“Kuti Murege Kupinda Mumuedzo”
“Rambai makarinda murambe muchinyengetera, kuti murege kupinda mumuedzo.”—MATEU 26:41.
ZVINHU zvakanga zvakaoma kwazvo—kupfuura zvose zvaakanga ambosangana nazvo. Jesu Kristu, Mwanakomana waMwari, akanga ava pedyo nomugumo woupenyu hwake hwepasi. Jesu akaziva kuti aizosungwa nokukurumidza, aizotongerwa rufu, uye aizorovererwa padanda rokutambudzikira. Aiziva kuti zvose zvaaizosarudza nezvaaizoita zvaizoita kuti zita raBaba vake rikudzwe kana kuti rizvidzwe. Jesu aizivawo kuti upenyu hwemangwana hwevanhu vose hwaiva mungozi. Atarisana nezvinhu zvose izvi zvakaoma, akaitei?
2 Jesu akaenda kubindu reGetsemani nevadzidzi vake. Yaiva nzvimbo yaifarirwa naJesu. Ari ikoko akafamba chinhambwe kubva pavadzidzi vake. Ava oga, akanyengetera kuna Baba vake vokudenga achidurura zvose zvaiva mumwoyo make kuti vamupe simba—kwete kamwe chete bedzi asi katatu. Kunyange zvazvo akanga akakwana, Jesu haana kufunga kuti aigona kutarisana nenguva yakaoma iyi ari oga.—Mateu 26:36-44.
3 Nhasi, isuwo tiri munguva yakaoma. Kwatangira bhurocha rino, takurukura uchapupu hwokuti tiri kurarama mumazuva okupedzisira enyika ino. Miedzo nematambudziko zvenyika yaSatani zviri kuwedzera. Zvatinosarudza uye zvatinoita isu tinoti tinoshumira Mwari zvinokudza kana kuzvidzisa zita rake uye zvinosarudza kana mumwe nomumwe wedu achizowana upenyu husingaperi munyika yake itsva. Tinoda Jehovha. Tinoda ‘kutsungirira kusvika pamugumo’—mugumo woupenyu hwedu kana kuti wenyika ino, chero chinenge chatanga. (Mateu 24:13) Asi tingaramba tiine pfungwa yokukurumidzira toramba takarinda sei?
4 Achiziva kuti vadzidzi vake—vekare ikoko nevanhasi—vaizoomerwawo nezvinhu, Jesu akavakurudzira kuti: “Rambai makarinda murambe muchinyengetera, kuti murege kupinda mumuedzo.” (Mateu 26:41) Mashoko iwayo anorevei kwatiri nhasi? Muedzo upi waunosangana nawo? Uye ‘ungaramba sei wakarinda’?
Muedzo Wokuitei?
5 Tose zvedu zuva nezuva tinosangana nomuedzo wokubvuma kupinda “mumusungo waDhiyabhorosi.” (2 Timoti 2:26) Bhaibheri rinotinyevera kuti Satani akanyatsonangana nevanamati vaJehovha. (1 Petro 5:8; Zvakazarurwa 12:12, 17) Nokuda kwechinangwa chei? Haangovi nechinangwa chokutiuraya bedzi. Satani anenge asina kukunda kana tikafa takatendeka kuna Mwari. Satani anoziva kuti Jehovha, panguva Yake yakafanira, achabvisa rufu kuburikidza norumuko.—Ruka 20:37, 38.
6 Satani anoda kuparadza chimwe chinhu chinotokosha kudarika upenyu hwedu hwazvino—kutendeka kwedu kuna Mwari. Satani ari kuita zvose zvaanogona kuti atibvise pana Jehovha. Saka, kana tikanyengerwa kuti tisave vakatendeka—kuti tirege kuparidza mashoko akanaka kana kusiya zvinofanira kuitwa nevaKristu—Satani anenge akunda! (VaEfeso 6:11-13) Saka “Muedzi” anotiisira miedzo mberi kwedu.—Mateu 4:3.
7 “Manomano ounyengeri” aSatani akasiyana-siyana. (VaEfeso 6:11, Jewish New Testament) Angatiedza nezvinhu zvenyama, kutya, kusava nechokwadi, kana kuti kutsvaka mafaro. Asi imwe nzira yake inonyatsoshanda inosanganisira kuodza mwoyo. Somunyengeri, iye anoziva kuti kuora mwoyo kunogona kutinetesa, kuchiita kuti zvive nyore kuti tikurirwe nemiedzo. (Zvirevo 24:10) Naizvozvo kunyanya patino“netseka kwazvo,” anotiedza achida kuti tikande mapfumo pasi.—Pisarema 38:8, NW.
