Zvinotaura Bhaibheri
Kushongedza Muviri—Kudiwa Kwokuva Nomwero
“KUZVIDZA kunovhiringidza kufunga zvakanaka,” akanyora kudaro munyori wenganonyorwa wokuFrance. Chaizvoizvo, kufunga zvakanaka hakuna chokuita nezvinhu zvakawanda zvakaitwa nevanhu kwemazana emakore nemhaka yokuzvida. Somuenzaniso, mukuedza kuva nechiuno chakatetepa zvikuru chinobvira, vakadzi vomuzana remakore rechi19 vaizvisunga matumbu avo zvinorwadza kusvika vasichagoni kufema zvakanaka. Vamwe vaiti vaiva nezviuno zvakatetepa mamirimita 325. Vamwe vakadzi vakanga vakambandidzirwa nezvavaisungisa zvokuti mbabvu dzavo dzakatopinda muzviropa zvavo, zvichikonzera rufu.
Kunyange zvichifadza kuti fashoni iyoyo yakapera, kuzvida kwaiikonzera kuchiri kuonekwa nhasi sezvazvakanga zvakaita panguva iyoyo. Varume navakadzi vachiri kuita zvinhu zvakaoma, kunyange zvine ngozi, kuti vachinje zvavakazvarwa vakaita. Somuenzaniso, mabhizimisi okunyora paganda nokuboora, ayo aimboshanyirwa nevanhu vasina tsika dzakanaka vomunzanga, ava kutanga kuonekwa munzvimbo dzemabhizimisi uye munogara vanhu. Kutaura zvazviri, mune rimwe remakore achangopfuura, kunyora paganda rakanga riri bhizimisi rechitanhatu riri kukura nokukurumidza muUnited States.
Mamwe marudzi okushongedza muviri okunyanyisa ari kuwedzera, zvikurukuru pakati pevechiduku. Kuboora nhengo dzomuviri kwakanyanya—kusanganisira minyatso, mhino, rurimi, kunyange nhengo dzokubereka nadzo—kuri kuwedzera kukurumbira. Kuchikwata chiduku, kuboora kwakanyanya uku hakusati kwasvika pavanoda. Vari kuedza zvimwe zviito zvokunyanyisa zvakadai sokuzviisa muchiso, kuzvicheka,a kana kuchinja chitarisiko chomuviri, zvinhu zvichiiswa pasi peganda kuti pabude makomba anooneka zvikuru nemichinjiziri.
Muitiro Wekare
Kushongedza kana kuti kunatsiridza muviri hakusi kutsva. Mune mamwe mativi eAfrica, kutema nyora uye kuzvinyora paganda kwave kuchishandiswa kwemazana emakore kuratidza mapoka emhuri kana madzinza. Zvinofadza kuti, mudzakawanda dzenyika idzi, miitiro yakadaro haichafarirwi uye yave kuparara.
Kuzvinyora paganda, kuboora, uye kucheka zvaivepo munguva inotaurwa muBhaibheri. Zvaiwanzoshandiswa nemarudzi echihedheni muzvine chokuita nechitendero chavo. Ndokusaka Jehovha akarambidza vanhu vake, vaJudha, kutevedzera vahedheni ivavo. (Revhitiko 19:28) So“rudzi rwake chairwo,” Mwari akadzivirira vaJudha pamiitiro yechitendero chenhema yakaipa.—Dheuteronomio 14:2.
Rusununguko rwechiKristu
VaKristu havasi pasi poMutemo waMosesi, kunyange zvazvo uine nheyo dzakapinzwa muungano yechiKristu. (VaKorose 2:14) Saka vangaita zvavanofunga vachidzorwa nezvakakodzera panhau ine chokuita norudzi rwokuzvishongedza rwavanosarudza kupfeka. (VaGaratiya 5:1; 1 Timoti 2:9, 10) Zvisinei, rusununguko urwu rune parunogumira.—1 Petro 2:16.
Pana 1 VaKorinde 6:12, Pauro akanyora kuti: “Zvinhu zvose zvinobvumirwa nomutemo kwandiri; asi hazvisi zvinhu zvose zvinobetsera.” Pauro akaziva kuti rusununguko rwake somuKristu rwaisamupa mvumo yokuti aite chero chaaida pasina kufunga vamwe. Kuda vamwe kwakapesvedzera zviito zvake. (VaGaratiya 5:13) “Musingarambi muchiva nehanya nezvinhu zvenyu zvomunhu oga,” akakurudzira kudaro, “asi muchiva nehanya nezvinhu zvevamwe somunhu oga.” (VaFiripi 2:4) Kusava mbimbindoga kwake kunoshanda somuenzaniso wakaisvonaka kumuKristu upi noupi ari kufunga nezvorudzi rwakati rwokushongedza muviri.
