Upenyu hwaJesu Noushumiri
Kudya nomuFarise
PASHURE pokunge Jesu apindura vatsoropodzi avo vanobvunza manyuko esimba rake rokuporesa munhu aisagona kutaura, mumwe muFarise anomukoka kuzvokudya. Vasati vadya, vaFarise vanopinda mumuitiro wokushamba maoko avo kusvikira pagokora. Ivo vanoita ikoku pamberi napashure pezvokudya uye kunyange pakati pezvokudya. Kunyange zvazvo gamuchidzanwa racho risingapunzi mutemo wakanyorwa waMwari, unopfuura izvo Mwari anoda munhau yorucheno rwetsika.
Apo Jesu anokundikana kuchengeta gamuchidzanwa racho, mugamuchiri wake anoshamiswa. Kunyange zvazvo kushamiswa kwake kungasataurwa, Jesu anokucherekedza uye anoti: “Zvino imi vaFarise, munosuka kunze kwomukombe nendiro, asi mukati menyu muzere nokukara nokuipa. Imi mapenzi! Ko uyo akaita zviri kunze, haazi iye wakaita zviri mukatiwo here?”
Jesu nokudaro anofumura unyengeri hwavaFarise avo vanoshamba nomuitiro maoko avo asi vanokundikana kushamba mwoyo yavo pauipi. Iye anopa zano, achiti: “Asi ipai izvo zviri mukati zvive zvipo; ipapo tarirai zvose zvichava zvakanaka kwamuri.” Kupa kwavo kunofanira kusundwa nomwoyo unoda, kwete nechishuvo chokuorora vamwe nokunyepedzera kwavo kururama.
“Mune nhamo, imi vaFarise,” Jesu anopfuurira, “nokuti munopa chegumi cheminte neruyi nemiriwo yose, muchirega kururamisira mhaka norudo kuna Mwari; maifanira kuzviita izvi, nokusarega kuita izvozvo.” Mutemo waMwari kuna Israeri unoda kubhadharwa kwezvegumi, kana kuti rutivi rwechigumi, rwezvirimwa zvomuminda. Minte neruyi miti miduku inoshandiswa mukunatsa zvokudya. VaFarise vanopa nokungwarira chegumi kunyange cheiyi miti isingakoshi, asi Jesu anovashurikidza nokuda kwokufuratira chinodikanwa chinokosha zvikuru chokuratidza rudo, kushandisa mutsa, uye kuzvininipisa.
Achivashurikidzazve, Jesu anoti: “Mune nhamo, imi vaFarise, nokuti munoda zvigaro zvapamberi, mumasinagoge, nokukwaziswa padare. Mune nhamo, imi, nokuti makaita samarinda asingaonekwi; vanhu vanofamba pamusoro pawo, vasingazivi!” Kusachena kwavo hakusi pachena. Rudzidziso rwavaFarise rune ratidziro yokunze asi haruna faniro yomukati! Rwakavakirwa paunyengeri.
Richiteerera shurikidzo yakadaro, rimwe gweta, mumwe waavo vaizivisisa Mutemo waMwari, rinonyunyuta, richiti: “Mudzidzisi, kana muchitaura izvozvo, munotituka nesuwo.”
Jesu anoita kuti idzi nyanzvi paMutemo dzivewo nomutoro, achiti: “Mune nhamo nemiwo vadudziri vomurairo; nokuti munotakudza vanhu mitoro inorema, inotambudza kutakura, asi imi mumene hamubati mitoro iyo kunyange nomunwe wenyu mumwe. Mune nhamo, imi, nokuti munovaka marinda avaporofita vakaurawa namadzibaba enyu.”
Mitoro iyo Jesu anodudza magamuchidzanwa anotaurwa, asi aya magweta haasati aizombosimudza murairo mumwe muduku kuti kuitire nyore vanhu. Jesu anozivisa kuti ivo vakatobvuma kuurawa kwavaporofita, uye iye anonyevera, achiti: “‘Mhosva yeropa ravaporofita vose rakateurwa kubva pakuvambwa kwenyika, itsvakwe parudzi urwu, kubva paropa raAbheri, kusvikira paropa raZakaria, wakaurawa pakati peartari neImba;’ hon’o ndinoti kwamuri, mhosva ichatsvakwa parudzi urwo.”
Nyika yorudzi rwomunhu inodzikinurika yakava namavambo ayo nokuberekwa kwavana kuna Adhama naEvha; nokudaro, Abheri akararama pa“kuvamba kwenyika.” Pashure pokuurawa kwoutsinye kwaZekaria, uto reSiria rakaparadza Judha. Asi Jesu anodeya kutaura kuparadzwa kwakaipa zvikuru kwechizvarwa chake amene nemhaka youipi hwacho. Uku kuparadza kunoitika anenge makore 38 gare gare, muna 70 N.V.
Achipfuuridzira shurikidzo yake, Jesu anoti: “Mune nhamo imi vadudziri vomurairo; nokuti makabvisa kiyi yokuziva, hamuna kupinda mumene, uye makadzivisa avo vakanga vachipinda.” Nyanzvi dzoMutemo dzinosungirwa nomutemo kutsanangura Shoko raMwari kuvanhu, kukiinura revo yaro. Asi ivo vanokundikana kuita ikoku uye kunyange kubvisa kuvanhu banza rokunzwisisa.
VaFarise nenyanzvi dzemitemo vanoshatirirwa Jesu nokuda kwokuvafumura. Apo anobva paimba yacho, ivo vanovamba kumushora zvinotyisa uye vanomupa mibvunzo yakawanda. Ivo vanoedza kumupinza mumusungo wokutaura chimwe chinhu chavanogona kumusungisa nacho. Ruka 11:37-54; Dheuteronomio 14:22; Mika 6:8; 2 Makoronike 24:20-25.
◆ Neiko Jesu achishurikidza vaFarise nenyanzvi dzoMutemo?
◆ Mitoroi iyo magweta anoisa pavanhu?
◆ Ndirini pakanga pari pa“kuvamba kwenyika”?