Vechiduku Vanobvunza Kuti
Nei Tichingogara Tichiitisana Nharo?
Pane zviri kuitika pasi apa, pane zvinhu zvitatu zviri kuitwawo naRachel zviri kukonzera kuti vaitirane nharo. Ungaona here kuti ndezvipi? Nyora mhinduro dzako pasi apa, wozoenzanisa nebhokisi rakanzi “Mhinduro” riri panoperera nyaya ino.
Musi weChitatu manheru. Rachel ane makore 17, apedza mabasa ake epamba, uye ava kuda kuchizorora zvake. Anovhura TV obva ati nyorododo musofa.
Akanyura zvake musofa, amai vake vanobva vapinda mumba uye havasi kuratidza kufara. “Rachel! Uri kutotambisa zvako nguva uchiona TV uchirega kubatsira munin’ina wako basa rokuchikoro? Haumboiti zvaunenge waudzwa!”
Rachel anobva an’urun’uta zvinotonzwika achiti, “Matanga futi amai.”
Amai vacho vanobva vati, “Rachel, wati chii?”
Rachel anofinyanisa kumeso achiratidza kuti haasi kufara achiti “Hapana.”
Iye zvino amai vashatirwa. Vanobva vati “Matauriro ako handiadi!”
Rachel anodzosera achiti, “Ko matauriro amuri kuita ndiwo akanaka?”
Zvokuzorora hapachisina . . . Kuitisana nharo kwatangazve.
1. ․․․․․
2. ․․․․․
3. ․․․․․
ZVIRI kuitika pamusoro apa zvinowanzoitika kwauri here? Iwe nevabereki vako munogara muchiitisana nharo here? Kana zvakadaro, chimboongorora nyaya yacho kwekanguva. Inyaya dzipi dzinoita kuti munyanyobonderana? Maka nyaya dzinoshanda kwauri. Kana une imwe isiri pane dziri pano, inyore pakanzi “Zvimwe.”
◯ Mafungiro
◯ Mabasa epamba
◯ Zvokupfeka
◯ Nguva dzokusvika pamba
◯ Zvokuzvivaraidza nazvo
◯ Shamwari
◯ Vakomana kana kuti vasikana
◯ Zvimwe ․․․․․
Hazvinei nokuti inyaya ipi yamuri kuitisana nharo, asi chiripo ndechokuti mose, iwe nevabereki vako munopera kutenderera musoro. Ichokwadi kuti unogona kungonyarara zvako woita sokunge kuti uri kubvumirana nezvose zviri kutaurwa nevabereki vako. Asi ndizvo zvinotarisirwa naMwari kuti uite here? Aiwa. Ichokwadi kuti Bhaibheri rinokuudza kuti ‘ukudze baba vako naamai vako.’ (VaEfeso 6:2, 3) Asi rinokukurudzirawo kuti uve “nemano okufunga” uye ushandise ‘simba rako rokufunga.’ (Zvirevo 1:1-4; VaRoma 12:1) Paunodaro, zviri pachena kuti uchava nechokwadi nezvauri kuita, pamwe pacho zvichatosiyana nezviri kufungwa nevabereki vako. Kunyange zvakadaro, mumhuri dzinoshandisa zvinotaurwa neBhaibheri, vabereki nevana vanogona kukurukura zvakanaka-naka kunyange vasingawirirani pane zvose.—VaKorose 3:13.
Pamunenge muchikurukurirana, zvii zvaungaita kuti musazopedzisire mava kupopotedzana? Zviri nyore kuti: “Vabereki vangu ndivo vane dambudziko. Ndivo vanogara vakangoti nangananga neni!” Asi chimbofunga: Unogona kuchinja mafungiro evamwe uye evabereki vako here? Kutaura chokwadi, iwe ndiwe unogona kuchinja mafungiro ako. Uye chinofadza ndechokuti, kana iwe ukaita zvaunogona kuti udzikamise zvinhu, vabereki vako vangangoramba vakadzikamawo, voteerera zvaunenge uchitaura.
Saka ngatichionai zvaungaita kuti kuitisana nharo kusaenderera. Shandisa mazano ari pasi apa, uye vabereki vako vanogona kushamisika neunyanzvi hwokukurukura hwaunenge wava nahwo. Uye newewo ungatoshamisika nazvo.
(Zvaungaita: Maka zvaunoda kuzogadzirisa.)
◯ Funga usati wapindura. Bhaibheri rinoti: “Vanhu vakanaka vanofunga vasati vapindura.” (Zvirevo 15:28, Today’s English Version) Usangobvotomoka chinenge changouya mumusoro paunenge uchiona sokuti wadenhwa. Ngatitii amai vako vakubvunza kuti: “Nei usina kusuka ndiro? Haumboiti zvaunenge waudzwa!” Mhinduro ingakurumidza kuuya mupfungwa dzako ndeyokuti “Ndadiniko zvamuri kungoti neni neni?” Asi shandisa mano ako okufunga. Edza kufunga manzwiro avangava vari kuita pane zvavari kutaura. Kazhinji mashoko okuti “nguva dzose” uye “haumbo. . . ” haafaniri kungotorwa sezvaari. Asi anenge achiratidza zvaita kuti munhu ataure izvozvo. Zvingava zvii?
