Usavhiringidzwa Namashoko Anoparadzirwa!
“Munhu akapusa anodavira zvinhu zvose.”—ZVIREVO 14:15, TODAY’S ENGLISH VERSION.
PANE musiyano—musiyano mukuru—pakati pedzidzo nemashoko anoparadzirwa. Dzidzo inokuratidza nzira yokufunga nayo. Mashoko anoparadzirwa anokuudza zvinhu zvokufunga. Vadzidzisi vakanaka vanotaura mativi ose enyaya uye vanokurudzira kukurukurirana. Vanoparadzira mashoko vanokumanikidza kuti uteerere zvavanenge vachitaura uye havakurudziri kukurukurirana. Kazhinji zvinangwa zvavo hazvibudi pachena. Vanopepeta mashoko, votora avanoda, vovanza mamwe acho. Vanochinjawo nokumonyanisa chokwadi, vachinyanya kushandisa nhema uye chokwadi chisina kukwana. Vanoda kushandisa manzwire aunoita, kwete pfungwa dzako.
Munhu anoparadzira mashoko anoedza kuva nechokwadi chokuti mashoko ake aratidzike seechokwadi uye kuti akanaka zvichiita kuti unzwe uchikosha uye uri shamwari yapedyo kana ukaita izvozvo. Unenge wava mumwe wevakachenjera, unenge usisiri woga, unenge wava ishe pachako—ndizvo zvavanotaura.
Unogona kuzvidzivirira pachako sei kuvanhu vanonzi neBhaibheri “vanotaura zvisina maturo, uye vanonyengera ndangariro”? (Tito 1:10) Kana ukangoziva zvimwe zvinhu zvavanoshandisa, unenge wava kukwanisa kuzvionera pachako kana mashoko aunoudzwa ari echokwadi kana kuti kwete. Hedzino dzimwe nzira dzokuita nadzo izvozvo.
Sarudza: Pfungwa dzinongobvuma chero chinhu chataurwa dzingafananidzwa nepombi inongorega chero chinhu chichiyerera nomairi—kunyange tsvina yomuchimbudzi. Hapana anoda kuva nepfungwa dzakasvibiswa. Soromoni, aiva mambo uye mudzidzisi munguva yekare, akanyevera kuti: “Usina mano unotenda mashoko ose; asi wakangwara unongwarira mafambiro ake.” (Zvirevo 14:15) Saka tinofanira kusarudza. Tinofanira kuongorora chero chipi zvacho chatinoudzwa, tichisarudza zvokubvuma nezvokuramba.
Zvisinei, hatidi kunyanya kuomesa musoro zvokuti tinoramba kuongorora chokwadi chinogona kuwedzera kufunga kwedu. Tingava sei vari pakati nepakati? Nokuva nenzira yatinoshandisa kuyera mashoko matsva atinonzwa. Apa muKristu ane bhuku rine uchenjeri hukuru. Ane Bhaibheri senhungamiro yechokwadi pakufunga kwake. Kune rimwe divi, pfungwa dzake dzakazaruka, kureva kuti dzinogamuchira mashoko matsva. Anonyatsoyera mashoko matsva akadaro achishandisa Bhaibheri oisa zviri zvechokwadi mukufunga kwake. Kune rimwe divi, pfungwa dzake dzinoona ngozi yemashoko asingawirirani zvachose nezvaanokoshesa zviri muBhaibheri.
Shandisa nzwisiso: Nzwisiso “kukwanisa kutonga zvakarurama.” I“simba kana kuti mano epfungwa anosiyanisa chimwe chinhu nechimwe.” Munhu anonzwisisa anoona mazano kana kuti zvinhu zvinonyengera uye osarudza zvakanaka.
Tichishandisa nzwisiso, tichakwanisa kuona vaya vari kushandisa “kutaura kunonyengera nokutaura kwokurumbidza” kuti ‘vanyengetedze mwoyo yevasina mhaka.’ (VaRoma 16:18) Nzwisiso inoita kuti ugone kuramba mashoko asina basa kana kuti anotsausa ndokuwana chokwadi chenyaya yakati. Asi unogona sei kunzwisisa kana chimwe chinhu chiri kunyengera?
Edza mashoko: “Vanodiwa,” akadaro Johani, mudzidzisi wechiKristu womuzana remakore rokutanga, “musatenda kutaura kwose kwakafuridzirwa, asi edzai kutaura kwakafuridzirwa.” (1 Johani 4:1) Nhasi vamwe vanhu vakaita semasiponji; vanonwa chero chavasangana nacho. Zviri nyore kungobvuma chero chipi zvacho chataurwa patinenge tiri.
