Chitsauko 10
Umambo ‘Husingazomboparadzwi’
1. Ichokwadi chipi chakasimbiswa nezviitiko zvenyika muupenyu hwose hwevanhu?
ZVIITIKO zvenyika zuva rimwe nerimwe zvinosimbisa chokwadi chokuti vanhu havana kuwana mufaro nokuramba uchangamire hwaJehovha uye kuedza kuzvitonga. Hapana urongwa hwehurumende yevanhu hwakabatsira vanhu pasina rusaruro. Kunyange zvazvo vanhu vakava noruzivo rwavo rwezvesayenzi kusvikira pamwero usina kumbosvikwa kare, havana kukwanisa kukunda kurwara kana kumisa kufa, kwete kunyange kwomunhu mumwe. Kutonga kwevanhu hakuna kubvisa hondo, mhirizhonga, kupara mhosva, uori, kana urombo. Hurumende dzinodzvinyirira dzichiri kudzora vanhu munyika dzakawanda. (Muparidzi 8:9) Unyanzvi hwokugadzirwa kwezvinhu, makaro, uye kusaziva zvose zvinobatsirana kusvibisa nyika, mvura, uye mhepo. Kushandisa mari zvisina kunaka kwevakuru vakuru kunoita kuti vakawanda vaomerwe kuwana zvinokosha zvavanoda muupenyu. Zviuru zvemakore zvokutonga kwevanhu zvakaita kuti chokwadi ichi chive pachena chokuti “Nzira yomunhu haizi yake amene; munhu, unofamba, haagoni kururamisa nhano dzake.”—Jeremia 10:23.
2. Chii choga chichagadzirisa zvinetso zvevanhu?
2 Zvichagadziriswa nei? NoUmambo hwaMwari, uhwo Jesu akadzidzisa vateveri vake kunyengeterera kuti: “Umambo hwenyu ngahuuye. Kuda kwenyu ngakuitike, pasi panowo, sokudenga.” (Mateu 6:9, 10) Umambo hwaMwari hwokudenga hunotsanangurwa pana 2 Petro 3:13 se“matenga matsva,” achatonga “pasi idzva,” kureva vanhu vakarurama. Umambo hwaMwari hwokudenga hunokosha zvikuru zvokuti Jesu akahuita musoro wokuparidza kwake. (Mateu 4:17) Akaratidza nzvimbo yahunofanira kuva nayo muupenyu hwedu, achikurudzira kuti: “Ipapo, rambai muchitanga kutsvaka umambo nokururama kwake.”—Mateu 6:33.
3. Nei kudzidza nezvoUmambo hwaMwari kuri kwokukurumidzira zvikuru iye zvino?
3 Kudzidza nezvoUmambo hwaMwari ndekwokukurumidzira zvikuru iye zvino, nokuti Umambo ihwohwo hwava pedyo kuita chiito chokuchinja nokusingaperi utongi hwepasi pano. Dhanieri 2:44 inofanotaura kuti: “Namazuva amadzimambo iwayo [hurumende dziri kutonga iye zvino] Mwari wokudenga uchamutsa ushe, [mudenga] husingatongozoparadzwi, uye simba rahwo haringapfuuri kune rumwe rudzi rwavanhu [vanhu havazotongizve pasi]; asi ihwo huchaputsanya nokuparadza ushe uhwo hwose [huripo iye zvino], ihwo huchamira nokusingaperi.” Saka Umambo huchagumisa mazuva ano okupedzisira nokuparadza nyika ino yose yakaipa. Utongi hwepasi hunoitwa noUmambo hwokudenga kubvira ipapo hauzopikiswi. Tinofanira kufara kwazvo kuti kusunungurwa kuchaunzwa neizvi kwava pedyo zvikuru!
