Ndivanaani Chaizvoizvo Vane Danidzo Yokudenga?
JEHOVHA anoda dzinza romunhu. Chokwadi, rudo irworwu rukuru kwazvo zvokuti iye akapa Mwanakomana wake, Jesu Kristu, sorudzikinuro kudzikinura icho sekuru vedu Adhama akarasa! Uye ichocho chakanga chiri chii? Upenyu husingaperi, hwakakwana hwohunhu namaruramiro ahwo ose nekariro. (Johane 3:16) Rudzikinuro rwakanga rwuriwo ratidziro yorudo rwaJesu nokuda kworudzi rwomunhu.—Mateo 20:28.
Rudo rwoumwari rwakaratidzirwa mukuzarura tariro mbiri dzakapiwa naMwari dzakavakirwa parunako rwechibairo chorudzikinuro chaJesu. (1 Johane 2:1, 2) Jesu asati afa somunhu, tariro bedzi yakanga yakazaruka kuavo vaiva netendero youmwari yaiva iya youpenyu muparadhiso yapasi. (Ruka 23:43) Pashure pePentekosta 33 N.V., zvisinei, Jehovha akapa tariro yokudenga ku“boka duku.” (Ruka 12:32, NW) Asi chiiko chakaitika mumisi ichangobva kupfuura iyi? Chifo cha 1931 shoko roUmambo rakanangidzira ngwariro huru pa“mamwe makwai,” uye kuvambira muna 1935 zvichienda mberi Mwari ave achikwevera “boka guru” ravakadaro vakafanana namakwai kwaari amene kupfurikidza naKristu. (Johane 10:16; Zvakazarurwa 7:9, NW) Mumwoyo wavo, Mwari akaisa tariro youpenyu husingaperi muparadhiso yapasi. Ivo vanoda kudya zvokudya zvakakwana, kuva noudzori hworudo pamhuka, uye kufarikanya songanirano navanhu biyavo vakarurama nokusingaperi.
Vaprista Namadzimambo Vane Ngoni
Sezvo rudo rwakasunda Jesu kupa upenyu hwake sorudzikinuro, zvirokwazvo iye achava Mambo wokudenga ane ngoni. Bva, Jesu haasati achizova oga mukusimudzira rudzi rwomunhu kukukwana mukati moKutonga kwake kwaMakore Ane Chiuru. Jehovha akaita gadziriro yamamwe madzimambo ane ngoni mudenga. Hungu, “ivo vachava vaprista vaMwari navaKristu, uye vachatonga samadzimambo naye kwamakore ane chiuru.”—Zvakazarurwa 20:1-6, NW.
Kristu achava navatongi biyake vangani, uye ivo vanosarudzwa sei nokuda kweropafadzo inotyisa yakadaro? Eya, muapostora Johane akaona 144 000 paGomo reZioni rokudenga vane Gwaiana, Jesu Kristu. Zvavaka“tengwa pakati porudzi rwomunhu,” (NW) ivo vachaziva chinoreva kuva nemiedzo, kutsungirira mitoro yokusakwana, kutambura, uye kufa savanhu. (Zvakazarurwa 14:1-5; Jobho 14:1) Naizvozvo, ivo vachava madzimambo vaprista vane ngoni zvakadini!
Uchapupu Hwomudzimu
Vane 144 000 “vane kuzodza kunobva kumutsvene,” Jehovha. (1 Johane 2:20, NW) Iko kuzodza kutariro yokudenga. Mwari aka‘isa chisimbiso chake pavari uye akavapa chiratidzo chechichauya, ndiko kuti, mudzimu, mumwoyo mavo.’—2 VaKorinte 1:21, 22.
Hungu, avo vane danidzo yokudenga vane chipupuriro chomudzimu waMwari muna ikoku. Pamusoro paikoku, Pauro akanyora pana VaRoma 8:15-17 (NW), kuti: “Imi hamuna kugamuchira mudzimu wouranda unoparira rutyo zvakare, asi makagamuchira mudzimu wokurerwa savanakomana, uri mudzimu watinodana nawo, kuti: ‘Abba, Baba!’ Mudzimu umene unopupurirana nomudzimu wedu kuti tiri vana vaMwari. Kana, ipapo, tiri vana, tiriwo vadyi venhaka: vadyi venhaka zvamazvirokwazvo vaMwari, asi vadyi venhaka pamwe naKristu, chero bedzi tikatambura pamwe chete kuti tigopiwawo mbiri pamwe chete.” Kuri kupfurikidza nomudzimu waMwari, kana kuti simba rinobata basa, vakazodzwa vanodanidzira kuti, “Abba, Baba!”