Asi zviri nani chose kuti mumwe nomumwe pachake asarudze zvaanoda kuti zvipinde mupfungwa dzake. Zvinonzi zvatinodya ndizvo zvinotiumba, uye izvi zvinogona kushanda kuzvokudya zvomuviri nezvepfungwa. Chero chauri kurava kana kuona kana kuteerera, edza kuona kana chisina mashoko anoparadzirwa kana kuti chiri chechokwadi.
Uyezve, kana tichida kuva nepfungwa dzakanaka, tinofanira kuda kuti pfungwa dzedu pachedu dzirambe dzichiedzwa patinonzwa mashoko matsva. Tinofanira kuziva dzinongova pfungwa. Kuva kwechokwadi kwadzo kunoenderana nezvatinoziva, pakuti tinofunga zvakadini, uye patsika nezvinhu zvatinosarudza kuti tishandise.
Bvunza mibvunzo: Sezvataona, kune vazhinji nhasi vangada kuti‘nyengera nemashoko okunyengetedza.’ (VaKorose 2:4) Naizvozvo, kana tikaudzwa mashoko anonyengetedza, tinofanira kubvunza mibvunzo.
Kutanga, tarisa uone kana pane kutsvetera. Chinangwa chemashoko acho ndechei? Kana mashoko acho akazara nokunyomba namagaramwoyo, nei zvakadaro? Tisingatauri nezvamagaramwoyo, mashoko acho anobatsira chii? Uyewo, kana zvichiita, edza kuona nhoroondo yevari kuataura vacho. Vanozivikanwa kuti vanotaura chokwadi here? Kana “zviremera” zvichishandiswa, izvo ndivanaani kana kuti chii? Nei uchifanira kuona munhu uyu—kana kuti sangano kana kuti bhuku—serine ruzivo rwakakwana kana kuti rwechokwadi panyaya iri kutaurwa? Kana ukaona sokuti pfungwa dzava kuda kunyengetedzwa, zvibvunze kuti, ‘Kana zvikatariswa pasina kuzvifarira, zvinhu zvipi zvinobatsira zvemashoko aya?’
Usangoita gudzamudungwe: Kana ukaona kuti zvinofungwa nomunhu wose hazvisi zvechokwadi, unogona kuwana simba rokufunga zvakasiyana neizvozvo. Nepo zvingaratidzika sokuti vamwe vanofunga nenzira yakadaro, izvi zvinoreva kuti iwe unofanira kudarowo here? Zvinofungwa nevakawanda hazviratidzi chokwadi chaicho. Kwemazana emakore pfungwa dzakasiyana-siyana dzakadavirwa nevakawanda, asi dzakazoonekwa kuti dzaiva dzenhema pave paya. Asi, kuda kufanana nevamwe kunoramba kuripo. Murayiro wakapiwa pana Eksodho 23:2 unogona kushanda unoti: “Usatevera vazhinji pakuita zvakaipa.”
Zivo Yechokwadi Yakasiyana Nemashoko Anoparadzirwa
Zvambotaurwa kuti Bhaibheri ndiro chinhu chechokwadi chinotungamirira kufunga kwakanaka. Zvapupu zvaJehovha zvinonyatsoteerera mashoko aJesu kuna Mwari okuti: “Shoko renyu ichokwadi.” (Johani 17:17) Izvi zvakadaro nemhaka yokuti Mwari, Munyori weBhaibheri, ndi“Mwari wazvokwadi.”—Pisarema 31:5.
Hungu, munguva ino yemashoko anoparadzirwa anonetsa kunzwisisa, tinogona kutarira kuShoko raJehovha nechivimbo kuti ndiro rine chokwadi. Pakupedzisira izvi zvichatichengetedza kune vaya vanoda ‘kutinyengera nemashoko enhema.’—2 Petro 2:3.
[Mufananidzo uri papeji 17]
Nzwisiso inoita kuti ugone kuramba mashoko asina basa kana kuti anotsausa
[Mufananidzo uri papeji 18]
Edza kuona kana chauri kurava, kana kuona chiri chechokwadi
[Mufananidzo uri papeji 19]
Zvinofungwa nevakawanda hazvisi zvokuvimba nazvo nguva dzose
[Mufananidzo uri papeji 19]
Tinogona kutarira kuShoko raMwari nechivimbo kuti ndiro rine chokwadi