Tevera Muenzaniso waJesu Wokuzvipira Kwoumwari
“Chakavanzika chinoyera chouku kuzvipira kwoumwari sezvinobvumwa chikuru: ‘Iye [Jesu] akaratidzwa munyama.’”—1 TIMOTIO 3:16, “NW.”
1. (a) Mubvunzoi usina kupindurwa kwaanopfuura makore 4 000? (b) Mhinduro yakapiwa rini uye sei?
WAKANGA uri mubvunzo usina kupindurwa kwaanopfuura makore 4 000. Chibviro chaapo munhu wokutanga, Adhama, akakundikana kuchengeta perero, mubvunzo wakanga uri: Kuzvipira kwoumwari kungaratidzirwa sei pakati porudzi rwomunhu? Pakupedzisira, muzana rokutanga ramakore N.V., nokuuya kwoMwanakomana waMwari kupasi, mhinduro yakapiwa. Mumufungo uri wose, shoko, uye chiito, Jesu Kristu akaratidzira batano yake yomunhu oga naJehovha. Nokudaro akazivisa ‘chakavanzika chinoyera chokuzvipira kwoumwari,’ achiratidzira nzira yokuti vanhu vakazvitsaurira vachengete kuzvipira kwakadaro.—1 Timotio 3:16.
2. Mukuronda kuzvipira kwoumwari, nei tichifanira kusanorangarira muenzaniso waJesu?
2 Mukuronda kuzvipira kwoumwari samaKristu akazvitsaurira, akabhapatidzwa, tinoita zvakanaka “kusanorangarira” muenzaniso waJesu. (VaHebheru 12:3, NW) Nemhaka yeiko? Nokuda kwezvikonzero zviviri. Chokutanga, muenzaniso waJesu unogona kutibetsera kusakurira kuzvipira kwoumwari. Jesu aiziva Baba vake zviri nani kupfuura ani naaniwo zvake. (Johane 1:18) Uye Jesu akasanotevedzera kwazvo nzira dzaJehovha namavara zvokuti aigona kuti: “Wandiona ini waona Baba.” (Johane 14:9) Kupfurikidza noupenyu noushumiri zvaJesu, ipapoka, tinogona kuwana kunzwisiswa kukuru kwamavara manyoro aJehovha, nokudaro kuchisimbisa batano yedu yomunhu oga noMusiki wedu ane rudo. CheChipiri, muenzaniso waJesu unogona kutiyamura mukuratidzira kuzvipira kwoumwari. Akagadza muenzaniso wakakwana womufambiro unoratidzira kuzvipira kwoumwari. Nokudaro tinoita zvakanaka kurangarira kuti tinga‘pfeka sei Kristu’ ndiko kuti, kumurangarira somuenzaniso, kutevedzera muenzaniso wake.—VaRoma 13:14.
3. Gadziriro yedu yefundo yeBhaibheri yomunhu oga inofanira kubatanidzei, uye nei?
3 Hachisati chiri chinhu chose icho Jesu akataura nokuita chakachengetwa muchimiro chakanyorwa. (Johane 21:25) Nokudaro, zvinhu zvakanyorwa mufuridziro youmwari zvinofanira kuva zvefariro chaiyo kwatiri. Gadziriro yefundo yeBhaibheri yomunhu oga inofanira nokudaro kubatanidza kuraviwa kwenguva dzose kwenhauro dzeEvhangeri dzoupenyu hwaJesu. Asi kana kurava kwakadaro kuchizotibetsera mukuronda kwedu kuzvipira kwoumwari, tinofanira kuwana nguva yokurangarira nokuonga zvatinorava. Tinofanirawo kusvinurira kutarira zviri seri kwezvinooneka.
Mwanakomana Akafanana naBaba
4. (a) Chii chinoratidza kuti Jesu akanga ari munhu ane ushamwari naanonzwira tsitsi? (b) Kutangai uko Jesu akashandisa mukubata navamwe?