8 Sezvatinonyura mumazuva okupedzisira, zvinoita sokuti zvinoodza mwoyo zviri kuwedzera, uye isu zvinotibatawo. (Ona bhokisi rinoti “Zvimwe Zvinhu Zvinokonzera Kuora Mwoyo.”) Chero chingava chikonzero chacho, kuora mwoyo kunogona kutipedza simba. Ku“zvitengera nguva yakafanira” yokuita zvinhu zvokunamata—kusanganisira kudzidza Bhaibheri, kupinda misangano yechiKristu, uye kuitawo ushumiri—kunogona kuva basa rakaoma kana wakaneta uye uchinzwa pfungwa dzakaneta. (VaEfeso 5:15, 16) Yeuka kuti Muedzi anoda kuti ukande mapfumo pasi. Asi ino haisi nguva yokuti utange kuneta kana kuti yokurasikirwa nepfungwa yako yokukurumidzira pamusoro penguva yatiri kurarama! (Ruka 21:34-36) Ungakurira sei muedzo woramba wakarinda? Funga nezvemazano mana anogona kubatsira.
‘Ramba Uchinyengetera’
9 Vimba naJehovha nokunyengetera. Yeuka muenzaniso waJesu mubindu reGetsemani. Paakanga achishushikana zvikuru, akaitei? Akakumbira rubatsiro kuna Jehovha, achinyengetera nomwoyo wose zvokuti “ziya rake rakava semadonhwe eropa richidonhera pasi.” (Ruka 22:44) Pafunge. Jesu ainyatsoziva Satani. Jesu akanga aona ari kudenga miedzo yose iyo Satani anoshandisa achiedza kunyengera vashumiri vaMwari. Asi, Jesu haana kufunga kuti aigona kukurira nyore nyore kuedzwa kwose kwaaigona kuitwa noMuedzi. Kana Mwanakomana waMwari akakwana akanzwa zvichida kuti anyengetere kuna Mwari kuti amubatsire uye amupe simba, ndoda isu!—1 Petro 2:21.
10 Yeukawo kuti pashure pokukurudzira vadzidzi vake kuti ‘varambe vachinyengetera,’ Jesu akati: “Zvechokwadi, mudzimu unoda, asi nyama haina simba.” (Mateu 26:41) Jesu akanga achitaura nezvenyama yaani? Zvechokwadi akanga asingatauri nezvenyama yake; hapana paainzwa pasina simba munyama yake somunhu akakwana. (1 Petro 2:22) Asi vadzidzi vake vakanga vasina kudaro. Nokuti vakanga vaine kusakwana kwavakawana kuvabereki vavo uye kunzwa vachida kutadza, vaizotonyanya kuda kubatsirwa kuti vakunde muedzo. (VaRoma 7:21-24) Ndosaka akavakurudzira—pamwe chete nevaKristu vose vechokwadi vaizovatevera—kuti vanyengeterere kubatsirwa pavanotarisana nomuedzo. (Mateu 6:13) Jehovha anopindura minyengetero yakadaro. (Pisarema 65:2) Sei? Munzira dzinenge mbiri.
11 Yokutanga, Mwari anotibatsira kuziva miedzo. Miedzo yaSatani yakaita semisungo yakateyiwa pose pose munzira ine rima. Kana ukasaiona, unogona kubatwa. Achishandisa Bhaibheri nemabhuku eBhaibheri, Jehovha anovheneka pane misungo yaSatani, zvichiita kuti tisakurirwa nomuedzo. Kwemakore, mabhuku akadhindwa, nepurogiramu dzekokorodzano nedzemagungano zvakatinyevera zvatinyeverazve nezvengozi dzakadai sokutya munhu, unzenza, kunyanyoda zvinhu zvenyika, nemimwe miedzo yaSatani. (Zvirevo 29:25; 1 VaKorinde 10:8-11; 1 Timoti 6:9, 10) Hauongi Jehovha here nokuti anotinyevera nezvemazano aSatani? (2 VaKorinde 2:11) Nyevero dzose idzodzo imhinduro yeminyengetero yako yokukumbira kubatsirwa kukunda miedzo.
