CHITSAUKO 15
“Handigoni Kuramba Ndakanyarara”
1. Nei Jeremiya nevamwe vaprofita vaJehovha vasina kuramba vakanyarara?
“INZWAI shoko raJehovha.” Mashoko iwayo ainzwika mumigwagwa nemunzvimbo dzaiungana vanhu dzomuJerusarema kutanga muna 647 B.C.E. Uye muprofita waMwari haana kukanda mapfumo pasi. Kunyange guta racho parakazoparadzwa makore 40 akatevera, akadzokorora mashoko iwayo. (Jer. 2:4; 42:15) Mwari Wemasimbaose akatumira vaprofita kuti ave nechokwadi chokuti vaJudha vanzwa nyevero yake uye vapfidza. Sezvakaratidzwa mubhuku rino, Jeremiya akanga akasiyana nevamwe vatauriri vaMwari ivavo. Mwari paakapa Jeremiya basa, akamuudza kuti: “Usimuke, utaure navo zvose zvandinokurayira. Usavhundutswa.” (Jer. 1:17) Basa racho rakanga rakaoma. Jeremiya akarwadziwa mumuviri uye mupfungwa, asi pasinei nemiedzo yakadaro, akanzwa achida kuita basa rake. Akati: “Mwoyo wangu hauna kugadzikana mukati mangu. Handigoni kuramba ndakanyarara.”—Jer. 4:19.
2, 3. (a) Vadzidzi vaJesu vakatevedzera sei Jeremiya? (b) Nei uchifanira kutevedzera muenzaniso waJeremiya?
2 Maitiro akaita Jeremiya basa rake rouprofita akasiya muenzaniso kuvashumiri vaJehovha vaizotevera. (Jak. 5:10) Pendekosti ya33 C.E. ichangopera, vane masimba vechiJudha vakasunga muapostora Petro naJohani, vachivarayira kuti varege kuparidza. Wakaverenga mhinduro yavo. “Hatingaregi kutaura pamusoro pezvinhu zvatakaona nezvatakanzwa.” (Mab. 4:19, 20) Pashure pokuvatyisidzira kuti vaizovaitira zvakatopfuura izvozvo, vatongi vacho vakarega Petro naJohani vachienda. Unoziva zvakazoitika. Varume ivavo vakatendeka vaisazorega uye havana kurega kuparidza.
3 Unogona here kuona kuti mashoko aPetro naJohani ari pana Mabasa 4:20 anoratidza kushingaira kwaiita Jeremiya? Somushumiri waJehovha Mwari mumazuva ano okupedzisira anokosha, hauna kutsunga kuita zvakafanana here, uchifunga kuti: ‘Handigoni kuramba ndakanyarara!’ Ngationei kuti tingaramba sei tiine simba seraJeremiya rokuramba tichiparidza mashoko akanaka pasinei nemamiriro ezvinhu ari kuramba achiipa.
ENDERERA MBERI PASINEI NOKUSAKENDENGA
4. Maitiro api akanga akazara muJerusarema rekare?
4 Hauna chivimbo here chokuti chipikirwa chaMwari cheramangwana rakanaka zvikuru panenge pachitonga Mwanakomana wake ndiwo mashoko akanaka chaizvo ayo vanhu vangada kunzwa? Asi mazuva ano vakawanda vanotaura sezvakamboitwa nevamwe vaJudha kuna Jeremiya vachiti: “Kana riri shoko rawatiudza uchishandisa zita raJehovha, hatisi kuzokuteerera.” (Jer. 29:19; 44:16) Jeremiya aiwanzonzwa mashoko akadaro. Vashumiri vaJehovha mazuva ano vanonzwawo mashoko akafanana nokuti vanhu vakawanda vanoti, “Handifariri.” Kusakendenga kwevakawanda kunogona kuita kuti kushingaira kwevaparidzi voUmambo kuderere. Kana vakawanda mundima yenyu vachiratidza kusakendenga, zvichiita kuti vamwe muungano yenyu kana kuti kunyange iwe pachako urege kushingaira, chii chingaitwa?
5. (a) Jeremiya akaita sei nokusakendenga kwevanhu? (b) Nei vaya vasingakendengi pamusoro pemashoko akanaka vari mungozi yakaipisisa?
