Zviono Zvomunyika Yakapikirwa
Mupata weEra—Apo Dhavhidhi Akauraya Hofori!
NHAURO shomanene dzeBhaibheri dzinofadza zvikuru kupfuura iyo inorondedzera kuti “Dhavhidhi, nechipfuramabwe nebwe, akabvumikisa [sei] kuva akasimba zvikuru kupfuura [mhare] yeFiristia,” Goriati. (1 Samueri 17:50, NW) Umu makanga muri muMupata weEra.
Asi mupata iwoyo uri kupi, uye wakaita sei? Kuziva ikoku kuchakugonesa kuisa muchiono rukundo irworwo rwakakurumbira rwomukomana akazodzwa samambo womunguva yemberi waIsraeri. Mwari gare gare akaita naDhavhidhi sungano youmambo iyo inogona kutiunzira betsero dzisingaperi, uye ikoku kunofanira kutipa chikonzero chakawedzerwa chokudzidza pamusoro pechakaitika muMupata weEra.
VaFiristia vaigara mumhenderekedzo yegungwa yeKanani. VaIsraeri vaidzora makomo eJudhea (kumaodzanyemba kweJerusarema). Naizvozvo hezvoka—vavengi vari mubani kumadokero, vabatiri vaMwari vari munyika yakakwirira kumabvazuva. Pakati pavo pakanga pane nharaunda inoitiranwa nharo, zvikomo zvakaderera zvinonzi Shepera. VaFiristia vaigona sei kudenha Israeri? Nzira ine mufungo yaiva yokukwira nomupata wokumabvazuva kumadokero, kana kuti mukana, mukuru uchiva Mupata weEra. Iwoyu waibva mumapani ari pedyo namaguta avo eGati neEkroni, kukwira kupfuura nomuShepera, kusvikira kumakomo anenge makiromita 24 kumaodzanyemba kwakadziva kumadokero kweJerusarema neBhetrehema. Mufananidzo (unoonwa kumaodzanyemba kwakadziva kumabvazuva) unoratidza mugumo wokumusoro wouyu mupata. Pajengachenga unoona makomo eJudhea.a
Uchitarisa iyi pikicha, fungidzira vaFiristia vakwira uyu mupata wakati sandara uri nechokumakomo. Kuvamisa, vaIsraeri vakauya kumaodzanyemba kwakadziva kumadokero vachibva Judhea. Pano kumira kwakaitika. Neiko? “VaFiristia vakanga vamire pagomo kune rumwe rutivi, navaIsraeri vakanga vamire pagomo kune rumwe rutivi, mupata wakanga uri pakati pavo.”—1 Samueri 17:3.
Kunyange zvazvo tisingazivi chaizvoizvo apo mumupata wacho kwakaitika, isa muchiono vaFiristia vari pagomo kurudyi kwakaderera. Hondo yaSauro inogona kuva yaiva mhiri pagomo mberi kwomunda webhuraundi. Hakuna hondo yaizoburuka, kuyambuka mupata, uye kudenha uto rinoshora riri munzvimbo yaro yakakwirira, yakakotsekana mukuzvidzivirira. Kumira kwakavapo kwakagara kwounopfuura mwedzi. Chiiko chaizokugumisa?
Mangwanani mamwe namamwe uye madekwana Goriati, shasha yeFiristia uyo akanga akareba kupfuura mamita 2,7, aimira mumupata achishora musasa waSauro kuti usarudze nhau yacho nokurwa kamwe. Asi hakuna muIsraeri mumwe akatsunga kumupindura. Pakupedzisira, mufudzi muduku anonzi Dhavhidhi akabva Bhetrehema nezvokudya zvavakoma vake vaiva musasa. Kuita kwake kuiyi denho inonyomba? “MuFiristia uyu usino kudzingiswa ndianiko, unoshora hondo dzaMwari mupenyu?” (1 Samueri 17:4-30) Dhavhidhi nenzira yakajeka aiva nomurangariro unoratidzirwa murugwaro rwomusoro urwo Zvapupu zvaJehovha zvinarwo nokuda kwa 1990: “Shingai muti: ‘Jehovha ndiye mubetseri wangu.’”—VaHebheru 13:6, NW; Pisarema 56:11; 118:6.
Apo Mambo Sauro akanzwa kuti uyu mukomana, kunyange zvazvo akanga asina kushongedzerwa nezvombo uye asina kurovedzwa somurwi, aizotarisana naGoriati anotyisa, akabvumira kushandiswa kwechifukidziro chake chehondo. Dhavhidhi akaramba, achiva anodisa kurwisana nehofori netsvimbo yake yomufudzi, chipfuramabwe, uye mabwe mashanu ayo akawana mumupata. Mabwe acho akanga akaita sei? Hakungabviri kuti aiva hurungudowo zvadzo dzakakura samazambiringa kana kuti maorivhi. Mabwe echipfuramabwe akawanwa kuti akakura kuvambira pamasendimita 5 kusvikira ku 8, ukuru hweranjisi duku. Chipfuramabwe chaigona kukanda ibwe rakadaro pakumhanya kunovambira pamakiromita 160 kusvikira ku 240 paawa.
Iwe sezvingabvira wakarava chakaitika pasi mumupata macho, hondo dzose dziri mbiri dzichiona zvakajeka. Dhavhidhi akazivisa, kuti: “Iwe unouya kwandiri nomunondo, nepfumo, nemharu; asi ini ndinouya kwauri nezita raJehovha wehondo, Mwari wehondo dzavaIsraeri, waunoshora.” Jehovha ipapo akapa rukundo. Mukomana akapfura ibwe nesimba kwazvo zvokuti iro rakanyura muhuma yaGoriati, richimuuraya. Ipapo mufudzi akamhanya achikwira uye nomunondo wehofori umene akagura musoro wake.—1 Samueri 17:31-51.
Vakurudzirwa nokutenda kwaDhavhidhi nechivimbo muna Mwari, vaIsraeri vakadenha vavengi vavo vaodzwa mwoyo, vachivatevera muShepera uye kudzokera kupinda muFiristia.—1 Samueri 17:52, 53.
Funga nezvokufara kunofanira kuva kwakanzwiwa muna Judha! Vanhu vaMwari vaiva mumakomo vaigona kutarira kumadokero kudzika kupinda muMupata weEra neShepera, somuchiono chazvino uno pasi kubva kunharaunda iri pasi peHebroni. Maruva machena omuamanda runako kuona, asi runako rworukundo pavavengi vaMwari rwakanga rwakatoisvonaka zvikuru. Vakadzi vechiIsraeri vaigona kutaura, vachiti: “Sauro akauraya zviuru zvamazana ake, asi Dhavhidhi makumi ezviuru zvamazana ake,” kubatanidza hofori iya iyo iye akadonhedza muMupata weEra.—1 Samueri 18:7.
[Mashoko Omuzasi]
a Mufananidzo mumwe chetewo mumwero mukuru uri mu 1990 Calendar of Jehovah’s Witnesses, uyo unoratidzawo nzvimbo pamapu yebutiro.
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 16]
Pictorial Archive (Near Eastern History) Est.