12 Yechipiri, Jehovha anopindura minyengetero yedu nokutipa simba rokutsungirira muedzo. Shoko rake rinoti: “Mwari . . . haangakuregei muchiedzwa kupfuura zvamunogona kutsungirira, asi pamwe chete nomuedzo achaitawo nzira yokubuda nayo.” (1 VaKorinde 10:13) Mwari haazombobvumiri muedzo kuti utikurire zvokuti tinoshaya simba romudzimu rokuti tikunde—kana tikaramba tichivimba naye. Anotipa sei “nzira yokubuda nayo”? ‘Anopa mudzimu mutsvene kune vanomukumbira.’ (Ruka 11:13) Mudzimu iwoyo ungatibatsira kuyeuka nhungamiro dzeBhaibheri dzinogona kusimbisa kutsunga kwedu kuita zvakarurama nokutibatsira kuita zvisarudzo zvokuchenjera. (Johani 14:26; Jakobho 1:5, 6) Unogona kutibatsira kuratidza unhu hwatinoda chaihwo kuti tikurire manzwiro asina kururama. (VaGaratiya 5:22, 23) Mudzimu waMwari ungatoita kuti hama dzedu dzive “yamuro inosimbisa” kwatiri. (VaKorose 4:11) Hauongi here kuti Jehovha anopindura minyengetero yako yokukumbira rubatsiro nenzira yorudo zvakadaro?
Iva Anonzwisisa Pane Zvaunotarisira
13 Kuti tirambe takarinda, tinofanira kuva vanonzwisisa pane zvatinotarisira. Nemhaka yezvinetso zvoupenyu, tose tinombonzwa tapera simba. Asi tinofanira kuyeuka kuti Mwari haana kumbotivimbisa kuti taizova noupenyu husina zvinetso munyika ino yekare. Kunyange munguva inotaurwa muBhaibheri, vashumiri vaMwari vaitarisana nenhamo, kusanganisira kutambudzwa, urombo, kuora mwoyo, uye kurwara.—Mabasa 8:1; 2 VaKorinde 8:1, 2; 1 VaTesaronika 5:14; 1 Timoti 5:23.
14 Nhasi, tinosanganawo nezvinetso. Tingatambudzwa, tingava nezvinetso zvemari, tingatambura nokuora mwoyo, tingarwara, uye tingatambura nedzimwe nzira. Kudai Jehovha aizotidzivirira pazvinhu zvose zvinokuvadza nokuita zvishamiso, izvozvo zvaisazopa Satani chikonzero chokushora Jehovha here? (Zvirevo 27:11) Jehovha anobvumira vashumiri vake kuti vaedzwe, pane dzimwe nguva zvichitoita kuti upenyu hwavo hudimburirwe panzira nevashori.—Johani 16:2.
15 Saka Jehovha akavimbisei? Sezvatambotaura, akavimbisa kuti achaita kuti tikunde miedzo yose yatingasangana nayo, chero bedzi tichivimba naye zvakakwana. (Zvirevo 3:5, 6) Anotidzivirira mumudzimu, achitibatsira kuchengetedza ukama hwedu naye achishandisa Shoko rake, mudzimu wake, uye sangano rake. Kana ukama ihwohwo hwakasimba, kunyange tikafa, tinenge takunda. Hapana chinhu—kunyange rufu—chinogona kutadzisa Mwari kupa mubayiro kuvashumiri vake vakatendeka. (VaHebheru 11:6) Uye munyika itsva iyo yava pedyo zvikuru, Jehovha haazokundikani kuzadzisa zvimwe zvipikirwa zvake zvose zvinoshamisa zvezvikomborero zvaachapa vaya vanomuda.—Pisarema 145:16.
Yeuka Nyaya Dziripo
16 Kuti titsungirire kusvika kumugumo, tinofanira kuyeuka nyaya dzinokosha dzakaita kuti Mwari abvumire uipi. Kana pane dzimwe nguva zvinetso zvedu zvichiita sezvava kutikurira uye tave kuda kukanda mapfumo pasi, tinofanira kuzviyeuchidza kuti Satani akati Jehovha haana kukodzera kuva changamire. Munyengeri akaratidzawo kusava nechokwadi nokuzvipira uye kuvimbika kwevanamati vaMwari. (Jobho 1:8-11; 2:3, 4) Nyaya idzodzo uye nzira iyo Jehovha akasarudza kudzigadzirisa nayo dzinokosha kupfuura upenyu hwedu tose. Zvinodaro sei?
17 Kumbobvumira kwaMwari zvinhu zvakaoma kwakabvumira nguva yokuti vamwe vadzidze chokwadi. Imbofunga pamusoro peizvi: Jesu akatamburira kuti tiwane upenyu. (Johani 3:16) Hationgi izvozvo here? Asi tinoda here kutsungirira zvinhu zvakaoma kwechinguva chiduku kuitira kuti vamwe vakwanise kuwana upenyu? Kuti titsungirire kusvika kumugumo, tinofanira kuziva kuti uchenjeri hwaJehovha hwakakura kupfuura hwedu nokure. (Isaya 55:9) Achagumisa uipi panguva yakanyatsonakira kugadzirisa nyaya dzacho nokusingaperi uye kuti zvitinakire nokusingaperi. Kuti pangava nenzira inopfuura iyoyi here? Mwari haana kusaruramisira!—VaRoma 9:14-24.
