Muenzaniso Wokutevedzera—Chirikadzi Murombo
Jesu ari kutarira vapfumi vachidonhedzera zvipo mumudziyo wokuisa mari. Muboka revanhu anoona imwe chirikadzi inoshayiwa inopa ‘tumari tuviri tusingambokoshi.’ (Ruka 21:2) Jesu anorumbidza rupo rwayaratidza. Nei? Nokuti vamwe vapa “vachibvisa pamari yavo yakasara, asi iye, pakushayiwa kwake adonhedzera yose yaanga ainayo, inomuraramisa.”—Mako 12:44.
Zvinhu zvaikosheswa nomukadzi uyu ndizvo zvaunokoshesawo here? Unoda kushandisa nguva yako nemari pakushumira Mwari here? Kufanana nechirikadzi yaishayiwa, unogona kupa zvipo zvokugadzirisa nzvimbo dzokunamatira. Unogonawo kushandisa nguva yako nemari kubatsira vamwe kudzidza nezvaJehovha Mwari. Jehovha akaona mari shoma yakapiwa nechirikadzi yacho kutsigira basa rake uye zvakamufadza. Mwari achafarawo uye achakubatsira kana uchitanga kuita kuda kwake.—Mateu 6:33.