5 Funga mafungiro akava naJeremiya paaitaura nevanhu veJudha vakanga vasingatombokendengi zvavo. Jeremiya achangotanga basa rake, Jehovha akafanomuonesa nezvokutongwa kwaizouya. (Verenga Jeremiya 4:23-26.) Muprofita wacho aiona kuti vakawanda vaigona kuramba vachirarama kana vanzwa mashoko aaizotaura voita maererano nawo. Mazuva ano, vanhu vari mumamiriro ezvinhu akafanana, kusanganisira vaya vari mundima yenyu. Nezve“zuva iroro” rokutonga kuchaita Mwari nyika yanhasi yakaipa, Jesu akati: “Richauya pane vaya vose vanogara pamusoro penyika yose. Saka rambai makamuka, muchigara muchiteterera kuti mugone kupukunyuka zvinhu zvose izvi zvinofanira kuitika, uye kumira pamberi poMwanakomana womunhu.” (Ruka 21:34-36) Kubva pamashoko aJesu, unogona kuona kuti vaya vanoramba mashoko akanaka vari mungozi yakaipisisa.
6. Nei uchifanira kuramba uchiparidza, kunyange kune vaya vasinganyanyi kufarira mashoko ako?
6 Zvisinei, vaya vanofarira uye vanoteerera voita maererano neshoko raJehovha ratinoparidza vachawana zvikomborero zvikuru. Mwari ari kutizarurira nzira yokuti tisaparadzwa asi tipinde munyika yake itsva. Mune dzimwe nzira, izvi zvakafanana noushumiri hwaJeremiya. Vagari vomuJudha vaigona kupukunyuka. (Verenga Jeremiya 26:2, 3.) Kuti avabatsire, Jeremiya akapedza makore akawanda achikurudzira vanhu kuti ‘vateerere votendeuka,’ kuita maererano neshoko raMwari wechokwadi. Hatizivi kuti vangani vakapfidza ndokuchinja mararamiro avo pamusana pokuparidza kwomuprofita wacho. Asi vamwe vakadaro, sezviri kuitawo vakawanda munguva yatiri kurarama. Patinoramba tichiparidza mashoko akanaka, kazhinji tinonzwa nezvevanhu vakanga vasingambofariri vakazotanga kufarira. (Ona bhokisi rakanzi “Kusakendenga Kunogona Kuchinja Kukava Kufarira,” riri papeji 184.) Ichi hachisi chimwe chikonzero here chokuti tirambe tichishingaira muushumiri hwemashoko akanaka hunoponesa upenyu?
Nei wakatsunga kuparidza mashoko akanaka pasinei nokusakendenga kwevanhu?
VANOPIKISA HAVAGONI KUTIKUVADZA ZVACHOSE
7. Vavengi vakaedza sei kuparadza basa raJeremiya rokuprofita?
7 Chimwe chinhu chinokosha paushumiri hwaJeremiya ndechokuti vaimupikisa vakaedza kakawanda kumuparadza uye kuparadza basa rake. Vaprofita venhema vaiudza vanhu zvaipesana nezvaaitaura. (Jer. 14:13-16) Jeremiya paaifamba mumigwagwa yeJerusarema, vanhu vaimutuka uye vaimusveeredza. (Jer. 15:10) Vamwe vavengi vake vakaronga dzimwe nzira dzokumunyadzisa nadzo. (Jer. 18:18) Vamwe vaitaura zvakaipa nezvake kuti vaite kuti vanhu vaiva nemwoyo yakatendeseka vasateerera chokwadi chaMwari chaiparidzwa naJeremiya. (Mari. 3:61, 62) Jeremiya akakanda mapfumo pasi here? Kwete, akaramba achiparidza. Akazviita sei?
8. Jeremiya aiita sei, vaimupikisa pavaiwedzera kumurwisa?
8 Kuvimba naJehovha ndicho chombo chikuru chaishandiswa naJeremiya pakupikiswa kwose. Jeremiya paakatanga ushumiri hwake, Mwari akamuudza kuti aizomutsigira nokumuchengetedza. (Verenga Jeremiya 1:18, 19.) Jeremiya akatenda vimbiso iyoyo uye Jehovha haana kumubatisa pasi. Vaimupikisa pavaiita zvechisimba uye pavaiedza kutora matanho akaomarara, akawedzera kushinga uye kutsungirira. Ona kuti izvozvo zvakamubatsira sei.