Ufakazi hukuru hwokuti munhu akazodzwa kudanidzo yokudenga mudzimu, kana kuti pfungwa huru, youmwanakomana. (VaGaratia 4:6, 7) Munhu akadaro ane chokwadi chose chose chokuti iye akaberekwa naMwari kuumwanakomana hwomudzimu somumwe wavadyi nhaka pamwe chete vane 144 000 voUmambo hwokudenga. Iye anogona kupupurira kuti tariro yake yokudenga hachisati chiri chishuvo chake amene chakasakurirwa kana kuti fungidziro yake; panzvimbo pezvo, inobva kuna Jehovha somuuyo wechiito chomudzimu waMwari kwaari.—1 Petro 1:3, 4.
Mupesvedzero yomudzimu mutsvene waMwari, mudzimu, kana kuti chimiro chikuru, chavakazodzwa chinoshanda sesimba rinosunda. Chinovasunda kugamuchira zvakananga icho Shoko raMwari rinotaura pamusoro petariro yokudenga. Ivo vanogamuchirawo nenzira yakananga kukubata kwaJehovha navo kupfurikidza nomudzimu mutsvene. Nokudaro, ivo vane chokwadi chokuti vana vomudzimu vaMwari navadyi venhaka.
Apo vakazodzwa vanorava icho Shoko raMwari rinotaura pamusoro pavana vake vomudzimu netariro yokudenga, kombamiro yavo yomuzvarirwo kutaura mukati mavo vamene, kuti, ‘Ikoku kunoreva ini!’ Hungu, ivo vanogamuchira nomufaro apo Shoko raBaba vavo rinopikira tuso yokudenga. Ivo vanoti, ‘Ikoko kunoreva ini!’ apo vanorava, kuti: “Vadiwa, zvino tiri vana vaMwari.” (1 Johane 3:2, NW) Uye apo vakazodzwa vanorava kuti Mwari akabudisa vanhu kuti “vave zvibereko zvokutanga zvakati zvezvisikwa zvake,” kombamiro yendangariro yavo kupindura kuti, ‘Hungu, iye akandibudisa nokuda kwedonzo iroro.’ (Jakobho 1:18, NW) Ivo vanoziva kuti vaka“bhapatidzwa muna Kristu Jesu” uye murufu rwake. (VaRoma 6:3) Naizvozvo ivo vane kupwiswa kwakasimba kwokuva rutivi rwomuviri womudzimu waKristu uye vanochengeta tariro yokutambura rufu rwakafanana norwake nokumutsirwa kuupenyu hwokudenga.
Kuti vagare nhaka Umambo hwokudenga, vakazodzwa vanofanira ‘kuita unani hwavo kuita kuti danidzo yavo nokusarudza zvive zvechokwadi.’ (2 Petro 1:5-11) Ivo vanofamba nokutenda uye vanoramba vachikura mumudzimu, sezvinoita avo vane tariro dzapasi. Naizvozvo, chiizve chiripo kuuchapupu hwomudzimu?
Chikonzero Nei Vachidya
MaKristu akazodzwa haadi kuenda kudenga nemhaka yokusagutswa pamusoro poupenyu hwapasi hwomuzuva razvino. (Enzanisa naJudhasi 3, 4, 16.) Panzvimbo pezvo, mudzimu mutsvene unopupurirana nomudzimu wavo kuti ivo vana vaMwari. Ivo vane chokwadiwo chokuti vakapinzwa musungano itsva. Mativi kuiyi sungano ndiJehovha Mwari naIsraeri womudzimu. (Jeremia 31:31-34; VaGaratia 6:15, 16; VaHebheru 12:22-24) Iyi sungano, yakaitwa kuti ishande neropa rakadeurwa raJesu, inotora vanhu vezita raJehovha uye inoita aya maKristu akazodzwa rutivi rwe“mbeu” yaAbrahama. (VaGaratia 3:26-29; Mabasa 15:14) Sungano itsva inoramba ichishanda kutozosvikira vaIsraeri vose vomudzimu vamutsirwa kuupenyu husingafi mudenga.
