 40 muzana yelead yavanowana, nepo vakuru vachipinza inenge 10 muzana.
Kuramba Uri Pakati Nepakati
Nemhaka yokuti chizvarwa chiripo chevanhu chakawana makemikoro akawanda zvisati zvamboitwa, kuchine zvakawanda zvokudzidza pamusoro pengozi dzacho, naizvozvo masayendisiti anoramba akangwarira. Kuwana makemikoro hakurevi kuti munhu anofanira kungoerekana ava kutya kenza kana rufu. Zvechokwadi, vanhu vakawanda vanoita sevari kuita zvakanaka, zvichipa mbiri kuMusiki wemuviri womunhu unoshamisa. (Pisarema 139:14) Kunyange zvakadaro, kungwarira kusiri kwokunyanyisa kunofanira kuitwa, kunyanya kana tichiramba tichishanda nemakemikoro angangova nechepfu.
Bhuku rinonzi Chemical Alert! rinotaura kuti “mamwe makemikoro ane chepfu mukuti anodzongonyedza mawiriranire anoita kushanda kwezvinhu [zvemumuviri] nokudaro achiita kuti pave nezviratidzo zvisinganzwisisiki zvinogona kurondedzerwa zvakanakisisa sekusangonzwa zvakanaka.” Kuderedza kuwana kwedu makemikoro angangokuvadza hakudi hako kuchinja zvakanyanya mararamire asi bedzi kuchinja kusiri kwekunyanyisa zvatinoita mazuva ose. Tapota ona mazano ari mubhokisi riri papeji 28. Mamwe awo angangokubatsira.
Mukuwedzera kungwarira makemikoro kune mufungo, tinenge tazvibatsira kana tikarega kunyanyonetsekera pasina, kunyanya pamusoro pezvinhu zvatisingagoni kuchinja. “Mwoyo wakagadzikana ndihwo upenyu hwomuviri,” rinodaro Bhaibheri pana Zvirevo 14:30.
Kunyange zvakadaro, vanhu vakawanda vanotambura uye vanorwara, dzimwe nguva kurwara nehosha inouraya, nemhaka yechepfu yemakemikoro.a Kufanana nemamiriyoni evanhu vanorwara nemhaka yezvimwe zvikonzero mazuva ano, avo vanotambudzwa nehosha dzine chekuita nemakemikoro vane chikonzero chakasimba chekuva netariro, nokuti nokukurumidza pasi richava risina chepfu inokuvadza vagari varo. Kunyange pfungwa dzine chepfu, pamwe chete nevaridzi vadzo, zvichava zvinhu zvakare, sezvicharatidzwa neyekupedzisira yenyaya dzino dzakatevedzana.
[Mashoko Omuzasi]
a Mumakore mashomanene apfuura nhamba iri kuramba ichikura yevanhu vanga vachirwara nehosha inonzi kusatana kuvhiringidzwa nemakemikoro akawanda. Hosha iyi ichakurukurwa munyaya yemunguva yemberi yeMukai!
[Bhokisi riri papeji 28]
Imba Ine Utano Hwakati Nakei, Yakati Chengetekei
Kuderedza kuwana kwako zvingangova chepfu kunowanzoda kuti uchinje zvine mwero mararamire ako. Heano mamwe mazano aungawana achibatsira. (Nokuda kwezvokuwedzera, udzame hwakananga, tinopa zano rokuti utsvake muraibhurari yemunzvimbomo.)
1. Edza kuchengeta akawanda emakemikoro anobudisa utsi paasingasvibisi mhepo yemumba mako. Makemikoro aya anobatanidza formaldehyde nezvinhu zvine misanganiswa isingatani kuva utsi, zvakadai sependi, vanishi, zvokunamisa, mishonga yezvipembenene, uye mishonga yekusukisa. Zvinhu zvepetroleum zvisingatani kuva utsi zvinobudisa utsi hune chepfu. Izvi zvinobatanidza bhenzini, iyo kana ikanyanyisa kwenguva refu inozivikanwa kuve inokonzera kenza, kuremara kwekuberekwa nako, nekumwe kukanganisika kwesimba rokubereka.
2. Makamuri ose ngaave nemahwindo akanaka, kubatanidza bhavhu. Shawa inoita kuti tsvina ingava mumvura ive utsi. Izvi zvingaita kuti chlorine iungane uye kunyange chloroform.
3. Pukuta tsoka dzako usati wapinda mumba. Chiito ichi chisinganetsi, inodaro Scientific American, chinogona kuderedza nezvibodzwa zvitanhatu kuwanda kwelead mukapeti. Zvinoderedzawo mishonga yezvipembenene, mimwe inokurumidza kuparara panze muzuva asi inopedza makore kana iri mukapeti. Chimwe chokuita, uri muitiro unogamuchirwa mune dzimwe nzvimbo dzenyika, kubvisa bhutsu dzako. Muchina wakanaka unosveta huruva, kunyanya une bhurasho rinotenderera, unogonawo kuderedza kusvibiswa kwekapeti.
4. Kana ukapfapfadzira mushonga wezvipembenene mukamuri, bvisa zvinhu zvekutambisa mukamuri iroro kweanenge mavhiki maviri, kunyange zvazvo butiro remushonga wacho ringataura kuti kamuri racho harina ngozi pashure pemaawa pashure pekupfapfadzira. Masayendisiti munguva pfupi yapfuura akawana kuti mamwe mapurasitiki nefomu zvinowanika muzvokutambisa zvinotoita zvokunwa zvinosaririra zvemishonga yezvipembenene sesipanji. Vana vachapindwa mumiviri nechepfu dzacho nomuganda nomukanwa.
5. Shandisa mishonga yezvipembenene zvishoma. Mubhuku rake rinonzi Since Silent Spring, Frank Graham, Jr., anonyora kuti mishonga yezvipembenene “ine painoshanda mumba nemugadheni, asi kutengesa kwakapwisa saimba kuti anofanira kugara ane mishonga yakawanda kuti adzingire kure kurwiswa nehwiza yeAfrica.”
6. Ita kuti pendi inopfupfunyuka ine lead ibviswe mumadziro ose, uye pendazve nependi isina lead. Usabvumire vana kutamba mutsvina ine pendi ine lead. Kana pombi dzichifungidzirwa kuti dzine lead, pombi yemvura inotonhora inofanira kutanga yavhurwa zvishoma kusvikira yachinja kudziya, uye mvura inobva papombi yemvura inopisa haifaniri kunwiwa.—Environmental Poisons in Our Food.
[Mufananidzo uri papeji 29]
Ndumure ndidzo dzisingatani kukuvadzwa nechepfu dzemumba