CHITSAUKO 5
Uchasarudza Shamwari Dzakaita Sei?
1, 2. (a) VaKristu vanosangana nematambudziko api panyaya yeshamwari? (b) Nei tichifanira kufarira kusarudza kwaiita Jeremiya shamwari?
UNGAITEI kana vaunoshanda navo, vavakidzani kana vaunodzidza navo vakakukoka kupati yeKrisimasi? Ko waunoshandira akakukumbira kuti ureve nhema kana kuita chimwe chinhu chinopesana nemutemo? Ko zvakadini kana vane masimba vehurumende vakakuudza kuti uite zvinhu zvinoita kuti uve nedivi raunotsigira? Hana yako ingangokuudza kuti usaita chimwe chezvinhu izvi, kunyange ungasekwa kana kuitirwa zvakaipa pamusana pokuramba kwaunoita.
2 Sezvatichaona, Jeremiya aiwanzosangana nematambudziko akadaro. Chokwadi unogona kubatsirwa nokufunga nezvevamwe vanhu uye mapoka evanhu vakasangana naJeremiya mumakore aaiita basa rake. Vamwe vavo vakaedza kumuodza mwoyo pakuita basa rake. Jeremiya aitofanira kutaudzana navo, asi hapana mubvunzo kuti vakanga vasiri shamwari dzake dzaakanga asarudza. Zvisinei, unogona kubatsirwa nokufunga shamwari dzakasarudzwa naJeremiya, dziya dzaimutsigira uye dzaimukurudzira kuti arambe akatendeka. Chokwadi, tinogona kudzidza pane zvakasarudzwa naJeremiya panyaya yeshamwari.
UNOKUDZIRIDZA USHAMWARI HWAKADINI?
3. Zedhekiya aidei kuna Jeremiya, uye Jeremiya akaitei?
3 Mambo Zedhekiya akatsvaka mashoko kakawanda kuna Jeremiya Jerusarema risati raparadzwa. Nei? Mambo aitarisira kuwana mhinduro dzinopa tariro nezveramangwana roumambo hwake. Aida kuti Jeremiya azivise kuti Mwari aizopindira kuti aponese Judha pavavengi vayo. Achishandisa vamiririri vake, Zedhekiya akateterera Jeremiya achiti: “Tapota tibvunzire kuna Jehovha, nokuti Nebhukadrezari mambo weBhabhironi ari kurwa nesu. Zvichida Jehovha achatiitira maererano nemabasa ake ose anoshamisa, zvokuti [Nebhukadrezari] achabva kwatiri.” (Jer. 21:2) Mambo akanga asingadi kuteerera zvakarayirwa naMwari zvokuti vazviise mumaoko evaBhabhironi. Imwe nyanzvi yakafananidza Zedhekiya ne“murwere anodzoka adzokazve kuna chiremba achitsvaka kuudzwa mashoko anopa tariro, asi asingadi kunwa mushonga waakaudzwa.” Zvakadini naJeremiya? Angadai akafarirwa naZedhekiya nokumuudza zvaaida kunzwa. Saka nei Jeremiya asina kungochinja mashoko ake oita kuti zvinhu zvimuitire nyore? Akaramba kuita izvozvo nokuti Jehovha akanga amuudza kuti Jerusarema raizoparadzwa.—Verenga Jeremiya 32:1-5.