Nheyo dzeBhaibheri Dzokufunga Nezvadzo
Mumwe wemirayiro kuvaKristu ndewokuparidza nokudzidzisa mashoko akanaka. (Mateu 28:19, 20; VaFiripi 2:15) MuKristu haangadi kuti chinhu chipi nechipi, kusanganisira chimiro chake, zviite kuti vamwe vasateerera mashoko aya.—2 VaKorinde 4:2.
Kunyange zvazvo kuzvishongedza kwakadaro kwakadai sokuboora kana kuzvinyora paganda kungava kwakakurumbira pakati pevamwe vanhu, muKristu angada kuzvibvunza kuti, ‘Kuzvishongedza kwakadai kungakonzera chii munharaunda yandinogara? Ndingaverengerwa pakati pevanhu vanonyanyisa vomunzanga here? Kunyange kana hana yangu yaizozvitendera, kuzviboora kana kunyorwa paganda kwangu kungaita sei pavamwe vari muungano? Vangazviona sechiratidzo cho“mudzimu wenyika” here? Zvingamutsa mubvunzo nezvo“kunaka kwepfungwa” dzangu here?’—1 VaKorinde 2:12; 10:29-32; Tito 2:12.
Mamwe marudzi okunatsiridza muviri ane ngozi dzoutano dzakakomba. Kuzvinyora paganda netsono dzisina kuchena kwave kuchinzi kune chokuita nokuparadzirwa kwechirwere chechiropa uye HIV. Zvinetso zveganda pane dzimwe nguva mugumisiro wemadhai anoshandiswa. Kuboorwa kungatora mwedzi yakawanda kuti kupore uye kungarwadza kweyakawanda yenguva iyoyo. Zvingaguma nokuisa chepfu muropa, kubuda ropa rakawanda, kugwamba kweropa, kukuvara kwegadziriro yetsinga dzinotakura mashoko, uye kutapukirwa kwakakomba noutachiona. Uyezve, mimwe miitiro yacho haigoni kuchinjwa nyore nyore. Somuenzaniso, zvichienderana nokukura uye noruvara, kunyora paganda kungatora nguva yakareba uye kurapa kunodhura nokunorwadza kuti kubve. Kuboorwa kungasiya mavanga anogara kwoupenyu hwose.
Kuti munhu angabvuma here kana kuti kuramba ngozi idzodzi ndiye anozvisarudzira. Asi munhu anotsvaka kufadza Mwari anoziva kuti kuva muKristu kunosanganisira kuzvipa kuna Mwari. Miviri yedu zvibayiro zvipenyu zvinopiwa kuna Mwari kuti ashandise. (VaRoma 12:1) Nokudaro, vaKristu vakakura mumudzimu havaoni miviri yavo sezvinhu zvavo zvingangokuvadzwa kana kuchinjwa pamadiro. Kunyanya avo vanokwanisa kutungamirira muungano vanozivikanwa netsika dzavo dzine mwero, kunaka kwepfungwa, uye kunzwisisa.—1 Timoti 3:2, 3.
Kukudziridza uye kushandisa simba rokufunga rakarovedzwa neBhaibheri kuchabatsira vaKristu kudzivisa miitiro yakazara noushati, zvenyika ino, isina tariro zvachose ya“kaparadzaniswa noupenyu hwaMwari.” (VaEfeso 4:18) Nokudaro vangaita kuti kunzwisisa kwavo kupenye pamberi pavanhu vose.—VaFiripi 4:5.
[Mashoko Omuzasi]
a Pane kusiyana kukuru pakati pokucheka kwezvokurapa kana kwokuzvishongedza zvakanaka nokuzvicheka kana kuzvikuvadza uko kunoitwa nevechiduku vakawanda, zvikurukuru, nevasikana vachiri kuyaruka. Kuzvikuvadza kwacho kazhinji chiratidzo chedzvinyiriro yepfungwa kana tsika yakashata, izvo zvingatoda kubatsira kwenyanzvi.