Basa Rinokosha Ravanamukoti
“Mukoti munhu anorera, uye anodzivirira—munhu akagadzirira kutarisira vanorwara, vakakuvara, uye vakwegura.”—Nursing in Today’s World—Challenges, Issues, and Trends.
KUNYANGE zvazvo kuchikosha, kusava noudyire hakusi iko kwoga kunoita kuti mumwe ave mukoti ane unyanzvi. Vanamukoti vakanaka vanodawo kurovedzwa kwakasimba uye kuva vagara nebasa zvikuru. Chimwe chinodiwa chinokosha kudzidza uye kurovedzwa kuita basa kwegore rimwe kusvikira kumana kana kupfuura. Asi zvii zvinoita kuti mukoti ave akanaka? Hedzino dzimwe mhinduro dzinobva kuna vanamukoti vagara pabasa vakabvunzurudzwa neMukai!
“Chiremba anorapa, asi mukoti anotarisira murwere. Kazhinji kacho izvi zvinoda kupa tariro varwere vanenge vakuvadzwa zvose mupfungwa nomuviri, somuenzaniso, pavanoudzwa kuti vane hosha isingaperi kana kuti vachatarisana norufu chero nguva ipi zvayo. Unofanira kuva amai vomunhu wacho anorwara.”—Carmen Gilmartín, Spain.
“Zvinokosha kukwanisa kunzwa kurwadziwa nokutambura uko murwere anonzwa uye kuda kubatsira. Mutsa nomwoyo murefu zvinodiwa. Unofanira kuda kudzidza zvakawanda nezvoukoti nemishonga.”—Tadashi Hatano, Japan.
“Mumakore achangopfuura vanamukoti vave vachida kuwedzera ruzivo rwebasa. Naizvozvo, chido chokudzidza nokukwanisa kunzwisisa zviri kudzidzwa zvinokosha. Uyewo, vanamukoti vanofanira kuita zvisarudzo zvokukurumidza uye kukurumidza kuita chimwe chinhu zvichienderana nemamiriro ezvinhu.”—Keiko Kawane, Japan.
“Somukoti, unofanira kuratidza ushamwari. Unofanira kushivirira uye kuratidza kunzwira urombo.”—Araceli García Padilla, Mexico.
“Mukoti akanaka anofanira kuva anodzidza zvikuru, anocherechedza, uye ane unyanzvi hwebasa zvikuru. Kana mukoti asingazvipiri—kana aine kaudyire kana kuti achitsamwira zano rinobva kune vane zvinzvimbo zviri pamusoro mune zvokurapa—mukoti iyeye anova asina kukodzera kuvarwere uye kuvaanoshanda navo.”—Rosângela Santos, Brazil.
“Zvinhu zvakati kuti zvinotodiwa: kusununguka, kushivirira, uye mwoyo murefu. Unofanirawo kubvuma zvinotaura vamwe, uchikwanisa kuwirirana nevaunoshanda navo nevari pazvinzvimbo zvapamusoro mune zvokurapa. Unofanira kukurumidza kubata unyanzvi hutsva kuitira kuti urambe uchishanda zvakanaka.”—Marc Koehler, France.
“Unofanira kuda vanhu uye kuda chaizvoizvo kubatsira vamwe. Unofanira kukwanisa kushingirira nokuti basa roukoti rinotofanira kuitwa nomazvo. Unofanira kubvuma kuchinja zvokukwanisa kuita basa rimwe apo unenge uine vaunoshanda navo vashoma—pasina kukanganisa basa.”—Claudia Rijker-Baker, Netherlands.
Mukoti Somutarisiri
Bhuku rinonzi Nursing in Today’s World rinoti “ukoti hune chokuita nokutarisira munhu wacho mumamiriro ezvinhu outano akasiyana-siyana. Nokudaro, tinofunga nezvokurapa kuti kunosanganisira mushonga womurwere uye ukoti nokutarisirwa kwomurwere iyeye.”
Nokudaro, mukoti mutarisiri. Naizvozvo, zviri pachena kuti mukoti anofanira kuva nehanya. Pane imwe nguva yakapfuura vanamukoti 1 200 vakanyoreswa vakabvunzwa kuti, “Chii chinonyanya kukosha kwauri mubasa rako somukoti?” Kutarisira zvakanaka kwazvo yaiva mhinduro yakapiwa ne98 muzana.