4. Zvisarudzo zvipi zvatinofanira kuita zvine chokuita nokukudziridza ushamwari, zvakadai sokumabasa kwedu?
4 Mamiriro ako ezvinhu akati fananei neaJeremiya. Hapana mubvunzo kuti unotaura nevavakidzani, vaunoshanda navo, vekuchikoro avo vanganzi vanhu vaunowadzana navo. Asi uchatora mamwe matanho here, uchikudziridza ushamwari navo kunyange zvazvo vakaratidza kuti havafariri kunzwa kana kuteerera zvinorayirwa naMwari? Jeremiya aisagona kutambira kure zvachose naZedhekiya; akanga achiri mambo, kunyange paairamba kutevera zano raMwari. Zvisinei, Jeremiya akanga asingasungirwi hake kuita maererano nemafungiro amambo ainge asina kururama kana kutsvaka dzvene kwaari. Ichokwadi kuti dai Jeremiya akaita zvaidiwa namambo, Zedhekiya angadai akamupa zvipo zvakawanda nezvimwe zvaizomubatsira. Kunyange zvakadaro, Jeremiya akaramba muedzo chero upi wokuva pedyo naZedhekiya. Nei? Nokuti Jeremiya akanga asiri kuzochinja zvaakanga anzi naMwari aite. Zvakaitwa naJeremiya zvinofanira kuita kuti tiongorore kana vaya vatinosarudza seshamwari vachitikurudzira kuti tive vakatendeka kuna Mwari. Haugoni kutambira kure zvachose nevanhu vasiri kushumira Mwari—vaya vekubasa, kuchikoro, kana vavakidzani vako. (1 VaK. 5:9, 10) Zvisinei, unoona kuti kana ukasarudza vanhu vakadaro kuti vave shamwari, ungakanganisa ushamwari hwako naMwari.
UNOFANIRA KUSHAMWARIDZANA NEVANHU VASINGATENDI UYE VASINGAREMEKEDZI SHOKO RAMWARI HERE?
5, 6. Vamwe vakaitei vachiedza kuti Jeremiya asataure mashoko ake?
5 Zedhekiya haasi iye oga akaedza kuita kuti Jeremiya aore mwoyo. Mumwe wemachinda aZedhekiya ‘akarova’ Jeremiya, zvimwe achiita kuti arohwe shamhu 39. (Jer. 20:2; Dheut. 25:3) Mamwe machinda eJudha akaita zvakafanana uye akabva aisa Jeremiya “muimba yezvisungo zvomumakumbo.” Muprofita wacho akaiswa mugomba rine rima makanga makashata zvokuti pashure pemazuva akawanda akatyira kuti aizofiramo. (Verenga Jeremiya 37:3, 15, 16.) Zvadaro, pashure pokunge Jeremiya asunungurwa kwekanguva, mamwe machinda akakurudzira Zedhekiya kuti amuuraye. Vaiona sokuti aiodza mwoyo mauto eJudha. Izvi zvakaita kuti muprofita wacho akandwe mumugodhi waiva nematope kuti afe. (Jer. 38:1-4) Wakaverenga kuti Jeremiya akanunurwa kuti asafa zvakaipa kudaro. Zvisinei, zviitiko izvi zvinoratidza kuti vaya vaifanira kuziva zviri nani vakasvika sei pakusava nechokwadi nezvaitaurwa nomuprofita waMwari; vakamupandukira.
6 Vavengi vaJeremiya vaisava vakuru vakuru vehurumende chete. Pane imwe nguva, vamwe varume vekuAnatoti, guta rokumusha kwaJeremiya, vaiva vavakidzani vake, vakati vaizomuuraya kana akasarega kuprofita. (Jer. 11:21) Havana kufarira zvavakanzwa kwaari uye vakamutyisidzira. Zvisinei, Jeremiya akasarudza Jehovha seshamwari yake panzvimbo pevavakidzani. Vamwe vakatoedza kumukuvadza. Jeremiya paakashandisa joko somuenzaniso wakajeka kuti akurudzire vaJudha kuti vaise mitsipa yavo pasi pejoko ramambo weBhabhironi kuti varambe vachirarama, Hananiya akabvisa joko racho remuti pamutsipa waJeremiya ndokurityora. Maererano nomuprofita wenhema iyeye, Jehovha akanga ati: “Ndichatyora joko ramambo weBhabhironi.” Hananiya akafa gore iroro chairo uye unoziva kuti muprofita upi akanga aratidza kuti angavimbwa naye. (Jer. 28:1-11, 17) Pashure pokunge Jerusarema raparadzwa sokunyevera kwakanga kwafanoitwa naJeremiya, Johanani nevamwe vakuru veuto vakaramba kuteerera murayiro waMwari wokuti varambe vari munyika yeJudha. Vakaudza Jeremiya kuti, “Uri kureva nhema. . . . Mwari wedu haana kukutuma, achiti, ‘Musapinda muIjipiti kuti mugare imomo.’” Vakawedzera kuzvidza Jehovha nokutora Jeremiya naBharuki vakaenda navo kuIjipiti.—Jeremiya 42:1–43:7.
