Rwiyo 81
Kuonga Shiviro Youmwari
1. Jehovha Mwari nesimba
Makaita zvinhu zvose.
Zvinhu zvose zvopupura
Mupasi nomumatenga.
Runako rwopa mufaro
Kuvose voda zvokwadi,
Rumwe runako rwuchava
Mukukunda kwoUmambo.
2. Mwari kururama kwenyu
Kungagumisa uipi;
Asi kuti tiponeswe,
Makamisa kuparadza.
Iye zvino vanhu venyu,
Voimba rukudzo rwenyu
Vachidisisa kuo na
Makundire oUmambo.
3. Tinoda shiviro yenyu
Kuparidzira mashoko,
Kuvaratidza mavara,
Amakatiratidzira.
Tiyamure kuratidza
Nzira yokuruponeso
Vaonere pamwe nesu
Makundire oUmambo.