Dzimwe nguva vanamukoti havaoni kukosha chaiko kwavanoita kuvarwere. Carmen Gilmartín, ane mashoko ambotaurwa pamusoro, mukoti agara pabasa kwemakore 12, akaudza Mukai! kuti: “Pane imwe nguva ndakaudza shamwari yangu kuti ndainzwa kuti handikwanisi kuita zvakakwana pandinotarisira varwere vanorwara zvikuru. Ndaizviona sendiri kupa ‘rubatsiro rusina kukwana’. Asi ipapo shamwari yangu yakapindura kuti: ‘“Mupi Worubatsiro Rusina Kukwana” anokosheswa zvikuru, nokuti munhu paanenge achirwara, unodiwa kupfuura chero chinhu chipi nechipi—mukoti anonzwira tsitsi.’”
Sezviri pachena, kutarisira kwakadaro kungarwadza zvikuru mukoti anoshanda kwemaawa gumi kana kupfuura zuva roga roga! Chii chakaita kuti ava vatarisiri vanozvipira vave vanamukoti?
Nei Uchifanira Kuva Mukoti?
Mukai! yakabvunzurudza vanamukoti kupota pasi rose uye kuvabvunza kuti, “Chii chakakuita kuti uve mukoti?” Hedzinoi dzimwe dzemhinduro dzavo.
Terry Weatherson agara pabasa roukoti kwemakore 47. Pari zvino anoshanda somukoti anotarisira varwere zvakananga muDhipatimendi Rezvedundira [Urology Department] rechimwe chipatara muManchester, kuEngland. “Ndakarerwa ndiri muKaturike uye ndakapinda chikoro chebhodhingi cheKaturike,” anodaro. “Ndichiri musikana, ndakasarudza kuti ndaida kupikira usisita kana kuti kuva mukoti. Ndaiva nechido chokushandira vamwe. Munogona kuridana kuti basa randanga ndagara ndichida. Sezvamunoona, ndakasarudza kuva mukoti.”
Chiwa Matsunaga anobva kuSaitama, Japan, ave achitarisira kiriniki yake pachake kwemakore masere. Anoti: “Ndakatevera kufunga kwababa vangu kwokuti ‘zvakanakisisa kudzidza unyanzi huchaita kuti ukwanise kuita basa upenyu hwako hwose.’ Nokudaro ndakasarudza basa roukoti.”
Etsuko Kotani anobva kuTokyo, Japan, mukuru wavanamukoti agara pabasa kwemakore 38, akati: “Pandakanga ndichiri kuchikoro, baba vangu vakapunzika ndokurasikirwa neropa rakawanda kwazvo. Sezvandaitarisira baba vangu muchipatara, ndakasarudza kuti ndaida kuzova mukoti kuitira kuti ndikwanise kubatsira vanhu vanorwara munguva yemberi.”
Vamwe vakakurudzirwa nezvakaitika kwavari pavairwara. Eneida Vieyra, mukoti muMexico, anoti: “Pandaiva nemakore matanhatu, ndakaiswa muchipatara kwevhiki mbiri nemhaka yehosha yegurokuro, uye paiva ipapo pandakasarudza kuti ndaida kuzova mukoti.”
Zvakajeka kuti kuva mukoti kunoda kuzvipira kwakakura. Regai tinyatsoongorora matambudziko uye mibayiro yebasa iri rakanaka kwazvo.
Zvinofadza Mukuva Mukoti
Ndezvipi zvinofadza mubasa roukoti? Mhinduro kumubvunzo uyu ichatsamira pabasa roukoti rinoshandwa nomunhu wacho. Somuenzaniso, vananyamukuta vanonzwa kuti vawana mubayiro nokubereka kwose kunobudirira. “Zvinofadza zvikuru kubatsira pakuberekwa kwemwana akasimba wawakatarisira kukura kwake,” anodaro mumwe nyamukuta wokuNetherlands. Jolanda Gielen-Van Hooft, anobvawo kuNetherlands, anoti: “Kubatsira pakuberekwa kwemwana ndicho chimwe chezvinhu zvakanakisisa icho vakaroorana—uye mushandi wezvoutano—vangava nacho. Chishamiso!”
