Ganhuro 4
Uyo Vaporofita Vose Vakapupurira
1. Ko maidi anoreva nezvokuvapo kwapamberi pokuva munhu kwaJesu anoratidzirei pamsoro poukama hwake naJehovha?
ACHIRONDEDZERA ukama hwake amene chaihwoihwo naJehovha, Jesu akati: “Baba vane chidakadaka noMwanakomana uye vanomuratidza zvinhu zvose zvavanoita ivo vamene.” (Johane 5:19, 20) Kuva pedyo kwoukama ihwohwo kwakavamba panguva yokusikwa kwake, zviuru zvisingaverengeki zvamakore pamberi pokuberekwa kwake kwohunhu. Iye akanga ari Mwanakomana akaberekwa ari mumwe oga bedzi waMwari, mumwe bedzi akasikwa naJehovha iye oga. Chimwe chinhu chiri chosewo zvacho mudenga napasi pano chakasikwa kupfurikidza noMwanakomana iyeyu wedangwe anodiwa zvikuru kwazvo. Iye akabatirawo seShoko kana kuti Mutauriri waMwari, uyo kuda kwoumwari kwakataurirwa kuna vamwe kupfurikidza naye. Iyeyu, Mwanakomana uyo Mwari akanga achida zvikuru kwazvo, akava munhu Jesu Kristu.—VaK. 1:15, 16; Johane 1:14; 12:49, 50.
2. Ko zviporofita zveBhaibheri zvinonongedzera kuna Jesu kusvikira kutambanukoi?
2 Pamberi pokuberekwa kwake kunoshamisa somunhu, makumi ezviporofita zvakafuridzirwa pamsoro pake akanyorwa. Sokuzivisa kwakaita muapostora Petro kuna Konirio, “Vaporofita vose vanomupupurira.” (Mabasa 10:43) Basa raJesu pamsoro pokunamata kwakachena rinosimbiswa muBhaibheri kutambanuko yokuti ngirozi yakaudza muapostora Johane, kuti: “Namata Mwari; nokuti kupupurira Jesu ndiko kunokuchidzira kuporofita.” (Zvak. 19:10) Zviporofita izvozvo zvinosanomuzivisa ndokuzivisa mativi edonzo raMwari pamsoro pake anofarirwa zvikurukuru nesu nhasi.
Zvakawadzanyurwa Nezviporofita
3. (a) Muchiporofita chiri pana Genesi 3:14, 15, ndianiko anomirirwa ne“nyoka”? “Mukadzi”? ‘Mbeu yenyoka’? (b) Neiko ‘kupwanywa kwenyoka mumusoro’ kuchiva kunofarirwa zvikuru navabatiri vaJehovha?
3 Chokutanga chezviporofita zvakadaro chakataurwa pashure porupanduko muEdheni. Chakabatanidzwa murutongeso rwaJehovha rwakataurirwa kunyoka. Jehovha akati: “Ndichaisa ruvengo pakati pako nomukadzi napakati pembeu yako nembeu yake. Iye achakupwanya mumusoro uye iwe uchamupwanya muchitsitsinho.” (Gen. 3:14, 15) Ko ikoko kwakarevei? Munguva yakafanira yaMwari zvimwe zviporofita zvakachijekesa ndokukudziridza pachiri. Somuuyo tinoziva kuti uyo chakataurirwa kwaari, seaimirirwa nenyoka, ndiSatani Dhiabhorosi. “Mukadzi” isangano rokudenga rakavimbika raJehovha amene, iro kwaari rakaita somudzimai akatendeka. ‘Mbeu yenyoka’ inobatanidza vose vari vaviri ngirozi navanhu vanoratidzira mudzimu waDhiabhorosi, avo vanoshora Jehovha navanhu vake. Nokuda kwenzira yakashandiswa nayo nyoka naDhiabhorosi muEdheni, kunogona kucherekedzwa muchiporofita kuti ‘kupwanywa kwenyoka mumusoro’ kwakanongedzera kuruparadziko rwokupedzisira rwouyu mwanakomana akapanduka waMwari uyo akachera Jehovha ndokuparira nhamo huru kuvanhu. Asi kana kuri kuzivikanwa kwe“mbeu” yaizoita kupwanyakwo, ikoku kwakaramba kuri chakavanzika chitsvene kwenguva refu.—VaR. 16:25, 26.
