Zvinotaura Bhaibheri
Pane Chivi Chisingakanganwirwi Here?
PANE chirango chakakura kudarika rufu here? Hungu, rufu pasina tariro yorumuko nokuti munhu anenge aita chivi chisingakanganwirwi. Jesu akataura kuti pane rudzi rwechivi ‘chisingazokanganwirwi.’—Mateu 12:31.
Zvisinei, Bhaibheri rinotsanangura Mwari richiti anokanganwira. Kunyange zvazvo vanhu vachichengeta mafi vorega kukanganwira, Mwari ‘anokanganwira zvikuru.’ (Isaya 55:7-9) Kutaura zvazviri, achirasikirwa nezvakawanda zvikuru, Mwari akatuma Mwanakomana wake anodiwa pasi pano kuti ave chibayiro cheyananiso, kana kuti chokufukidza chinokosha zvokuti chinogona kudzima zvivi zvedu.—Johani 3:16, 17; Mabasa 3:19; 1 Johani 2:1, 2.
Munguva yakafanira Mwari achamutsa vakawanda vakanga vaine mhosva dzezvivi zvakakomba asi vanenge vasingazopiwi mhosva yezvavakamboita. (Mabasa 24:15; VaRoma 6:23) Kutaura chokwadi, Jesu akataura kuti kunze kwechivi chisingakanganwirwi, “zvivi zvorudzi rwose nokumhura zvichakanganwirwa vanhu.” (Mateu 12:31) Nokudaro ungabvunza kuti, ‘Chii chingava chakaipa kudaro zvokusakanganwirwa naMwari?’
Kana Kupfidza Kusingachaiti
Nyevero yaJesu yaitaura nezvo“kumhura mudzimu” nemaune uye uchiziva. Hapana kanganwiro nokuda kwechivi chorudzi urwu. “Aiwa, kwete mugadziriro ino yezvinhu kana muiyo inouya.” (Mateu 12:31, 32) Vaya vane mhosva yechivi chorudzi urwu havazomutswi.
Kumhura mudzimu kuita sei? Kunobva mumwoyo, kuchiratidza maitiro nechinangwa zvine ruvengo. Kuva nechinangwa chokupokana nomudzimu mutsvene waMwari kunowedzera kukomba kwechivi ichi. Kuenzanisira: Mune dzimwe nyika, mutemo unosiyanisa pakati pokuponda kwemwero wepamusoro uye kuponda kwemwero wakati dererei zvichienderana nechinangwa uye nzira yakapondwa nayo, uye rufu runotongerwa kune uya aponda achida kana kuti atoronga mapondero acho.
Muapostora Pauro aimbova munhu anomhura asi akati: “Ndakanzwirwa ngoni, nokuti ndakanga ndisingazivi.” (1 Timoti 1:13) Kutadzira mudzimu mutsvene kupokana nawo noune. Kunosanganisira mwoyo wakashata usingachadzokeri shure.
Sezviri pachena Pauro akanga achitaura rudzi urwu rwechivi paakanyora kuti: “Hazvibviri kuti avo vakavhenekerwa zvechigarire uye vakaravira chipo chepachena chokudenga, uye vakava vanogoverana mudzimu mutsvene, uye vakaravira shoko raMwari rakanaka kwazvo nemasimba egadziriro yezvinhu inouya, asi vakatsauka, kuvamutsidzirazve kuti vapfidze.” (VaHebheru 6:4-6) Muapostora akataurawo kuti: “Kana tine tsika yokuita chivi noune pashure pokunge tagamuchira zivo yakarurama pamusoro pechokwadi, hapachina kana nechibayiro chimwe chasara nokuda kwezvivi.”—VaHebheru 10:26.
Maitiro evamwe vatungamiriri vechitendero vomuzuva raJesu ndiwo akaita kuti anyevere nezvechivi chisingakanganwirwi. Asi havana kuteerera nyevero yake. Kutaura zvazviri, vakaita kuti aurayiwe. Gare gare vakanzwa uchapupu husingarambiki hwokuti mudzimu mutsvene wakanga waita chishamiso. Vakaudzwa kuti Jesu akanga amutswa kuvakafa! Zvakanga zviri pachena kuti Jesu akanga ari Kristu! Kunyange zvakadaro, vakaita zvakaipa kumudzimu mutsvene nokubhadhara mauto eRoma kuti areve nhema nezvokumuka kwaJesu.—Mateu 28:11-15.
Nyevero kuvaKristu Vechokwadi
Nei vaKristu vechokwadi vachinyatsoteerera nyevero yechivi chisingakanganwirwi? Nemhaka yokuti kunyange tiine zivo yakarurama yaMwari nemabasa omudzimu wake, mwoyo wakaipa unogona kuvapo. (VaHebheru 3:12) Tinofanira kungwarira kufunga kuti izvozvi hazvingaitiki kwatiri. Funga nezvaJudhasi Isikariyoti. Akambova muteveri akatendeka waJesu. Akasarudzwa somumwe wevaapostora gumi nevaviri, saka anofanira kunge aiva nounhu hwakanaka. Asi pane imwe nguva akatanga kurega pfungwa nezvishuwo zvakashata zvichikura, uye pakupedzisira zvakamukurira. Munguva yaaiona nemeso zvishamiso zvaJesu zvikuru, akanga achiba mari. Zvino, nokuda mari iyoyi, akatengesa Mwanakomana waMwari achiziva.
Vamwe vanhu vaimbova vaKristu vakatendeka vakabva kuna Mwari vachiziva havo, zvichida nemhaka yokuvenga vamwe, kudada, kana makaro, uye zvino vanhu vakaramba kutenda vari kurwisana nomudzimu waMwari. Vanopikisa vachiziva havo zviri kuitwa nomudzimu. Vanhu ava vakaita chivi chisingakanganwirwi here? Jehovha ndiye Mutongi wokupedzisira.—VaRoma 14:12.
Pane kutonga vamwe, isu pachedu tinofanira kurega kuita zvivi takavanda zvinopedzisira zvaomesa mwoyo yedu. (VaEfeso 4:30) Uye tine nyaradzo yokuti Jehovha achatikanganwira zvikuru, kunyange nokuda kwezvivi zvedu zvakakomba zvatakaita, kana tichipfidza.—Isaya 1:18, 19.
[Mufananidzo uri papeji 18, 19]
Vamwe vaFarisi vakaita chivi chisingakanganwirwi