4 Rangarira muenzaniso. Jesu aiva munhu woushamwari naanonzwira tsitsi. Cherechedza muna Marko 10:1, 10, 13, 17, uye Mk 10:35 kuti vanhu vamazera ose nemigariro vakamuwana achisvikika. Panhambo dzinopfuura imwe, akaisa vana mumaoko ake. (Marko 9:36; 10:16) Neiko vanhu, kunyange vana, vakanzwa vakasununguka kwazvo vana Jesu? Imhaka yefariro yake yechokwadi, chaiyoiyo mavari. (Marko 1:40, 41) Ikoku kwaiva pachena mukuti aiwanzotanga kusvika vamwe vaida betsero. Nokudaro, tinorava kuti aka“ona” chirikadzi yeNaini yaiva nomwanakomana akafa akanga achitakurwa. Ipapo “akasvika” ndokumutsa mukomana uye, hapana kududzwa kwokuti munhu upi noupi akamukumbira kuita saizvozvo. (Ruka 7:13-15) Iyewo, pasina kukumbirwa kuita saizvozvo, akatanga kuporesa mukadzi akaremara nomurume aiva norukandwe.—Ruka 13:11-13; 14:1-4.
5. Idzi nhauro dzoushumiri hwaJesu dzinotidzidzisei pamusoro pamavara aJehovha nenzira?
5 Paunorava nezvezvinoitika zvakadaro, mira ndokuzvibvunza umene kuti: ‘Sezvo Jesu akatevedzera Baba vake zvakakwana, idzi nhauro dzinondiudzei nezvamavara aJehovha nenzira?’ Dzinofanira kutikurudzira kuti Jehovha ndiMwari woushamwari naanonzwira tsitsi. Hukuru hwefariro yake isingagumi mumhuri yomunhu hwakamusunda kutanga kubata navo. Haana kufanira kumanikidzirwa kupa Mwanakomana wake so“rudzikinuro mutsinhano navazhinji.” (Mateo 20:28, NW; Johane 3:16) Iye anotsvaka mabanza oku“batanidzwa” naavo vachamubatira norudo. (Dheuteronomio 10:15) Sokutaura kunoita Bhaibheri: “Meso a[Jehovha] anotarira-tarira mupasi rose kuratidza simba rake nokuda kwavane mwoyo wakarurama kwazvo kwaari.”—2 Makoronike 16:9, NW.
6. Chii chinovapo patinorangarira pamusoro poushamwari hwaJehovha nokunzwira tsitsi sezvakaenzanisirwa noMwanakomana wake?
6 Kurangarira neiyi nzira paushamwari hwaJehovha nokunzwira tsitsi, sezvakaenzanisirwa noMwanakomana wake, kuchaorora mwoyo wako, kuchiuzadza nokuonga kukuru nokuda kwamavara Ake manyoro naanofadza. Ikokuwo, kuchakuswededza kwaari. Uchasundwa kumusvika norusununguko mumunyengetero panguva dzose uye mumigariro yose. (Pisarema 65:2) Kuchasimbisa batano yako yomunhu oga naye.
7. Pashure pokurangarira pamusoro poushamwari hwaJehovha nokunzwira tsitsi, chii chaunofanira kuzvibvunza umene, uye nei?
7 Yeuka, kunyanguvezvo, kuti kuzvipira kwoumwari kunobatanidza zvinopfuura kunzwa kwokungonamatawo zvako. Sezvinotaura nyanzvi yeBhaibheri R. Lenski, ku“nobatanidza chimiro chedu chose chokuremekedza, chokunamata uye zviito zvinobva makuri.” (Kutsveyamisa mashoko ndokwedu.) Naizvozvo pashure pokurangarira pamusoro poushamwari hwaJehovha nokunzwira tsitsi kukuru sezvakaenzanisirwa naJesu, zvibvunze umene, kuti: ‘Ndinogona sei kuva akafanana zvikuru naJehovha muna ikoku? Ko vamwe vanondiwana ndichisvikika here?’ Kana uri mubereki, unofanira kuva anosvikika kuvana vako. Uye kana uri mukuru weungano, zvamazvirokwazvo unofanira kuva anosvikika. Chii, ipapoka, chichakuita anosvikika zvikuru? Ushamwari nokunzwira tsitsi. Unofanira kusakurira fariro yechokwadi, chaiyoiyo muvamwe. Apo unoitira hanya chaizvoizvo vamwe uye uchidisa kuzvipa umene nokuda kwavo, ivo vachacherechedza ikoku ndokunzwa vachiswededzwa kwauri.