Rachid Assam anobva kuDreux, France, mukoti anotindivadza akanyoreswa neHurumende ane makore okuma40. Nei achifadzwa noukoti? Nemhaka yo“kugutsikana kuti wabatsira pakuvhiya kunobudirira uye kuva nhengo yebasa rinonakidza uye riri kuramba richibudirira,” anodaro. Isaac Bangili, anobvawo kuFrance, akati: “Ndinofadzwawo nemashoko okuonga atinogamuchira kubva kuvarwere nemhuri dzavo, zvikurukuru mumamiriro ezvinhu okukurumidzira patinokwanisa kubatsira murwere watanga tava kufunga kuti hapachina tariro.”
Mamwe mashoko okuonga akadaro akatumirwa kuna Terry Weatherson, ambotaurwa nezvake. Imwe chirikadzi yakanyora kuti: “Handigoni kuita kuti chiitiko chacho chipfuure pasina kutaura zvakare nezvokuzorora kwatakava nakwo kubva mukugadzikana kwenyu, uye kuvapo kwenyu nguva yose yokurwara kwaCharles. Ushamwari hwenyu hwaiva somwenje unopenya, uye hwakava dombo rinotsigira rakatipa simba.”
Kutarisana Nematambudziko Acho
Asi pamwe nezvinofadza zvoukoti kunouya matambudziko akawanda. Hapabvumirwi kukanganisa! Kungava kupa mishonga kana kuti kutora ropa kana kuti kuisa chimwe chinhu mutsinga kana kuti kungofambisa murwere, mukoti anofanira kungwarira zvikuru. Haafaniri kutombokanganisa—uye izvi ndezvechokwadi zvikurukuru munyika umo kukwirirana kumatare kwakajairika. Asi, dzimwe nguva mukoti anoiswa mumamiriro ezvinhu akaoma. Somuenzaniso, ngatiti mukoti anofunga kuti chiremba anyorera murwere mushonga usiriwo kana kuti apa mirayiridzo isina kunyatsonakira murwere. Chii chingaitwa nomukoti? Opokana nachiremba here? Izvozvo zvinoda ushingi, unyanzvi, nokugona kutaura—uyewo zvine kangozi. Zvinosuruvarisa kuti vamwe vanachiremba havabvumi pakarepo zvinotaurwa neavo vavanoona sevari pasi.
Chii chakaonekwa nevamwe vanamukoti munhau iyi? Barbara Reineke anobva kuWisconsin, U.S.A, mukoti akanyoreswa kwemakore 34, akaudza Mukai! kuti: “Mukoti anofanira kuva noushingi. Kutanga, pamutemo ndiye ane mutoro nokuda kwemishonga chero ipi yaanoshandisa kana kurapa kwaanoita uye kukuvadza kupi nokupi kunokonzerwa nazvo. Anofanira kukwanisa kuramba kuita murayiridzo chero upi unobva kuna chiremba kana achifunga kuti uri kunze kwebasa rake raanoita kana kuti achidavira kuti murayiridzo wacho hauna kururama. Ukoti hahusisiri zvahwakanga huri mumazuva aFlorence Nightingale kana kuti kunyange makore 50 apfuura. Zvino mukoti anofanira kuziva nguva yokuramba zvinotaurwa nachiremba uye nguva yokumanikidza chiremba kuti aone murwere, kunyange kana pari pakati pousiku. Uye kana atadza, anofanira kusava nechinya zvokuti anoshivirira chero kutuka kupi kwaangaitwa nachiremba.”
Chimwe chinetso icho vanamukoti vanofanira kutarisana nacho chisimba pabasa. Mumwe mushumo unobva kuSouth Africa unoti vanoshanda basa roukoti “vanozivikanwa kuva vari pangozi huru yokubatwa zvisina kunaka uye nechisimba munzvimbo yebasa. Kutaura zvazviri, vanamukoti vane mukana mukuru wokurwiswa pabasa pane varindiri vejeri kana kuti vakuru vemapurisa uye 72 muzana yavanamukoti hainzwi yakachengeteka pakurwiswa.” Mamiriro ezvinhu akadaro anoshumwawo nezveUnited Kingdom, uko 97 muzana yavanamukoti vakabvunzurudzwa mukuongorora kuchangobva kuitwa vaiziva mukoti akarohwa mugore rakanga richangopfuura. Chii chinokonzera chisimba ichi? Kazhinji kacho, chinetso chinobva kuvarwere vanoshandisa zvinodhaka kana kuti vave vachinwa kana kuti vakapera mwoyo kana kuti vakabatwa nenhamo.
