Ganhuro10
Kusema “Zvinhu Zvakadzama zvaSatani”
TIATIRA
1. Ko Tiatira yaiwanwa sei mukuwirirana nedzimwe ungano, uye murudzii rwemhoteredzo yorudzidziso?
ANENGE makiromita 64 nechokumaodzanyemba kwakadziva kumabvazuva kweBergama (Pergamo) pane taundi rinobudirira reTurkey Akhisar. Anenge makore 1 900 akapfuura, iri taundi rakanga riri nzvimbo yeTiatira. Mutariri anofambira aigona kusvika nyore nyore Tiatira nomugwagwa unogura napakati penyika unobva Pergamo dzokonokei ofamba mutenderero kuenda kuungano dzasara dzaZvakazarurwa ganhuro 3—Sardhisi, Firadherfia, uye Raodhikia. Mukusafanana nePergamo, Tiatira haizati ichiratidzika kuve yave iri musimboti unokosha wenamatwo yamambo, asi yakanga ine tembere tsvene netembere dzakatsaurirwa kuna vamwari vechihedheni. Tiatira yakanga ichicherekedzwa somusimboti wezvokushambadzirana.
2, 3. (a) Chii chakanyorwa pakuvamba-vamba pamusoro pomuTiatira uyo akava muKristu? (b) Ko kuti Jesu “Mwanakomana waMwari” uye kuti iye ane “meso akafanana nerimi romwoto” ndokwerevo yei kumaKristu omuTiatira?
2 Apo Pauro akanga achiparidzira muMakedhonia, iye akasangana nomukadzi weTiatira ainzi Ridhia, mutengesi wenguvo tsvuku. Ridhia neimba yake yose vakafara kugamuchira shoko rakanga richiparidzirwa naPauro ndokuratidzira mutsa wechienzi. (Mabasa 16:14, 15) Iye akava muTiatira wokutanga munhau kugamuchira chiKristu. Mukufambira mberi kwenguva, guta iro rimene rakazosvikira pakuva neungano yamaKristu. Jesu anotumira shoko rake refu kune ose ikoko: “Uye nyorera ngirozi yeungano iri muTiatira kuti: Izvi ndizvo zvinhu izvo Mwanakomana waMwari anoreva, iye una meso ake akafanana nerimi romwoto, uye tsoka dzake dzakafanana nendarira yakanatswa.”—Zvakazarurwa 2:18.
3 Ino ndiyo nguva yokutanga bedzi kutaura kwokuti “Mwanakomana waMwari” kunooneka muna Zvakazarurwa, kunyange zvazvo mune dzimwe nzvimbo Jesu achitaura nezvaJehovha sa“Baba vangu.” (Zvakazarurwa 2:27; 3:5, 21) Kushandiswa kwezita rechiratidzo pano sezvinobvira kunoyeuchidza maKristu eTiatira ukama hwapedyo hwaJesu naJehovha. Uyu Mwanakomana “ane meso akafanana nerimi remwoto”—nyevero kumaKristu omuTiatira kuti rutongeso rwake rwaizoratidzirwa pachinhu chipi nechipi chaanoona kuva chinosvipisa muunganoyo. Kupfurikidza nokunongedzera kwenguva yechipiri kutsoka dzake dzinopenya, dzakafanana nendarira, iye anosimbisa muenzaniso wake amene unopenya worutendeko achingunofamba papasi rino. MaKristu omuTiatira pasina panikiro akatetekera zano rake, uye tinofanirawo kudaro nhasi!—1 Petro 2:21.
4, 5. (a) Neiko Jesu aigona kurumbidza maKristu omuTiatira? (b) Ko ungano yomuTiatira mufananidziro sei weungano dzeZvapupu zvaJehovha nhasi?
4 Nomufaro, Jesu anogona kurumbidza avo vomuTiatira. Iye anoti: “Ini ndinoziva mabasa ako, norudo rwako nokutenda noushumiri netsungiriro, uye kuti mabasa ako azvino uno anopfuura ayo ekare.” (Zvakazarurwa 2:19) Kusafanana navaEfeso, maKristu akazodzwa imomo haana kurashikirwa norudo rwawo rwapakutanga nokuda kwaJehovha. Kutenda kwawo kwakasimba. Kupfuurirazve, mabasa awo anopfuura awo ekare, uye kufanana neungano nhatu dzatangirei, maKristu omuTiatira ari kutsungirira. Haiwa mufananidziro sei weungano dzinenge 100 000 dzeZvapupu zvaJehovha mupasi rose nhasi! Rudo nokuda kwaJehovha runopenyera, somudzimu weshingairo muushumiri hunotekeshera musangano, huchikuchidzira vaduku navakuru. Chiverengero chinowedzera chinozvishandisa icho chimene samapiyona, nokudaro chichishandisa nouchenjeri nguva ichiripo kuparidza tariro ine mbiri yoUmambo hunouya hwaMwari!—Mateo 24:14; Marko 13:10.