4. Maererano noUmambo, chii chakaitika mudenga muna 1914, uye nei izvozvo zvichikosha kwatiri?
4 Muna 1914, Kristu Jesu akagadzwa saMambo uye akapiwa simba roku“bata ushe pakati pavavengi [vake].” (Pisarema 110:1, 2) Uyezve mugore iroro, “mazuva okupedzisira” enyika yakaipa iripo zvino akatanga. (2 Timoti 3:1-5, 13) Panguva iyoyowo, zviitiko zvakanga zvaonekwa naDhanieri muchiratidzo chouprofita zvakaitika mudenga. “Akakwegura Pamazuva,” Jehovha Mwari, akapa Mwanakomana womunhu, Jesu Kristu, “simba, nokubwinya, noushe, kuti vanhu vose namarudzi ose namarimi ose vamushumire.” Achitaura nezvechiratidzo chacho, Dhanieri akanyora kuti: “Simba rake roushe isimba risingaperi, risingazopfuuri, uye ushe hwake hahungazoparadzwi.” (Dhanieri 7:13, 14) Mwari achashandisa Umambo hwokudenga uhwu hunodzorwa naKristu Jesu kuita kuti vanoda kururama vakwanise kuwana zvinhu zvakanaka zvisingaverengeki zvaakanga aine chinangwa nazvo paakaisa vabereki vokutanga vevanhu muParadhiso.
5. Zvii zvine chokuita noUmambo zvatinofarira zvikuru, uye nei?
5 Chido chako here kuva munhu akavimbika anotongwa noUmambo? Kana zvakadaro, uchafarira zvikuru marongerwo nemashandiro ehurumende yokudenga iyi. Uchada kuziva zvairi kuita iye zvino, zvaichaita munguva yemberi, uye zvainoda kwauri. Sezvaunonyatsoongorora Umambo, unofanira kuwedzera kuhufarira. Kana ukabvuma kutonga kwahwo, uchashongedzerwa zviri nani kuudza vamwe nezvezvinhu zvinoshamisa izvo Umambo hwaMwari huchaitira vanhu vanoteerera.—Pisarema 48:12, 13.
Vatongi voUmambo hwaMwari
6. (a) Magwaro anoratidza sei kuti uchangamire hwaani hunoratidzwa noUmambo hwaMesiya? (b) Tinofanira kubatsirwa sei nezvatinodzidza pamusoro poUmambo?
6 Chimwe chezvinhu zvokutanga zvinojekeswa nokuongorora kwakadaro ndechokuti Umambo hwaMesiya uhwu kuratidzwa kwouchangamire hwaJehovha. NdiJehovha akapa Mwanakomana wake “simba, nokubwinya, noushe.” Mwanakomana waMwari apiwa simba rokutanga kutonga saMambo, manzwi mudenga akazivisa zvakakodzera kuti: “Umambo hwenyika hwava umambo hwaShe wedu [Jehovha Mwari] nehwaKristu wake, uye [Jehovha] achatonga samambo nokusingaperi-peri.” (Zvakazarurwa 11:15) Saka zvose zvatinocherechedza paUmambo uhwu uye zvahunoita zvinogona kutiswededza pedyo naJehovha pachake. Zvatinodzidza zvinofanira kupinza zvishoma nezvishoma matiri chido chokuzviisa pasi pouchangamire hwake nokusingaperi.
7. Nei kuva kwaJesu Kristu Mutongi Anotevedzera waJehovha kuchitifadza zvikuru?
7 Fungawo pfungwa yokuti Jehovha akaisa Jesu Kristu pachigaro choumambo soMutongi Anomutevedzera. SeMhizha yakashandiswa naMwari kugadzira pasi nevanhu, Jesu anoziva zvatinoda kupfuura zvingaita ani naani wedu. Uyezve, kubvira pamavambo oupenyu hwevanhu, akaratidza ‘kufadzwa kwaaiitwa nevanakomana vevanhu.’ (Zvirevo 8:30, 31; VaKorose 1:15-17) Anoda vanhu zvikuru kwazvo zvokuti iye pachake akauya pasi ndokupa upenyu hwake kuti huve rudzikinuro nokuda kwedu. (Johani 3:16) Saka akaita kuti tiwane nzira yokusunungurwa muchivi norufu uye tiwane mukana woupenyu husingagumi.—Mateu 20:28.
8. (a) Kusiyana noutongi hwevanhu, nei hurumende yaMwari ichagara nokusingaperi? (b) “Muranda akatendeka, akangwara” ane ukama hwei nehurumende yokudenga?