Kupfuurirazve, avo vane zvirokwazvo danidzo yokudenga havana panikiro yokuti variwo musungano yoUmambo hwokudenga. Jesu akanongedzera kuiyi sungano pakati pake amene navateveri vake paakati: “Zvino imi ndimi makagara neni pamiidzo yangu. Ndinokugarisai nhaka youshe saBaba vangu vakandigarisa nhaka, kuti mugodya nokunwa patafura rangu muushe hwangu; muchagara pazvigaro zvoushe, muchitonga marudzi ane gumi namaviri avaIsraeri.” (Ruka 22:28-30) Iyi sungano yakatangwa kuvadzidzi vaJesu kupfurikidza nokuzodzwa kwavo nomudzimu mutsvene pazuva rePentekosta 33 N.V. Inoramba ichishanda pakati paKristu namadzimambo vasonganiri vake nokusingaperi.—Zvakazarurwa 22:5.
Avo vane danidzo yokudenga vane chokwadi chokuti vari musungano itsva uye sungano itsva yoUmambo. Naizvozvo, ivo vanodya nenzira yakafanira chingwa newaini zvokuratidzira pachengeto dzegore negore dzeChirairo chaShe, kana kuti Chirangaridzo chorufu rwaJesu Kristu. Chingwa chisina kuviriswa chinofananidzira muviri wohunhu usina chivi waJesu, uye waini ropa rake rakakwana rakadururwa murufu uye rinosimbisa sungano itsva.—1 VaKorinte 11:23-26.
Kana Jehovha akasakurira mauri tariro isingarambiki youpenyu hwokudenga, uri kuvimba naiyoyo. Unopa minyengetero muratidzirwo yetariro iyoyo. Inokubatanidza, uye haugoni kuibvisa mumuviri mako. Une vavariro dzomudzimu huru. Asi kana wakakamuraniswa uye usina chokwadi, ipapo zvamazvirokwazvo hausati uchifanira kudya zviratidziro zveChirairo chaShe.
Neiko Vane Mirangariro Yakaipa?
Vamwe vangadya nenzira yakaipa zviratidziro zveChirangaridzo nemhaka yokuti havasati vachibvuma chaizvoizvo kuti kuzodza “kunotsamira, kwete pamunhu anoda kana kuti pamunhu anomhanya, asi pana Mwari.” (VaRoma 9:16, NW) Hakusati kuri kumunhu kusarudza kuti iye angada kupinzwa musungano itsva ndokuva mudyi wenhaka pamwe naKristu muUmambo hwokudenga. Chisarudzo chaJehovha ndicho chinokosha. Muna Israeri wekare, Mwari akasarudza avo vaizobatira savaprista vake, uye iye akauraya Kora nokuda kwokutsvaka nokuzvitutumadza uprista hwakaiswa nenzira youmwari mumhuri yaAroni. (Eksodho 28:1; Numeri 16:4-11, 31-35; 2 Makoronike 26:18; VaHebheru 5:4, 5) Nenzira yakafanana, kwaizotsamwisa Jehovha kana munhu akazvipa amene somumwe akadanwa kuva pakati pamadzimambo navaprista vokudenga apo Mwari akanga asina kumupa danidzo yakadaro.—Enzanisa na 1 Timotio 5:24, 25.
Munhu angarangarira nenzira yakaipa kuti iye ane danidzo yokudenga nemhaka yomurangariro wakasimba unobva muzvinetso zvakakomba. Rufu rwomukwanyina kana kuti imwe ngwavaira zvingaparira mumwe munhu kurasikirwa nefariro muupenyu pasi pano. Kana kuti musonganiri wapedyo angataura kuva wavakazodzwa, uye munhu wacho angashuva mugumo mumwe chetewo. Zvinhu zvakadaro zvingamuita kuti anzwe kuti upenyu mudenga huri nokuda kwake. Asi iyi haisati iri nzira yaMwari yokupa nayo munhu upi noupi mudzimu woumwanakomana. Kwaizoratidza kushaikwa kwokuonga nokuda kwedonzo raMwari pamusoro papasi kana munhu akashuva kuenda kudenga nemhaka yemigariro isingadikanwi kana kuti nhamo yemirangariro ine chokuita noupenyu hwapasi.