5 Kwamakumi amakore, vakatendeka vazhinji, vose vari vaviri vakasarira vakazodzwa naveboka guru, vave vachiratidzira tsungiriro yomuenzaniso mubasa raMwari, nepo nyika yakavapoteredza yave ichipinda zvikurukuru murima risine tariro. Asika ngativei voushingi zvikuru! Zvakazarurwa inosimbisa chipupuriro chavaporofita vapakuvamba-vamba vaMwari. “Zuva guru raJehovha rava pedyo. Rava pedyo, uye pane kukurumidza kwaro zvikuru kwazvo.”—Zefania 1:14; Joere 2:1; Habhakuki 2:3; Zvakazarurwa 7:9; 22:12, 13.
“Mukadzi Uya Jezebheri”
6. (a) Pasinei zvapo namativi erumbidzo, Jesu anocherekedza chinetsoi muungano yomuTiatira chinoda ngwariro yapakarepo? (b) Jezebheri akanga ari ani, uye iye akanga ane kambiro inoshanda here yokuva muporofitakadzi?
6 Meso omwoto aJesu anopfuurirazve kuona. Iye anocherekedza chimwe chinhu chinoda ngwariro yapakarepo. “Hunyanguvezvo,” iye anoudza maKristu omuTiatira kuti, “ndinopesana newe pachinhu ichi, kuti unoregerera mukadzi uya Jezebheri, anozviidza amene kuti muporofitakadzi, uye anodzidzisa achitsausa varanda vangu kuita ufeve nokudya zvinhu zvakabairwa zvifananidzo.” (Zvakazarurwa 2:20) Muzana rechigumi ramakore B.C.E., Mambokadzi Jezebheri, mukadzi anonamata Bhaari waMambo Ahabhi waIsraeri, akanga ava nomukurumbira wakashata nokuda kwenzira dzake dzokuponda, dzoupombwe, dzokudzora. Jehu, somuzodziwa waJehovha, akaita kuti iye auraiwe. (1 Madzimambo 16:31; 18:4; 21:1-16; 2 Madzimambo 9:1-7, 22, 30, 33) Jezebheri anonamata zvifananidzo akanga asina kambiro yokuva muporofitakadzi. Akanga asina kufanana naMiriami naDhebhora, avo vakabatira savaporofitakadzi vakatendeka muna Israeri. (Eksodho 15:20, 21; Vatongi 4:4; 5:1-31) Uye mudzimu waJehovha hauna kumusunda kuporofita sezvawakasunda muchembere Ana navanasikana vana vaFiripi muevhangeri.—Ruka 2:36-38; Mabasa 21:9.
7. (a) Kupfurikidza nokududza “mukadzi uya Jezebheri” Jesu sezvinooneka ari kutaura nezvepesvedzeroi? (b) Ko vamwe vakadzi vanosonganira vangave vakaruramisa sei nzira yavo yechisimbwa?
7 Nomutoo wakajeka, ipapoka, “mukadzi uya Jezebheri” anokambira kuva muporofitakadzi muTiatira munyengeri. Iye haana tsigiro yomudzimu waMwari. Iye ndianiko? Sezvinobvira, iye mukadzi kana kuti boka ravakadzi rinobatira sepesvedzero inonyadzisa inoshatsa muungano. Vamwe vakadzi vari mitezo vangave vave vachibatanidza mitezo yeungano muutere, nepo nomutoo wokusanyara vachiruramisa nzira yavo yechisimbwa kupfurikidza nokushandisa magwaro zvisino kufanira. Zvamazvirokwazvo kuporofita kwenhemanhema! Ivo vaizopesvedzera vamwe kupinda munzira dzavo vamene dzo“ufeve, kusachena, rushumbo rwevatano, ruchiva rwezvinokuvadza, uye ruchochoro, uko kuri kunamata zvifananidzo.” (VaKorose 3:5) Vaizoita kuti avo vari muungano vapinde muutere, nomutoo woupenyu wokuzvitsvakira zvavo vamene worudzi urwo zvino runotenderwa, kana kuti kuregererwa, mumazhinjisa amarudzidziso echiKristudhomu.