8 Umambo hwaMwari ihurumende isingachinji-chinji, inogara nokusingaperi. Kugara kwayo nokusingaperi kunosimbiswa nokuti Jehovha pachake haafi. (Habhakuki 1:12) Kusiyana nemadzimambo evanhu, Jesu Kristu, uyo akapiwa umambo naMwari, haafiwo. (VaRoma 6:9; 1 Timoti 6:15, 16) Vamwe vane 144 000, vashumiri vakavimbika vaMwari vanobva “mudzinza rose nendimi nevanhu norudzi,” vachavawo naJesu pazvigaro zvoumambo zvokudenga. Ivavawo havazofi. (Zvakazarurwa 5:9, 10; 14:1-4; 1 VaKorinde 15:42-44, 53) Vakawanda vavo vatova mudenga, uye vamwe vavo vasara vachiri pasi pano ndivo vanoumba “muranda akatendeka, akangwara” womuzuva razvino anoita kuti zvinhu zvoUmambo ihwohwo zvifambire mberi pasi pano nokuvimbika.—Mateu 24:45-47.
9, 10. (a) Umambo huchabvisa zvii zvinoparadzanisa uye zvinoshatisa? (b) Kana tisingadi kuva vavengi voUmambo hwaMwari, tinofanira kurega kubatanidzwa muchii?
9 Nokukurumidza zvino, panguva yake yakatarwa, Jehovha achatuma mauto ake anouraya kuita chiito chokuchenesa pasi. Achaparadza nokusingaperi vanhu vanosarudza kuramba kubvuma uchangamire hwake uye vanozvidza zvinhu zvaanoronga norudo achishandisa Jesu Kristu. (2 VaTesaronika 1:6-9) Iroro richava zuva raJehovha, ranga rakamirirwa kwenguva refu kuti arevererwe saChangamire Wezvose. “Tarirai, zuva raJehovha rinouya, rinotyisa, rine hasha nokutsamwa kukuru, kuti . . . [riparadze] vatadzi [venyika] vabvemo.” (Isaya 13:9) “Zuva iro izuva rokutsamwa, zuva rokutambudzika nokumanikidzwa, zuva rokurashwa nokuparadzwa, zuva rerima nerokusviba, zuva ramakore nerezarima guru.”—Zefania 1:15.
10 Zvitendero zvose zvenhema nehurumende dzose dzevanhu nemauto adzo, izvo zvave zvichishandiswa nomutongi akaipa wenyika ino asingaoneki, zvichaparadzwa nokusingaperi. Vose vanozvibatanidza nenyika ino nokurarama upenyu hwokuzvifunga pachavo, hwokusatendeseka, uye hwounzenza vachaparadzwa. Satani nemadhimoni ake vachaitwa kuti vasaonanazve nevagari vepasi, vakanyatsovharirwa kwemakore ane chiuru. Ipapo Umambo hwaMwari huchadzora zvakakwana zvinhu zvose zvinoitika pasi. Ikoko kuchava kusunungurwa kukuru kwevose vanoda kururama!—Zvakazarurwa 18:21, 24; 19:11-16, 19-21; 20:1, 2.
Zvinangwa zvoUmambo—Maitirwo Azvo
11. (a) Umambo hwaMesiya huchaita sei chinangwa chaJehovha nokuda kwepasi? (b) Kutonga kwoUmambo kucharevei kuvanhu vachararama pasi pano panguva iyoyo?
11 Umambo hwaMesiya huchaita zvizere chinangwa chaMwari chokutanga nokuda kwepasi. (Genesi 1:28; 2:8, 9, 15) Kusvikira pazuva rino, vanhu vakatadza kutsigira chinangwa ichocho. Zvisinei, “pasi rinogarwa riri kuuya” richaiswa pasi poMwanakomana womunhu, Jesu Kristu. Vose vanopona kutonga kunoitwa naJehovha nyika ino yekare vachashanda vakabatana pasi paKristu Mambo, vachiita nomufaro chero zvaanorayira, kuti pasi pose rive paradhiso. (VaHebheru 2:5-9) Vanhu vose vachanakidzwa nebasa remaoko avo ndokubatsirwa zvizere nezvinhu zvakawanda zvinoberekwa nepasi.—Pisarema 72:1, 7, 8, 16-19; Isaya 65:21, 22.