Jeremiya aisangana nevanhu vakaita sei? Unodzidzei pane zvakaitika kuna Jeremiya?
7. Unotarisana nedambudziko ripi panyaya yokutendeseka kuna Jehovha?
7 Kwemakore, Jeremiya airarama nevanhu vaiva vasina chokwadi uye vaimupikisa. Funga zvaakaita. Zvaiva nyore kuti akande mapfumo pasi obvuma kushamwaridzana nevanhu vakanga vasingaremekedzi Mwari uye Shoko rake. Aisangana navo kwose kwose. Zvakadini newe? Zvichida unorarama nevanhu vakafanana nevaya vairarama naJeremiya. Vangave vachikupikisa nehasha iwe naMwari wako kana kuti vachiita sevanhu vanonakidza kuva navo, uchavasarudza seshamwari dzako here? Kwaizova kuchenjera here kushamwaridzana nevanhu vasingakoshesi uprofita hwaMwari? Kudai Jeremiya aiva panzvimbo yako, aizosarudza shamwari dzinoramba chokwadi cheShoko raMwari kana dzinovimba nevanhu here? (2 Mak. 19:2) Mwari haana kusiya Jeremiya asingazivi migumisiro yokuvimba nevanhu panzvimbo pokuvimba naMwari. (Verenga Jeremiya 17:5, 6.) Izvozvo zvinokuita kuti unzwe sei?
8. Ipa mienzaniso yematambudziko angasangana nevaKristu vekwaunogara.
8 Vamwe vaKristu vakafunga kuti vangaita kuti mabhizimisi kana kuti mabasa avo abudirire nokuva nenguva yokufara nemakasitoma okunyika. Zvisinei, kuita zvakadaro kungaita kuti vaKristu ivavo vave noushamwari hwakaipa here uye vave mungozi dzakadai sokutaura zvinonyadzisira kana kunyanyonwisa? Unogona kunzwisisa nei vaKristu vakawanda vanofanira kusarudza panyaya iyi vachisarudza kudzivisa ushamwari hwakaipa kunyange zvichireva kurasikirwa nepurofiti yavanga vachawana kana kubudirira mukuona kwenyika. Saizvozvowo, mushandirwi kana vamwe vaunoshanda navo vangasazeza kunyengedza makasitoma. Zvisinei, vaKristu vechokwadi havatsauswi nevaya vavanorarama navo. Dzimwe nguva zvingasava nyore kusarudza panyaya dzakadaro. Tinoonga kuti tine mienzaniso yakaita saJeremiya, akararama upenyu hwakaita kuti ave nehana yakachena, uye chinonyanya kukosha, ukama hwakanaka naMwari.
9. Ingozi ipi iripo pakuda kuva akakurumbira?
9 Vamwe vaJudha vakaseka Jeremiya pamusana pezvaaitenda. (Jer. 18:18) Kunyange zvakadaro, aida kuva akasiyana nevaairarama navo vaitevedzera “nzira yakakurumbira.” (Jer. 8:5, 6) Jeremiya aitoda kuva oga dzimwe nguva, ‘achigara pasi ari oga.’ Aida kuva oga pane kuva nevaiita zvakaipa. (Verenga Jeremiya 9:4, 5; 15:17.) Zvakadini newe? Mazuva ano, kungofanana nemunguva yaJeremiya, nzira yakakurumbira ndeiya yokusatendeseka kuna Mwari. Vashumiri vaJehovha vave vachingwarira pakusarudza shamwari. Izvi hazvirevi kuti Jeremiya ainge asina shamwari. Vamwe vanhu vaimudzivirira uye kumutsigira. Vanhu ava vaiva vanaani? Kuvaziva kungakubatsira zvikuru.
JEREMIYA AKASARUDZA SHAMWARI DZAKAITA SEI?