8. (a) Chii chaunofanira kurangarira sezvaunorava nhauro dzeBhaibheri pamusoro paJesu? (b) Chii chatinodzidza pamusoro paJehovha munhauro dzinodudzwa mumashoko omuzasi?
8 Naizvozvo sezvaunorava nhauro dzeBhaibheri pamusoro paJesu, rangarira kuti unogona kudzidza zvakawanda pamusoro paJehovha somunhu kubva muzvinhu izvo Jesu akataura nokuita.a Uye apo nzwisiso yako yamavara aMwari, sezvakaratidzirwa naJesu, inokusunda kuedza kuva akafanana Naye zvikuru, uri kupa ufakazi hwokuzvipira kwako kwoumwari.
Kushandisa Kuzvipira Kwoumwari Kumitezo Yemhuri
9, 10. (a) Rudo rwaJesu neitiro hanya nokuda kwamai vake, Maria, rwakaratidzirwa sei nguva shomanene asati afa? (b) Nei, sezviri pachena, Jesu akapa kutarisirwa kwaMaria kuno muapostora Johane uye kwete kuno mumwe wavanun’una vake vokunyama?
9 Upenyu noushumiri zvaJesu Kristu zvinozivisa zvizhinji pamusoro pokuti kuzvipira kwoumwari kunofanira kuratidzirwa sei. Muenzaniso unoorora wakanyorwa pana Johane 19:25-27, apo tinorava, kuti: “Zvino [padanda rokutambudzira raJesu, NW] pakanga pamire mai vake, nomunun’una wamai vake, Maria, mukadzi waKropasi, naMaria Magdharene. Zvino Jesu wakati achiona mai vake, nomudzidzi waaida [Johane] amirepo, akati kuna mai vake: ‘Mai, tarirai, mwanakomana wenyu.’ Ipapo akati kumudzidzi: ‘Tarira mai vako.’ Kubva panguva iyo mudzidzi akavatora, akavaisa kumba kwake.”
10 Fungidzira ikoko! Nguva shomanene asati apa upenyu hwake hwapasi, rudo rwaJesu neitiro hanya zvakamusunda kupa kutarisirwa kwamai vake, Maria, (sezviri pachena chirikadzi panguva ino) kuno muapostora anodiwa Johane. Asi neiko Johane uye kwete mumwe wavanun’una vaJesu amene vokunyama? Imhaka yokuti Jesu akanga achiitira hanya kwete chete zvinodikanwa zvomuviri, zvokunyama zvaMaria asi zvikurukuru garikano yake yomudzimu. Uyu muapostora Johane (sezvinobvira hama yokunyama yaJesu) akanga abvumikisa kutenda kwake, nepo pasina chiratidzo chokuti vanun’una vaJesu vokunyama vakanga vava vatendi.—Mateo 12:46-50; Johane 7:5.
11. (a) Mukuwirirana naPauro, muKristu angashandisa sei kuzvipira kwoumwari mumhuri yake amene? (b) Nei muKristu wechokwadi achiita gadziriro nokuda kwavabereki vakwegura?