8. (a) Chii chiri tongero yaJesu pamusoro pa“Jezebheri” womuTiatira? (b) Ko pesvedzero isino kufanira yavanhukadzi yave ichirangarirwa sei munguva dzazvino uno?
8 Jesu anopfuurira kuudza vakuru vomuTiatira kuti: “Uye ndakamupa nguva yokupfidza, asi haazati ari kudisa kupfidza paufeve hwake. Tarira! Ini ndoda kumuisa pahuvato hwokurwara, naavo vanoita upombwe naye mudambudziko guru, kutoti vakapfidza pamabasa ake.” (Zvakazarurwa 2:21, 22) Kungofanana naJezebheri wapakuvamba sezvinooneka aidzora Ahabhi dzokonokei ozvidza muurayi waMwari, Jehu, saizvozvowo iyi pesvedzero yomunhukadzi ingava inoedza kupusisa varume navakuru. Kunoratidzika kuti varume vomuTiatira vari kushivirira iyi pesvedzero inonyadzisa yaJezebheri. Jesu pano anozivisa nyevero yakasimba nokuda kwavo, uyewo nokuda kweungano yemburumbwa yose yavanhu vaJehovha nhasi. Munguva yazvino uno, vamwe vakadzi vakadaro vane chisimbwa vakanyengedza varume vavo kuva vatsauki pakutenda uye vakatokurudzira chiito chedare mukurwisana navabatiri vakatendeka vaJehovha.—Enzanisa naJudhasi 5-8.
9. (a) Neiko mashoko aJesu pamusoro paJezebheri aisaratidzira kusafarira pavakadzi vose vomuungano? (b) Ndirini bedzi apo pesvedzero yaJezebheri inomuka?
9 Ikoko hakuzati kuchitongoratidzira tsoropodzo pavakadzi vakatendeka vari muungano yechiKristu. Mumazuva azvino uno, rutivi rukuru rwebasa rouchapupu riri kuitwa nehanzvadzi dzakatendeka; kupfurikidza nefundo dzeBhaibheri dzapamusha dzavanoitisa, ivo vari kuunza vatsva vazhinji-zhinji muungano. Mwari iye amene anokomborera iyi gadziriro, sezvinoratidzirwa nePisarema 68:11, kuti: “Jehovha iye amene anopa shoko; vakadzi vanozivisa mashoko akanaka iuto guru.” Varume vangapesvedzerwa nokuda kwezvakanaka nomufambiro wounyoro, woruremekedzo wavadzimai vavo, uyo “uri woukoshi hukuru mumeso aMwari.” (1 Petro 3:1-4) Mudzimai anokwanisa, anobishaira anorumbidzwa naMambo Remueri. (Zvirevo 31:10-31) Ndipo apo bedzi vakadzi vanobuda mumutsara kupfurikidza nokunyengedza varume kana kuti kupfurikidza nokutsoropodza kana kuti kufuratira umusoro apo pesvedzero yaJezebheri inomuka.—VaEfeso 5:22, 23; 1 VaKorinte 11:3.
10. (a) Neiko Jezebheri navana vake vachiwana rutongeso? (b) Ko avo vanova vana vaJezebheri vari mumugariroi une ngozi, uye vakadarowo vanofanira kuitei?