Zvimwe amai vako vanenge vagumbuka, vachiona sokuti basa ravo repamba ravawandira. Chavangangove vachida ndechokuti uvavimbise kuti uchavabatsira. Kana kuti, chokwadi ndechokuti, zvimwe yatova tsika yako kunzvenga-nzvenga mabasa epamba. Chero zvazvingava, mapinduriro okuti “Nei muchingoti nangananga neni?” hapana kwaanokusvitsa kunze kwokuti muitisane nharo. Saka, pane kudaro wadii waita kuti hasha dzaamai vako dziserere? Somuenzaniso, ungati: “Ndine urombo amai ndinoziva kuti ndakugumburai. Regai ndibve ndanosuka ndiro dzacho.” Asi ngwarira: Pane zvauri kutaura usawedzera mashoko okutsvinya. Kupindura nenzira inoratidza kuti wazviona kuti wavagumbura kungangoita kuti zvinhu zvidzikame.
Pasi apa nyora mashoko angataurwa nababa vako kana kuti amai angangoita kuti ugumbuke.
․․․․․
Iye zvino chifunga nezvemhinduro inoratidza kuti wanzwisisa manzwiro avari kuita pane zvavataura.
․․․․․
◯ Taura nenzira yokuremekedza. Michelle akadzidza kubva pane zvakaitika kwaari kukosha kwematauriro aanoita naamai vake. Anoti, “Hazvinei nokuti ingava nyaya ipi yatinenge tiri kutaura, Amai vanoti havafariri matauriro angu.” Kana zvirizvo zvaunogara uchiita, dzidza kutaura nenzwi riri pasi uye zvishoma nezvishoma, uye usafinyanisa kumeso kana kuita zvimwe zvinhu zvingaratidza kuti wagumbuka. (Zvirevo 30:17) Kana ukaona kuti ungangotadza kuzvidzora, ita munyengetero mupfupi nechomumwoyo kuna Mwari. (Nehemiya 2:4) Asi chinangwa chako hachisi chokuti Mwari akubatsire kuti ‘vabereki vako vasakunetsa’ asi ndechokuti urambe uchizvidzora kuitira kuti zvinhu zvisawedzera kuipa.—Jakobho 1:26.
Pasi apa nyora mamwe mashoko nemamwe maitiro aunofanira kudzivisa.
Mashoko:
․․․․․
Maitiro (zvaunoita chiso kana kuti muviri):
․․․․․
◯ Teerera. Bhaibheri rinoti: “Panowanzwa mashoko kutadza hakushayikwi.” (Zvirevo 10:19, Bhaibheri Rinoera) Saka ona kuti wapa baba kana kuti amai vako mukana wokuti vataure, uye nyatsoteerera. Kana uri kuteerera redhiyo idzime, vhara bhuku kana magazini yaunayo uye usatarisa divi pamunenge muchitaura. Pavanenge vachitaura usavadimbudzira uchida kuratidza kuti ndiwe wakarurama. Ingoteerera chete. Pava paya pavanenge vapedza kutaura, unenge wava nemukana wokubvunza mibvunzo kana kutsanangura mafungiro ako. Asi pavanenge vachitaura ukaomesa musoro uye ukangotaura zvaunofunga, ungangoita kuti zvinhu zvinyanye kuipa. Kunyange ungave nezvakawanda zvokutaura, iyoyo ingangova “nguva yokunyarara.”—Muparidzi 3:7.
◯ Kumbira ruregerero. Zvakanaka nguva dzose kuti uti “Ndine urombo” pane zvaunenge waita zvakonzera kuti mukakavadzane. (VaRoma 14:19) Ungatokumbira ruregerero pamusana pokukakavadzana kwamunenge maita. Kana uchiona zvakakuomera kuita zvokuzvitaura, edza kuita zvokunyora. Zvadaro, ita sokuti uri ‘kuenda kweimwe maira’ nokuchinja maitiro angave akonzera kuti mukakavadzane. (Mateu 5:41) Somuenzaniso, kana kuri kuti une basa repamba rausina kuita raita kuti muitisane nharo, chibva wariita kuitira kuti vabereki vako vafare. Kunyange zvazvo usingafariri basa racho, kuriita kungasava nani here pane kuzotosvorana nevabereki vako pavanoona kuti harina kuitwa?—Mateu 21:28-31.
Kuedza kugadzirisa kana kuti kudzivisa kukakavadzana kuchazoita kuti upenyu hukuitire nyore. Bhaibheri rinototaura kuti munhu “ane mutsa worudo anoitira mweya wake zvakanaka.” (Zvirevo 11:17) Saka funga nezvekubatsirwa kwaungaita kana ukaita kuti usanyanye kukakavadzana nevabereki vako.