11 Zvino, ikoku kwakanga kuri sei kuratidzirwa kwokuzvipira kwoumwari? Muapostora Pauro anotsanangura, kuti: “Kudzai chirikadzi dziri chirikadzi chaidzoidzo. Asi kana chirikadzi ipi neipi ine vana kana kuti vazukuru, ivava ngavatange kudzidza kuratidzira kuzvipira kwoumwari mumba mavo vamene ndokuramba vachibhadhara muripo wakafanira kuvabereki vavo navanasekuru, nokuti ikoku kwakanaka kuna Mwari.” (1 Timotio 5:3, 4, NW) Kukudza vabereki vako kupfurikidza nokugovera tsigiro yokunyama apo ikoko kunova kuri madikanwa, sezvinotaura Pauro, kuratidzirwa kwokuzvipira kwoumwari. Seiko? Jehovha, Muvambi wegadziriro yemhuri, anoraira vana kukudza vabereki vavo. (VaEfeso 3:14, 15; 6:1-3) Nokudaro, muKristu wechokwadi anoziva kuti kutarisira mutoro wemhuri wakadaro hakuratidzi bedzi rudo nokuda kwavabereki vako asiwo kunoratidzira ruremekedzo nokuda kwaMwari neteerero kumirairo yake.—Enzanisa naVaKorose 3:20.
12. Unogona sei kushandisa kuzvipira kwoumwari kuvabereki vakwegura, uye chii chinofanira kuva vavariro yacho?
12 Ipapoka, unogona sei kushandisa kuzvipira kwoumwari kumitezo yemhuri? Ikoku zvirokwazvo kwaizobatanidza kuronga kutarisira zvinodikanwa zvomudzimu nezvokunyama zvavabereki vakwegura, sezvakaita Jesu. Kundikano yokuita saizvozvo yaizozivisa kushaikwa kwokuzvipira kwoumwari. (Enzanisa na 2 Timotio 3:2;, 3, 5.) MuKristu akazvitsaurira anogovera vabereki vanoshaiwa kwete chete nokuda kwomutsa kana kuti basa asi nemhaka yokuti anoda mhuri yake, uye anoziva ukoshi hukuru uhwo Jehovha anoisa pakutarisira mutoro wakadaro. Nokudaro, kutarisira kwake vabereki vakwegura kuratidzirwa kwokuzvipira kwoumwari.b
13. Baba wechiKristu angashandisa sei kuzvipira kwoumwari kumhuri yake?
13 Kuzvipira kwoumwari kungashandiswa mumusha mudzimwe nzira. Somuenzaniso, baba wechiKristu ane mutoro wokugovera mhuri yake munyama, mundangariro, uye mumudzimu. Nokudaro, mukuwedzera kukugovera tsigiro yokunyama, iye norudo anoronga nokuda kwefundo yeBhaibheri yemhuri yenguva dzose. Iye anoronga nguva yokugoverana nguva dzose muushumiri hwomumunda nemhuri yake. Akadzikama, achiziva kuda kwavo zororo nenhandarowo. Uye nenzira yokuchenjera anoronga zvokutanga, asingabvumiri mubato weungano kumusakisa kuregeredza mhuri yake. (1 Timotio 3:5, 12) Neiko achiita zvose izvozvi? Kwete chete nokuda kwepfungwa yebasa asi nokuda kworudo rwemhuri yake. Iye anoziva ukoshi uhwo Jehovha anoisa pakutarisira mhuri yake. Nokudaro kupfurikidza nokuita mutoro wake somurume nababa, ari kushandisa kuzvipira kwoumwari.
14. Mudzimai wechiKristu angaratidzira sei kuzvipira kwoumwari mumusha?
14 Vadzimai vechiKristuwo vane mutoro wokushandisa kuzvipira kwoumwari pamusha. Seiko? Bhaibheri rinotaura kuti mudzimai anofanira “kuzviisa pasi” pomurume wake uye anofanira kuva no“ruremekedzo rukuru” nokuda kwake. (VaEfeso 5:22, 33, NW) Kunyange kana murume wake asiri mutendi, anofanira “kuzviisa pasi” pake. (1 Petro 3:1) Mukadzi wechiKristu anoratidzira kuzviisa pasi kwakadaro kwoudzimai kupfurikidza nokutsigira murume wake muzvisarudzo zvaanoita chero bedzi izvozvi zvisingarwisani nemitemo yaMwari. (Mabasa 5:29) Uye neiko achigamuchira nzvimbo iyoyi? Kwete bedzi nemhaka yokuti anoda murume wake asi zvikurukuru nemhaka yokuti anoziva kuti ndizvo “zvakafanira munaShe”—ndiko kuti, igadziriro yaMwari nokuda kwemhuri. (VaKorose 3:18) Kuzviisa kwake kwokudisa pasi pomurume wake nokudaro kuratidzirwa kwokuzvipira kwoumwari.