10 Achitaura nezvo“mukadzi uya Jezebheri,” Jesu anopfuurira kuti: “Uye ndichauraya vana vake nedenda rinouraya, kuti ungano dzose dzigoziva kuti ndini iye unonzvera itsvo nomwoyo, uye ndichapa kwamuri somunhu mumwe nomumwe mukuwirirana namabasa enyu.” (Zvakazarurwa 2:23) Jesu akanga abvumira Jezebheri navana vake nguva yokupfidza, asi ivo vanoomerera panzira dzavo dzoutere nokudaro vanofanira kuwana rutongeso. Pano pane shoko rakasimba nokuda kwamaKristu nhasi. Avo vanotevedzera Jezebheri, kunyange varume kana kuti vakadzi, nokudaro ndokuva vana vake kupfurikidza nokuputsa nheyo dzeBhaibheri pamusoro pohumusoro netsika kana kuti kupfurikidza nokuva vakaoma mitsipa kuti vafuratire kurongeka kwoubati ushe hwoumwari, mumudzimu vari mumugariro une ngozi wokurwara. Chokwadi, kana mumwe akadaro akadana pavakuru vari muungano kuzomunyengeterera, “munyengetero wokutenda uchaita kuti murwere anaye, uye Jehovha uchamusimudza”—kana iye achiita nokuzvininipisa mutsinhirano neminyengetero iyeyo. Asika ngaparege kuva nomunhu anofunga hake kuti iye anogona kunyengedza Mwari kana kuti Kristu nokutamburira kuvanza mabasa outere kana kuti kupfurikidza nokupfeka chipameso chebasa rokushingaira.—Jakobho 5:14, 15.
11. Ko ungano nhasi dzinobetserwa sei kuva dzakamuka kuvhojokera pesvedzero isingatenderwi yavanhukadzi?
11 Nomufaro, ungano zhinjisa dzeZvapupu zvaJehovha nhasi dzakamuka kune iyi ngozi. Vakuru vanorinda kombamiro dzezvimiro zvendangariro zvisati zviri zvoubati ushe hwoumwari nechakaipa. Vanoedza kubetsera vose vari vaviri vanhurume navanhukadzi vari munzira yengozi kuti ivava vagovaka umudzimu ndokugadziridzwa kusati kwava kunyanyova kunonoka. (VaGaratia 5:16; 6:1) Nomutoo worudo uye nomutoo wakatsiga, ava vatariri vechiKristu vanodzivisa nhamburiko ipi neipi yavanhukadzi yokuumba zvikwata zvokusimudzira pesvedzero dzakafanana nedzorusununguko rwavakadzi. Zvakare, zano rinowirirana nomusi panhambo nenhambo rinopiwa muzvinyorwa zveZvapupu zvaJehovha.a
12. Ko boka raJohane nhasi rinoratidzira munzirai rushingairo rwakafanana norworwo rwaJehu?
12 Zvisinei, uko kwave kune utere hwakakomba, uye zvikurukuru uko ikoku kunova muitiro, vaiti vezvivi vasingapfidzi vanofanira kudzingwa. Tinoyeuka rushingairo rwaJehu mukubvisa zvisaririra zvose zvepesvedzero yaJezebheri muna Israeri. Nenzira yakafanana, boka raJohane nhasi rinoita chiito chakatsiga, richigadza muenzaniso nokuda kweshamwari dzavo “Jonadhabhi” uye vachizviratidzira ivo vamene kuva vakasiyana chose chose navashumiri vamadiro vechiKristudhomu.—2 Madzimambo 9:22, 30-37; 10:12-17.
13. Chii chichaitika kuna avo vanokurirwa nepesvedzero yokuita zvakaipa yavanhukadzi?
13 SeNhume yaJehovha noMutongi, Mwanakomana waMwari anoita nomutoo wakarurama mukuzivisa Jezebheri wazvino uno nokumuisa muuvato hwokurwara, nokuti chirwere chake chomudzimu zvamazvirokwazvo ndichimwe chisingarapiki. (Maraki 3:1, 5) Avo vakakurirwa neiyi pesvedzero yokuita chakaipa yomunhukadzi vachatamburawo dambudziko guru—rusuruvaro rwokuva vanodzingwa, vanogurwa muungano yechiKristu sokunge vafa. Kutoti ivava vakapfidza, vakatendeuka, uye vagamuchirwazve muungano, ivo vanonanganawo norufu rwokunyama kupfurikidza ne“denda rinouraya”—zvichida, mudambudziko guru. Kuri zvino, dzorerwo inobvira kana ivo vakapfidza zvizere mabasa avo akaipa.—Mateo 24:21, 22; 2 VaKorinte 7:10.
14. (a) Ko Jesu anoshandisa sei vakuru mukutarisira zvimwe zvinetso zvakati kuti, zvakadai sepesvedzero ipi neipi yaJezebheri? (b) Ko ungano inofanira kutsigira sei vakuru vanotarisira zvinetso zvakadaro?