Vanamukoti vanofanirawo kubata nokuneta kunokonzerwa nokuora mwoyo. Kushomeka kwevashandi ndechimwe chikonzero. Apo mukoti anoshanda nomwoyo wose anokundikana kutarisira murwere zvakakwana nemhaka yokuwanda kwebasa, kuora mwoyo kunotanga nokukurumidza. Kuedza kugadzirisa mamiriro acho ezvinhu nokushanda panguva yokuzorora uye kushanda kwenguva yakareba zvinongowedzera kuvhiringidzika.
Mupasi rose zvipatara zvakawanda hazvina vashandi vakakwana. “Hatina vanamukoti vakakwana muzvipatara zvedu,” wakadaro mumwe mushumo mumagazini inonzi Mundo Sanitario yokuMadrid. “Chero upi akamboda kutarisirwa utano anoziva kukosha kwavanamukoti.” Chii chakapiwa sechikonzero chokushomeka uku? Kuda kuchengetedza mari! Mushumo iwoyo wakati zvipatara zvomuMadrid zvine kuperevedza kwenyanzvi dzoukoti 13 000!
Chimwe chikonzero chakapiwa chokuora mwoyo ndechokuti kazhinji nguva dzebasa dzakarebesa uye mari inotambirwa ishoma zvikuru. Magazini inonzi The Scotsman yakati: “Vanamukoti vanopfuura mumwe muvashanu vomuBritain uye mumwe muvana wevabatsiri vavanamukoti vane rimwe basa rechipiri kuedza kuwana chokurarama nacho, maererano nesangano revashandi vehurumende, rinonzi Unison.” Vanamukoti vatatu pavana vanofunga kuti vanotambiriswa mari shoma. Somugumisiro, vakawanda vakafunga kusiya basa racho.
Pane zvikonzero zvakati kuti zvinoita kuti pave nokuora mwoyo kwavanamukoti. Kubva kumashoko akawanikwa neMukai! kubva kuna vanamukoti pasi rose, kufa kwevarwere kunogona kuguma nokuora mwoyo. Magda Souang, akarererwa mumhuri yokuEgypt, anoshanda muBrooklyn, kuNew York. Paakabvunzwa kuti chii chinoita kuti basa rake riome, akapindura kuti: “Kuona varwere vanorwara zvikuru vanenge 30 vandinenge ndakanyatsotarisira vachifa munhambo yemakore gumi. Izvozvo zvinokupedza simba.” Hazvishamisi kuti rimwe bhuku rinoti: “Kuramba uchizvipira kuvarwere vanofa kungaguma nokurwadziwa mupfungwa nomuviri.”
Remangwana Ravanamukoti
Kuwedzera uye kuchinja kworuzivo rwokugadzira zvinhu kunowedzera zvinonetsa mubasa roukoti. Zvakaoma kuita kuti ruzivo rwokugadzira zvinhu rwupindirane nevanhu, nzira ine unhu yokubata nayo nevarwere. Hakuna muchina ungafa wakatsiva kunzwira urombo kwomukoti uye tsitsi.
Imwe magazini inoti: “Ukoti ibasa risingaperi. . . . Chero bedzi vanhu vachiripo, nguva dzose pachava nokudiwa kwetarisiro, kunzwira tsitsi, uye kunzwisisa.” Basa roukoti rinozadzikisa zvinodiwa izvozvo. Asi pane chikonzero chinotova chikuru cheramangwana riri nani munhau yokutarisira zvoutano. Bhaibheri rinoratidza kuti nguva ichasvika pasina achati, “Ndinorwara.” (Isaya 33:24) Vanachiremba, vanamukoti, uye zvipatara zvinenge zvisingachadiwi munyika itsva iyo Mwari akapikira.—Isaya 65:17; 2 Petro 3:13.
Bhaibheri rinopikira kuti “Mwari . . . uchapukuta misodzi yose pamaziso avo, uye rufu haruchazovipo, kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa hazvingazovipo. Zvinhu zvokutanga zvapfuura.” (Zvakazarurwa 21:3, 4) Zvisinei, munguva ino, tinofanira kuonga tarisiro yose inopiwa uye kuzvipira kunoitwa nemamiriyoni avanamukoti mupasi rose, pasina ivo kugara muchipatara kwaisazonakidza kana kuti kwaisabvira! Ipapo, wakakodzera sei mubvunzo wokuti, “Vanamukoti—taizoitei dai vasipo?”