4. Ko madzisekuru aJesu akabetsera sei kumuzivisa seMbeu yakapikirwa?
4 Pashure pamakore ane 2 000 enhau yavanhu Jehovha akagoverazve mashoko ose. Akaratidzira kuti Mbeu yaizooneka mumutsara wemhuri yaAbrahama. (Gen. 22:15-18) Zvisinei, mutsara unosvika kuMbeu waizotsamira pasati bedzi pari pamutsara wokunyama asi pachisarudzo chaMwari. Pasinei zvapo nokuda kwaAbrahama mwanakomana wake Ishmaeri, akaberekwa nomurandasikana Hagari, Jehovha nomutoo wakananga akati: “Ini ndichasimbisa sungano yangu naIsaka, wauchaberekerwa naSara.” (Gen. 17:18-21; 21:8-12) Gare gare sungano iyeyo yakasimbiswa, kusati kuri kumwanakomana wedangwe waIsaka Isau, asi kuna Jakobho, uko kwakabva ndudzi gumi nembiri dzaIsraeri. (Gen. 28:10-14) Munguva yakafanira kwakaratidzirwa kuti Mbeu yaizoberekwa mundudzi yaJudha, muimba yaDhavhidhi.—Gen. 49:10; 1 Mak. 17:3, 4, 11-14.
5. Kunyange pakuvamba muhushumiri hwapasi hwaJesu, chiizve chakakuita kuti kuoneke kuti iye akanga ari Mesia?
5 Kwaanopfuura makore ane 700 pachine nguva mberi, Bhaibheri rakadudza Bhetrehema kuva nzvimbo yokuberekwa kwohunhu kweMbeu asiwo rakawadzanyura kuti iye akanga ari uyo akanga achitoveriko “kubvira kumazuva enguva isingazivikanwi,” kubvira panguva apo iye akasikwa mudenga. (Mika 5:2) Nguva yokuonekwa kwake pasi pano soMuzodziwa waJehovha, Mesia, yakadeya kuziviswa kupfurikidza nomuporofita Dhanieri. (Dhan. 9:24-26) Uye apo iye akazodzwa nomudzimu mutsvene, inzwi rakabva kudenga rakamuzivisa. (Mat. 3:16, 17) Naizvozvo, pashure pokuva muteveri waJesu, Firipo aigona kutaura nokupwiswa, kuti: “Tawana uyo Mosesi, muMutemo, naVaporofita vakanyora nezvake, Jesu, mwanakomana [kupfurikidza nokugamuchirwa] waJosefa, weNazareta.”—Johane 1:45.
6. (a) Pashure pokufa kwaJesu, vateveri vake vakazosvika pakuzivei? (b) Ndiani, zvikurukuru, ari ‘mbeu yomukadzi,’ uye chii chinorehwa nokupwanya kwake musoro wenyoka?
6 Pashure paikoko, vateveri vaJesu vakasvika pakuziva kuti makumi chaiwoiwo enongedzero dzechiporofita kwaari akabatanidzwa muMagwaro akafuridzirwa. Pashure porufu rwake norumuko, iye amene aka“vadudzira zvinhu zvaireva nezvake amene muMagwaro ose.” (Ruka 24:27) Zvino kunooneka kuti Jesu, zvikurukuru, ndiye ‘mbeu yomukadzi,’ uyo anopwanya musoro we“nyoka” nomutoo wokuti Satani pakupedzisira anopwanywa kuti arege kuvako. Kupfurikidza naJesu zvipikirwa zvose zvaMwari kuvanhu, zvinhu zvose zvatinopanga nomwoyo, zvichazadzika.—2 VaK. 1:20.
