Zviitiko Zvinokosha Munhau Yomuzuva Razvino Uno Yezvapupu Zvajehovha
1870 Charles Taze Russell neboka rakabva kuPittsburgh neAllegheny, Pennsylvania, U.S.A., vanovamba fundo yakarongwa yeBhaibheri
1870-75 Russell nevaaifunda navo vanodzidza kuti apo Kristu anouyazve iye anofanira kuva asingaoneki nameso avanhu uye kuti chinangwa chokudzoka kwake chinobatanidza kukomborerwa kwemhuri dzose dzapasi
1872 Russell neboka rake refundo vanosvika pakunzwisisa mutengo worudzikinuro uyo Kristu akagovera nokuda kworudzi rwomunhu
1876 C. T. Russell anogamuchira kopi yeHerald of the Morning, muna January; anosangana naN. H. Barbour, mupepeti wenhau wacho, zhizha iroro muPhiladelphia, Pennsylvania
Nyaya yakanyorwa naC. T. Russell, yakabudiswa muchinyorwa chaOctober cheBible Examiner, muBrooklyn, New York, inonongedzera kuna 1914 somugumo weNguva dzaVamarudzi
1877 Bhuku rinonzi Three Worlds rinobudiswa, somugumisiro wenhamburiko dzokubatira pamwe dzaN. H. Barbour naC. T. Russell
C. T. Russell anobudisa bhukwana rinonzi The Object and Manner of Our Lord’s Return, pahofisi yeHerald of the Morning, muRochester, New York
1879 Russell anorega tsigiro yose kuHerald of the Morning, muna May, nemhaka yechimiro chendangariro chaBarbour kurudzikinuro
Chinyorwa chokutanga cheZion’s Watch Tower and Herald of Christ’s Presence, chakanyorwa musi waJuly 1879
1881 Maturakiti okutanga anobudiswa naVadzidzi veBhaibheri; 1914 asati asvika, kuparadzirwa kwamaturakiti kwegore negore kunoita hwerengedzo yamakumi amamiriyoni amakopi mumitauro 30
Zion’s Watch Tower Tract Society inorongwa; danidziro inopiwa “Vaparidzi 1 000 Vanodikanwa,” kuti vamwe vave macolporteur enguva dzose, vamwe kuti vape nguva ipi kana ipi yavanogona kukuparadzira zvokwadi yeBhaibheri
Kuparadzirwa kwamakopi 300 000 eFood for Thinking Christians kuvanoenda kuchechi vomumaguta makuru muBritain
1883 Nharireyomurindi inosvika kuChina; aichimbova mufundisi wePresbyterian anokurumidza kuvamba kupupura kune vamwe imomo
1884 Food for Thinking Christians rinosvika kuLiberia, Africa; mumwe muravi anoonga anonyora achikumbira makopi okuparadzira
Zion’s Watch Tower Tract Society inova nechata zviri pamutemo muPennsylvania; inonyorwa nehurumende pana December 15
1885 Zvinyorwa zveWatch Tower zviri kutoraviwa navamwe vanhu vane nzara yezvokwadi muNorth neSouth America, Europe, Africa, uye Asia
1886 The Divine Plan of the Ages rinobudiswa, vhoriyamu yokutanga yenhevedzano yainzi Millennial Dawn (yakazivikanwa gare gare seStudies in the Scriptures)
1889 Bible House inovakwa muArch Street, muAllegheny, Pennsylvania, sedzimbahwe reSosaiti
1891 Kuungana kwokutanga kwaVadzidzi veBhaibheri uko vanodana kuti kokorodzano, muAllegheny, Pennsylvania (April 19-25)
1894 Vatariri vanofambira avo pashure penguva yakati vakasvika pakuzivikanwa semapilgrim (nhasi, vatariri vematunhu nevemaruwa) vanotumwa maererano negadziriro yeSosaiti yokushanyira ungano
1900 Hofisi yebazu yokutanga yeWatch Tower Society inozarurwa, muLondon, England
Kupupura kwaVadzidzi veBhaibheri kwakaitwa munyika 28, uye shoko ravanoparidza rakasvika mudzimwe nyika 13
1903 Kuparadzirwa kukuru paimba neimba kwamaturakiti apachena pamaSvondo; pakuvamba zvikuru, kwakawanda zvikurusa kwokuparadzirwa kwamaturakiti kwaiitwa mumigwagwa pedyo namachechi