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 22]
Florence Nightingale—Muvambi Woukoti Hwamazuva Ano
Akaberekwa muna 1820 muItaly nevabereki vakapfuma vokuBritain, Florence Nightingale akarerwa mumutambarakede. Florence muduku akaramba kuroorwa ndokudzidza zvoutano uye zvokutarisira varombo. Pasinei nokurambidzwa nevabereki vake, Florence akawana nzvimbo muchikoro chokurovedza vanamukoti muKaiserswerth, kuGermany. Gare gare, akadzidza muParis, uye pazera remakore 33, akava mukuru wechipatara chevakadzi muLondon.
Asi akatarisana nebasa guru kwazvo paakazvipira kutarisira varwi vakakuvara muCrimea. Ikoko iye neboka rake ravanamukoti 38 vaifanira kuchenesa chipatara chakazara nemakonzo. Basa racho rakanga rakaoma, nokuti pakutanga kwakanga kusina sipo, kwakanga kusina madhishi kana matauro, kwakanga kusina tumibhedha twakakwana, mamatiresi, kana mabhandeji. Florence neboka rake vakagona basa racho, uye pakazopera hondo yacho, akanga avandudza ukoti uye kutarisira chipatara mupasi rose. Muna 1860, akatanga Nightingale Training School for Nurses paChipatara cheSt. Thomas muLondon—chikoro chokutanga choukoti chisingatsigirwi nevezvechitendero. Asati afa muna 1910, aiva murwere anogara akarara kwemakore akawanda. Kunyange zvakadaro, akapfuurira kunyora mabhuku netubhuku mukuedza kuvandudza zvoutano.
Vamwe vanoramba kuva nehanya nevamwe kwaFlorence Nightingale, vachiti vamwewo vaikodzera kurumbidzwa kwakadaro nemhaka yezvavakaitawo muukoti. Uyewo, mukurumbira wake wave uchipokanwa zvakanyanya. Maererano nebhuku rinonzi A History of Nursing, vamwe vanotaura kuti “aiva nehasha, aida kuva pamusoro pevamwe, aiita zvaaifunga, aikurumidza kutsamwa, uye aida kurayira vamwe,” nepo vamwe vaishamiswa no“kungwara norunako rwake, pfungwa dzake dzakapinza, uye kusiyana-siyana kwounhu hwake.” Chero hupi hungava unhu hwake hwechokwadi, chinhu chimwe ndechechokwadi chokuti: Unyanzvi hwake mune zvoukoti uye kutarisirwa kwechipatara zvakapararira kunyika dzakawanda. Anonzi ndiye akavamba basa roukoti semaziviro atinoriita nhasi.
[Mufananidzo]
Chipatara cheSt. Thomas pashure pokutangwa kweNightingale Training School for Nurses
[Kwazvakatorwa]
Courtesy National Library of Medicine
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 24]
Zvinodiwa Kuti Uve Mukoti
Mukoti: “Munhu akagadzirira zvikurukuru muzvinhu zvikuru zvesayenzi youkoti uye anosvitsa zvinodiwa zvakati zvinotarisirwa zvedzidzo uye kukwanisa kuita zvinodiwa.”
Mukoti akanyoreswa: “Mukoti akapedza kudzidza uye akanyoreswa zviri pamutemo kuva mukoti pashure pebvunzo nesangano renyika rebvunzo dzavanamukoti . . . uye anobvumirwa zviri pamutemo kushandisa zita rokuti R.N.”
Mukoti ane unyanzvi mubasa rakati: “Mukoti akanyoreswa ane ruzivo rwakakwirira, unyanzvi, uye anoziva zvakawanda munharaunda yakati youkoti.”
Mukoti-nyamukuta: “Munhu akadzidziswa munharaunda mbiri, ukoti uye unyamukuta.”
Mukoti asina kudzidzira basa kuchikoro: “Munhu ane ruzivo rwebasa roukoti asi haana kudzidza pachikoro choukoti chorudzi chero rwupi.”
Mukoti ane rezenisi rebasa: “Akapedza kudzidza pachikoro chebasa roukoti . . . akanyoreswa zviri pamutemo kushanda somukoti ane rezenisi kana kuti somukoti.”
