CHITSAUKO 4
Ndepapi Pazvinonzi Zvapfurikidza?
Chokwadi kana kuti nhema . . .
Nguva dzose zvakaipa kuti vaviri vari kufambidzana vabatane chero zvaita sei.
□ Chokwadi
□ Nhema
Vaviri vasingaiti zvepabonde vanogona kungova nemhosva youfeve.
□ Chokwadi
□ Nhema
Kana vaviri vari kufambidzana vasingaratidzani rudo zvisina muganhu, vanenge vasinganyatsodanani.
□ Chokwadi
□ Nhema
HAPANA mubvunzo kuti wakambofunga nezvenyaya iyi kakawanda. Chokwadi, kana uri kufambidzana nomumwe munhu, zvingava zvakaoma kuziva pokugumira pakuratidzana rudo. Ngatikurukurei zvirevo zvitatu zvinoda kupindurwa kuti chokwadi kana kuti nhema zviri pamusoro apa toona kuti Shoko raMwari ringatibatsira sei kupindura mubvunzo wokuti, “Ndepapi pazvinonzi zvapfurikidza?”
● Nguva dzose zvakaipa kuti vaviri vari kufambidzana vabatane chero zvaita sei.
Nhema. Bhaibheri harirambidzi kuratidzana rudo kunogamuchirika uye kwakachena. Somuenzaniso, Bhaibheri rinotaura nezvenyaya yomusikana Mushuramiti nomukomana mufudzi vakanga vachidanana. Kufambidzana kwavo kwakanga kwakachena. Asi zviri pachena kuti vaiva nedzimwe nzira dzavairatidzana nadzo rudo vasati varoorana. (Rwiyo rwaSoromoni 1:2; 2:6; 8:5) Mazuva ano vamwe vakomana nevasikana vanenge vachifungisisa zvokuroorana vangafungawo kuti kumwe kuratidzana rudo kwakachena kwakakodzera.a
Zvisinei, vaviri vanenge vachifambidzana vanofanira kungwarira zvikuru. Kutsvodana, kumbundirana, kana kuti kuita chero chinhu chipi chinomutsa chishuwo chokuita zvepabonde kungaguma nokuita unzenza. Zviri nyore zvikuru kuti kunyange vaviri vari kuvavarira kuita zvinokudzwa vatadze kuzvidzora voita unzenza.—VaKorose 3:5.
● Vaviri vasingaiti zvepabonde vanogona kungova nemhosva youfeve.
Chokwadi. Shoko repakuvamba rechiGiriki rakashandurwa kuti “ufeve” (por·neiʹa) rinoreva zvakawanda. Rinotsanangura marudzi ose okuita zvepabonde kwevanhu vasina kuroorana uye rinonyanya kureva kushandiswa zvisina kunaka kwenhengo dzokubereka nadzo. Saka ufeve hahungorevi kuita zvepabonde chete asiwo zvinhu zvakadai sokuitisa bonhora mumwe munhu, uyewo kuita zvepabonde nomumuromo kana kuti nokunobuda netsvina.
Uyezve, Bhaibheri haringorambidzi ufeve chete. Muapostora Pauro akanyora kuti: “Mabasa enyama anooneka, uye ndeaya, ufeve, kusachena, kusazvibata.” Akawedzera kuti: “Vane tsika yokuita zvinhu zvakadai havazogari nhaka youmambo hwaMwari.”—VaGaratiya 5:19-21.
“Kusachena” kunorevei? Shoko rechiGiriki rinosanganisira kusachena kwemarudzi ose, mukutaura kana kuti muzviito. Zvechokwadi kungava kusachena kubvumira kuti mumwe munhu apinze ruoko rwake muhembe dzomumwe munhu, akurure hembe dzomumwe, kana kuti apuruzire nzvimbo dzakavandika dzomumwe, dzakadai semazamu. Bhabheri rinoratidza kuti kubata mazamu kunofanira kungoitwa nevaviri vakaroorana chete kuti vafadzane.—Zvirevo 5:18, 19.
Vasina matyira, vamwe vechiduku vanorega kuteerera mitemo yaMwari. Vanoita zvakapfurikidza vachiziva zvavo, kana kuti vanotsvaka vanhu vakawanda vavangaita navo zvepabonde. Vakadaro vangava nemhosva yekwakanzi nomuapostora Pauro “kusazvibata.” Shoko rechiGiriki rakashandurwa kuti “kusazvibata” rinoreva ‘zviito zvinonyadzisa, kupfuuridza mwero, kusaremekedza, zvishuwo zvisingadzorwi.’ Zvechokwadi haungadi kusvika pakuva munhu asina “pfungwa yose zvayo yetsika” nokuzviregerera ‘usingazvibati uchiita zvinhu zvisina kuchena zvemarudzi ose nokukara.’—VaEfeso 4:17-19.
● Kana vaviri vari kufambidzana vasingaratidzani rudo zvisina muganhu, vanenge vasinganyatsodanani.
Nhema. Kusiyana nezvingafungwa nevamwe, kuratidzana rudo zvisina muganhu hakusimbisi rudo. Asi kunoita kuti vaviri vacho vasaremekedzane uye vasavimbane. Chimbofunga zvakaitika kuna Laura. Anoti, “Rimwe zuva mukomana wangu akauya kumba amai vangu vasipo, ndichifunga kuti ari kungouya kuzoona TV. Pakutanga akangobata ruoko rwangu. Zvadaro akangoerekana ava kundibata-bata. Ndakatya kumuudza kuti asaita izvozvo; ndaifunga kuti aizogumbuka obva aenda.”
Unofungei? Mukomana waLaura ainyatsomuda here kana kuti aingotsvaka kuzvifadza? Munhu anoedza kukupinza mumuitiro usina kuchena anenge achiratidza kuti anokuda zvechokwadi here?