1904 Mharidzo dzaC. T. Russell dzinovamba kuoneka nguva dzose mumapepanhau; mukati memakore gumi dziri kudhindwa nemapepa anenge 2 000
1909 Dzimbahwe reSosaiti rinotamisirwa kuBrooklyn, New York, muna April
1914 Kuratidzwa kwokutanga kwe“Photo-Drama of Creation,” muNew York, muna January; gore risati rapera, inoonwa navateereri vane hwerengedzo yavanopfuura 9 000 000 muNorth America, Europe, uye Australia
Pana October 2, mukamuri rokudyira repaBheteri kuBrooklyn, C. T. Russell anozivisa kuti, “Nguva dzaVamarudzi dzaguma”
Vadzidzi veBhaibheri vanoshingaira vachiparidza munyika 43; 5 155 vanogoverana mukupupura kune vamwe; vakapinda Chirangaridzo vakashumwa i18 243
1916 Rufu rwaC. T. Russell pamakore 64 ezera, pana October 31, apo akanga ari muchitima achipfuura nomuTexas
1917 J. F. Rutherford anova purezidhendi weSosaiti pana January 6, pashure pokunge dare rinoita zvisarudzo ravatatu ratarisira zvinhu zveSosaiti kweinenge mwedzi miviri
Bhuku rinonzi The Finished Mystery rinobudiswa kumhuri yeBheteri muBrooklyn pana July 17; vana avo vakanga vave vachibatira muboka ravatungamiriri veSosaiti vanorishora zvakasimba; pashure pacho ungano dzakawanda dzinokamuka
1918 Hurukuro inoti “Nyika Yaguma—Mamiriyoni Ari Kurarama Zvino Angasatongofa” inotanga kupiwa, pana February 24, muLos Angeles, California. Pana March 31, muBoston, Massachusetts, hurukuro yacho ine musoro unoti “Nyika Yaguma—Mamiriyoni Ari Kurarama Zvino Haasati Achizotongofa”
J. F. Rutherford navasonganiri vapedyo vanodudzwa mazita mumagwaro okusungwa ehurumende yomubatanidzwa akapiwa pana May 7; kutongwa kunovamba pana June 5; vanopiwa tongero pana June 21 (mumwe pana July 10) yenguva refu mutorongo rehurumende yomubatanidzwa
Dzimbahwe reBrooklyn rinopfigwa muna August, uye mabasa aro anodzorerwa kuPittsburgh kwerinopfuura gore
1919 Vakuru vakuru veSosaiti navasonganiri vanobudiswa vabhadhara bheroauti, pana March 26; pana May 14 dare rokukwirira rinochinja chisarudzo chedare rakaderera, uye kutongwa kutsva kunorayirwa; gore rakatevera, pana May 5, hurumende inobva mumhaka yacho, ichiramba kusunga
Sokuedza kwokuona kana basa raVadzidzi veBhaibheri richigona kumutsidzirwa, J. F. Rutherford anoronga kupa hurukuro yavose inoti “Tariro Yavanhu Vanotambudzika,” paClune’s Auditorium, muLos Angeles, California, pana May 4; boka racho harigoni kukwana rose, uye hurukuro yacho inofanira kupiwa kechipiri
Vadzidzi veBhaibheri vaiva nekokorodzano paCedar Point, Ohio, September 1-8; kubudiswa kwaitevera kwemagazini yeThe Golden Age (zvino inozivikanwa seMukai!) kunoziviswa
Bulletin (zvino inozivikanwa soUshumiri Hwedu hwoUmambo) inobudiswa sekurudziro kubasa romumunda
Mushumo wegore unoratidza Vadzidzi veBhaibheri 5 793 vanoparidza nokushingaira munyika 43; vapindi veChirangaridzo vakashumwa, 21 411
1920 Watch Tower Society inotanga kuita mabasa ayo imene okudhinda, muBrooklyn
1922 Redhiyo inotanga kushandiswa naJ. F. Rutherford, pana February 26, muCalifornia, kuparidza hurukuro yeBhaibheri
Kokorodzano yaVadzidzi veBhaibheri paCedar Point, Ohio, September 5-13; chikumbiro chinoitwa chokuti “Zivisai, zivisai, zivisai, Mambo noumambo hwake”
Vafundisi muGermany vanonyandura kuti mapurisa asunge Vadzidzi veBhaibheri apo ivava vanoparadzira pachena mabhuku eBhaibheri