14 “Ungano dzose” dzinofanira kuziva kuti Jesu anonzvera “itsvo,” mirangariro yakadzama kune yose, ne‘mwoyo,’ munhu womukatikati, kubatanidza nevavariro dzinotsigira. Nokuda kweiri donzo, iye anoshandisa nyeredzi dzinovimbwa nadzo, kana kuti vakuru, mukutarisira zvimwe zvinetso zvakati kuti, zvakadai sepesvedzero ipi neipi yaJezebheri inooneka. (Zvakazarurwa 1:20) Pashure pokunge ava vakuru vanzvera zvizere nhau youru rudzi uye rutongeso rwaiitwa, hakuzati kuri kwavanhu vamwe navamwe kunzvera zvikonzero nei nezvisakiso zvechiito chakashandiswa. Nomutoo wokuzvininipisa vose vanofanira kugamuchira kutarisira kwavakuru nhau ndokupfuurira kuva vanotsigira idzi nyeredzi dzeungano. Ruvimbiko kuna Jehovha nokugadziriro dzake dzesangano zvichatuswa. (Pisarema 37:27-29; VaHebheru 13:7, 17) Nokuda kworutivi rwako umene, mugove wako ngauve chikomborero apo Jesu anopa kuno mumwe nomumwe somunhu oga mukuwirirana namabasa ake.—VaGaratia 5:19-24; 6:7-9.
“Batisisa Zvaunazvo”
15. (a) Ko Jesu aitofanira kutaurei kuna avo vakanga vasati vashatswa naJezebheri? (b) Chii chinoratidza kuti havazati vari vose vaikambira kuva maKristu shure muna 1918 vakanga vashatswa nechiKristudhomu chakatsauka pakutenda?
15 Mashoko anotevera aJesu anovigira nyaradzo: “Zvisinei, ndinotaura kuna vasara venyu vari muTiatira, vose avo vasina iyi dzidziso, ivava vasina kuziva ‘zvinhu zvakadzama zvaSatani,’ sokureva kwavo: Ini handizati ndiri kuisa pamuri mumwe mutoro upi noupi. Batisisai zvamunazvo kutozosvikira ndauya.” (Zvakazarurwa 2:24, 25) Kune mweya yakatendeka muTiatira yave isina kupesvedzerwa naJezebheri. Nomutoo wakafanana, kwamakore 40 pamberi pa1918 uye chifocho, haazati ari maKristu ose okuedzesera akashivirira nzira dzoutere, dzinoshatsa dzakapararira zvikuru muchiKristudhomu. Boka duku raVadzidzi veBhaibheri, zvino rozivikanwa seZvapupu zvaJehovha, riya rakaedza kubetsera mitezo yamachechi kuona mviromviro isati iri yechiKristu yedzidziso zhinji dzechiKristudhomu, rakaita chiito chokuzvibvisira iro rimene zvitendero zvose nemiitiro zvechiBhabhironi zvakawanwa kupfurikidza nechiKristudhomu chakatsauka pakutenda. Izvozvi zvinobatanidza dzidziso yamadiro yo“mukadzi uya Jezebheri.”
16. Kunyange zvazvo Jesu nomutumbi udzora wechiKristu womuzana rokutanga ramakore usina kuwedzera mumwe mutwaro upi noupi, zvinhui zvinofanira kudziviswa?
16 Boka raJohane nhasi rakakurudzirawo shamwari dzaro, boka guru, kungwarira pesvedzero dzoutere, dzakadai seidzo dziri munyika yakashata yenhandaro. Hapana dikano yokuona kana kuti kutarira ushati nokuda kwokuziva kana kuti nokuda kwokudzidza zvokudzivisa. Inzira youchenjeri kuramba uri kure ne“zvinhu zvakadzama zvaSatani.” Jesu akati: “Ini handizati ndiri kuisa pamuri mumwe mutwaro upi noupi.” Ikoku kunotiyeuchidza nezvechirevo chomutumbi unodzora wechiKristu womuzana rokutanga ramakore chinoti: “Mudzimu mutsvene nesu takada kusawedzera mumwezve mutoro kwamuri, kunze kweizvi zvinhu zviri madikanwa, kuramba muchirega zvinhu zvakabairwa zvifananidzo neropa nezvinhu zvakadzipwa noufeve. Kana imi mukasanorega zvinhu izvi mumene, muchabudirira.” (Mabasa 15:28, 29) Nokuda kworubudiriro rwomudzimu, dzivisai rudzidziso rwenhema, kushandiswa zvisina kufanira kweropa (somukuisirwa ropa), noutere! Uye utano hwenyu hwokunyama sezvinobvira huchachengetwawo.