9, 10. Ndezvipi zvakaitika muupenyu hwaJeremiya zvinofanira kukukurudzira kuti ushinge?
9 Pane imwe nguva, vapristi nevaprofita vakaunza Jeremiya pamberi pemachinda eJudha kuti aurayiwe. Kutyisidzira kwavo kwakaita kuti Jeremiya atye zvokuti akatadza kuita chimwe chinhu here? Kwete. Zvaakataura zvakanyatsoratidza kuti aipomerwa nhema nevakanga vapanduka zvokuti haana kuzourayiwa.—Verenga Jeremiya 26:11-16; Ruka 21:12-15.
10 Yeuka kuti pashure pokuteerera mashoko aiva nesimba omuprofita wacho, jinda repatemberi rainzi Pashuri rakamusunga mumatanda. Pashuri anofanira kunge akafunga kuti izvi zvaizopa Jeremiya chidzidzo uye zvaizoita kuti anyarare. Saka mangwana acho, Pashuri akamurega achienda. Asi Jeremiya achirwadziwa zvikuru pamusana pokutambudzwa kwaakanga aitwa, akataura zvakananga kuna Pashuri, achimuzivisa nezvokutongwa kwaaizoitwa naJehovha. Kutambudzwa hakuna kutomboita kuti Jeremiya anyarare! (Jer. 20:1-6) Nei zvisina kudaro? Jeremiya pachake anotiudza kuti: “Jehovha akanga aineni somunhu ane simba anotyisa kwazvo. Ndokusaka vaya vari kunditambudza vachagumburwa vakasakunda.” (Jer. 20:11) Kunyange paakapikiswa nevanhu vanotyisa, Jeremiya haana kutya. Kuvimba kwake naJehovha kwakanga kwakanyatsodzika midzi, uye kwako kunogonawo kudaro.
11, 12. (a) Jeremiya akaita sei zvine musoro paakapikiswa naHananiya? (b) Ungabatsirwa sei nokuramba ‘uchizvidzora pakuitirwa zvakaipa’?
11 Zvakanaka kuyeuka kuti Jeremiya akanga asiri munhu anonyanyisa. Aiita zvine musoro paaipikiswa. Aiziva pazvakanga zvakakodzera kuti abve. Somuenzaniso, funga zvaakaitwa naHananiya. Pashure pokunge muprofita wacho wenhema apokana nemashoko aJehovha ouprofita vanhu vachinzwa, Jeremiya akamururamisa uye akatsanangura kuti muprofita wechokwadi angazivikanwa sei. Jeremiya akanga akatakura joko remuti kuti aratidze kuenda pasi pejoko reBhabhironi; Hananiya akaita zvechisimba ndokutyora joko racho. Ndiani aiziva zvaizoitwa naHananiya? Saka Jeremiya akaitei? Tinoverenga kuti: “Muprofita Jeremiya akabva aenda hake.” Chokwadi, Jeremiya akabva hake ipapo. Pave paya, arayirwa naJehovha, akadzoka ndokuudza Hananiya zvaizoitwa naMwari—vaJudha vaizotapwa namambo weBhabhironi uye Hananiya aizourayiwa.—Jer. 28:1-17.
12 Kubva panhoroondo iyi yakafuridzirwa, zviri pachena kuti pakuparidza, tinofanira kuita zvose, kuva noushingi uye kusarudza zvakanaka. Kana zvikaitika kuti pane imwe imba munhu anoramba zvinotaurwa neMagwaro obva agumbuka, kunyange kutoda kuita mhirizhonga, tinogona kubvapo noruremekedzo toenda kune imwe imba. Hatifaniri hedu kubudisirana tsinga nemunhu chero upi zvake nezvemashoko akanaka oUmambo. Kana tikaramba ‘tichizvidzora pakuitirwa zvakaipa,’ tinoita kuti pave nomukana wokuzobatsira saimba pane imwe nguva yakakodzera.—Verenga 2 Timoti 2:23-25; Zvir. 17:14.
Nei kuvimba naJehovha kuchikosha zvikuru patinenge tichiparidza mashoko akanaka? Nei tichifanira kuita zvose, kuva noushingi uye kusarudza zvakanaka?