1924 WBBR (nhepfenyuro yokutanga yeWatch Tower Society) inovamba kuparidza pana February 24
1925 Nharireyomurindi yechiNgezi yaMarch 1, mukukurukura kuberekwa kwoUmambo hwaMwari muna 1914, inoratidza kuti kune masangano maviri akatsaukana neanorwisana—raJehovha neraSatani
1926 Kuparidza paimba neimba nemabhuku musi weSvondo kunokurudzirwa neSosaiti
1928 Vadzidzi veBhaibheri vanosungwa muNew Jersey (U.S.A) nokuda kwokuparadzira mabhuku sorutivi rwokuparidza kwavo paimba neimba; mukati memakore gumi, mune kusungwa kwakadaro kunopfuura 500 pagore muUnited States
1931 Zita rokuti Zvapupu zvaJehovha rinogamuchirwa kupfurikidza nechisarudzo pakokorodzano muColumbus, Ohio, pana July 26, uye pashure pacho pakokorodzano kupota pasi rose
1932 Vindication, Bhuku 2, rinotsanangura chikonzero nei uporofita hweBhaibheri hwokudzorera huchishanda kwete kuvaJudha vokunyama asi kuna Israeri womudzimu
Gadziriro ya“vakuru vanosarudzwa” inogumiswa, mutsinhirano netsananguro iri muzvinyorwa zveNharireyomurindi yechiNgezi zvaAugust 15 naSeptember 1
1933 Zvapupu zvaJehovha zvinorambidzwa muGermany. Mukati mechitambudzo chakakomba kuburukira kumugumo weHondo Yenyika II, 6 262 vanosungwa, uye nguva yavo yakabatanidzwa yokupinzwa mutorongo inoita hwerengedzo yamakore 14 332; 2 074 vanotumirwa kumisasa yevasungwa, uko kuchengetwa kwavo kunoita hwerengedzo yamakore 8 332
Michina yokurekodha (mimwe yakaiswa pamotokari) inoshandiswa neZvapupu kuparidza hurukuro dzeBhaibheri munzvimbo dzavose
1934 Magiramufomu anotakurika anoshandiswa neZvapupu kuridzira vanofarira hurukuro pfupi dzakarekodwa
1935 Mune imwe hurukuro yekokorodzano paWashington, D.C., pana May 31, “vazhinjizhinji” vanozivikanwa seboka rapasi; vanhu 840 vanobhapatidzwa paiyi kokorodzano; tariro youpenyu husingagumi muparadhiso yapasi nokuda kwavabatiri vakatendeka vaMwari vari kurarama zvino inosimbiswa nenzira inofambira mberi
Nzvimbo yemisangano, kwenguva yokutanga, inodanwa kunzi Horo yoUmambo, muHonolulu, Hawaii
1936 Zvikwangwani zvokuzivisa zvinotanga kupfekwa navaparidzi voUmambo kuzivisa vanhu nezvehurukuro dzeBhaibheri
Kurudziro inopiwa yokutanga fundo navanhu vanofarira, vachishandisa bhuku reSosaiti rinonzi Riches pamwe chete neBhaibheri; idzodzi kazhinji kazhinji ifundo dzeboka
1937 Magiramufomu anotakurika anoshandiswa neZvapupu kuridza hurukuro dzeBhaibheri dzakarekodwa pamasitepisi chaipo emasuo emisha
1938 Gadziriro dzoubati ushe hwaMwari dzokusarudza vatariri muungano dzinotsiva miitiro yokusarudza kwevoruzhinji, mutsinhirano nechinyorwa chechiNgezi cheNharireyomurindi chaJune 1 necha15
Magungano ezoni (zvino anozivikanwa samagungano edunhu) anorongwa nokuda kwamapoka eungano
1939-45 MuUmambo hweBritain hwose neCommonwealth yeBritain, nyika 23 dzinorambidza Zvapupu zvaJehovha kana kuti dzinorambidza mabhuku azvo eBhaibheri
1940 Kuparadzirwa mumigwagwa kweNharireyomurindi neConsolation kunova rutivi rwenguva dzose rwomubato weZvapupu zvaJehovha
Chisarudzo cheDare Gurusa reUnited States, pana June 3, chaitsigira kukwazisa mureza kwokumanikidza pasinei zvapo nechitendero chorudzidziso chinoparira masimba masimba emhomho yomunyikayo mose mukurwisana neZvapupu zvaJehovha
1941 Zvapupu zvinoshingaira zvinopfuura 100 000, zvichisvika nhamba yapamusoro ye109 371 munyika 107, pasinei zvapo neidi rokuti Hondo Yenyika II yafukidza Europe uye iri kupararira muAfrica neAsia