Yaichimbova mirangariro yorudzidziso ingaparirawo mumwe munhu kugumisa nenzira yakaipa kuti iye ane danidzo yokudenga. Zvichida iye aimbosonganirana norudzidziso rwenhema urwo rwaipa upenyu hwokudenga setariro bedzi nokuda kwavakatendeka. Nokudaro, muKristu anofanira kudzivisa kutsauswa nepfungwa nemirangariro zvakaipa zvomunguva yakapfuura.
Nzvero Yokungwarira Inokosha
Pfundo rinokosha zvikuru rakaitwa nomuapostora Pauro paakanyora, kuti: “Naizvozvo mumwe nomumwe unodya chingwa ichi, kana kunwa mukombe waShe, nomutoo usina kufanira, uchava nemhosva yomuviri neropa raShe. Zvino munhu ngaazviidze, kuti adye chingwa ichi achidaro, nokunwa mukombe uyu. Nokuti unodya nokunwa, asinganatsi kunzwisisa muviri waShe unozvidyira nokuzvinwira kurohwa.” (1 VaKorinte 11:27-29) Naizvozvo, muKristu akabhapatidzwa uyo mumakore achangobva kupfuura akavamba kufunga kuti akagamuchira danidzo yokudenga anofanira kupa nhau yacho mufungo wokungwarira zvikuru nowokunyengetera.
Munhu akadaro angazvibvunzawo amene, kuti: ‘Ko vamwe vakandipesvedzera kuva nepfungwa youpenyu hwokudenga here?’ Ikoku kwaizova kusina kufanira, nokuti Mwari haana kugovera munhu upi noupi kuunganidza vamwe nokuda kweropafadzo yakadaro. Kombamiro kufungidziro haisati yaizova ratidziro yokuzodza kunoitwa naMwari, uye haasati achizodza vadyi venhaka voUmambo kupfurikidza nokuvaparira kunzwa manzwi namashoko kudonzo iroro.
Vamwe vangazvibvunza vamene, kuti: ‘Ndisati ndava muKristu, ndakabatanidzwa mukushandisa mirimo kusakafanira here? Ndiri kushandisa mishonga inotapura mirangariro here? Ndakagamuchira here kurapwa kwendangariro kana kuti zvinetso zvemirangariro?’ Vamwe vakataura kuti vakatanga kurwisana neicho vaifunga kuti yaiva tariro yokudenga. Vamwe vakataura kuti kwenguva yakati Mwari akatora tariro yavo yapasi uye pakupedzisira akavapa yokudenga. Asi muitiro wakadaro unopesana nokubata kwoumwari. Uyezve, kutenda hakusati kuri kusina chokwadi; iko kune chokwadi.—VaHebheru 11:6.
Munhu angazvibvunzawo amene, kuti: ‘Ndinoshuva utanhamari here? Ndine gwinyiro renzvimbo yechiremera zvino kana kuti somumwe wamadzimambo navaprista vakabatanidzwa naKristu here?’ Muzana rokutanga ramakore N.V., apo kokero yavose yakanga ichienda kutsvaka kupinda muUmambo hwokudenga, haasati ari maKristu ose akazodzwa aiva nenzvimbo dzomutoro semitezo yomutumbi unodzora kana kuti savakuru kana kuti vabatiri vanoshumira. Vazhinji vakanga vari vakadzi, uye ivo vakanga vasina chiremera chaicho; uyewo kuzodza nomudzimu hakuunzi kunzwisiswa kwechienzi kweShoko raMwari, nokuti Pauro akakuwana kuri madikanwa kuraidza nokupa zano vakazodzwa vakati. (1 VaKorinte 3:1-3; VaHebheru 5:11-14) Avo vane danidzo yokudenga havasati vachizvirangarira vamene savanhu vakatanhamara, uye ivo havakweveri ngwariro kukuva kwavo vakazodzwa. Panzvimbo pezvo, ivo vanoratidzira kuzvininipisa kunokarirwa nomazvo kuavo vane “ndangariro yaKristu.” (1 VaKorinte 2:16, NW) Ivo vanozivawo kuti zvinodikanwa zvakarurama zvaMwari zvinofanira kusvitswa namaKristu ose, kana tariro yavo iri yokudenga kana kuti yapasi.