10, 11. (a) Jeremiya akasarudza shamwari dzake achitungamirirwa nechii? (b) Ndivanaani vaiva shamwari dzaJeremiya, uye ndeipi mibvunzo inomuka pamusoro pavo?
10 Jeremiya akakudziridza ushamwari navanaani? Achitungamirirwa naJehovha, akaramba achishora vaya vakanga vakaipa, vainyengera, vakanga vasina kururama, vaiita zvechisimba, vakanga vasingakendengi uye vaiita zvounzenza—vaya vakasiya kunamata kwakachena vachida kunamata zvidhori, nokudaro vachiita upfambi mune zvokunamata. Akakurudzira vamwe vake vechiJudha achiti: “Ndapota, mumwe nomumwe ngaatendeuke panzira yake yakaipa, uye itai kuti nzira dzenyu nezvamunoita zvive zvakanaka.” (Jer. 18:11) Kunyange pashure pokunge Jerusarema raparadzwa, Jeremiya akarumbidza ‘mabasa aMwari omutsa worudo,’ “ngoni” dzake uye “kutendeka” kwake. (Mari. 3:22-24) Jeremiya aingoda chete vashumiri vaJehovha vakatendeka kuti vave shamwari dzake.—Verenga Jeremiya 17:7.
11 Hatisi murima zvachose nezvevaya vakasarudzwa naJeremiya seshamwari dzake dzepedyo. Pane varume vakawanda vaimutsigira—Ebhedhi-mereki, Bharuki, Seraya, uye vanakomana vaShafani. Tingabvunza kuti: ‘Varume ava vakanga vakaita sei? Vaiva noushamwari hwei naJeremiya? Vaiva shamwari dzake dzakanaka pakudini? Uye vakabatsira sei Jeremiya kuti arambe akaperera?’ Ngationei, tichifunga nezvemamiriro edu ezvinhu.
12. (a) Jeremiya naBharuki,vanoratidzwa papeji 58, vakanga vakafanana pakudini? (b) Seraya aiva ani, uye tinozivei nezvake?
12 Zvinoita sokuti Bharuki, mwanakomana waNeriya, ndiye aiva shamwari yepedyo zvikuru yomuprofita wacho. Nechivimbo Jeremiya akamupa basa rokunyora mashoko aJehovha achiita zvokumuudza uye Bharuki ndiye aizoverenga mipumburu yacho, achitanga kuverenga paruzhinji zvadaro aizoverengera machinda aJudha. (Jer. 36:4-8, 14, 15) Bharuki aitenda uye aiva nechivimbo saJeremiya kuti zvakafanotaurwa naMwari zvaizoitika. Zvakaitika kuvarume ivavo zvakanga zvakafanana mumakore 18 okupedzisira aJudha akanga asina kugadzikana. Vakapedza nguva yakawanda vachishanda pamwe chete mubasa ravakapiwa naMwari. Vose vakaona pfumvu uye vaitofanira kuhwanda vavengi vavo. Uye vose vakakurudzirwa naJehovha somunhu mumwe nomumwe. Bharuki anoita sokuti aibva mumhuri yakakurumbira yevanyori muJudha. Magwaro anomuti “munyori,” uye Seraya mwanakomana wababa vake aiva muchinda anokosha wamambo. Kungofanana naBharuki, Seraya akazoshanda naJeremiya pakuzivisa mashoko aJehovha ouprofita. (Jer. 36:32; 51:59-64) Chido chevanakomana vaviri ava vaNeriya chokushanda naJeremiya munguva idzodzo dzakaoma chinofanira kunge chakasimbisa uye chakakurudzira muprofita wacho. Iwewo ungasimbiswa uye kukurudzirwa nevaya vanoshanda vakatendeka pamwe newe mubasa raJehovha.
Ungadzidzei pakusarudza shamwari kwaiita Jeremiya?