“USATYA”
13. Nei Jehovha akaudza Jeremiya kuti: “Usatya,” uye nei tichifanira kufunga nezvazvo?
13 Vanamati vechokwadi vakatambura nemamiriro ezvinhu akaipa aivapo Jerusarema risati raparadzwa muna 607 B.C.E. Saka unogona kunzwisisa kuti nei Mwari akaudza Jeremiya kuti: “Usatya.” (Jer. 1:8; Mari. 3:57) Uye Jehovha akaita kuti audze vamwe vevanhu vake mashoko iwayo aikurudzira. (Verenga Jeremiya 46:27.) Tingadzidzei pane izvi? Munguva dzino dzokuguma dzine ngozi, tinganzwa kutya dzimwe nguva. Panguva dzakadaro, tichateerera Jehovha here, uyo chaizvoizvo ari kutiudza kuti: “Usatya”? Kwekutanga kwebhuku rino, takadzidza kuti Mwari akatsigira sei Jeremiya munguva iyoyo yaityisa zvechokwadi. Ngatikurukurei muchidimbu zvakaitika kuti tione zvatingadzidza pazviri.
14, 15. (a) Jeremiya akaiswa mungozi yei? (b) Jehovha akazadzisa sei vimbiso yake yokuchengetedza Jeremiya?
14 VaBhabhironi pavainyanya kuomesa zvinhu muJerusarema, vanhu vakarumwa nenzara. Pasina nguva, vakawanda vakanga vasisina zvokudya. (Jer. 37:21) Kuwedzera panzara, Jeremiya akaiswa munzvimbo yaigona kuva guva rake. Machinda eJudha akanga amanikidza Mambo Zedhekiya uyo aingoteerera zvose zvose kuti abvume. Vakabva vaita kuti Jeremiya akandwe mumugodhi wakadzika. Mugodhi wacho wakanga usina mvura, waingova nematope akawanda. Jeremiya paakatanga kunyura mumatope acho, akaona kuti hapana munhu aigona kumubudisa. Dai zvakaitika kwauri, waisazotya here?—Jer. 38:4-6.
15 Kunyange zvazvo aiva munhu sesu, Jeremiya aivimba neshoko raJehovha rokuti aisazombomusiya. (Verenga Jeremiya 15:20, 21.) Jehovha akakomborera chivimbo ichocho here? Zvechokwadi tinoziva kuti akachikomborera. Mwari akaita kuti Ebhedhi-mereki asateerere machinda acho ndokununura Jeremiya. Abvumirwa namambo, Ebhedhi-mereki akabudisa muprofita wacho mumugodhi, achimununura kuti asafira mumugodhi iwoyo waiva nematope.—Jer. 38:7-13.
16. Jehovha akanunura vanhu vake vakavimbika pangozi dzipi?
16 Kunyange Jeremiya paakanga abudiswa ava kunze, akanga achiri mungozi. Achitetererera Jeremiya, Ebhedhi-mereki akanga audza mambo kuti: ‘Achafira imomo nenzara. Nokuti muguta hamusisina chingwa.’ (Jer. 38:9) Zvokudya zvakanga zvava zvishoma zvikuru muJerusarema zvokuti vanhu vakanga vava kudya nyama yevanhu. Asi Jehovha akapindirazve kuti aponese muprofita wacho. Uye Jeremiya akaudzawo Ebhedhi-mereki nezvevimbiso yokuti Jehovha aizomuchengetedza. (Jer. 39:16-18) Jeremiya akanga asina kukanganwa vimbiso yaMwari yokuti: “Ini ndinewe kuti ndikununure.” (Jer. 1:8) Mwari Wemasimbaose achichengetedza varume vaviri ivavo vakanga vakavimbika, hapana chaigona kuvauraya, angava muvengi kana nzara. Vakapukunyuka rufu muguta iroro raizoparadzwa. Pfungwa yacho ndeipi? Jehovha akavimbisa kudzivirira uye akazadzisa zvaakavimbisa.—Jer. 40:1-4.
