Upenyu hwaJesu Noushumiri
Vanoratidzirwa Nemienzanisiro Yeminda Yemizambiringa
JESU ari patembere. Iye achangobva kukatyamadza vatungamiriri vorudzidziso avo vakaraira kuziva kuti akanga achiita zvinhu nesimba raani. Vasati vanaya munyongano yavo, Jesu anobvunza, kuti: “Zvino munofungeiko?” Uye ipapo kupfurikidza nomuenzanisiro anovaratidza kuti rudzii chaizvoizvo rwavanhu.
“Mumwe munhu wakanga ana vana vaviri,” Jesu anorondedzera kudaro. “Akaenda kuno wokutanga, iye akati, ‘Mwana, enda nhasi kundobata mumunda wangu wemizambiringa.’ Iye akapindura, akati: ‘Handidi’; asi pashure akazvidya mwoyo, akaenda. Akaenda kuno wechipiri akataura saizvozvo. Iye akapindura, akati: ‘Ndinoenda, Ishe’; akasaenda. Ndoupiko kuna ivavo vaviri wakaita kuda kwababa vake?” Jesu anobvunza kudaro.
“Wokutanga,” vashori vake vanopindura kudaro.
Naizvozvo Jesu anotsanangura, achiti: “Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Vateresi nezvifeve vanokutangirai kupinda muushe hwaMwari.” Vateresi nezvifeve, chaizvoizvo, pakutanga vakaramba kubatira Mwari. Asi ipapo, kufanana nomwana wokutanga, ivo vakapfidza ndokumubatira. Pane rumwe rutivi, vatungamiriri vorudzidziso, kufanana nomwana wechipiri, vaiti vanobatira Mwari, bva, sezvinotaura Jesu: “Nokuti Johane [Mubhapatidzi] wakauya kwamuri nenzira yokururama, mukasamutenda, asi vateresi nezvifeve vakamutenda. Imi makati muchiona izvozvo, hamuna kuzozvidya mwoyo mukamutenda.”
Jesu anotevera kuratidza kuti kundikano yavatungamiriri ivava vorudzidziso haisati ichingovawo zvayo mukuregeredza kubatira Mwari. Aiwa, asi ivo vanhu vakaipa zvomenemene, vakashata. “Mumwe munhu waivapo, mwene weimba,” Jesu anorondedzera kudaro, “wakasima munda wake wemizambiringa akaukomba noruzhowa, akachera pokusvinira pauri, akavaka chirindo akaupa varimi, ndokufamba rwendo. Nguva yezvibereko yakati yosvika akatuma varanda vake kuvarimi, kundotora zvibereko zvake. Asi varimi vakabata varanda vake, vakarova mumwe, vakauraya, vakataka mumwe namabwe. Vakatumazve vamwe varanda, vazhinji kuno wokutanga; vakavaitira saizvozvo.”
“Varanda” ndivo vaporofita avo “mwene weimba,” Jehovha Mwari, akatumira ku“varimi” vo“munda [wake] wemizambiringa.” Ava varimi vamiriri vakuru vorudzi rwaIsraeri, rwuri rudzi Bhaibheri rinozivisa so“munda wemizambiringa” waMwari.
Sezvo “varimi” vachibata zvisakafanira nokuuraya “varanda,” Jesu anotsanangura, kuti: “Zvino pashure [mwene womunda wemizambiringa] akatuma mwanakomana wake kwavari, achiti: ‘Mwanakomana wangu vachava nehanya naye.’ Asi varimi vakati vachiona mwanakomana, vakataurirana, vachiti: ‘Uyu ndiye mugari wenhaka; uyai timuuraye, titore nhaka yake.’ Zvino vakamubata vakamubudisa kunze kwomunda wemizambiringa, vakamuuraya.”
Zvino, achitaura kuvatungamiriri vorudzidziso, Jesu anobvunza, achiti: “Zvino kana mwene womunda wemizambiringa achizouya, uchaiteiko navarimi ivavo?”
Vanopindura, vachiti, “uchaparadza kwazvo vanhu avo vakaipa, akaisa vamwe varimi mumunda wemizambiringa, vachazomupa zvibereko nenguva dzazvo.”
Vatungamiriri vorudzidziso nokudaro vasingazivi vanozivisa rutongeso pavari vamene, sezvo ivo vachibatanidzwa pakati pa“varimi” vechiIsraeri vo“munda wemizambiringa” worudzi rwaJehovha rwaIsraeri. Zvibereko izvo Jehovha anokarira kuvarimi vakadaro kutenda muMwanakomana wake, Mesia wechokwadi. Nokuda kwokukundikana kwavo kugovera zvibereko zvakadaro, Jesu anonyevera, achiti: “Hamuna kutongorava here paMagwaro [Mapisarema 118:22, 23], panoti: ‘Ibwe rakarashwa navavaki ndiro rakazova musoro wekona; izvozvo zvikaitwa na[Jehovha, NW] zvinoshamisa pameso edu’? Naizvozvo ndinoti kwamuri: Muchatorerwa imi ushe hwaMwari hukapiwa vanhu vanobereka zvibereko zvahwo. Unowira pamusoro pebwe iri, uchavhunikanya; asi richaparadza warinowira.”
Vanyori navaprista vakuru zvino vanoziva kuti Jesu ari kutaura pamusoro pavo, uye ivo vanoda kumuuraya, “mugari wenhaka” ane maruramiro. Naizvozvo ropafadzo yokuva vatongi muUmambo hwaMwari ichatorwa kwavari sorudzi, uye rudzi rutsva rwa‘varimi veminda yemizambiringa’ ruchasikwa, urwo ruchabereka zvibereko zvakakodzera.
Nemhaka yokuti vatungamiriri vorudzidziso vanotya mapoka, avo vanorangarira Jesu kuva muporofita, havaedzi kumuuraya panhambo iyi. Mateo 21:28-46; Marko 12:1-12; Ruka 20:9-19; Isaya 5:1-7.
◆ Ndivanaani avo vana vaviri vomumuenzanisiro wokutanga waJesu vanomirira?
◆ Ndivanaani vanomirirwa no“mwene weimba,” “munda wemizambiringa,” “varimi,” “varanda,” uye “mugari wenhaka” mumuenzanisiro wechipiri?
◆ Chii chichaitika ku‘varimi vomunda wemizambiringa,’ uye ndivanaani vachavatsiva?