13. Sezvinoratidzwa papeji 63, Ebhedhi-mereki akaratidza sei kuti aiva shamwari yakanaka kuna Jeremiya?
13 Ebhedhi-mereki aiva imwe shamwari yaJeremiya inokosha. Machinda akanga akatsamwa paakakanda Jeremiya mumugodhi usina mvura kuti afe, murume akashinga kumudzivirira aiva wokune imwe nyika, Ebhedhi-mereki muItiopiya. Aiva mukuru mukuru muimba yamambo. Vanhu vachiona, akaenda kuna Zedhekiya akanga akagara paGedhi raBhenjamini. Ebhedhi-mereki akashinga kukumbira mvumo kuna Zedhekiya kuti abudise Jeremiya mumugodhi waiva nematope. Akatora varume 30 kuti vaite naye basa racho, zvichireva kuti Ebhedhi-mereki angangove aitarisira kurwiswa nevavengi vaJeremiya. (Jer. 38:7-13) Hatizivi kuti Ebhedhi-mereki aiwadzana zvakadini naJeremiya. Tichitarisa ushamwari hwavo naJehovha, zvine musoro kuti titi vaviri ava vaiva shamwari neshamwari. Ebhedhi-mereki aiziva kuti Jeremiya aiva muprofita waJehovha. Akataura kuti zvakaitwa nemachinda zvakanga “zvakaipa” uye aitoda kukanganisa chinzvimbo chake kuti aite zvakarurama. Chokwadi, Ebhedhi-mereki aiva murume akanaka. Ndokusaka Jehovha akamuvimbisa kuti: “Ndichakununura [pazuva richaparadzwa Jerusarema] . . . nokuti wakavimba neni.” (Verenga Jeremiya 39:15-18.) Uku ndiko kunonzi kurumbidzwaka uku! Iyi haisi shamwari yaunoda here?
14. Tinozivei nezvemhuri yaShafani uye kushamwaridzana kwayaiita naJeremiya?
14 Dzimwe shamwari dzaJeremiya dzaiva vanakomana vatatu vaShafani uye muzukurukomana wake. Vaibva kumhuri yevarume vaiva nezvinzvimbo zvepamusoro, uye Shafani akanga amboshanda somunyori waMambo Josiya. Vavengi vaJeremiya pavakatanga kuda kuuraya muprofita wacho, “ruoko rwaAhikamu mwanakomana waShafani ndirwo rwaiva naJeremiya, kuti asaiswa mumaoko evanhu.” (Jer. 26:24) Shafani aiva nemumwe mwanakomana ainzi Gemariya. Bharuki paakaverenga mutongo waMwari paruzhinji, Mikaya mwanakomana waGemariya akamunzwa uye akaruma nzeve baba vake nemamwe machinda. Vachityira zvaizoitwa naJehoyakimu, vakaudza Jeremiya naBharuki kuti vavande. Uye mambo paakaramba mashoko aMwari, Gemariya aiva mumwe wevakateterera mambo kuti arege kupisa mipumburu yacho. (Jer. 36:9-25) Jeremiya akapa mumwezve wevanakomana vaShafani, Erasa, tsamba youprofita yaienda kuvaJudha vaiva muutapwa muBhabhironi. (Jer. 29:1-3) Saka pano tinoona vanakomana vatatu vaShafani uye muzukurukomana wake mumwe chete, vose zvavo vakatsigira muprofita waMwari. Funga kuti Jeremiya anofanira kunge akaonga varume ivavo zvakadini! Vaiva shamwari asi kwete nokuti vaifarira zvokudya kana zvokunwa zvakafanana kana kuti vaifarira varaidzo dzakafanana. Ushamwari hwacho hwaibva pane zvinopfuura ipapo.
SARUDZA SHAMWARI DZAKO NOKUCHENJERA
15. Jeremiya akasiya muenzaniso upi wakanaka pakusarudza shamwari?
15 Unogona kudzidza kubva pane zvaiitwa naJeremiya kune vanhu vakararama munguva yake, vakaipa nevakanaka. Mambo, machinda akawanda, vaprofita venhema, nemachinda ehondo vakamumanikidza kuti achinje mashoko ake. Zvisinei, Jeremiya akanga asingabvumi kuchinja. Kutsigira kwaaiita kunamata kwakachena kwakaita kuti varume ivavo vamuvenge, asi Jeremiya akanga asingatsvaki kushamwaridzana navo. Jehovha akagara ari shamwari yake inopfuura dzose. Kana kuitirwa zvakaipa kwaizoita kuti arambe akatendeka kuna Mwari, Jeremiya akanga akagadzirira kudaro. (Verenga Mariro 3:52-59.) Kunyange zvakadaro, sezvataona, Jeremiya haasi iye oga akanga akatsunga kushumira Jehovha.