Kutaura kuva nedanidzo yokudenga hakusati kuchiunzira munhu zvizaruro chaizvo. Mwari ane mukoto wekurukurirano kupfurikidza nawo iye anogovera zvokudya zvomudzimu nokuda kwesangano rake rapasi. (Mateo 24:45-47) Naizvozvo hakuna munhu anofanira kufunga kuti kuva muKristu akazodzwa kunomupa uchenjeri hukuru kupfuura uhwo hwe“boka guru” rine tariro yapasi. (Zvakazarurwa 7:9, NW) Kuzodza nomudzimu hakusati kuchiratidzirwa nounyanzvi mukupupurira, kupindura mibvunzo yapaMagwaro, kana kuti kupa hurukuro dzeBhaibheri, nokuti maKristu ane tariro yapasi anoitawo zvakanaka zvikuru muna izvozvi. Kufanana navakazodzwa, ivowo vari kurarama upenyu hwechiKristu hwomuenzaniso. Nokuda kwaikoko, Samsoni navamwe vomunguva dzapamberi pechiKristu vaiva nomudzimu waMwari uye vaizadzwa neshingairo nenzwisiso. Bva, hapana mumwe we‘gore guru rezvapupu’ iroro aiva netariro yokudenga.—VaHebheru 11:32-38; 12:1; Eksodho 35:30, 31; Vatongi 14:6, 19; 15:14; 1 Samueri 16:13; Ezekieri 2:2.
Yeuka Anoita Chisarudzo
Kana mutendi biyako achibvunza pamusoro pedanidzo yokudenga, mukuru akagadzwa kana mumwe muKristu akakura mumudzimu anogona kukurukura nhau yacho naye. Asi mumwe munhu haagoni kuita chisarudzo ichi nokuda kwomumwe, uye ndiJehovha uyo anopa tariro yokudenga. Munhu ane zvirokwazvo danidzo yokudenga haatongofaniri kubvunza maKristu biyake kana iye ane tariro yakadaro. Vakazodzwa va“kaberekwa kutsva, zvisingabvi pambeu inoora, asi pane isingaori, neShoko raMwari benyu rinogara nokusingaperi.” (1 Petro 1:23) Kupfurikidza nomudzimu wake neShoko, Mwari anodyara “mbeu” iyo inoita kuti munhu ave “chisiko chitsva,” chine tariro yokudenga. (2 VaKorinte 5:17, NW) Hungu, Jehovha anoita chisarudzo.
Pakufunda Bhaibheri navatsva, naizvozvo, hakuna kunaka kukarakadza kuti ivo vaedze kusarudza kana vane danidzo yokudenga. Asi zvakadiniko kana muKristu akazodzwa akabvumikisa kuva asina kutendeka uye mutsivi achidikanwa? Ipapo kwaizova kune mufungo kugumisa kuti Mwari aizopa danidzo yokudenga kune mumwe munhu akanga ave ari womuenzaniso mukupa basa rokutendeka kuna Baba vedu vokudenga kwamakore akawanda zvikuru.
Nhasi, simba guru reshoko raMwari harisati riri nokuda kwavanhu vokuva mitezo yomwenga wokudenga waKristu. Panzvimbo pezvo, “mudzimu nomwenga vanoramba vachiti: ‘Uya!’” Iyi ikokero yokuupenyu muparadhiso yapasi. (Zvakazarurwa 22:1, 2, 17, NW) Sezvo vakazodzwa vanotungamirira muuyu mubato, vanoratidzira “ndangariro inozvininipisa” uye vanoshanda ‘kuita kuti danidzo yavo nokusarudza zvive zvechokwadi.’—VaEfeso 4:1-3; 2 Petro 1:5-11.