Kudya Usingashandisi Forogo, Banga Nechipunu
NOMUNYORI WEMUKAI! MUGHANA
VAKAWANDA vanoshandisa forogo, banga, uye chipunu pakudya. Vamwe, sevaya vakakurira kuMabvazuva, vanoshandisa tumiti tuviri nechinangwa chimwe chete ichi. Zvisinei, kune zvokudya zvinonzi nevamwe zvinova mutakunanzva chaiwo kana zvikadyiwa nemaoko. Chimbofunga nezvembabvu dzakagochwa, nhindi dzehuku, masikonzi, mabhanzi ane mazai pakati, uye rudzi rwemabhanzi anoiswa nyama pakati.
Asi zvakadini nomuto? Ungaudya neminwe yako here? ‘Hazviiti!’ ungadaro. ‘Unopisa uye unonamira, uye haubatiki.’ Munyika dzakawanda dzomuAfrica, vanhu vakajaira kudya muto neminwe yavo sezvinongoita vokuAsia vakajaira kudya netumiti. Tava kuda kukuudza zvimwe zvokudya zvinodyiwa nevanhu vokuGhana uye madyirwe azvinoitwa pasingashandiswi forogo, banga nechipunu.
Fufu Nomuto Wenzungu
Fufu inogadzirwa nemichero inenge yaviriswa yakada kufanana nebhanana ratinoziva, uye nomufarinya—unonziwo mujumbuya—muti une midzi inenge mbambaira, unorimwa munyika dzinopisa dzinonaya mvura chaizvo. Muchero wacho unomenywa pamwe chete nomufarinya, zvosukwa, uye zvoviriswa kusvikira zvapfava. Mvura yamiminwa, zvinodzvurwa muduri kusvikira zvaita mukanyiwa wakatsetseka. Mudzvurwa uyu paunenge wanyatsosangana uye wava mutete, unoitwa mabhora mabhora.
Muto wenzungu unogadzirwa nomudzvurwa wenzungu, nyama kana hove, madomasi, hanyanisi, mhiripiri, uye nezvimwe zvokukaringisa. Nyama kana hove zvinoviriswa zvoiswa zvokukaringisa, uye mvura nomudzvurwa wenzungu zvinobva zvawedzerwa. Miriwo inosanganiswa yoiswa mumuto wacho, uye zvose zvinokodzongwa zvonyatsobikwa. Zvadaro fufu yakaita kunge bhora inopakurirwa mundiro ine gomba, muto wenzungu uchipfungaira uri pamusoro payo.
Madyirwe Ayo
Zvino mutakunanzva uyu zvawabikirwa iwe, unosvika sei pamuromo wako nemaoko ako chete? Zvinongoda kudya nenzira yacho chaiyo.
Zvechokwadi, chokutanga, nyatsogeza maoko ako. Wadaro nyika minwe yoruoko rwako rworudyi mumuto wacho. Asi chenjera! Kana usina kujaira, unganzwa zvichipisa chaizvo!
Zvino tsunya fufu, uchishandisa munwe wako mukuru, munongedzo, munwe wepakati, uye waunopfekedza rin’i. Musuva ngaurambe uri mumuto, uye gadzira zvinyoronyoro kakomba nomunwe wako mukuru, ako kachava nomuto mushomanana.
Wadaro simudza ruoko rune musuva. Paunosimudza ruendese pamuromo wakasimudza chiningoningo chako. Kana ukadai muto wacho hauzoyereri noruoko rwako uchidzika kugokora.
Tsveyamisa musoro wako zvishoma, uye ruoko rwako parunosvika pamuromo wako, shandisa munwe wepakati newaunopfekedza rin’i kuisa fufu nomuto mumuromo mako. Nakirwa nayo asi, chenjera zvakare. Nokuti iye zvino ungave wava kuda kupomhodza kupisa kwemhiripiri mumukanwa mako, sezvo zvokudya zvevanhu vokuGhana zvichiwanzova nemhiripiri yakati wandei!
Unofanira kudzokorora izvi kusvikira wadya fufu yose. Idya zvimwe zvinenge zvirimo usingasanganisi nefufu, zvakadai senhindi dzenyama. Uye pakasara mumwe muto, ungashandisa minwe yako kuupedzisa.
Zvazvinokudzidzisa
Vamwe vanhu vokuGhana vanoti vanoda kushandisa pfungwa dzose shanu pakudya. Unonzwa uye unonhuwidza zvokudya zvacho paunenge uchibika. Unozviona uye unozviravidza paunenge wava kudya. Asi kuti pave nepfungwa yechishanu, unofanira kuzvibata wonzwa nokubata.
Pasinei nekwaunobva, unogona kuva nechokwadi chokuti Musiki wedu, Jehovha Mwari, anofarira “vanhu vose.” (1 Timoti 2:4) Izvi zvinoita kuti pave netsika dzakasiyana-siyana dzinofadza. Uye kunyange usina kujaira kudya muto wako usingashandisi forogo, banga, nechipunu, ungawana izvi zvichifadza.