“Swederai Pedyo naMwari”
18 Kuti tirambe tiine pfungwa yedu yokukurumidzira, tinofanira kuramba tiri pedyo naJehovha. Usambokanganwa kuti Satani ari kuita zvose zvaanogona kuti aparadze ukama hwedu hwakanaka naJehovha. Satani anoda kuti tifunge kuti mugumo hausi kuzombouya, uye kuti hapana chikonzero chokuparidza mashoko akanaka kana kuti kurarama maererano nezvinotaura Bhaibheri. Asi iye “murevi wenhema nababa venhema.” (Johani 8:44) Tinofanira kutsunga ‘kudzivisa Dhiyabhorosi.’ Ukama hwedu naJehovha hahusi chinhu chatinofanira kumborerutsa. Bhaibheri rinotikurudzira norudo kuti: “Swederai pedyo naMwari, uye achaswedera pedyo nemi.” (Jakobho 4:7, 8) Ungaswedera sei pedyo naJehovha?
19 Kufungisisa uchinyengetera kunokosha. Zvinetso zvoupenyu pazvinoita sezvava kukukunda, durura zviri mumwoyo mako kuna Jehovha. Kana ukava akananga zvichava nyore kuona mhinduro yake pane zvaunenge wakumbira. Mhinduro yacho ingasava yawaifunga chaiyo nguva dzose, asi kana uchida kumukudza uye kuramba wakavimbika, iye achakupa rubatsiro rwaunoda kuti ugone kutsungirira zvinobudirira. (1 Johani 5:14) Sezvaunoona nhungamiro yake muupenyu hwako, uchaswedera pedyo naye. Kuverenga uye kufungisisa nezvounhu hwaJehovha nenzira dzake, sezvinoratidzwa muBhaibheri kunokoshawo. Kufungisisa kwakadaro kunokubatsira kumuziva zviri nani; kunokurudzira mwoyo wako uye kunowedzera kumuda kwaunoita. (Pisarema 19:14) Uye kupfuura zvimwe zvinhu zvose, rudo irworwo ruchakubatsira kukunda muedzo uye kuramba wakarinda.—1 Johani 5:3.
20 Kuti tirambe tiri pedyo naJehovha, zvinokoshawo kuti tive pedyo nehama dzechiKristu. Izvi zvichakurukurwa muchikamu chokupedzisira chebhurocha rino.
MIBVUNZO YECHIDZIDZO
• Jesu akaitei zvinhu pazvakanga zvamuomera zvikuru pedyo nomugumo woupenyu hwake, uye akakurudzira vadzidzi vake kuitei? (Ndima 1-4)
• Nei Satani achinanga vanamati vaJehovha, uye anotiedza nenzira dzipi? (Ndima 5-8)
• Kuti tinzvenge muedzo, nei tichifanira kuramba tichinyengetera (Ndima 9-12), kuratidza kunzwisisa pane zvatinotarisira (Ndima 13-15), kuyeuka nyaya dzinobatanidzwa (Ndima 16-17), uye ‘kuswedera pedyo naMwari’ (Ndima 18-20)?
[Bhokisi riri papeji 25]
Zvimwe Zvinhu Zvinokonzera Kuora Mwoyo
Utano/zera. Kana tichirwara nechirwere chagara kwenguva refu kana kuti ukweguru huchititadzisa kuita zvimwe zvinhu, tingaora mwoyo nokuti tinenge tisingagoni kuita zvakawanda mukushumira Mwari.—VaHebheru 6:10.
Kuora mwoyo. Tingaora mwoyo kana tikaona kuedza kwatinoita kuparidza Shoko raMwari kuchiteererwa nevashoma.—Zvirevo 13:12.
Kunzwa sousingakoshi. Nemhaka yemakore akawanda okubatwa zvisina kufanira, munhu angafunga kuti haadiwi, kunyange naJehovha.—1 Johani 3:19, 20.
Kugumburwa. Kana mumwe munhu akagumburwa kwazvo nomumwe muKristu, angavhiringidzika pfungwa zvokuti angaedza kurega kupinda misangano yechiKristu kana kubuda muushumiri hwomumunda.—Ruka 17:1.
Kutambudzwa. Vamwe vasingatendi zvaunotenda vangakushora, vangakutambudza, kana kukuseka.—2 Timoti 3:12; 2 Petro 3:3, 4.
[Mufananidzo uri papeji 26]
Jesu akatikurudzira ‘kuramba tichinyengetera’ kuti zvitibatsire kurwisa muedzo