“Ndakauyira Izvozvo”
15. Munzirai yakatanhamara umo Jesu akaratidzira kuzvipira kwoumwari?
15 Imwe yenzira dzakatanhamara iyo Jesu akaratidzira nayo kuzvipira kwoumwari yaiva kupfurikidza noku‘kuzivisa mashoko akanaka oumambo hwaMwari.’ (Ruka 4:43) Pashure porubhapatidzo rwake muJoridhani muna 29 N.V., Jesu akapedza makore matatu nehafu akatevera akabatikana zvikuru neiri basa rinokosha zvikuru. “Nokuti ndakauyira izvozvo,” akatsanangura kudaro. (Marko 1:38; Johane 18:37) Asi ikoku kwakanga kuri sei kuratidzirwa kwokuzvipira kwake kwoumwari?
16, 17. (a) Chii chakasunda Jesu kuva akabatikana zvikuru nokuparidzira nokudzidzisa? (b) Neiko ushumiri hwaJesu hwokuparidzira nokudzidzisa hwaiva kuratidzirwa kwokuzvipira kwoumwari?
16 Yeuka kuti kuzvipira kwoumwari kunobatanidza kurarama nenzira inofadza Mwari nemhaka yokuti unomuda uye kuti unonzwisisa zvikuru mavara ake anodikanwa. Ipapoka, chii chakasunda Jesu kupedza makore ake okupedzisira pasi pano akabatikana zvikuru nokuparidzira nokudzidzisa? Pfungwawo zvayo yebasa kana kuti musengwa here? Hapana panikiro yokuti aiitira hanya vanhu. (Mateo 9:35, 36) Uye akaziva zvizere kuti kuzodzwa kwake nomudzimu mutsvene kwakamugadza ndokumutuma kuita ushumiri hwake. (Ruka 4:16-21) Bva, vavariro dzake dzakadzama.
17 “Ndinoda Baba,” Jesu akaudza pachena vaapostora vake pausiku hwokupedzisira hwoupenyu hwake hwapasi. (Johane 14:31) Rudo irworwo rwakavakirwa pazivo huru zvikuru, yakakwana yamavara aJehovha. (Ruka 10:22) Achisundwa nomwoyo wakanyandurwa nokunzwisisa kukuru, Jesu akawana mufaro mukuita kuda kwaMwari. (Pisarema 40:8) Kwaiva “zvokudya” zvake—zvaidikanwa kwazvo nokuda kwoupenyu, zvinonaka kwazvo. (Johane 4:34) Akagadza muenzaniso wakakwana wo“kutanga kutsvaka umambo” panzvimbo pokuzviisa pakutanga. (Mateo 6:33, NW) Naizvozvo chakanga chisati chiri chaakaita bedzi kana kuti kunyange kuti akaita zvakawanda sei asi chikonzero nei akachiita zvakaita ushumiri hwake hwokuparidzira nokudzidzisa kuratidzirwa kwokuzvipira kwoumwari.
18. Neiko kuva negoverano yakati muushumiri kusiri hako kuratidzirwa kwokuzvipira kwoumwari?
18 Tinogona sei kutevera muenzaniso wo“mufananidzo,” Jesu, muna ikoku? (1 Petro 2:21) Vose vanopindura kokero yaJesu yoku“uya ndokuva muteveri wangu” vane basa roumwari rokuparidzira mashoko akanaka oUmambo nokuita vadzidzi. (Ruka 18:22; Mateo 24:14; 28:19, 20) Ikoku kunoreva here kuti kupfurikidza nokuva negoverano yakati mukuzivisa mashoko akanaka, tiri kuronda kuzvipira kwoumwari? Kwete hazvo. Kana tikapinda muushumiri nomutoo wokusaitira hanya kana kuti wachero, kana kuti nokuda kwokungofadzawo chete mitezo yemhuri kana kuti vamwe, hakusati kwaizotongorangarirwa se‘basa rokuzvipira kwoumwari.’—2 Petro 3:11.