7. Mukuwedzera kukuzivikanwa kwouyo akataurwa nezvake muzviporofita izvi, chiizve chiri chinobetsera kurangarira?
7 Pawakatanga kurava zvimwe zvezviporofita izvozvi zvimwe iwe wakabvunza, sezvakaita ngomwa yeEtiopia kuti, “Ko muporofita anotaura izvi pamsoro paani?” Asi ngomwa haina kurega nhauyo ichimirapo apo iyo yakawana mhinduro. Pashure pokusanoteereresa kutsanangura uko Firipo akapa, murumeyo akaziva kuti kunzwisiswa kwamazadzikire akaita Jesu chiporofitacho kwaida chiito kwaari amene, kupfurikidza nokubhapatidzwa kwake. (Mabasa 8:32-38; Isa. 53:3-9) Ko tinodavidza nenzira imwe cheteyo here? Dzimwe nguva ndiwo mutoo unoratidzirwa nomauri chiporofita unotisunda zvikurukuru, kana kuti mwoyo wedu ungatapurwa kupfurikidza nokutaura kunowanwa muBhaibheri iro rimene apo kuzadzika kunoratidzirwa.
8. Mienzaniso mina yechiporofita pamsoro paJesu Kristu inorangarirwa pano. Rangarira pamsoro pemibvunzo namagwaro zvinogoverwa kuratidzira kuti zviporofita izvi zvinotitapura sei. Rangarira bedzi mumwe panguva imwe neimwe.
8 Cherekedza kuti ikoku kwakadaro sei pazvipikirwa nemienzaniso yechiporofita zvinoreva nezvaJesu Kristu. Mibvunzo ndeyokuti iwe upindure kupfurikidza noruyamuro rwamagwaro akarongwa.
(1) Ko chinyorwa pamsoro pokuedza kwaAbrahama kupira Isaka chinotibetsera sei kunzwisisa zvakaitwa naJehovha mukugovera rudzikinuro kupfurikidza noMwanakomana wake? (Johane 3:16; Gen. 22:1-18 [cherekedza kuti Isaka anorondedzerwa sei mundima duku 2.])
Ikoku kunofanira kutipa chivimboi? (VaR. 8:32, 38, 39)
Asika chii chinodikanwa kwatiri? (Gen. 22:18; Johane 3:36)
(2) Mukuzivisa Jesu somuporofita akafanana naMosesi, ko Bhaibheri rinotiyeuchidza nezvomutoroi wakakomba? (Mabasa 3:22, 23; Dheut. 18:15-19)
Ndezvipi zvimwe zvezvinhu izvo Jesu akataura kwatiri, uye nei zvichiwirirana nomusi nhasi? (Mat. 28:18-20; 19:4-9; 18:3-6)
(3) Pakutsanangura chakanga chichideya kufananidzirwa nouprista hwaAroni, kumavarai anofadza aJesu somuprista mukuru awo Bhaibheri rinonangidzira ngwariro? (VaH. 4:15–5:3; 7:26-28)
Naizvozvo tinofanira kunzwa sei pamsoro pokusvika Mwari mumunyengetero kupfurikidza naKristu nokuda kwebetsero yokukurira utera hwedu?
(4) Nokuda kwoukuru hwechibairo chaJesu (chinotsiva zvose izvo zvakapirwa muMutemo waMosesi), neiko tichifanira kungwarira kudzivisa kupinda mumuitiro wokuita chinhu chipi nechipi chatinoziva kuti hachifadzi kuna Mwari? (VaH. 10:26, 27)
Kana tichinzwisisa zvomenemene tariro youpenyu yakaitwa kuti ibvire somuuyo wechibairo chaJesu Kristu, zvinhui zvatichashingairira kuita? (VaH. 10:19-25)
Ko Tingaratidzira Sei Kutenda Kwedu Kristu?
9. Neiko pasina ruponeso nokuda kwedu kunze kwaJesu Kristu?
9 Pashure pokuratidzira kudare rapamusoro rechiJudha romuJerusarema kuti chiporofita chakanga chazadzika sei muna Jesu Kristu, muapostora Petro nomutoo wesimba akataura, kuti: “Hamuna ruponeso muno mumwe munhu upi noupiwo zvake, nokuti hakune rimwe zita rakapiwa pasi pedenga rakapiwa pakati pavanhu iro tinofanira kuponeswa kupfurikidza naro.” (Mabasa 4:11, 12; Pis. 118:22) Vana vose vaAdhama vaiti vezvivi, naizvozvo kufa kwavo kunoitika seshurikidzo nokuda kwechivi nokudaro hakuna ukoshi hungagona kushandiswa sorudzikinuro nokuda kwomunhu upi noupi. Asi Jesu akanga akakwana, uye kuvanzarikwa kwoupenyu hwake kune ukoshi hwechibairo. (Pis. 49:6-9; VaH. 2:9) Akapa kuna Mwari rudzikinuro rwaiwirirana chaizvoizvo muukoshi nouhwo Adhama akanga arashira vazukuru vake. Ko irworwu rwakatibetsera sei?—1 Tim. 2:5, 6.