1942 J. F. Rutherford anofa pana January 8, muSan Diego, California
N. H. Knorr anova purezidhendi wechitatu weSosaiti pana January 13
Hwerengedzo yokudhindwa kweNharireyomurindi nokuda kwegore racho mumitauro yose i11 325 143
Kosi Inofambira Mberi muUshumiri Hwoubati Ushe hwaMwari inotangwa nokuda kwavashandi vapadzimbahwe reSosaiti, pana February 16
Watch Tower Society inodhinda Bhaibheri rakazara, King James Version, pamuchina wokudhinda wayo imene (web rotary)
1943 Kirasi yokutanga yeWatchtower Bible School of Gilead inovamba kufunda kwayo pana February 1
Kosi muUshumiri Hwoubati Ushe hwaMwari (zvino inonzi Chikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari) yeungano dzeZvapupu zvaJehovha inosumwa pamagungano muna April
Dare Gurusa reUnited States rinoita zvisarudzo zvakanakira Zvapupu zvaJehovha mumhaka 20 kubva mu24; Dare Rapamusoro muAustralia rinobvisa chirambidzo paZvapupu imomo, pana June 14
1945 Kuvambira pana October 1, boka ravatungamiriri reSosaiti harichasarudzwi navavhoteri vanokwanirisa nemhaka yemipiro yemari
Avhareji yenhamba yefundo dzeBhaibheri dzapamusha dziri kuitiswa mwedzi mumwe nomumwe zvino yava 104 814
1946 Mukati memakore manomwe akatangireri, vanopfuura 4 000 veZvapupu zvaJehovha muUnited States uye 1 593 muBritain vakasungwa ndokutongerwa nhambo dzomutorongo dzaivambira pamwedzi mumwe kusvikira kumakore mashanu nemhaka yokusatora rutivi kwavo kwechiKristu
Muiri gore rokutanga pashure peHondo Yenyika II, 6 504 vari kugoverana mubasa renguva yakazara samapiyona
Magazini yeMukai! (mutsivi weThe Golden Age neConsolation) inovamba kubudiswa; hwerengedzo yokudhinda yemakopi 13 934 429 nokuda kwegore racho
Zvapupu zvinopfuura 470 zvinoendeswa pamberi pamatare muGreece nemhaka yokugoverana dzidziso dzeBhaibheri navamwe
1947 MuQuebec, Canada, mhaka 1 700 dzinobatanidza basa rokuparidza evhangeri reZvapupu zvaJehovha dzakamirira mumatare
Nhamba yeungano zvino inopfuura 10 000, ichisvika hwerengedzo ye10 782 munyika yose
1950 New World Translation of the Christian Greek Scriptures inobudiswa muchiNgezi, pana August 2, pakokorodzano muNew York
1953 Gadziriro huru yokurovedzwa kweZvapupu zvaJehovha mukuparidza paimba neimba inovamba, September 1
1957 Munyika 169, maawa 100 135 016 anopiwa neZvapupu zvaJehovha kukuzivisa Umambo hwaMwari nokuitisa fundo dzeBhaibheri dzapamusha vanhu vachangobva kufarira
1958 Gungano Ramarudzi Akawanda Rokuda kwaMwari, muNew York, rinokweva vapindi 253 922 vakabva munyika 123; vane 7 136 vanobhapatidzwa
1959 Marusando okutanga eChikoro Choushumiri hwoUmambo, achitanga pana March 9, kuSouth Lansing, New York, akagadzirirwa vatariri veungano navatariri vanofambira
1961 Boka rokutanga ravatariri vemapazu eSosaiti rinopinda kosi chaiyo yerovedzo yemwedzi gumi kuBrooklyn, New York, nomurangariro wokubatanidzwazve kwebasa reZvapupu zvaJehovha munyika yose
New World Translation of the Holy Scriptures, Bhaibheri rakazara muvhoriyamu imwe, inobudiswa muchiNgezi
1963 New World Translation of the Christian Greek Scriptures inobudiswa mumimwe mitauro mitanhatu (chiDutch, chiFrench, chiGerman, chiItalian, chiPutukezi, uye chiSpanish), nemimwe yaizouya mumakore apashure