12. Vanhu vachatongwa noUmambo vachaitwa sei kuti vakwane mupfungwa nomumuviri?
12 Pakasikwa Adhamu naEvha, vakanga vakakwana, uye chinangwa chaMwari chaiva chokuti pasi rizare nevana vavo, vose vaine pfungwa nemiviri zvakakwana. Chinangwa ichocho chichava chinhu chaichoicho chakaisvonaka mukutonga kwoUmambo. Izvi zvinoda kuti zvose zvinokonzerwa nechivi zvibviswe, uye Kristu anoshanda kwete chete saMambo asiwo soMupristi Mukuru nokuda kwechinangwa ichocho. Zvishoma nezvishoma, achaita kuti vanhu vanoteerera vaanotonga vabatsirwe noukoshi hunoyananisa chivi hwechibayiro choupenyu hwake pachake ari munhu.
13. Ndezvipi zvinobatsira zvichavapo mukutonga kwoUmambo?
13 Mukutonga kwoUmambo, vagari vepasi vachabatsirwa zvinoshamisa mumuviri. “Ipapo meso amapofu achasvinudzwa, nenzeve dzematsi dzichadziurwa. Ipapo unokamhina uchakwakuka senondo, rurimi rwembeveve ruchaimba.” (Isaya 35:5, 6) Nyama yakakanganiswa nokuchembera kana chirwere ichava itsva kupfuura iya yomwana, uye kugara uchishaya simba kuchatsiviwa noutano hwakasimba. “Nyama yake ichava itsva kupfuura yomwana; uchadzokera kumazuva ouduku hwake.” (Jobho 33:25) Richasvika zuva iro pasina munhu achava nechikonzero chokuti, “ndinorwara.” Nei? Nokuti vanhu vanotya Mwari vachabvisirwa mutoro wechivi nezvinhu zvinorwadza zvachinokonzera. (Isaya 33:24; Ruka 13:11-13) Chokwadi Mwari “achapukuta misodzi yose pamaziso avo, uye rufu haruchazovipo, kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa hazvingazovipo. Zvinhu zvokutanga zvapfuura.”—Zvakazarurwa 21:4.
14. Kukwana kwevanhu kunosanganisirei?
14 Zvisinei, kuva noutano hwakakwana kunosanganisira zvakawanda kupfuura kuva nomuviri wakagwinya uye pfungwa dzakanaka. Kunosanganisira kufungisisa zvakanaka unhu hwaJehovha, sezvo takaitwa ‘mumufananidzo waMwari, takafanana naye.’ (Genesi 1:26) Kuti izvozvo zviitike, pachadiwa dzidzo yakawanda. “Kururama kuchagara” munyika itsva. Saka, sezvakafanotaurwa naIsaya, “vanhu vagere munyika va[cha]dzidza zvakarurama.” (2 Petro 3:13; Isaya 26:9) Izvi zvinotungamirira kurugare—pakati pevanhu vemadzinza ose, pakati peshamwari dzepedyo, mumhuri yomunhu, uye kupfuura zvose, naMwari pachake. (Pisarema 85:10-13; Isaya 32:17) Vaya vanodzidza kururama vachadzidziswa zvishoma nezvishoma zvinodiwa naMwari kwavari. Sezvo kuda Jehovha kunodzika midzi mumwoyo mavo, vachatevera nzira dzake mumararamiro avo ose. Vachakwanisa kutaura sezvakaita Jesu kuti, ‘Ndinogaroita zvinhu zvinofadza Baba.’ (Johani 8:29) Upenyu huchazonakidza chokwadi kana vanhu vose vadaro!
Zvahuri Kuita Zvava Kutooneka
15. Uchishandisa mibvunzo iri mundima ino, taura zvinhu zviri kuitwa noUmambo uye ratidza zvatinofanira kunge tichiita iye zvino.
15 Zvinhu zvinoorora zviri kuitwa noUmambo hwaMwari nevadzorwi vahwo zvava kutooneka. Mibvunzo nemagwaro anotevera zvichakuyeuchidza zvimwe zvezvinhu izvi, pamwe chete nezvinhu zvinogona kuitwa nevadzorwi voUmambo uye zvavanofanira kunge vachiita iye zvino.
Umambo hwakatanga kurwisana naani, uye zvikazoita sei? (Zvakazarurwa 12:7-10, 12)
Kubvira pakagadzwa Kristu pachigaro choUmambo kuunganidzwa kwenhengo dzasara dzeboka ripi kuri kuitwa? (Zvakazarurwa 14:1-3)
Ibasa ripi rakafanotaurwa naJesu kuti aizoita kana kutambudzika kukuru kwaitika, sezvakanyorwa pana Mateu 25:31-33?
