Upenyu hwaJesu Noushumiri
Mavambo Ezuva Rinokosha
APO Jesu anobva muJerusarema paMuvhuro madekwana, anodzokera kuBhetania pamawere okumabvazuva eGomo reMiorivhi. Mazuva maviri oushumiri hwake hwokupedzisira muJerusarema apedzwa. Jesu pasina panikiro anopedza zvakare usiku ane shamwari yake Razaro. Chifo chokusvika achibva Jeriko paChishanu, uhwu husiku hwake hwechina muBhetania.
Zvino, mangwanani-ngwanani eChipiri, Nisani 11, iye navadzidzi vake vava panzira zvakare. Irori rinobvumikisa kuva zuva rinokosha roushumiri hwaJesu, rokubatikana zvikurusa kusvikira panguva ino. Iro ndiro zuva rokupedzisira raanooneka mutembere. Uye iro ndiro zuva rokupedzisira roushumiri hwake hwapachena pamberi pokutongwa kwake nokuurawa.
Ivo vanotora nzira imwe cheteyo yomuGomo reMiorivhi vakananga Jerusarema. Vari munzira iyoyo vachibva Bhetania, Petro anocherechedza muti uyo Jesu akatuka mangwanani apfuura. “Rabhi, tarirai!” iye anodaro, “muonde wamakatuka waoma.”
Asi neiko Jesu akauraya muti wacho? Iye anoratidzira chikonzero nei apo anopfuurira kuti: “Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Dai maiva nokutenda, musinganyunyuti, hamungaiti izvi zvomuonde bedzi, asi kana mukati kugomo iri [Gomo reMiorivhi pavamire]: ‘Simudzwa, ukandirwe mugungwa,’ zvichaitwa. Nezvose zvamunokumbira muchinyengetera, kana muchitenda, muchazvipiwa.”
Naizvozvo kupfurikidza nokuparira muti kuoma, Jesu ari kugovera vadzidzi vake chifundo chinoshanda pakufanira kwavo kuva nokutenda muna Mwari. Iye anoti: “Zvinhu zvose zvose zvamunonyengeterera nokukumbira, tendai kuti mazvigamuchira, mugova nazvo.” Chifundo chinokosha zvakadini chokuti vadzidze, zvikurukuru nemhaka yemiedzo inotyisa ichakurumidza kuuya! Bva, pane imwe batano pakati pokuoma kwomuonde nevara rokutenda.
Rudzi rwaIsraeri, kufanana nouyu muonde, rune chitarisiko chinonyengera. Kunyange zvazvo rudzi rwacho rwuri muukama hwesungano naMwari uye nechokunze rungaratidzika kuva runochengeta mirairo yake, rwakabvumikisa kuva rusina kutenda, rusina zvibereko zvakanaka. Nemhaka yokushaiwa kutenda, rwatova kuramba Mwanakomana waMwari amene! Nokudaro, kupfurikidza nokusakisa muonde usingabereki kuoma, Jesu ari kuratidzira zvakajeka uchava muuyo wokupedzisira nokuda kworudzi urwu rusina zvibereko, rusina kutenda.
Nokukurumidza, Jesu navadzidzi vake vanopinda muJerusarema, uye somuitiro wavo, vanoenda kutembere, uko Jesu anovamba kudzidzisa. Vaprista vakuru navarume vakuru vavanhu, pasina panikiro vachirangarira chiito chaJesu zuva rapfuura mukurwisana navachinji vemari, vanomudenha: “Unoita zvinhu izvozvi nesimba ripiko? Ndianiko wakakupai simba iri?”
Mumhinduro Jesu anoti: “Neni ndichakubvunzaiwo shoko rimwe, mundipindure, neni ndichakuudzaiwo simba randinoita naro zvinhu izvozvi. Rubhapatidzo rwaJohane rwakabva kudenga here kana kuvanhu?”
Vaprista navarume vakuru vanovamba kubvunzana pakati pavo vamene pamusoro pokuti vachapindura sei. “Kana tikati, ‘Kudenga,’ uchati: ‘Makagoregereiko kumutenda?’ Asi tingati, ‘Kuvanhu here?’ Vakanga vachitya vanhu vazhinji, nokuti vose vakanga vachiti Johane muporofita zvirokwazvo.”
Vatungamiriri havazivi chokupindura. Naizvozvo vanopindura kuna Jesu, vachiti: “Hatizivi.”
Jesuwo anoti: “Neni handingakuudziiwo simba randinoita naro zvinhu izvi.” Mateo 21:19-27; Marko 11:19-33; Ruka 20:1-8.
◆ Chii chinokosha pamusoro peChipiri, Nisani 11?
◆ Zvifundoi izvo Jesu anogovera apo iye anoparira muonde kuoma?
◆ Jesu anopindura sei avo vanobvunza kuti anoita zvinhu nesimbai?