[Kwazvakatorwa]
Zvakatorwa muduramashoko rokuUnited States rinonzi Dorland’s Illustrated Medical Dictionary.
UN/J. Isaac
[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 25]
‘Musimboti Wezvoutano’
PaInternational Council of Nurses Centennial Conference muna June 1999, Dr. Gro Harlem Brundtland, mukuru mukuru weSangano Routano Pasi Pose, akati:
“Vanamukoti, senyanzvi dzinokosha mune zvoutano, vari munzvimbo inokosha yokushanda sevadziviriri vakasimba kwazvo nokuda kwenyika yakasimba. . . . Sezvo vanamukoti navananyamukuta vachiumba nechekare inenge 80 muzana yevashandi voutano vanoziva basa mugadziriro dzakawanda dzoutano dzenyika, vanomirira boka rine simba rokuunza kuchinja kwakakosha kuzadzikisa zvinodiwa zvoUtano Kuna Vose muzana remakore rechi21. Zvechokwadi, kubatsira kwavo mumabasa outano kunopedza zvakawanda zvoutano . . . Zvakajeka kuti vanamukoti ndivo musimboti wezvikwata zvakawanda zvoutano.”
Purezidhendi weMexico Ernesto Zedillo Ponce de León akapa kurumbidza kunokosha kuna vanamukoti vomuMexico paakati: “Zuva nezuva imi mose . . . munopa zivo yenyu yakanakisisa, kubatana kwenyu, basa renyu kuchengetedza uye kudzorera utano hwevanhu vomuMexico. Zuva nezuva hamugoveri vanoda kubatsirwa nounyanzvi hwenyu chete asiwo kunyaradza kwenyu kunobva muunhu hwenyu hune mutsa, kuzvipira, uye hwakadzama. . . . Ndimi chikamu chikuru chemasangano edu outano. . . Muupenyu humwe nohumwe hunoponeswa, mumwana mumwe nomumwe anobaiwa jekiseni rokudzivirira zvirwere, mukubatsirwa pakubereka kumwe nokumwe, mukutaura kumwe nokumwe kwezvoutano, kurapa kumwe nokumwe, murwere mumwe nomumwe anotarisirwa uye anotsigirwa zvakasimba, pane basa ravanamukoti vedu.”
[Kwazvakatorwa]
UN/DPI Photo naGreg Kinch
UN/DPI Photo naEvan Schneider
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 27]
Chiremba Anoonga
Dr. Sandeep Jauhar wepaNew York Presbyterian Hospital akabvuma kuva nomungava kwake kuna vanamukoti vakanaka. Mumwe mukoti akamutendisa nounyanzvi kuti mumwe murwere akanga ava kufa aida imwe morphine. Akanyora kuti: “Vanamukoti vakanaka vanodzidzisawo vanachiremba. Vanamukoti vanoshandira munzvimbo dzakakosha dzakadai sokunoiswa varwere vanorwara zvakanyanya vamwe venyanzvi dzakarovedzwa zvikuru muchipatara. Pandaidzidziswa basa, vakandidzidzisa nzira yokuisa nayo macatheter uye kudzora zvokufemesa. Vakandiudza kuti mishonga ipi yandinofanira kusashandisa.”
Akapfuurira kuti: “Vanamukoti vanopa kutsigira mupfungwa kunokosha kuvarwere, nokuti ndivo vanopedza nguva yakawanda vainavo. . . . Handiwanzodavidza nokukurumidza kusvikira mumwe mukoti wandinovimba naye andiudza kuti ndinofanira kuona murwere pakarepo.”
[Mufananidzo uri papeji 23]
“Ndaive nechido chokushandira vamwe.”—Terry Weatherson, England
[Mufananidzo uri papeji 23]
“Sezvandaitarisira baba vangu muchipatara, ndakasarudza kuti ndaida kuzova mukoti.”—Etsuko Kotani, Japan
[Mufananidzo uri papeji 23]
‘Kubatsira pakubereka chimwe chezvinhu zvakanakisisa izvo nyamukuta angava nacho.’—Jolanda Gielen-Van Hooft, Netherlands.
[Mufananidzo uri papeji 24]
Vananyamukuta vanowana mufaro nokugutsikana kubva mukubatsira pakuberekwa kwemwana