Vanopfuura miriyoni imwe veZvapupu zvaJehovha zvino vanoshingaira munyika 198; nhamba yapamusoro yavaparidzi yegore racho i1 040 836; vamwe 62 798 vanobhapatidzwa
1965 Horo yeMagungano yokutanga, horo yemitambo yakagadziridzwa, inoshandiswa neZvapupu zvaJehovha muNew York
1967 Kutambudzwa kwenguva refu nekweutsinye kweZvapupu zvaJehovha kunopararira muMalawi uye kunopfuurira kwamakore akati pashure pacho
1969 Fundo dzeBhaibheri dzapamusha dzinopfuura miriyoni; mushumo unoratidza avhareji ye1 097 237
1971 Mutumbi Unodzora unokudzwa; pana October 1, usachigaro hunovamba kutenderera pakati pemitezo yawo pahwaro hwegore negore
1972 Ungano dzeZvapupu zvaJehovha dzinova mutarisiro yomunzvimbomo yomutumbi wavakuru, panzvimbo pomunhu mumwe, kuvambira pana October 1
1974 Nhamba yapamusoro yavaparidzi munyika yose inosvika 2 021 432; mapiyona anowedzera kubva pa94 604, muna 1973, kusvikira ku127 135
1975 Mutumbi Unodzora unorongwazve; pana December 4, mutoro webasa zhinji unogoverwa kumatare matanhatu, ayo anovamba kushanda pana January 1, 1976
1976 Mahofisi amapazu eWatch Tower Society imwe neimwe inova mutarisiro yedare ravarume vatatu kana kuti vanopfuura vakakura mumudzimu, panzvimbo pomutariri mumwe, kuvambira pana February 1
1977 Chikoro Chebasa Roupiyona chinovamba kugovera rovedzo chaiyo nokuda kwamakumi ezviuru zvamapiyona munyika yose
1984 Fundo dzeBhaibheri dzapamusha dziri kuitiswa neZvapupu zvaJehovha zvino dzinoita avhareji ye2 047 113
1985 Gadziriro yavazvipiri vamarudzi akawanda inotangwa, ichitsinhanisa iri padzimbahwe basa rokuvaka reSosaiti remunyika yose
Mushumo unoratidza 3 024 131 vanogoverana mubasa rokuparidza Umambo munyika 222; mapiyona zvino anoita avhareji ye322 821; 189 800 vakabhapatidzwa gore rino
1986 Matare Okuvaka Omunharaunda anogadzwa kubetsera kutsinhiranisa kuvakwa kweHoro dzoUmambo
1987 Basa rokuita vadzidzi rinopfuurira kukura, sezvo fundo dzeBhaibheri zvino dziri kuitwa navanhu vamwe navamwe 3 005 048 namapoka emhuri, dzakawanda vhiki nevhiki; kubhapatidzwa nokuda kwegore racho kunoita hwerengedzo ye230 843
Chikoro Chokurovedza Vashumiri chinotanga kushanda pana October 1, nekirasi yokutanga paCoraopolis, Pennsylvania
1989 Mamirire ezvinhu anochinja muEastern Europe anobetsera kuita kuti kokorodzano huru mbiri dzamarudzi akawanda dzibvire muPoland, uye ipapo mudzimwe nyika mumakore akatevera
1990 Kubviswa kweganhuriro paZvapupu zvaJehovha munyika dziri muAfrica neEastern Europe kunopfavisa kuparidzwa kweevhangeri pakati pavanhu vokuwedzera 100 000 000
Vaparidzi voUmambo vanosvika nhamba itsva yapamusoro ye4 017 213; mapiyona anowedzera kusvikira ku536 508; hwerengedzo yemaawa 895 229 424 inopiwa kubasa rekukurumidzira rokuziviswa kwoUmambo
1991 Zvirambidzo zvinobviswa muEastern Europe neAfrica zvinoita kuti kuve nyore kusvika vamwe vanhu vane 390 000 000 namashoko akanaka oUmambo hwaMwari
1992 Nharireyomurindi ine avhareji yokudhindwa ye15 570 000 mumitauro 111; Mukai!, inowanika mumitauro 67, ine avhareji yokubudiswa ye13 110 000
Uchapupu hukurusa hwati hwambopiwa, sezvo 4 472 787 vanogoverana mukuzivisa Umambo munyika 229; avhareji yomwedzi nomwedzi yamapiyona 605-610; maawa 1 024 910 434 anopiwa kukupupura pachena; fundo dzeBhaibheri 4 278 127 dzinoitiswa; vadzidzi vatsva 301 002 vanobhapatidzwa