17. (a) Ko Satani akaedza sei vanhu nhasi ne“zvinhu zvakadzama”? (b) Chii chinofanira kuva chimiro chedu chendangariro ku“zvinhu zvakadzama” zvenyika yakamonyana yaSatani?
17 Satani ane zvimwe “zvinhu zvakadzama” nhasi, zvakadai sokufungisisa nouzivi zvinonyengera ndangariro. Mukuwedzera kukurangarira kwamadiro, kwoutere, izvozvi zvinobatanidza kutaura nemidzimu nedzidziso yemhindumupindu. Ko Musiki wokuchenjera kwose anorangarira sei izvi “zvinhu zvakadzama”? Muapostora Pauro anomunokora mashoko, achiti: “Ini ndichaparadza uchenjeri hwavakachenjera.” Mukupesana naizvozvo, “zvinhu zvakadzama zvaMwari” zvakapfava, zvakajeka, uye zvinofadza. MaKristu akachenjera anodzivisa “zvinhu zvakadzama” zvenyika yakamonyana yaSatani. Yeuka, “nyika inopfuura uye saizvozvo noruchiva rwayo, asi iye unoita kuda kwaMwari unogara nokusingaperi.”—1 VaKorinte 1:19, Kingdom Interlinear; 2:10; 1 Johane 2:17.
18. Ko Jesu akapikira zvikomboreroi kumaKristu akazodzwa anoramba akatendeka kuburukira kumugumo, uye ava vanomutswa vachava neropafadzoi paArmagedhoni?
18 Kuna maKristu iwayo omuTiatira, Jesu zvino anotaura mashoko anofadza. Anokurudzirawo maKristu akazodzwa nhasi: “Uye kuna iye anokunda achichengeta mabasa angu kuburukira kumugumo ndichapa chiremera pamusoro pamarudzi, uye iye uchafudza vanhu netsvimbo yedare zvokuti iwo achaputsanywa sehari dzedongo, chakafanana nechandakagamuchira kuna Baba vangu.” (Zvakazarurwa 2:26, 27) Iropafadzo inoshamisa zvamazvirokwazvo! Ichi chiremera icho vakundi vakazodzwa vanogamuchira parumuko rwavo ndiko kugoverana pamwe naJesu mukushandisa “tsvimbo yedare” yoruparadziko mukurwisana namarudzi anopandukira paArmagedhoni. Zvimwe, simba romwoto renyukireya ramarudzi richaita jakwatira sechibvira mwoto chakanyata apo Kristu anoputsanya vavengi vake sezvaaizoita hari dzomunyakwe.—Pisarema 2:8, 9; Zvakazarurwa 16:14, 16; 19:11-13, 15.
19. (a) Ndiani ari “nyeredzi yamangwanani,” uye iye achapiwa sei kuna avo vanokunda? (b) Ikurudziroi inopiwa kuboka guru?
19 Jesu anowedzera, kuti: “Uye ini ndichamupa nyeredzi yamangwanani.” (Zvakazarurwa 2:28) Jesu iye amene gare gare anotsanangura iri iyi “nyeredzi,” achiti: “Ini ndini mudzi nomwana waDhavhidhi, uye nyeredzi inopenya yamangwanani.” (Zvakazarurwa 22:16) Hungu, ndiye Jesu anozadzika uporofita uhwo Jehovha akagombedzera kubuda mumiromo isingadisi yaBharami: “Zvamazvirokwazvo nyeredzi ichabuda muna Jakobho, uye zvamazvirokwazvo tsvimbo ichabuda muna Israeri.” (Numeri 24:17) Ko Jesu achapa sei “nyeredzi yamangwanani” kuavo vanokunda? Sezviri pamhene, kupfurikidza nokuzvipa iye amene kwavari, kupfurikidza nokuvapinza muukama hwapedyosa, kune hwose naye. (Johane 14:2, 3) Haiwa, zvamazvirokwazvo ikuchidziro ine simba yokutsungirira! Kunokuchidzirawo, nokuda kweboka guru, kuziva kuti “nyeredzi inopenya yamangwanani” nokukurumidza ichashandisa chiremera chayo choUmambo mukudzorera Paradhiso pasi pano!