Mukomana paanomanikidza musikana kuti akanganise hana yake uye aite zvinopesana nemirayiridzo yechiKristu, anenge achityora mutemo waMwari uye zvose zvaanotaura kuti anomuda zvechokwadi zvinoshaya basa. Uyezve, musikana anenge ada izvozvo anenge abvuma kushandiswa. Zvakatonyanya kuipa ndezvokuti anenge aita zvisina kuchena, zvichida atoita ufeve.b—1 VaKorinde 6:9, 10.
Jekeseranai Pokugumira
Kana muri kufambidzana, mungaita sei kuti murege kuratidzirana rudo zvisina kukodzera? Kufanojekeserana pokugumira ndiyo nzira yokuchenjera. Zvirevo 13:10 inoti: “Vaya vanorangana vane uchenjeri.” Saka kurukura nomumwe wako kuti munoda kuratidzirana rudo munzira dzipi dzakakodzera. Kumirira kusvikira mava kunzwa muchida kuratidzana rudo musati maronga pokugumira kwakafanana nokuzoisa aramu imba yava kutotsva.
Chokwadi, kukurukurirana nyaya yakadaro kungava kwakaoma, kuchitonyadzisa, zvikurukuru pamunenge muchangotanga kufambidzana. Asi kutaurirana pokugumira kungabatsira zvikuru kuti musazopinda mumatambudziko akakura. Miganhu inoitwa nokuchenjera ingafananidzwa nearamu inorira kana paita utsi moto paunotanga kubvira. Uyezve, kana muchikwanisa kukurukurirana nyaya idzi zvingaratidzawo kuti kufambidzana kwenyu kuchabudirira zvakadini. Kutaura zvazviri, kuzvidzora, kushivirira, uye kusava noudyire ndizvo zvinoita kuti vakaroorana vagutsikane mune zvepabonde.—1 VaKorinde 7:3, 4.
Chokwadi, kuomerera pamitemo yaMwari hakusi nyore. Asi unogona kuvimba nezano raJehovha. Uyezve, pana Isaya 48:17, anozviti ndini “Iye anokudzidzisa kuti ubatsirwe, Iye anokufambisa panzira yaunofanira kufamba nayo.” Jehovha anoda kuti zvikufambire zvakanaka!
VERENGA ZVAKAWANDA NEZVENYAYA IYI MUBHUKU 1, CHITSAUKO 24
Umhandara hahukuiti kuti uve akasiyana nevamwe. Asi hunoratidza kuti wakachenjera. Ona kuti nei.
[Mashoko Omuzasi]
a Kune dzimwe nyika, kumwe kuratidzana rudo pane vanhu kunoitwa nevanhu vasina kuroorana kunonzi kushayiwa tsika uye hakuna kunaka. VaKristu vanofanira kungwarira kuti vasaita zvinhu nenzira inogumbura vamwe.—2 VaKorinde 6:3.
b Chokwadi, zvataurwa mundima ino zvinoshanda kuvanhurume nevanhukadzi.
RUGWARO RUNOBUDISA PFUNGWA HURU
“Rudo . . . haruzvibati zvisina kufanira.”—1 VaKorinde 13:4, 5.
ZANO
Fambidzanai mumapoka, kana kuti omererai pakuva nomuperekedzi. Musava mumamiriro ezvinhu ane ngozi, zvakadai sokuva moga mumotokari yakapakwa, mumba kana kuti mufurati.
WAIZVIZIVA HERE KUTI . . . ?
Kana makavimbisana kuroorana, munofanira kukurukura dzimwe nyaya dzakavanzika. Asi kukurukura muchinyatsojekesa nevavariro yokumutsa chishuwo chokuita zvepabonde inzira yokusachena—kunyange kana muchiita zvokutaurirana pafoni kana kuti kunyorerana tsamba paserura.
ZVANDINORONGA KUITA!
Ndinogona kunzvenga muedzo wokutamba nounzenza noku- ․․․․․
Kana munhu wandiri kufambidzana naye akaedza kundimanikidza kuti ndiite zvisina kururama, ndicha- ․․․․․
Izvi ndizvo zvandingada kubvunza vabereki vangu nezvenyaya iyi ․․․․․
UNOFUNGEI?
● Unofanira kugumira papi panyaya dzokubatana nomukomana kana kuti nomusikana?
● Tsanangura kusiyana kwakaita ufeve, kusachena, uye kusazvibata.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 46]
“Ini nomukomana wangu takaverenga pamwe chete nyaya dzomumabhuku anotsanangura Bhaibheri dzinotaura nezvokuramba takachena. Tinoonga kutibatsira kwadzakaita kuti tirambe tiine hana yakachena.’’—Leticia
[Bhokisi riri papeji 44]
Ko Kana Takatopfuura Muganhu?
Zvakadini kana wakaita zvinhu zvisina kururama? Usazvinyengera uchifunga kuti unogona kugadzirisa dambudziko racho woga. Mumwe wechiduku akati, “Ndainyengetera kuti, ‘Tibatsirei kuti tisazvipamha.’” “Dzimwe nguva zvaishanda asi pamwe pacho zvairamba.” Saka taura nevabereki vako. Bhaibheri rinopawo zano iri rakanaka: ‘Shevedza varume vakuru veungano.’ (Jakobho 5:14) Vafudzi vechiKristu ava vanogona kukupa mazano, mirayiridzo, uye kukutsiura kuitira kuti ugadzirise ukama hwako naMwari.
[Mifananidzo iri papeji 47]
Waizomirira kuti imba yako itange yabata moto usati waisa aramu here? Kana zvakadaro usamirira kusvikira wava nechishuwo chokuita zvepabonde musati makurukura pokugumira