10. Tsanangura nzira imwe iyo chibairo chaJesu chakatibetsera zvikurukuru nomairi.
10 Rwakabvirisa kuva kwedu nehana yakachena nemhaka yokukanganwirwa chivi—chimwe chinhu chinopfuura zvikuru kupinda chakambowanirwa Israeri nezvibairo zvemhuka pasi poMutemo waMosesi. (Mabasa 13:38, 39; VaH. 9:13, 14) Kuva nairworwu, chokwadika, kunoda kuti isu timene tive vakatendeseka uye kuti titende chaizvoizvo Jesu Kristu. Ko isu timene tinonzwisisa here kuti tinoda zvikuru sei chibairo chaKristu? “Kana tichitaura, kuti: ‘Hatina chivi,’ tiri kuzvinyengedza timene uye zvokwadi haizati iri matiri. Kana tichibvuma zvivi zvedu, iye akatendeka uye akarurama zvokuti anotikanganwira zvivi zvedu uye kutichenesa pakusarurama kwose.”—1 Johane 1:8, 9.
11. Neiko ruombeko rwomumvura rwuri chinhu chinokosha mukuwana hana yakanaka kuna Mwari?
11 Chokwadika, vamwe vanotaura kuti ivo vanoziva havo kuti ivo vaiti vezvivi uye avo vanokambira kudavira Kristu, vanotopinda kusvikira kutambanuko yakati kuti mukuzivisa vamwe pamsoro poUmambo hwaMwari sezvakaita Jesu, hunyanguvezvo vanoperevedza pakutenda zvizere Jesu. Munziraiko? Eya, sezvinoratidzirwa muBhaibheri, apo vanhu muzana rokutanga ramakore vakava zvomenemene vadaviri, ko ivo vakaratidzira sei ikoku pamhene? Vakabhapatidzwa. Neiko? Nokuti Jesu akanga araira kuti vadzidzi vabhapatidzwe. (Mat. 28:19, 20; Mabasa 8:12; 18:8) Apo mwoyo womunhu unosundwa zvomenemene kupfurikidza negadziriro yerudo iyo Jehovha akaita kupfurikidza naJesu Kristu, haazati achizorega. Achaita gadziridzo dzipi nedzipi dzinodikanwa muupenyu hwake, kuzvitsaurira iye amene kuna Mwari ndokuratidzira ikoku kupfurikidza noruombeko rwomumvura. Sokuratidzira kunoita Bhaibheri, kuri kupfurikidza nokuratidzira kutenda nenzira iyoyi zvokuti iye anoita ‘mukumbiro kuna Mwari nokuda kwehana yakanaka.’—1 Pet. 3:21.
12. Kana tikaziva kuti takaita chivi, chii chatinofanira kuita pamsoro pacho, uye nei?
12 Kunyange pashure paikoko, chokwadi, miitiro yokuita chivi ichazviratidzira imene. Ko chii? “Ndinokunyorerai zvinhu izvi kuti imi mugorega kuita chivi,” akadaro muapostora Johane. Naizvozvo hatifaniri kuzvidza nomutoo wokurerutsa chivi chiri matiri timene, kunyange chichioneka muchiito, mukutaura kana kuti muchimiro chendangariro. “Asika, kana munhu upi noupi akaita chivi, tinomubetseri pana Baba, Jesu Kristu, akarurama. Uye iye chibairo cheyananisiro nokuda kwezvivi zvedu, asika zvisati zviri zvedu bedzi asiwo zvenyika yose.” (1 Johane 2:1, 2) Ko ikoku kunoreva here kuti, pasinei zvapo nezvatinoita, kana tikanyengetera kuna Mwari kuti, ‘Tikanganwirei zvivi zvedu,’ chinhu chiri chose chinova chakarurama? Nyangwe. Chinhu chikuru kukukanganwirwa rupfidzo chairwoirwo. Betsero ingadikanwawo kuna vakuru vari muungano yechiKristu. Tinofanira kuziva kusarurama kwechakaitwa ndokuzvidemba zvapachokwadi pamsoro pacho kuti tigozoita nhamburiko yomwoyo wose yokudzivisa kuchidzokorora. (Mabasa 3:19; Jak. 5:13-16) Kana tikaita ikoku, tinogona kusimbisirwa nezvebetsero yaJesu. Pahwaro hwokutenda kwedu ukoshi hunoyananisira chivi hwechibairo chake, kudzorerwa kunyasha dzaJehovha kunobvira, uye ikoku kunokosha kana kunamata kwedu kuchizova kunogamuchirika kwaari.