Chengeta Perero
20. Ndizvinoitikai zviri muchiKristudhomu zvinotiyeuchidza nezvohumwe hwoutera hwomuungano yomuTiatira?
20 Iri shoko rinofanira kuve rakakurudzira maKristu omuTiatira zvikurukuru. Chimbofungidzira hako—Mwanakomana akapiwa mbiri waMwari ari mudenga iye pachake akanga ataura kumaKristu omuTiatira pamusoro pezvimwe zvezvinetso zvavo! Zvamazvirokwazvo, zvimwe vakati kuti vari muungano vakadavidza kukufudza kwakadaro kworudo. Iri shoko refu kuna ose manomwe rinotibetserawo kuziva ungano yechokwadi yechiKristu nhasi. Muna 1918 apo Jesu akauya kutembere yaJehovha nokuda kworutongeso, voruzhinjisa zvikurukuru vamasangano anokambira kuva echiKristu vakashatiswa nokunamata zvifananidzo noutere hwomudzimu. (Jakobho 4:4) Vamwe vakavakira zvitendero zvavo padzidziso dzavakadzi vane ndangariro dzakaoma vomuzana ramakore rechi19, vakadai saEllen White ari Musabata naMary Baker Eddy weChristian Scientists, uye pamisi ichangobva kupfuura iyi zvikuru vakadzi vazhinji vave vachiparidza vari pachikuva. (Sianisa na1 Timotio 2:11, 12.) Pakati pezvimiro zvakasiyana zvedzidziso yechiKaturike, Maria kazhinji kazhinji anokudzwa kupfuura Mwari naKristu. Jesu haana kumukudza zvikuru kudaro. (Johane 2:4; 19:26) Ko masangano anobvumira pesvedzero yakadaro isati iri yapamutemo yavanhukadzi anogona zvomenemene kuva anogamuchirwa seechiKristu here?
21. Zvifundoi zvirimo mushoko raJesu rokuTiatira nokuda kwavanhu vamwe navamwe?
21 MaKristu mamwe namamwe, kunyange ari eboka raJohane kana kuti amamwe makwai, anosanoita zvakanaka kurangarira iri shoko. (Johane 10:16) Vamwe vangakuwana kuchiedza kutevera nzira iri nyore, sezvakaita vadzidzi vaya vaJezebheri weTiatira. Uyewo kune muedzo wokubvumirana pane zvisino kufanira. Nhasi, zvirevo zvakadai sokudya zvinogadzirwa neropa kana kuti kugamuchira kuisirwa ropa zvinofanira kunanganwa nazvo. Vamwe vangarangarira kuti rushingairo mubasa romumunda kana kuti kukurukura hurukuro kunovabvumira kuva norumano rushoma muna mamwe mativi, akadai sokutarira bhaisikopu ramasimba masimba neroutere namatepi evhidhio, kana kuti kunyanyonwisa zvinwiwa zvinokora. Nyevero yaJesu kumaKristu omuTiatira inotiudza kuti hatifaniri kusununguka zvakadaro. Jehovha anoda kuti tive vakachena, vemwoyo wose, vasina kukamukana, sezvakanga zvakaita maKristu mazhinji muTiatira.
22. Ko Jesu anosimbisa sei ukoshi hwokuva nenzeve inonzwa?
22 Pakupedzisira, Jesu anozivisa kuti: “Uyo ane nzeve ngaanzwe izvo mudzimu unoreva kuungano.” (Zvakazarurwa 2:29) Kwenguva yechina, Jesu pano anodzokorora urwu rwiyo runonyandura, uye irwo rwuchagumisa mashoko matatu ose achauya. Une nzeve iyeyo inonzwa here? Ipapo ramba uchiteereresa sezvo Mwari, kupfurikidza nomudzimu wake, anopfuurira kugovera zano kupfurikidza nomukoto wake.
[Mashoko Omuzasi]
a Ona, somuenzaniso, nyaya inoti, “Vakadzi vechiKristu Vakatendeka—Vanamati vaMwari Vanokosha” iri muNharireyomurindi yaNovember 1, 2003.
[Mifananidzo iri papeji 51]
Nhasi, rutivi rukuru rwebasa rokuparidza runoitwa nehanzvadzi dzakatendeka sezvadzinotsigira nomutoo wokuzvininipisa chiremera choubati ushe