Upenyu hwaJesu Noushumiri
Manyuko Omufarwa
MUKATI moushumiri hwake muGarirea, Jesu akaita manenji, uye iye zvino anodzokorora iwawa muJudhea. Somuenzaniso, anobudisa mumunhu dhemoni iro rakamudzivisa kutaura. Mapoka anoshamiswa, asi vatsoropodzi vanomutsa chirambidzo chimwe chetecho sechakamutswa muGarirea. “Unobudisa mweya yakaipa naBheerzebhuri, mukuru wemweya yakaipa,” ivo vanodaro. Vamwe vanoda hufakazi hukuru zvikuru hunobva kuna Jesu pamusoro pokuzivikanwa kwake, uye ivo vanoedza kumuedza kupfurikidza nokukumbira chiratidzo chinobva kudenga.
Achiziva zvavari kufunga, Jesu anopa mhinduro imwe cheteyo kuvatsoropodzi vake muJudhea seyaakapa kuavo vomuGarirea. Iye anotaura kuti umambo hwuri hwose hunozvipesanisa humene huchawa. Iye anobvunza kuti, “naSatani, kana achizvipesanisa, ushe hwake hungamira seiko?” Iye anoratidza nzvimbo ine ngozi yavatsoropodzi vake nokuti: “Asi kana ndichibudisa mweya yakaipa nomunwe waMwari, ipapo ushe hwaMwari hwasvika kwamuri.”
Avo vanocherechedza manenji aJesu vanofanira kuita kwaari nenzira imwe cheteyo yakaita nayo avo mazana amakore pamberi pezvi vakaona Mosesi achiita nenji. Ivo vakati: “Munwe waMwari!” Wakanga uriwo “munwe waMwari” uyo wakatemera Mirairo ine Gumi pamahwendefa amabwe. Uye “munwe waMwari”—mudzimu mutsvene wake, kana kuti simba rinoshanda—ndiwo unogonesa Jesu kubudisa madhemoni nokuporesa vanorwara. Naizvozvo Umambo hwaMwari zvamazvirokwazvo hwasvikira ava vatsoropodzi, sezvo Jesu, Mambo akasarudzwa woUmambo, aripo chaizvo pakati pavo.
Jesu ipapo anoenzanisira kuti simba rake rokudzinga madhemoni hufakazi hwesimba rake pana Satani, kunyange sezvo apo munhu akasimba zvikuru anouya ndokukurira munhu akasanoshongedzerwa akarindira imba yake. Iye anodzokororawo muenzanisiro waakataura muGarirea pamusoro pomudzimu usina kuchena unobva mumunhu, asi apo munhu wacho anenge asingazadzi nzvimbo isina chinhu nezvinhu zvakanaka, mudzimu unodzokera nemimwe minomwe, uye mugariro womunhu wacho unova wakaipa zvikuru kupfuura pakutanga.
Achiteerera idzi dzidziso, mumwe mukadzi anobva muboka anosundwa kuti nenzwi rinonzwika: “Rakaropafadzwa dumbu rakakutakurai, namazamu amakanwa!” Sezvo chishuvo chomukadzi ari wose wechiJudha chiri chokuva amai vomuporofita uye zvikurukuru Mesia, kunonzwisisika kuti uyu mukadzi aizotaura ikoku. Sezviri pachena iye akafunga kuti Maria aigona kufara zvikuru nemhaka yokuva amai vaJesu.
Zvisinei, Jesu anokurumidza kururamisa mukadzi wacho pamusoro pamanyuko echokwadi omufarwa. “Hungu,” iye anopindura, “zvikuru vakaropafadzwa vanonzwa shoko raMwari, vachirichengeta.” Jesu haana kutongokarakadza kuti amai vake, Maria, vanofanira kupiwa rukudzo chairwo. Panzvimbo pezvo, iye akaratidza kuti mufarwa wechokwadi unowanwa mukuva mubatiri akatendeka waMwari, kwete mubatano dzipi nedzipi dzokunyama kana kuti zviitwa.
Sezvaakaita muGarirea, Jesu anopfuurirawo kutuka vanhu nokuda kwokukumbira chiratidzo chinobva kudenga. Iye anovaudza kuti hakuna chiratidzo chichapiwa kunze kwechiratidzo chaJona. Jona akava chiratidzo nezvose zviri zviviri namazuva ake matatu ari muhove uye nokuparidzira kwake kwoushingi, uko kwakaguma nokusundwa kwavaNenivhe kuti vapfidze. “Tarirai,” Jesu anodarowo, “mukuru kuna Soromoni uri pano.”
Jesu anotsanangura kuti apo munhu anotungidza mwenje, haasati achiuisa pakavanda kana kuti pasi pedengu asi pachigadziko chomwenje kuitira kuti vanhu vagogona kuona chiedza. Zvichida iye ari kuratidzira kuti kudzidzisa nokuita manenji pamberi paava vanhu vakaoma mutsipa vari muvateereri vake kwakaenzana nokuvanza chiedza chomwenje. Meso avacherechedzi vakadaro haana kunaka, kana kuti haaoni zvakanaka, naizvozvo donzo rinovavarirwa ramanenji ake hariitwi.
Jesu achangobva kudzinga dhemoni uye aparira mbeveve kutaura. Ikoku kunofanira kusunda vanhu vane meso akanaka, kana kuti anoona, kurumbidza iri basa rine mbiri ndokuzivisa mashoko akanaka! Bva, naava vatsoropodzi, ikoku hakusati kuri iko kunoitika. Naizvozvo Jesu anogumisa, achiti: “Naizvozvo chenjera kuti chiedza chiri mukati mako chirege kuva rima. Zvino kana muviri wako wose wakavhenekerwa, pasina rutivi rune rima, uchavhenekerwa wose, somwenje unovhenekera nokupenya kwawo.” Ruka 11:14-36; Eksodho 8:18, 19; 31:18; Mateo 12:22, 28.
◆ Chii chiri kuita kukuporesa kwaJesu munhu wacho?
◆ Chii chiri munwe waMwari, uye Umambo hwaMwari hwakanga hwasvikira sei vateereri vaJesu?
◆ Chii chiri manyuko omufarwa wechokwadi?
◆ Munhu anogona sei kuva neziso rakanaka?