Ibasa ripi rokutanga riri kuitwa nhasi? Ndivanaani vari kuriita? (Pisarema 110:3; Mateu 24:14; Zvakazarurwa 14:6, 7)
Nei vashori vezvematongerwe enyika nevechitendero vakatadza kumisa basa rokuparidza? (Zekaria 4:6; Mabasa 5:38, 39)
Vaya vanobvuma kutonga kwoUmambo vakachinja sei muupenyu hwavo? (Isaya 2:4; 1 VaKorinde 6:9-11)
Umambo Hwemakore Ane Chiuru
16. (a) Kristu achatonga kwenguva yakareba sei? (b) Zvii zvinoshamisa zvichaitwa munguva iyoyo uye pashure pacho?
16 Pashure pokuiswa kwaSatani nemadhimoni ake mugomba rakadzika dzika, Jesu Kristu ne144 000 vadyi nhaka pamwe chete naye, vachatonga semadzimambo nevapristi kwemakore ane chiuru. (Zvakazarurwa 20:6) Munguva iyoyo, vanhu vachaitwa kuti vakwane, chivi norufu rwaAdhamu zvabviswa zvachose. Pamugumo woKutonga Kwemakore Ane Chiuru, abudirira kuita basa rake soMupristi, Mambo uye Mesiya, Jesu “anogamuchidza umambo” kuna Baba vake, “kuti Mwari ave zvinhu zvose kumunhu wose.” (1 VaKorinde 15:24-28) Ipapo Satani achambosunungurwa kwekanguva kuti aedze vanhu vakadzikinurwa kuti vanotsigira here uchangamire hwaJehovha pazvinhu zvose. Muedzo wokupedzisira iwoyo wapera, Jehovha achaparadza Satani nevapanduki vaimutsigira. (Zvakazarurwa 20:7-10) Vaya vachatsigira uchangamire hwaJehovha—kodzero yake yokutonga—vachave varatidza zvizere kuvimbika kwavo kusingazununguki. Ipapo vachapinzwa muukama kwahwo naJehovha, vachigamuchirwa naye sevanakomana nevanasikana vake, vaanotendera kuwana upenyu husingaperi.—VaRoma 8:21.
17. (a) Chii chichaitika kuUmambo pamugumo wemakore ane chiuru? (b) Umambo ‘hahuzomboparadzwi’ mupfungwa ipi?
17 Naizvozvo, basa raJesu pachake nerevane 144 000 rine chokuita nepasi richachinja. Basa ravo romunguva yemberi richava rei? Bhaibheri haritauri. Asi kana tikatsigira nokutendeka uchangamire hwaJehovha, tichava tiri vapenyu pamugumo woKutonga Kwemakore Ane Chiuru kuti tizoona chinangwa chaJehovha nokuda kwavo uyewo nokuda kwezvisikwa zvose zvinoshamisa. Zvisinei, kutonga kwaKristu kwemakore ane chiuru kuchava ku“singaperi” uye Umambo hwake “hahungazoparadzwi.” (Dhanieri 7:14) Mupfungwa ipi? Chimwe chinhu ndechokuti, chiremera chokutonga hachizopiwi kune vamwe vane zvinangwa zvakasiyana, sezvo Jehovha achava ariye Mutongi. Uyewo, Umambo hwacho ‘hahuzomboparadzwi’ nokuti zvahuchaita zvichagara nokusingaperi. (Dhanieri 2:44) Uye Mupristi Mambo Mesiya neshamwari dzake vapristi uye madzimambo vachakudzwa nokusingaperi pamusana pokushumira kwavo Jehovha vakatendeka.
Kudzokorora
• Nei Umambo hwaMwari iriyo chete nzira yokugadzirisa nayo zvinetso zvevanhu? Mambo woUmambo hwaMwari akatanga rini kutonga?
• Chii chinonyanya kukufadza nezvoUmambo hwaMwari nezvahuchaita?
• Zvii zvinoitwa noUmambo zvatava kutoona, uye chii chatinoitawo mazviri?
[Mufananidzo uri papeji 92, 93]
MuUmambo hwaMwari, vanhu vose vachadzidza kururama