19. (a) Chii chinofanira kuva chikonzero chikuru chezvatinoita muushumiri? (b) Chii chinovapo apo tinosundwa norudo rukuru nokuda kwaMwari?
19 SaJesu, vavariro dzedu dzinofanira kuva huru zvikuru. Jesu akati: “Unofanira kuda Jehovha Mwari wako nomwoyo wako wose [mirangariro, zvishuvo, uye kunzwa kwomunhu womukati] uye nomweya wako wose [upenyu hwako newe wose] nendangariro yako yose [mano ako endangariro] nesimba rako rose.” Kuna ikoku, munyori anonzwisisa akawedzera, kuti: “Ikoku . . . kunopfuura zvikuru zvipiriso zvose zvinopiswa nezvibairo.” (Marko 12:30, 33, 34, NW) Naizvozvo hachisati chichingova bedzi chatinoita chinokosha asiwo nei tichichiita. Rudo rukuru zvikuru nokuda kwaMwari runobatanidza simba redu riri rose runofanira kuva chikonzero chikuru chezvatinoita muushumiri. Apo ikoko kunenge kwakadaro, hatisati tichizogutswa negoveranowo zvayo, asi tichasundwa kuratidzira ukuru hwokuzvipira kwedu kwoumwari nokuita unani hwedu. (2 Timotio 2:15) Panguva imwe cheteyo, apo rudo nokuda kwaMwari rwunenge rwuri vavariro yedu, hatisati tichizova vanotsoropodza, tichienzanisa ushumiri hwedu nouhwo hwavamwe.—VaGaratia 6:4.
20. Tingabetsereka zvizere sei nomuenzaniso waJesu mukuronda kuzvipira kwoumwari?
20 Tinogona kuva vanoonga sei kuti Jehovha akazivisa kwatiri chakavanzika chinoyera chokuzvipira kwoumwari! Kupfurikidza nokufunda nokungwarira zvinhu izvo Jesu akataura nokuita uye nokutamburira kumutevedzera, tichabetserawo muzvose zviri zviviri kusakurira nokuratidzira kuzvipira kwoumwari mumwero wakazara zvikuru. Jehovha achatikomborera zvikuru sezvatinotevera muenzaniso waJesu mukuronda kuzvipira kwoumwari samaKristu akazvitsaurira, akabhapatidzwa.—1 Timotio 4:7, 8.
[Mashoko Omuzasi]
a Nokuda kwemienzaniso yokuwedzera, rangarira zvatinodzidza pamusoro paJehovha munhauro dzinotevera: Mateo 8:2, 3; Marko 14:3-9; Ruka 21:1-4; uye Johane 11:33-36.
b Nokuda kwokukurukurwa kwakazara kwechinobatanidzwa mukushandisa kuzvipira kwoumwari kuvabereki vakwegura, ona Nharireyomurindi, June 1, 1987, mapeji 13-18.
Unoyeuka Here?
◻ Mukuronda kuzvipira kwoumwari, nei tichifanira kurangarira muenzaniso waJesu?
◻ Tinodzidzei pamusoro paJehovha muushamwari nokunzwira tsitsi zvakaratidzwa naJesu?
◻ Tingaratidzira sei kuzvipira kwoumwari kumitezo yemhuri?
◻ Chii chinofanira kuva vavariro yedu kuti ushumiri hwedu huve kuratidzirwa kwokuzvipira kwoumwari?
[Mufananidzo uri papeji 21]
Baba wechiKristu ane mutoro wokugovera mhuri yake munyama, mundangariro, uye mumudzimu
[Mufananidzo uri papeji 23]
“Asi kana chirikadzi ipi neipi ine vana kana kuti vazukuru, ivava . . . ngavarambe vachibhadhara muripo wakafanira kuvabereki vavo navanasekuru.”