17. Nei uchifanira kutenda mune zvakavimbiswa naJehovha zvokuchengetedza vashumiri vake?
17 Kuzadzika kweuprofita hwaJesu hwokuguma kwemamiriro ezvinhu kuri kunanga kumugumo wako pasina kudzoka kumashure. Munguva pfupi iri kutevera, pachava “nezviratidzo pazuva nepamwedzi nepanyeredzi, uye kurwadziwa kwazvo kwemarudzi panyika, asingazivi nzira yokubuda nayo . . . vanhu vachipera simba nokutya uye nokutarisira zvinhu zvinouya pamusoro penyika inogarwa.” (Ruka 21:25, 26) Tinofanira kumirira kuti tione kuti zviratidzo izvozvo zvichange zvakaita sei uye kuti zvichatyisa zvakadini vanhu vakawanda. Pasinei hapo nezvichaitika, haufaniri kusambova nechokwadi chokuti Jehovha anokwanisa uye ane chido chokuponesa vanhu vake. Zvisinei, zvichaitika kune vaya vaasingafariri zvichange zvakasiyana zvachose. (Verenga Jeremiya 8:20; 14:9.) Kunyange kana zvichiita sokuti vashumiri vake vari mumamiriro ezvinhu asina tariro, sevari mumugodhi une matope uye une rima, anotovanunura chete! Mashoko aMwari aakaudza Ebhedhi-mereki achashanda kuvanhu vake okuti: “‘Chokwadi ndichakupukunyutsa, hauzourayiwi nebakatwa; uye uchava nomweya wako sezvakapambwa, nokuti wakavimba neni,’ ndizvo zvinotaura Jehovha.”—Jer. 39:18.
MASHOKO AKANYORERWA IWE
18. (a) Mashoko api akachinja upenyu hwaJeremiya? (b) Murayiro waMwari uri pana Jeremiya 1:7 unorevei kwauri?
18 “Unofanira kuenda kuna vose vandichakutuma kwavari; uye unofanira kutaura zvose zvandichakurayira.” (Jer. 1:7) Upenyu hwaJeremiya hwakachinja zvachose paakanzwa murayiro iwoyo waMwari. Kubvira ipapo, ainyanya kufunga nezvokuzivisa “shoko raJehovha.” Mashoko iwayo anoramba achidzokororwa mubhuku rose raJeremiya. Muchitsauko chokupedzisira, Jeremiya anorondedzera kuparadzwa kweJerusarema uye kutapwa kwamambo waro wokupedzisira, Zedhekiya. Chokwadi, Jeremiya akaramba achidzidzisa uye achikurudzira vanhu veJudha kuti vateerere Jehovha kusvikira zvaiitika zvaratidza pachena kuti akanga apedza basa rake.
19, 20. (a) Nei ushumiri hwaJeremiya huri muenzaniso kwauri? (b) Basa rokuparidza rinobatana papi nokuwana mufaro nokugutsikana? (c) Kukurukura bhuku raJeremiya nereMariro kwakubatsira sei?
19 Pane zvakawanda zvakafanana pabasa rakaitwa naJeremiya neushumiri hweZvapupu zvaJehovha mazuva ano. Kufanana naye, uri kushumira Mwari wechokwadi munguva yokutongwa. Mamwe mabasa anoda imwe nguva yako nesimba; asi kuparidza mashoko akanaka ndiro basa rinonyanya kukosha raungaita mumamiriro ezvinhu epanguva ino. Paunoita basa iri, unokwidziridza zita guru raMwari uye unobvuma kodzero yake yakakwana nesimba saChangamire Wezvose. (Verenga Mariro 5:19.) Unoratidzawo kuti unoda muvakidzani zvikuru nokubatsira vamwe kuti vazive Mwari wechokwadi uye zvaanotarisira kuti munhu awane upenyu.—Jer. 25:3-6.
20 Nezvebasa raakapiwa naJehovha kuti aite, Jeremiya akati: “Kwandiri shoko renyu rinova kupembera nomufaro uye kufara kwomwoyo wangu; nokuti ndanga ndichishevedzwa nezita renyu, haiwa Jehovha Mwari wemauto.” (Jer. 15:16) Nhasi vose vane mwoyo inoita kuti vataure vachimiririra Mwari wechokwadi vanowana mufaro nokugutsikana zvakadaro. Saka une chikonzero chakanaka chokuramba uchizivisa mashoko aJehovha sezvakaita Jeremiya.
Mienzaniso yaJeremiya naEbhedhi-mereki ingakubatsira sei kuti ushinge? Unhu hupi hwaJeremiya hwaunoda kutevedzera paunoparidza?