13. (a) Tsanangura imwe nzira iyo chibairo chaJesu chakatibetsera nomairi? (b) Neiko basa redu rinoitirwa kuna Mwari risingawani iyi tuso? (c) Asi kana tichitenda zvomenemene, tichave tichiitei?
13 Chibairo chaJesu chakatizarurirawo banza roupenyu husingagumi—mumatenga nokuda kwe“boka duku,” uye paParadhiso yapasi nokuda kwamamwe mabhirioni avanhu. (Ruka 12:32; Zvak. 20:11, 12; 21:3, 4) Iyoyi haizati iri tuso yatinowana. Pasinei zvapo nokuti tinoita zvizhinji zvakadini mubasa raJehovha, hatingatongogoni kuita tuso yakadaro zvokuti Mwari achatiwanira upenyu. Upenyu husingagumi “chipo chinopiwa naMwari . . . kupfurikidza naKristu Jesu Ishe wedu.” (VaR. 6:23; VaEf. 2:8-10) Hunyanguvezvo, kana tichitenda chipo ichecho uye tichionga nokuda kwomutoo uyo chakaitwa kuti chibvire nomauri, ticharatidzira ikoku. Tichicherekedza kuti Jehovha nomutoo unoshamisa akashandisa sei Jesu kuita kuda kwaKe uye kuti kwakakosha sei kuti isu tose tisanotevera makwara aJesu, tichaita ushumiri hwechiKristu chimwe chezvinhu zvinoisvokosha muupenyu hwedu. Kutenda kwedu kuchaoneka mukupwiswa kwatinozivisa nakwo vamwe pamsoro pechipo chakaisvonaka chaMwari.—Enzanisa Mabasa 20:24.
14. Ko kutenda kwakadaro Jesu Kristu kune muuyo unobatanidza sei?
14 Haiwa kutenda kwakadaro kune muuyo wakaisvonaka, unobatanidza zvakadini! Kupfurikidza nawo tinoswededzwa pedyo naJehovha, noMwanakomana wake uye nomumwe nomumwe ari mukati meungano yechiKristu. (1 Johane 3:23, 24) Unotisakisa kuti tifare nokuda kwokuti Jehovha akapa nomutoo womutsa Mwanakomana wake “zita riri pamsoro perimwe zita riri rose [kunze kweraMwari], kuti ibvi riri rose raavo vari mudenga naavo vari pasi pano naavo vari pasi penyika rigopfugama muzita raJesu, uye rurimi rwuri rwose rugobvuma pamhene kuti Jesu Kristu ndiye Ishe kukurumbidzwa kwaMwari Baba.”—VaF. 2:9-11.
Kurukurirano Yehwirudzuro
● Apo Mesia akaoneka, neiko kuzivikanwa kwake kwakanga kwakajeka kuna avo vaidavira zvomenemene Shoko raMwari?
● Ko mienzaniso yechiporofita yakazadzika muna Jesu, sezvinoratidzirwa papeji 34, inofanira kutitapura sei?
● Ko chibairo chaJesu chakatotibetsera munzirai? Ko tingaratidzira sei kuchionga kwedu?
[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 34]
Mienzaniso Yechiporofita Pamsoro paJesu—Inofanira Kutitapura Sei?
Abrahama achipira Isaka
Mosesi somutauriri waMwari
Aroni somuprista mukuru
Zvibairo zvemhuka