Mhuri dzinofara dzinombokakavadzana, asi dzinoziva kugadzirisa matambudziko acho zvine rugare. Shandisa mazano ataurwa munyaya ino, uye uchaona kuti ungakwanisa kukurukura kunyange nyaya dzakaoma nevabereki vako—pasina kuitisana nharo!
Dzimwe nyaya dzinoti, “Vechiduku Vanobvunza Kuti” dzinogona kuwanikwa paIndaneti pawww.watchtower.org/ype
ZVOKUFUNGA NEZVAZVO
● Kakawanda nei vamwe vezera rako vachitodada nokukwanisa kwavo kuita nharo?
● Nei Jehovha achiona munhu ane nharo sebenzi?—Zvirevo 20:3.
[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 13]
ZVINOTAURWA NEVAMWE VEZERA RAKO
“Ndaitofanira kuziva kuti kunyange hangu ndichishanda uye ndichizviriritira, ndaitofanira kuteerera amai vangu nokuti ndichiri kugara mumba mavo. Vakanditarisira kwemakore akawanda chaizvo, saka pavanenge vachida kuziva zvine chokuita neni, zvakadai senguva dzandinofanira kusvika pamba, handimbogumbuki nazvo.”
“Kana pane chimwe chatisiri kuwirirana nevabereki vangu, tinonyengetera nezvazvo, totsvaka mashoko anoenderana nenyaya yacho tobva tazvikurukura. Patinoita izvi kazhinji tinopedzisira tabvumirana. Patinoisawo Jehovha munyaya yacho, nguva dzose zvinotifambira zvakanaka.”
[Mifananidzo]
Daniel
Cameron
[Bhokisi riri papeji 15]
MHINDURO
1. Kutaura kwakadai sokuti (“Matanga futi amai”) kwangoita kuti Amai vanyanye kugumbuka.
2. Zvaita Rachel chiso (kufinyanisa kumeso) kwanga kuri kutsvaka kutosvorana namai vake.
3. Kudzosera (“Ko matauriro amuri kuita ndiwo akanaka?”) kunongoita kuti zvinhu zvikuipire.
[Bhokisi riri papeji 15]
MASHOKO KUVABEREKI
Tarisai muone zvaitika patangira nyaya ino. Mungaona here zvimwe zvaitwa naamai vaRachel zvakonzera kuti vaitisane nharo? Zvii zvamungaita kuti musaitisane nharo nemwana wenyu ari kukura? Pasi apa pane zvimwe zvamunofanira kuyeuka:
Regai kuva nematauriro akadai sookuti “Nguva dzose uno. . . ” kana kuti “Haumbo. . . ” Matauriro iwayo anoita kuti munhu arambe zviri kutaurwa. Uyewo mashoko acho angava okuwedzeredza zvokuti mwana wenyu anotozviziva. Mwana wenyu angatozivawo kuti zvamuri kutaura hazvirevi kuti kutadza kwaari kuita asi kuti dzangova hasha dzavapo.
Pane kungotaura mashoko anobaya, akadai sokuti “iwe uno. . . ,” edzai kuratidza kuti zvaitwa nemwana wenyu zvinoita kuti munzwe sei. Mungati “Pauno. . . , zvinondi. . . . ” Kutaura chokwadi, zvamunonzwa pasi pomwoyo ndizvo zvinoda kuzivikanwa nemwana wenyu. Pamunoita kuti mwana wenyu azive manzwiro amuri kuita, zvichanyanya kuita kuti aite zvamunoda.
Kunyange hazvo zvingava zvakaoma, musamhanyira kutaura kusvikira hasha dzaserera. (Zvirevo 10:19) Kana nyaya iri kuita kuti muitisane nharo iri yemabasa epamba, ikurukurei nemwana wenyu. Nyatsonyorai pasi zvaanofanira kuita, uye kana zvakakodzera, mubudisirei pachena zvirango zvaachawana kana akatadza kuzviita. Nyatsoteererai pfungwa dzemwana wenyu, kunyange muchiona sokuti hadzina kururama. Vana vari kukura vakawanda vanowanzoita zvinenge zvichidiwa, vabereki pavanovateererawo pane kungovadonongodzera zvokuita.
Musati mamhanyira kufunga kuti mwana wenyu ari kukura apandutswa nenyika, zivai kuti zvakawanda zvamunoona paari zvinhu zvagara zvichiitika pakukura kwemwana. Mwana wenyu anogona kusabvumirana nemi pane chimwe chinhu achida kungoratidza kuti akura. Musaita kuti mukakavadzane. Yeukai kuti mwana wenyu anodzidza nokuona zvamunoita kana madenhwa. Musakurumidza kushatirwa, ivai nomwoyo murefu, uye mwana wenyu achadzidza pane zvakanaka zvamunoita.—VaGaratiya 5:22, 23.
[Mufananidzo uri papeji 14]
Kuitisana nharo nevabereki vako kwakaita sokumhanya wakamira panzvimbo imwe chete, unoshandisa simba rakawanda chaizvo asi hapana kwaunosvika