16, 17. (a) Mushumiri waJehovha angabatsirwa sei neshamwari yakanaka? (b) Pasinei nokuti unogara munyika ipi, ungawana kupi shamwari dzakanakisisa?
16 Chakaita kuti Ebhedhi-mereki ave shamwari yakanaka kwaiva kutenda muna Jehovha uye kuvimba naye. Murume uyu akanga akashinga kuita chisarudzo nokukurumidza, achiponesa upenyu hwaJeremiya. Bharuki akasarudza kupedza nguva yakawanda naJeremiya uye akamubatsira kutaura mashoko aJehovha. Shamwari dzakanaka muungano yechiKristu mazuva ano dzinogona kuva dzinokosha sezvakanga zvakaita varume ava. Cameron, piyona wenguva dzose ane makore 20, anoonga kubatsirwa kwaakaitwa naKara, ariwo piyona. Cameron anoti, “Kara akandikurudzira nomuenzaniso wake uye zvaaitaura kuti ndiise Jehovha pekutanga muupenyu hwangu.” Hanzvadzi mbiri idzi dzaigara kure nekure asi Kara aifonera kana kunyorera Cameron tsamba nguva nenguva kuti ave nechokwadi chokuti shamwari yake yakasimba uye kuti vakurudzirane. “Aiziva zvose zvaiitika mumhuri yedu,” anoyeuka kudaro Cameron. “Aiziva zvaiitika kuna sisi vangu uye kundiomera kwazvakanga zvakaita sisi vangu pavakapanduka vakasiya chokwadi. Ainditsigira pane zvose izvi, uye handigoni kufunga kuti ndingadai ndakaitei pasina kundikurudzira uye kundibatsira kwaakaita. Ave achinditsigira zvinoshamisa.”
17 Unogona kuwana shamwari dzakanaka muungano yechiKristu, dzingava dzezera rako kana kuti kwete. Hama nehanzvadzi dzako dzakafananawo newe pane zvaunotenda, zvaunokoshesa, kuda kwaunoita Jehovha, zvaunotarisira, uye vangangove vakasangana nemimwe miedzo yaunosangana nayo. Unogona kushanda pamwe chete navo muushumiri hwechiKristu. Vachakwanisa kukukurudzira paunenge uchisangana nematambudziko uye iwewo uchavakurudzira. Vachafara pauchange uchifarawo pakushumira Jehovha. Uyezve, ushamwari hwakadaro hucharamba huripo nokusingaperi.—Zvir. 17:17; 18:24; 27:9.
18. Ungadzidzei pakusarudza shamwari kwaiita Jeremiya?
18 Zvatinodzidza pakusarudza shamwari kwaiita Jeremiya zvinofanira kuva pachena. Yeuka chokwadi ichi chisingarambiki: Haugoni kunyatsoshamwaridzana nevanhu vanotenda zvinhu zvinopesana nezvinodzidziswa neBhaibheri asi woramba wakaomerera pane zvaunotenda. Mazuva ano, kuita maererano nechokwadi ichocho kunokosha sezvakwaingoitawo munguva yaJeremiya. Kuti aite basa rake akatendeka uye achikomborerwa naJehovha, Jeremiya aida kuva akasiyana neruzhinji rwevanhu vakararama panguva yake. Izvi ndizvo zvaunoitawo here? Jeremiya akasarudza shamwari dzaitenda zvaaitenda uye dzaimutsigira pakuita basa rake. Chokwadi, muKristu wose akatendeka mazuva ano anogona kudzidza kusarudza shamwari nokuchenjera kubva kuna Jeremiya!—Zvir. 13:20; 22:17.
Ungashandisa sei zvakaitwa naJeremiya pakusarudza vauchashamwaridzana navo uye vausingazoshamwaridzani navo?